Friday 5 April 2013

Murume anokunyenga iwe une Ring

Munoionawo sei nyaya yokuti iwe une ring yomuchato asi murume wawasangana naye pamabhazi, pa chitima kana pamusika kana muraini rema passport, otanga kukunyenga? Kuti ade kukunyenga chii chaaona pauri?  Tinoziva vamwe vanoti akabereka mwana anongonyengwa nevarume vaanosangana navo? Nyaya dzakadai dzinobva pamurume here kana kuti pamukadzi ari kunyengwa wacho?

Muridzi wemukadzi anofungei nazvo pakuhwa kuti mukadzi wake anyengwa. Kana akapopotera mukadzi, zvinenge zvine FEARNESS here? 

Muridzi wanyakunyenga anofungeiwo nazvo? Ko ivo vaviri ava vanonyengana vanhu vakaita sei?

Munhukadzi kana awanikwa mukachata, anopfeka RING yomuchato sezvinoitawo murume wake. Izvi zvakaitigwa kuti vanomuona vazive kuti ndimai vemba. Ring haikuyeuchidzi kuti uri mukadzi wemunhu. Hazviiti kuti ukangamwe kuti uri mukadzi wemunhu. Ring inonzi TOKEN yokuti mukapanana menge muchisimbisana kuti pauviri hwenyu mava munhu umwe chete. Vaoona RING iya vozivawo kuti une chitsidzo noumwe munhu.

Zvoitika kuti kune vanhu vakawanda vasina hanya nokuti munhu ane RING here kana kuti haana. Saka ndipo paunonyengwa kana uri wega. Saka pano ndati ngatimboongorora CHARACTER yomunhu asinei nokupfekwa kweRING.

Ukaverenga zvinonyogwa nevamwe varume vasina njere dzakawanda pama FORUM evanhu vedu vokuZimbabwe, unohwisisa kuti kune vakawanda vane chido chokuvata nevakadzi vevanhu. Zvinoita sokuti chinhu chinodakadza vamwe varume kuwana mukana wekuvata nomukadzi weumwewo murume, iri ngari yokusahwisisa BIOLOGY yenyaya dzokuvatana. Kune vamwe vanofunga kuti muhi mukadzi wemunhu zvinoreva kuti chanzi yokuva nesiki ishoma saka zviri nani kuvata nomukadzi wemunhu pane kuvata nomusikana. Kozotizve vamwe vanotya kutizigwa nomusikana kana aita mimba. Mukadzi wemunhu akaita mimba anngoti ndeyemurume wake saka hapana nyaya inobudapo. Haatomboudzi chikomba kuti aita mimba nacho. Kna akaita mimba murume asipo, anotsvaka mukana wekutevera murume kuti akwigwe agoti mimba ndeyemurume.

Nyaya kana dzakamira dzakadai panotofanira kuva nevarume vanonyenga vakadzi vevanhu. Asi kuti unyenge mukadzi wemunhu kuziva kuti variko vanonyengeka. Saka pobva paita nyaya mbiri, Murume anoda kunyenga mukadzi wemunhu, uye mukadzi wemunhu anonyengeka achidawo kunyengwa.

Varume vanoda zvokunyenga vane mabato akasiyana. Kunoti vanongoti kuwana mukana votonyenga feya feya, akangoona kuti mukadzi uyu haasi kumupopotera ototi chandagwinyira. Unoona zvakaita paINTERNET, murume chero ari kunyika ipi zvayo otokunyenga zve HABIT zviya zvokungoti uri munhukadzi saka unofanira kunyengwa. kasangana nomurume akadai pamabhazi kana pachitima, ukangotaura naye kana kumunyemwerera, ototanga kukunyenga. Oita sokuti akaziva kwemakore saka ava kutoda nhambha yako yefoni. Zvokuti une RING haanei nazvo. Anoziva kuti pakunyenga vakadzi vanoita gumi, pachaita umwe anobvuma kuvata naye.

Pane murume anohi Kinosi anogara kumaraini ekuno. anotaura pachena kuti akanyenga mukadzi wemunhu, akangoita PATIENT chete anopedzisira amukwira chete. Ndiwo mafungire ake uye haasi ega pakufunga zvakadai. Saka paanotanga kunyenga fungwa yake inoti achatokwira mukadzi uyu chete. Kutanga nokumhura murume wemukadzi wacho, zvotevera nokufunga kuti mukadzi waari kunyenga haana njere sezvaakaita iye.

Murume anonyenga mukadzi wemunhu murume anotonyenga vakadzi vevanhu vakawanda, zvinoreva kuti munhu asina STABILITY muupenyu hwake, munhu anoda zvinhu zvinotyisa uye zvinokwanisa kukuvadza upenyu hwake. Asizve munhu anohwisisa kufunga kwevakadzi vevanhu zvokuti anokwanisa kuterera mataurire emukadzi obva aziva kuti pangangoita mukana apa.

Mukadzi wemunu anonyengeka mukadzi anozikamwa nemataurire ake, mafambire ake pane vanhu, mapfekere ake pane vanhu. Varume vachiona mukadzi vakaita zvakaita shumba ichitarisa mhuka yokudya. Shumba haungodzinganisi mhuka dzese dzainoona. Inotanga yaongorora kuti mhuka iyi inobatika here kana kwete. Murume anotanga aongorora kuti mukadzi uyu ndewemunhu asi anonyengeka here kana kwete.

Tinohwa nyaya dzemukadzi anoenda kunoona chikomba akabereka mwana kumusana, odzokako atmbovata nechokomba chiya mwana avete kumba kwechikomba. Anenge ane zvinhu zviviri zvinotaridza kuti mukadzi wemunhu, RING, uye mwana.  Asi vese vari vaviri havanei nazvo. vanongonyengana, vovatanazve.

Murume akakunyenga ukamupindura zvakarurama, zvisina hasha kana kutuka, iye ega anongoziva kuti ndoenderera mberi here kana kuti ndochinja nyaya. Ukaona wanyengwa, murume wacho oramba achitaura nazvo, ziva kuti iwe uri kumupa VIBE yokuti ane chanzi. Kana usingadi kunyengwa muudze zvisina chibhende kuti apfuura muganhu. Kana asiri murume wekuziva, ari wekusangana naye, ukamuudza akaramba achidaro, simuka undogara kure naye. Kana muri muraini rezvimwewo zvinhu, budisa foni yako ukumbire  kumutore pikicha. Wadaro chikasira kuitumira paTEXT kune umwe munhu waunoziva, wobva wamuudza kuti ngaasaramba achikuharasa.

Tataura hedu asi kune vakadziwo vakapfeka RING vanotonyengawo varume saka ngatisaita zvokupopotera varume kunge ndivo vega vane mhosva panyaya dzechihure. Kana wakambofamba nebhazi kumusha unotoziva kuti ukaterera nyaya dzevanhu vagere pasiti mberi kana shure unohwa vachitonyengana zvokutopanana manhamba efoni, mubhazi.

Saka apa ndiri kuti:
Kunyenga nokunyengwa zvinobva pa type yako iwe munhu.
Chokutanga kutariswa woonekwa kuti unonyengeka
Chechipiri kuti wanyengwa wosekerera kupa ENCOURAGEMENT kuna nyakunyenga. Kuzobva apa hapana chichanetsa, watova mhou/bhuru yemurume/mukadzi uyu.

Chinowanzoitisa munhu kunyenga/kunyengwa inguva yakawandisa usina chokuita.
Kumirira bhazi/chitima/ndege
Kufamba nechifambiso (zvikuru kufamba kunoitisa zemo nokuda kwe EXCITEMENT yokuona zvitsva)


Kozotizve zviri kuitika mumusoro wako zvinoti
Kuva kure newako wemumba
Kusava nezvaunoti izvi ndizvo zvakakosha muupenyu hwako.
Kushaya mufaro mumba mako
Kushaya rukudzo kumunhu wawakaroorana naye.
Kuda ADVENTURE asi usingazozivi kuti CONTROL yacho inofamba sei.
Kuva munhu akaroorana nomunhu ari pasi pako kana kuti ari pamsoro pako panyaya ye SOCIAL class. zvinoita kuti usaona muchato wako sechinhu chakakosha nokuti murume/mukadzi wako haanyatsi kukwana panzvimbo yaari.

Ukaona uchigaronyenga kana kunyengwa iwe uchifunga kuti hazvifariri, imbogara pasi ufunge kuti upenyu hwako chii chisina kunyatsomira zvakanaka. Unokwanisa kuchiona wochigadzirisa.

Kunyengwa nomunhu ari pamusoro
Kune vanhu vatinopa rukudzo gwakawandisa zvokuti pamwe akakubata zvokuisa ruoko pamafudzi unohwa pasina kana kuvhunduka nokuti unomutora sababa vako. Vanhu vakadai zviri nyore kuti akwanise kukubata ugozoona kuti nyaya yaipa iyo yatoipa kare.

Tinoona vakadzi vakawanda vanotambura pamoyo kana avata nomunhu wakaita toti
Mufundisi
Mukuru pabasa
Mupurisa auya kuzotsvaka munhu akakubata chubharo
Hama yomurume
Murume weshamwari wawajaira kutaura naye. 



6 comments:

Anonymous said...

What if I'm just attractive (tall ,big boobs ,nice hips ,matako). Men always come after me is it my fault? I'm happyly married

Mai E Chibwe said...

Kana murume akunyenga akazoramba achitaura nenyaya yacho iwe uchimunyemwerera,muchipanana manhambha efoni, ndipo painoita mhosva yako

Anonymous said...

vamwe varume vanoita sevane mishonga yokunyenga. I have known men vakaanyenga all women who joined the we both worked for. In almost all cases vakadiwa, vakatorara nevakadzi ava.

Mai E Chibwe said...

Ini sokuona kwangu murume akadaro munhu anohwisisa PSYCHOLOGY chete. Zvemishonga izvi chokwadi ndechokuti isu vechitema zvinhu zvinoshandisa REMOTE CONTROL tinonyeberana hedu nazvo asi hatina zvinhu zvakadaro. Vakadzi ava vanenge vari vanhu vanongodawo zvechihure, iye murume wacho okasira kuzviona ovanyenga. Umwewo murume abva kwaabva anongokwanisawo kunyenga vakadzi vacho achingopedzisira avata navo nokuti ndidzo tsika dzavo.

Ngatitaurirane chokwadi, vakadzi vashomanana vasina kumbonyengwa nomurume wavasangana naye, asi iwe attitude yako paunoona nyaya kuti yave kuenda kusiko, ndiyo inoita murume arambe achinyenga.

Unopirei munhu wawasangana naye munzira nhambha yako yefoni? Unenge uchida kuti zvizodii. Pakumupa ipapo ndipo paanobva atoziva kuti achapedzisira avata newe. Iwewo unenge watoziva kuti uri kumuda. Changosara kuti zvichaitikirepi chete. Watova hure ipapo.



Anonymous said...

Mai Chibwe do you believe kuti uriko mushonga wakaipa wechivanhu? I ask because mati mushonga wekunyenga vakadzi hauko and ne nyaya yamakaramba ye sari

Mai E Chibwe said...

Ini maonero anu ndeekuti mushona wekunyena vakadzi/varume hakuna. Chinoitisa kuti ndidaro ndechokuti ukaenda kune dzimwe nyika unonowanawo vanhu vanoita zvechihure vari vakadzi kana varume. Maitire avo akangofanana asi unoona kuti kana vazviita vari kwedu vohi vanemishonga.

Zvemishonga izvi dai zviriko dai zvinhu zvakadai zvichingoitika kunyika dzacho dzinemishonga wacho. Ndiwo maonere angu. Kana pane anoonawo zvakasiyana otiudza kuti sei munhu ane mushonga achingoitawo zvinoita umwe asina mushonga kune imwe nyika.