Tuesday 19 June 2012

Kugadzirisa nyaya mumba.

Kana maita nyaya munoitonga sei pakati penyu.? Varume kutaura pasina CRISIS havagoni. Isuwo zvokutaura pasina kupopota hatigoni. Saka nyaya inopera sei? Ndiani anotanga kukumbira regerero?

Isu nevarume takagadzigwa zvakasiyana. Kana mukadzi akagumbuka haatauri zvamugumbura anongoti zii asingatauri kuti chamugumbura chii. Kumirira kuti murume achabvunza kuti zvaita sei ozomuudza kuti Hapana asi oramba akati zii. Pakundovata, zii. pakudya mese zii. Murume kutozoita zvokubvunza mwana kuti mai vako vaita sei, wanei mwana hapanawo chaanoziva. Kozoti awana mukana wekupopota, zvese zvakaitika mwedzi mina yapera zvibudapo. Pane kuti dai wakangotaura musi wazvakatanga dai nhasi pasina nyaya.

"Baba mwana, wakandishotesa madeko ndikagumbuka ndikanonoka kuvata hope. ndokumbirawozve uite kanguva kakawedzera kana uchirhoja, kuti ndinakigwewo, shamwari prizi. Zvokungodiridzwa ndisinawo kunakigwa bodo. " Ipapo unohwa murume otodembademba oti, "Sorry madam, uchaona nhasi manheru chaiwo."

Hiino kungotsamwirira kopera imwe vhiki uchingopiwa two minitsi iyoyo uchitowedzera kutsamwa zvinobatsirei. mhunhu dzidzawo kutaura noumwe wako zvisina kumhurana asi zvichiita kuti muhwisisane. Hamuna kuroorana kuti muzotukana kana kutsamwirana. Makaroorana kuti mugare zvakanaka kupfuura munhu anogara ega, uye kuti panonaka munakigwe mese.


Varume:
Varume vakawanda zvokuti ndiye mukuru wemba havazvihwisisi. Kutya kupopotegwa nomukadzi. Anotanga anoudza shamwari yake mukadzi wake pasina chaanoziva. Kwahi Mai Chimwana vakangofundumwara two days havasi kutaura, ini handizivi kuti chii chakaiti. Shamwari yomurevera nhema kwahi enda unotenga chokuti nechokuti umupe. Izvo mukadzi ari kungoda munhu anoti sori ndakakukasirira madeko chete. Kumirira kuti paite zinyaya ziguru usati wabvunza.

Svika kumba une mufaro. Mukadzi chero akagumbuka sei anobvunza kuti masewra sei baba Chimwana? Iwe davira ugotsanangura zvaitika kubasa. Wapedza mirira mupedze kudya, mupedze kugeza, vana vaende kunovata. Usatanga nokubvunza kuti zvaita sei iye akagara kwake ega uko. Daidza mukadzi wako agare pedo newe woisa ruoko paari womukwevera kwauri murudo. PachiKaranga chedu hakuna anodaro asi ndizvo mukadzi zvaanenge akamirira, kutaridzwa rudo.

Chitanga nokutenda nezvawadya, wadaro rangaridza mukadzi wako pane zvakanaka zvakamboitika. Wobva wamubvudza mibvunzo pazviri kungoti mutange kutaudzana. Muudze kuti waswera uchingomufunga nhasi. Taura naye zvawaichiita muchidanana musina kuroorana. Ukaona onyemwerera chitanga nenyaya iri kumugumbura, Bvunza kuti chii chaitika kuti ashaiwe mufaro. Akangotanga kutaura iwe zii wakaterera. Akamira kutaura bvunza umwe mubvunzo kuti atange futi iwe wakaterera. Mubvunze kuti pohwimwi pakadai?

Varume vedu vanofanira kudzidza kuterera mukadzi achitaura. Isuwo tinofanigwa kudzidza kutaura zvinotidya moyo. Tikadai mumba munochinja. Kumirira zvinhi zvoipa mopedzisira mopopotedzana bodo.

Ruregerero
Kukumbira ruregerero chinhu chikuru mumba. Hazvina basa kuti ndeupi pakati penyu atanga kukumbira ruregerero. Kana pakashaya akumbira, mese munoita nguva makashungurudzana pasina anoda kuti nyaya ipere. Ini sokuona kwangu pakati penyu pane anofunga kuti ndiye mukuru mumba. Iyeye ndiye anofanira kutanga nokugadzirisa nyaya. Kana uri murume uchifunga kuti ndiwe mukuru, unofanira kugadzirisa nyaya yaitika nokukasira. Vanhu muraini kukaita nyaya vanoenda kwaSabhuku nokuti ndiye mukuru. Sabhuku akatandza anopira nyaya kwashe, zvichingodaro kusvika nyaya yapera. Sabhuku akawana nyaya mumusha anodana dare ogadzirisa nyaya.  Sabhuku wemumba murume saka anodana mukadzi wake ogadzirisa nyaya.

Anotanga nokurondedzera kuti maonere ake nyaya yaipa papi. Wobvunza mukadzi wako kuti maonero ako ndiwo here. Kana asingabvumirani nazvo okuudza. Akatanga kupopota iwe murume deredza hwi rako. Akatanga kutaura zvinyoro iwe terera. Kana mapedza kutaura kana une mhosva kana usina kumbira ruregerero pakurega nyaya yakadai ichipinda mumba mako. Tsanangura kuti pane dzimwe nguva unombokangamwa kutarisa ruzhowa gwepamba zvinhu zvakadai zvoitika.

Uchaonawo mukadzi wako otaurawo kukanganisa kwake mese moudzana kuti makanganisa papi. Mukatererana zvakanaka ipapo, munihwisisana zvakadzika.

Nyaya dzimwe dzikaitikazve mese munoona zviri nyore kukumbirana ruregerero. Mumba mune kuregererana mumba mune mufaro.

No comments: