Nguva nenguva umwe mumba anombogwara zvokusakwanisa kuvata noumwe.
Uwe wega unongoona kuti zvokuvatana hazvichaiti nokuti umwe wangu agwara. Isu
vakadzi kana murume akatanga kugwara tinomiramira kumuriritira chose kuona
kuti
Afidhiwa
Ageza,
Apfegedzwa hembhe dzakachena,
Ari kuvata zvakanaka,
Mishonga yapiwa kuchipatara ari kuimwa nomazvo.
Ari kumwa mvura yakakwana.
Ipapo murume akagwara ndipo paunoona kuti varume Havana kusiyana
nevana vadiki. Ukaterera zvaanotaura
unofunga kuti anofuma akafa mangwana. Murume akaita dzihwa chairo akangoita musoro,
anotanga kutaridza kuti upenyu hwake hwatova
kuguma. Usapopotera murume panyaya iyi.
Isu tisu takadzidzisa varume kuva vanhu vakadai. Murume
anokura achingoriritigwa namai vake, pedzezvo nomukadzi wake. . Murume wemumba i INVESTMENT huru zvokuti
haumbodi kuti awedzere kugwara,saka unoita zvese zvaunogona kuti akasire kuva
mutano.
Vakadzi vanodzidzira kuriritira kubva vari vana vadiki. Ndiko kusiyana kwedu nevarume kukuru
uku. Murume kana akagwarigwa nomukadzi
mumba anoita dununu chairo. Haatombozivi zvokuita. Unoona otokasira kufonera
hama dzomukadzi kwahi mai Mwana vagwara kuno uyai muone zvokuita. Kana
akakuchengeta mumba iwe usingagoni kuita zvakawanda, unotofanira kumuudza
zvokuita. Kana wada mvura yokumwa, muudze, kana wada kuti abike tii kana
poriji, muudze. Kana wada kuti akubatsire undogeza, muudze. Kana ukafunga kuti
achaita sezvaunoita iwe kana iye achigwara,
unofa pasina chako. Varume havafungi sesu.
Toti mugwere mumba ava kuita zviri nani. Panosvika pamunoona
kuti zvokwanisika kuvatana. Asi uya ange asina kugwara haangazivi kuti umwe
wake ava papi nenyaya iyi. Zvinonetsa
kuti uudze umwe wako kuti unoda rhoji iye anga ave nenguva achigwara. Chakanaka ndechokuti iye mugwere atange nyaya
yacho. Anokwanisa kuufdza murume/mukadzi kuti ava noutano hwakakwana saka kana
achida kuvatana ngatiite hedu.
Uyawo audzwa anokwanisa kuongorora kuti ichokwadi here kuti
mugwere ava nani. Kana aona kuti ndizvo
anokwanisa kubvuma kuita. Asizve munhu ange achigwara haakwanisi kuva neENERGY
yakawanda saka chero ari mukadzi kana murume, tangawo naye zvinyoronyoro mazuva okutanga kusvika waona kuti ava munhu
ane simba.
Iko kuvata naye kunounza utano hwakawedzera zvokuti unoona
kusimba kwake kowedzera nokukasika.
Kune vanhu vanoshoshekana pamoyo kana umwe wake akakumirira
kuti usimbe muviri kuti mugodzokera pane zvamazuva ese, zvokuti anokwanisa kuti
uya tirhojane asi iye asina utano.Fungwa inenge ichiti murume wangu handidi
kuti ashuve rhoji zvakawandisa. Saka
chero ndichigwara hangu regai ndingozama kumupa. Pakadai, kana murume akasaongorora
zvakakwana, anokwanisa kuwedzera mukadzi kugwara.
Vakadzi tine SERVICE mentality. Kufunga kuti murume wangu
ari pazhara yezvinhu zvandisingakwanisi kumupa nokuda kwekugwara zvinonetsa
fungwa. Ipapo futi unenge uchingoona
kutimurume ari kutya nokuti varume havahwisisi nyaya dzokugwara kwemukadzi
mumba. Anoshaya zvokuita. Kumupa
CONFIDENCE yokuti uri mupenyu unokwanisa kumuti uya urhoje asi iwe usati wava
nani.
Varume havafungi seizvi. Kana murume achigwara, ukaona oda
rhoji, chitoziva kuti ararama. Kubasa
angarovha hake mangwana asi ava mupenyu uye uchaona achimuka achiwana chokuita.
Ndiko kusiyana kwedu nevarume vedu uku paugwere. Varume hwisisai kuti mukadzi wako anokwanisa
kukasirisa kukuti rhoa. Hakusi kuti ane zemo aiwa. Inyaya yokuti anofunga kuti
basa rake mumba harina ari kuita saka anenge achingofunga maNEEDS emurume wake
pane ake iye. Dai zvaikwanisika kuti
varume nevakadzi tifunge zvakafanana nyaya idzi dai dziri shoma.
Kugwara komukadzi chinhu chisingafaniri kuva mumhuri. Vana nomurume vese vanotambura. Ukasvika pamusha pemukadzi anogwara unokasira kuona kuti zvinhu zvatoipa pano. Asi kana murume achigwara mukadzi anochengeta musha sezvawanga wakangoita. Usafunga kuti mukadzi zvaati uya urhoje mangwana achamuka obikira vana tii nama fetikuku. Anenge achitogwara Still asi kungoshuva kupa murume zvipiwa. Kunokwanisika kutoita mazuva mashanu asina chaanogona kuita asi kurhoja wakatorhoja . Varume hwisisai apa. Batsira mukadzi kusimba. Kana mukadzi adzoka kuchipatara imbomiramirawo kuratidza kuti unoda kuti asimbe. Kana akati uya urhoje iwe usangomhanyirako usina kuhwisisa pane nyaya.
Kugwara komukadzi chinhu chisingafaniri kuva mumhuri. Vana nomurume vese vanotambura. Ukasvika pamusha pemukadzi anogwara unokasira kuona kuti zvinhu zvatoipa pano. Asi kana murume achigwara mukadzi anochengeta musha sezvawanga wakangoita. Usafunga kuti mukadzi zvaati uya urhoje mangwana achamuka obikira vana tii nama fetikuku. Anenge achitogwara Still asi kungoshuva kupa murume zvipiwa. Kunokwanisika kutoita mazuva mashanu asina chaanogona kuita asi kurhoja wakatorhoja . Varume hwisisai apa. Batsira mukadzi kusimba. Kana mukadzi adzoka kuchipatara imbomiramirawo kuratidza kuti unoda kuti asimbe. Kana akati uya urhoje iwe usangomhanyirako usina kuhwisisa pane nyaya.
Udzai vamwe!!!!!
No comments:
Post a Comment