Wednesday 27 June 2012

Kusarudza munhu wekudanana naye:

Kutsvaka murume/mukadzi

Chiokutanga, sarudza munhu akakodzera.Ukatadza kusarudza hapana chaunokwanisa kuzoita maroorana kuti upenyu hwako hwuve hwakanaka nomunhu wawasarudza.Usati wasarudza, tora bepa nepenzura unyore CHARACTER yomunhu waunoda.Wadaro chitsvaka munhu wacho ane Character iyoyo yese yawanyora, kana ari musikana kana ari mukomana.Kana wanonoka kumuwana hazvirevi kuti haawanikwi, zvinoreva kuti hausi kugona kutsvaka.Kumbira rubetsero kuhama neshamwari.Usaudza umwe munhu kuti unoda munhu akaita sei.Kana wawana munhu waunofungira kuti angangove good candidate.Ita vhiki mbiri kana mwedzi uchiongorora zvaari usati wabvuma kuva mukomana/musikana wake. Kana pane zvaasina zviri pawakanyora, siyana naye.Haasiri wako.

 Mhuri yake:
Munhu anobva kumhuri ina vabereki vakarambana haana experience yemhuri yakagadzikana. Anouya okubvonyongera upenyu hwako.Munhu ana mubereki anohura haaoni kuipa kwazvo.Tese tiri vanhu vanopiwa chiedza navabereki vedu.Kana mubereki asina chiedza, vana havanawo chiedza.Iwe kuti uzotaridza munhu chiedza akura hazviiti.Pakutarisa mhuri yake, tarisawo vabereki, vana sekuru nambuya vake, Hama dzake dzapedo, uhwisise magarire avo uye kuti iye anotarisira kuna ani pakupiwa mazano. Tarisa achitaura namai/baba vake kuti BODY language yavo ndeyeushamwari here kana kuti kwete. Kune vamwe vanhu vasina nyaya navabereki vavo.Munhu akadai haasi wekuroorana naye nokuti haakwanisi kuzobatana navana venyu.

Shamwari dzake:
Munhu wese wese anosarudza shamwari dzake dzakafanana naye.Hazviiti kuti munhu aite shamwari dzakaipa iye ari munhu akanaka.Saka ukaongorora zviito zveshamwari dzake unobva waziva kuti iye munhu akaita sei.Paanouya kwauri anenge achiita semunhu kwaye.Munhu wese anozikamwa Character yake maererano ne kuti shamwari dzake dzakaita sei.Terera achitaura nezveshamwari dzake.Kana ukaterera ukatadza kuziva zvokuita nenyaya dzawahwa, ndiwe unenge uri benzi.Vanhu vashoma vanokwanisa kuchinja character dzavo vave vanhu vakuru.

Wapedza kusarudza
Kusarudza mukomana/musikana hazvirevi kuti wapedza.Unombodanana naye uchiona maitire ake kuti ari papi newe.Anovimbika here uye anokuterera zvaunotaura here achizviita.Chiona kuti paanouya kwauri muri mese anongoda kutsvaka kuvata newe here kana kuti anokuda iwe semunhu.Onazve kuti munhu akambovata nevamwe vanhu here, pane zvaanotaura. Ari kuda LONG TERM here kana kuti kungoitawo mukomana/ musikana nokuti zvine fashoni.  
Tauriranai mitemo yokudanana kwenyu.Kana uri munhu anoda Mwari mukomana/musikana wawasarudza asingadi, uchaona kuti munonetsana iye achida zvinhu zvausingakwanisi kumupa.Unohwa munhu oshandisa mutauro usingakwani pane vanodanana.Kwahi mukomana uyu anoita sokuti ingochani nokuti haatombodi kana kuvata neni.

Kuziva kuti nguva yokutanga kuvata mese yakwana here?
Kutanga kuvata nomunhu hazvisi nyore nokuti pokutangira pacho panonetsa kuziva.Kana usina kuchenjera unokwanisa kungotevera kuri kuenda zemo.Hino zemo hariperi.Ukangomuona chete kana kumufunga rototanga.Akazotanga kukubatabata iwe wofunga kuti nguva yakwana izvo bodo watova kuzvipinza padambudziko.Isu vakadzi tinonetseka nenyaya yokufunga kuti ndini ndamisa chombo saka ndini ndinofanigwa kuchitondodza.Hazvisirizvo, kana achikuda achakumirira kusvika woda kuvata naye.Vakadzi tinogona kurongera varume zvokuti anofunga kuti ndiye agona kundipa mufungo werhoji izvo bodo ndini ndamuisa panyaya ndichitoziva outcome yacho nechekare.


Vasikana vakawanda vanoita mimba voti murume ndiye amuisa mimba asi iye musikana ariye agadzira situation yokuti aiswe mimba yacho. Murume haanetsi , unomupa rimwe ziso rakapfava, womukurudzira zvisina mutauro, Iye anongotevedzera kusvika adyiwa sezvinoita shato yaona mhene.
Saizvozvo marudzi ese epanyika pano akawirirana kuti isu vakadzi tisu tine kii yekumisa zviitiko zverhoji pavanhu. Pane mutemo wekuti mukadzi haabatwi chibharo.Munyika dzakawanda hakuna mutemo wekuti murume haabatwi chibharo.Saka ini ndokwanisa kubvuma kana kuramba ndomuti imbomira kana kuti enda undotsvaka makondhomu tigozoita wadzoka.


Usavata nomunhu asina kukupa chikonzero chokuti sei akupfekera kondhomu. Mubvunze ugoterera kuti ari papi newe. Chigwere, mimba, kusaziva STATUS yako, etc

Usavata nomunhu wausina kunotesitiwa naye mukaratidzana mapepa enyu

Usavata nomunhu ausingazivi kuti kana ukaita mimba munoita sei. Munhu anokuudza kuti anokuda chombo chamira asina kumbokuudza haasi munhu wekuvata naye. Kumisa chombo hakunetsi. Murume kakuona uchikwenya garo chairo anomisa chombo.

Usavata nomunhu asina kukuratidza hama dzake dzakawanda, ausingazivi vabereki vake.

Usavata nomunhu anosvodesa kutaridza hama dzako.

Usavata nomunhu wausingadi kuti aite mukadzi/murume wako, kana kuti ausingazivi kuti unoda here kana kuti haudi kuroorana newe.

Usavata nomunhu waunofunga kuti angakuramba kana ukasavata naye. Vanhu vakadai havasi vanhu vokupedza nguva navo. Vari kungoda chinhu chimwe chete pauri, chokuti mapedza otora foni yake ofonera shamwari dzake kwahi hure riya nhasi ndarikwira mahara.

Usavata nomunhu anofunga kuti unofanira kuvata naye nokuti akutengera zvinhu kana kukubhadharira mari yokuita chimwe chinhu kana kukupa pokugara. Rudo nemari zvakasiyana.

Vata nomunhu nokuti munhu akakodzera. 

Unokwanisa kufeya feya munhu. Unokwanisa kumuudza kuti  hazvanzi yako/ musikana wehazvanzi yako ine mimba. Woterera zvinotaugwa kuti zvii.Terera uhwe kuri kuenda nyaya, zvichakuudza kuti chii chinoitika kana pakati penyu umwe akaita mimba.Unobva waziva kuti munhu uyu munhu anondiremekedza here kana kwete. Kana wakachenjera unosiyana naye kana ari munhu anoti mimba ngaibviswe, kana kuti haazati oda kuroorana. Ukaona matanga nezvekurhojana chiziva kuti mimba inokwanisika kuitika. Hakuna mutoo wekudzivirira mimba unoshanda 100%

Ukaona musikana achiuya kumba kwako achikuwachira, achikuainira achikubikira hazvirevi kuti ava kuda kuvata newe.  Ari kugadzira investment yake pauri. Kana usinei naye, mugarise pasi umuudze kuti asazvinetsa newe. Usatambisa nguva yake.

Ukaonawo mukomana achipedza nguva newe usafunga kuti ibenzi.  Ari kukutaridza rudo kuita INVESTMENT pauri. Ari kuda kuhwisisa kuti uri munhu rudzii uye unorooreka here.

SUMMARY,
Usamirira kusarudzwa. Iwe muridzi sarudzawo munhu ane zvaunoda, womukonzera kukunyenga, wonyengwa, womuda, modanana. Nyaya yakwana. Kana zvichikunetsa, udza shamwari yake kuti akakunyenga haungamurambi. Hazviiti kuti shamwari yacho isamuudza, asi kana iyo shamwari yacho ichikudawo hayo. Nyengwa nomunhu aunoda kuti akunyenge aunoziva kuti wamutaridza kuti unoda kuti akunyenge. Kwete zvokusangana mubhazi woudzwa kuti kwavo kune purazi rine mabhiza netarakita, wofunga kuti wagarika.






No comments: