Friday 27 January 2012

Weekend

Friday night kana vana vaenda kunovata, iwe chigadzirirawo murume shower mondoshower muripo vaviri, mokasira kundovata moita awa nehafu muchipanana quality time. mobvapo mobatwa nehope zvave zvamangwana. Munhu gara une zuva raunotarisira kufara nemurume wako. Mamwe mazuva munoita zviitwa asi pa Weekend apa wedzerawo nguva nemabato ezviitwa. Unobva wahwa kuti kuwanikwa chinhu chakanaka. Muviri unonyevenuka. Ganda romuviri rotsetseka. Fungwa yohwa kuti pano pane rudo.

Asizve usafarira kuita zviitwa murima semapete. Munozodzima magetsi kana kanduro mapedza zviitwa zvenyu. Ukafarira kudzima mwenje unodarikigwa kuona mafaro emurume wako paanoita zvimwe zvaanoita. Sokuti kana ava kukudiridzira ukasvinura ukaona kumeso kwake, haumbozokangamwi zvawaona. Chinhu chinofadzawo kungoziva kuti ndiwe wakonzera zvauri kuona izvi.

No comments: