Thursday 21 March 2013

Heart attack parhoji

Nyaya iyi Ndanyora nokuda kwe wandinoshanda naye akafigwa nomurume anyeba kuti ari kuenda Business trip ku France


Munhu ajaira kuvatana nmurume/mkadzi wake anokwanisa kuita maminutes kubva pa 5 kusvka pa 15 vaapindana. Panguva iyoyo moyo unowedzera kumhanya kwemoyo kubva pa 70 bpm (beats per minute) kusvika pa 130 bpm. Kan tikataisa apa tinoona kuti kumhanyisa ropa uku panguva iyi kunoitika kuvaviri ava vese.

Kana uri munhu akagwinya uye asina chigwere chemoyo, hapana chakaipa kuti muyo usvike pa 130 bpm. Knaukafunga kuchera tsime kana kuti kudzinganisa huku, moyo unokwanisa kupfuura 140 bpm asi pasna chinoitika.

Nyaya iri panondeyokuti heart attack dzakawanda dzinoitika kuvarume vati kurei, kazhinji vapfuura makore 45. Zvozoitikazve kuti vanhu vari muzera iri tikatarisa nyaya dzmari tinoona uti ndivo vane zera rine vanhu vane mari kupfuura mamwe mazera nokuti vanhu vashanda kwenguva yakareba uye vasvika pamusoro pekutambira kwavo. Toonazve kuti vanhu vasinei nkuchengetedza utano hwavo saka vakaanda vavo vanemadumbuzenene.  Varume vanoti akapfeka sutu ofamba nemateya dumbu rakarembera mberi. Mukadziwo anopfeka madhirezi echichembere obva afammba sedhadha.

Panguva iyi moyo unenge wakaremegwa nomuviri. Kuda kuita zvawaiita urimwana mudiki hazvichaiti.  Asi kan mari iri muhombodo zvinonetsa vamwe vedu kurega kutenga zvinhu zvavanoda kutenga. Zvimwe zvacho zvinotengwa mahure. Mahure pane mari akangoita senhunzi papamadhdhi embwa. Chero ukapfapfaidza poizeni ipapo, nhunzi inofa yazama.

Kuti munhu afe achikwirana nehurekadzi kana hure rume chinhu chamunowanzohwamukutaura kwevanhu voseka zvavo kunge kufa kwemunhu kusina basa, asi zvinoitika kune vakawanda. Vanhu vokuGermany vakamboongoroa nyaya iyi vakaona kuti unyaya inonakidza kutarisa. Vakatarisa varume vanofa ne heart attack parhoji mudzimba dzavo vakaona kuti havasviki 1% yevanhu vese vanofa ne heart attack munyika iyi.

Vakazotarisazve varume vanofa ne heart attack parhoji nehure kumba kwehure, mumota, kana kuhotera, vakaona kuti kana hure ari munhumudiki pamurume, varume vanofa pakadai vakawanda chose. Vakatarisazve vakaone kuti chinitisa heart attack pakadai iEXCITEMENT yezvinhu zviviri zvinoti hure zvozoti kusiyana kwenzvimbo yerhoji. Zvinhu zviviri izvi zvinoitisa rufu pavarume vakawanda vari muzera iri.

Hwisisai kuti kana ndichiti vakawanda zvinoreva kuti DTILL havasviki 5% yevanhu vanofa ne heart attack. Asi vakawanda kune avo vanofa neheart attack inokonzegwa ne rhoji. RRhoji yemumba kwahi haiurai vakawanda nokuti EXCITEMENT yayo ishoma pane yehure. Hazvirevi kuti mahure anogona basa kutipfuura asi kutimurume anenge achityakubatwa, kubata chigwere, kuonekwa nmunhu waanoziva, kutadza kugutsa hure, etc saka zvese izvi zvinopa EXCITEMENT.

Saka todii nenyaya iyi?

Kuziva izvi kunotdzidzisei panyaya dzedu dzomumba? Chokutanga ndechokuti murume/mukadzi akawanana noumwee munhu ngaasawana nguva yokuhura.

Chechipiri ndechokuti gara uchiziva kuti moyo wako uri kushanda zvakanaka here.

Chechitatu, chengetedza utano, zvkuita zidumbu uchiti nokuti Businessman wekwenyu ange akarembedza dumbu saka vanhu vakakuna wakadaro vanofunga kuti une mari handizvo.

Chechina, kana ukahwisisa kuti murume wako ane mari, chiona kuti iwe hauregi kufidha murume kusvika akora sehuku yemafidha. Chimwezve, garoenda naye kuTEST yokuonekwa kuti ane utano.

Chechishanu, chengeta murume panyaya dzokuvatana mumba, uye siyanisa nzvimbo dzamunoitira. Kubva pakuroorana kwenyu musati mava nevana jairai kuti pakaita mukana wekumbobva pamba muchiendawo kumwe, endai munorhojana ikoko. Mumba menyuwo imomo, nemera murume/mukadzi kusvika marhojana kana mugaraji chaimo.  Zvokungoti zuva nezuva pamubhedha bodo, handizvo. Mubhedha ndewekuvata hope.

Kufira pahure
Kuudzwa kuti murume wako afa uye afira kure nomusha wake chinhu chinogwadza chose nokuti wange usingachifungiri. Kuzoudzwa kuti afire pahure chinhu chisingatauriki magwadzire acho. Murume anenge atofa saka haukwanisi kumupopotera. Hure riya ratotiza saka haukwanisi kubvunza kuti zvaita sei, wauraya murume wangu sei. Unongochema wega. Kana vana vako haukwanisi kuvauudza kuti baba vafira pahure. Hama dzemurume unodziudza sei zvawaudzwa nemapurisa? Kuti uudze mai vake kuti mwana wenyu aurawa nehure kana iwe unozviona zvakaoma kuita.


Pozotizve kufunga kuti ange ane hure ini muridzindisina kumbomurambira kana musi umwe chete, woshaya kuti zvinorevei. Kuhama neshamwari dzokuchechi unodziudzei nokusvodesa kwenyaya iyi. Iye murume afa saka zvokusvoda haachinei nazvo. Iwe ndiwe wasara nenyaya yacho. Ndiwe ucharonga nehama dzake kuti anovigwepi uye zvinobhadhagwa nani.  Parufu uchaterera vanhu vachitaura nhema pamusoro pemurume wako kuti aiva munhu aida mhuri yake, aida mukadzi wake,  chii chii vachireva nhema iwe wakaterera uchiziva kuti unhema. Parufu haubvumigwi kutaura.

Kunozoti nyaya yotsvakwa nemapurisa ndipo panobuda makuhwa okuti akafira pahure. Vanhu vemuraini havakubvunzi. Vanongotaurirana pachavo voridza chikuwe kuseka. Hino iwe kuti uzive kuti vari kuseka iwe here kana murume wako hauchazivi pane nyaya.

Kana murume wako afire pahure, unoshaya konifidhenzi yokuzonyengwa noumwe murume, nokuda kwekuti hauhwisisi kuti chaakasvora paurii kusvika pakunotsvaka hure chii chaicho. Wokubvunza hapana saka uchafa usingazivi zvaiva mumoyo wemurume wako. 




No comments: