Saturday 16 June 2012

Vanhu vasina kumbovata nomurume.

Ndaverenga pa "Sex Facts" kuti munyika ye USA kune vanhukadzi vakawanda (umwe pavanhu vana 1 in 4) vane makore anosvika 35 havazati vambopinzwa chombo muzvitubu zvavo. Isu tiri kuti kana munhu ava nemakore 35 atova mukadzi mukuru.

Ndinoziva chose kuti kune vakawanda muUK vekuZimbabwe vane makore anopfuura 25 vachiri mhandara asi 35 yanyanyawo. Kuri kwedu zvave zvemushonga kana mashavi.

Pane varume vaunohwa vachitaurirana nhema kuti hakuna mhandara muvanhu vane makore anopfuura 18 pavanhu vechiZimba. Wozoverengawo mamwe maReport emumanyuzipepa anoti vana vechikoro vari mu Form 2 vane HIV kureva kuti vakabva umhandara hwavo. Zvese izvi hatirambi kuti zvinoitika. Asi kuti mukomana afambafamba avhivata nevasikana achivasiya achitsvaka vamwe, ozoti ava nemakore makumi matatu atanga kutsvaka mhandara, pedzezvo oti mhandara hakuna, zvinoreva kuti munhu akadai irombe chairo. Anofunga kuti zvaanoshanda achiwana mari zvoreva kuti vasikana vakazvichengeta vanofanira kumuda. Kana uchiri nemakore 18 ungadirei chimudhara chava nemakore 30 chausingatombozivi kuti change chiripi nguva yese iyi. Ukadanana naye mukaroorana uchaita chirikadzi kwemakore akawanda chimudhara ichocho chafa chichikusiya wega nevana.

Kozotizve pakuvatana, iwe inenge une upenyu mumubhedha iye akasvika 40 uwe unenge uchiri 28, hazvitombobatsiri. Ndipo vanhu vanopedzisira vava nezvikomba. Munhu roogwa nomunhu wezera rako kana mudiki pauri kuti ugare wakapiwa zvinopiwa kwenguva refu. Kusiyana nemakore anoita 4 hakuna kunyanyoipa asi akazoita 5 wava kuzvipinza mudambudziko.

Kana une makore makumi maviri ukatsvaka mhandara une moyo wakanaka unoiwana pasina nguva yakareba. Mhandara dzechiZimba muDiaspora dzakawanda chose dzimwe dzinotosvika makore anopfuura 30. Asi kuti umuwane hunge watoita zvokuindirojuswa nevanomuziva.

Kana uri munhu anotsvaka mhandara mubhawa kana Night club kunopera makore gumi uchingotsvaka tozohwa woudza vanhu hakaroora mhandara kuti mhandara hakuna pavanhu vane makore anopfuura 18 vechiZimba.

Regai vanotanga vapedza nyika yese vachivata navanhu vemumabhawa vozoti vachembera vode mhandara, regai vakadaro. Vanhu vakadai kana sense of fairness havana. Kunohi nevanoziva, ukarhoana nomurume akamborhoja vakadzi vanopfuura 6 asina konhomu, unokwanisa kuzoita cervical cancer. Iwewo unkarhojewa navarume vanopfuura 6 usingashandisi kondhomu, unokwanisa kuita cervical cancer.   Kuvenganisa urume pa chibereko chako kunoitisa cancer. Saka chimudhara choku30 icho iwe uri 18, siyana nacho.

 Iwe kana uri mhandara zvitsvakire murume akasvinura. Kungonyengwa newawasangana naye mubhazi number 26 hazvikubatsiri.

No comments: