Monday 4 March 2013

Small house yemukadzi wako


Vanotevera nyaya dzemafambire ema COMMUNITY kunyika dzese vanoti ivo zvese zvinoitwa nevarume iri nyaya yokudzvinyirira vakadzi, zvinopedzisira zvaitwawo nevakadzi nengari yokuti zvinoonekwa sezvinhu zvinofanira kuitwa kana tese takafanana paSOCIAL Importance yedu. Ukatarisa kunyika dzinohi dzakabudirira, uchaona kuti mazuvano hakuchina zvokuti uyu mukadzi/murume wanhiingi. Umwe noumwe nanongovata newaada musi iwoyo. Kune zvinohi

Open marriage kureva kuti munoroorana henyu asi ukachiva umwe munhu unouya naye kumba woratidza murume/mukadzi wako, motombobikirana tii momwa mese muri vatatu, pakunovata iwe wosiya mukadzi wako kana murume wako wonovata nouya wawauya naye kumba, wako asinei nazvo. Umwewo musi iyewo ouyawo newaachiva ovata naye.

Poitazve vamwe vanovata nevarume/vakadzi vaviri pamubhedha umwe chete. Umwe uku umwe uku. Ipapo rhoji chaiyo haugoni saka chawadira vakadzi/varume vaviri sembwa chii.?

Koitazve vamwe vanoroorana nemhuka dzavo, imbwa, dhongi, mbudzi, mombe, gwai. nedzimwewo mhuka. Ukazvirondedzegwa unofunga kuti vanhu vava kutopenga, wozoona kuti mhunhu wacho ari kutotaura ane masiriyasi chaiwo. Vamwe kutobuda pa TV vachitaura nezvazvo.

Pakatanga zvemasmall house evarume muZimbabwe, vakawanda vaiseka varume vakadai, asi takazoona vaya vaseki vava kuzviitawo. Ikozvino chero munhu ava kungoitawo small house yake vanhu vachitoona kuti paitika mhuri  ine vana apa. Small house ndeyokubvuma kuvata nomukadzi anovata nevamwe varume, mobatsirana kurera vana vake. Hazvina kusiyana nevavo vanovata vari vatatu kana vana mumubhedha umwe chete.  Kungosiyana kuti mukadzi wemumba nesmall house havawirirani uye BUDGET havaitiri pamwe chete.

Pano ndoda kuti isu sevanhu vane tsika dzavo, tihwisise zviri kuitika kutsika dzedu, uye kuti zvichaperera kupi. Ndatanga nokutaura kuti varume ndivo vanotanga nyaya asi vakadzi vanotopedzisira vadzitawo chete.  Gore rakapera takaverenga nyaya yokuti kune mukadzi wemuZimbabwe ane varume vaviri. Musafunga kuti ndiye ega, vakatowanda. Zivaizve kuti vachawedzera kuwanda. Kune vaya vanoti vakahwa nyaya yakadai voseka, tichazokuonaiwo majoina nyaya dzakadaro mavemi mava kuzviita. Ipapo mapepanhau anenge asisinei nazvo.

Chaunofanira kuziva ndechokuti pane zvese zvatinoita, nokupopotedzana kwedu, nokutukana, nokuhurirana mumba, vana vedu vanozviona. Hazviiti kuti unoita chinhu chinoputsa musha vana vagotadza kuzviziva. Pakuzviziva apa vana vanodzidza mafambire azvo. Kana vakura vanokwanisawo kuzozviita asi vachitowedzera kupfuura pawakasiira ipapo. Mwana ane makore manomwe kana masere, akaziva kuti baba vake vari kukwira mbudzi kana kuti mai vake vari kukwigwa nembwa, poshaya anosungigwa nyaya yacho, anokwanisa kukura achifunga kuti ndiwo maitire evabereki saka hapana chakaipa kuzviitawo.

Ukatarisa kuvarume vanogarorova vakadzi vavo, unoona kuti baba vake vairova mai vake. sekuru vake vairova mbuya vake zvichienda zvakadaro.

Pakuzowedzera apa ndipo patinoona kuti nyaya haichadi kugadzirika. Kana baba vaiita zve small house mai vachiratidzaa kuti havanei nazvo, mwana akazokurawo anokwanisa kuita saizvozvo. Kana ari muskana anokwanisa kuona sekuti kuva nevarume vokuvaa navo vakawanda hapana chakaipa. Ndosaka ndichiti vanababa chenjerai dzidziso yamuri kupa kuvana venyu. iwe wachembera unenge une vazukuru vako vakazvagwa nomwana wako varipo vashanu. Umwe noumwe ane baba vake. Poita umwe ane madzibaba maviri anobhadhara mari pamwedzi. ese  nokuti mwanasikana wako haazivi kuti baba vemwana uyu chaivo ndevapi.

Pamakore anouya tichazoona kuti vakadzi vava kujoinawo kuita ma Small house avo asi uku ane murume wemumba. Anoita mimba avata nevarume vaviri kana vatatu, murume ari kuSOUTH AFRICA. Anobva akasira kukwira bhazi otevera murume. Musi waanosvikako kunosvika kuma THREE achingochemerera murume Mazuva maviri akapera okwira bhazi odzoka, kwahi ndange ndavinga mari yevana vechikoro. Vana vatatu mumba, madzibaba matatu. Uyawo murume kuSouth Africa kwaari uko ari kugadzirawo vana nevakadzi veko achizvirova dundundu, kwahi ndakakwanisa kuti mukadzi auye akasaona small house dzangu.

Vakadzi vava kutevedzera varume pamaitire avo. Musaudzwa nhema kuti varume ndivo vega vanogona Small house. Mukadzi akakubata uchizviita, akakupopotera, akachema akaudza hama dzake akanokudanira Pastor vokuchechi, iwe ukaona sokuti uri kutowana attention wotodada nazvo iye achigara asina kuguta, ziva kuti kuzvijaidza kurera vana vemahure vaunofunga kuti ndevako kwakuparira nokuti wako iyeye wawakabvisa humhandara, achakuunzirawo mwana wehure rake ugomuchengeta.

Equality iri kutouya munyika dzese. Usafunga kuti zviri kuEUROPE neAMERICA chete. Hakuchina bazi roupenyu rinosara risina Equality. Kana waroorana nomunhu, chirongai yokugutsana mumba. Ukada zvokuti uku mukadzi haana kuguta iwe wotombonopa imwewo mai yakatozarawo urume hwezvimwe zvikomba, unopedzisira wazadzigwawo wako nechimwe chikomba. Mumba maita EQUALITY chaiyo, asi uriwe wazvitanga.

UDZAI VAmwe!!!!

No comments: