Saturday 13 April 2013

Kana Wafunga Kubviswa Humhandara

Kubviswa humhandara
Kana wafunga kuti humhandara hauchahudi unoita sei? Kubviswa humhandara haisi nyaya yokuti ungangoda kuiitwa kuseri kwegwenzi padhuze neSTATION yemabhazi kana chitima, kana paya panomirigwa maLIFT, kana kumafuro emombe kana mbudzi. Sesu takakurira kumusha tinoziva kuti kune vakabviswa humhandara kuseri kwedanga remombe, kana kugwizi kunogezegwa kana kudondo kunotsvakwa huni. Vemumataundhiwo vanobviswa humhandara kuPARK kana kuti kuseri kwemagirosa, kana kuti mudzimota dzema SUGAR DADDY. Hazvisirizvo zvakanaka.

Chokutanga hwisisa kuti murume ari kuda kuvata newe ari kudirei kuvata newe? Varume  vane zvakawanda zvavanodira kuvata nomusikana. Ukasazvihwisa zvimwe zvacho zvichakudya moyo.

Chikuru ndechokuti uri munhukadzi zvinoreva kuti une chitubu. Hapana zvimwe zvaane hanya nazvo. Akangovata newe nhasi, ukazosangana naye kumagirosa mangwana anoita sokuti haakuzivi. Akazosanganazve newe ane zemo umwe musi, anodazve kuvata newe. Hapana zvauri kwaari asi kungoti une chitubu chete uye uri munhu akapusa asinganetsi kuvata naye. Zvorudo newe haana.

Murume1
Murume ari kuda kuvata newe nokuti akuona uri wega pasina anokununura. Zvinoitika kana murume ari mupurisa, musoja, munhu wePARTY, murumewo ajaira kungozviita kuvakadzi. Murume akadai anohi bhinya. Hazviiti kuti urambe kuvata naye nokuti anokwanisa kukukuvadza. Asizve pamwe anoti wabvuma kuvata naye iri ngari yokutya, anoti apedza okukuvadza futi.  Varume vakadai ndevekunotaurira mapurisa asi ziva kuti pamwe hapana chinoitwa pazviri.

Murume 2
Kushandisa Rhoji kubhadhara chikwereti. Toti murume anozikamwa kumhuri yenyu akubatsira kubhadhara chimwe chikwereti, mari yechikoro, mari yokukwirisa bhazi/ndege kuenda kure, mari yokutanga bhizimisi, etc. murume anouya kwauri achida kuti ubhadhare mari nokumuvhurira makumbo. Anokuudza zvakawanda uye kuti achakuwedzera mari kana wabvuma. Kana uri mhandara, zviri nani uzame kuwana mukana wekubva munzvimbo ine munhu akadai. Kubviswa humhandara kuchakushushisa muupenyu hwako hwese nokuti chokwadi ndechokuti varume vanoda kuroora mukadzi mhandara kana kuti mukadzi aakazvibvisira ega humhandara iye wacho anokuroora.

Murume 3
Munhu anoda kubhadhara rhendi kuchitubu chako. Ane mari yake uye anoona kuti unotengeka obva akuti tora mari iyi uvhure makumbo. Kana mapedza mapedza iwe woenda nemari iye awana pokumbotambira kweawa imwe chete. Haana zvimwe zvaanoda kwauri. Ukasahwisisa nyaya yake ndiwe unotonetseka.

Murume 4 
Murume ane mhuri yake kare asi anofarira kumbobuda achinokwira vasikana vemuraini nokuti anozvikwanisa. Iwe uri musikana wemuraini saka anofunga kuti unokwirika. Munhu uya wekuti pakaita nhamo anosvika nezimota rake rinobwinya odembademba vanhu vachihwa, obvisa mari yechema vanhu vachiona. Akazokupa LIFT umwe musi anokuudza twakawanda agokubata magaro, agozama kuti uve wekupedzisira kuburuka mota yake kuti awane nguva yokukubata magaro nemazamu.

Murume 5
Murume anokunyenga, opedza nguva inoita vhiki newe achikurezva achikusetsa achikuudza nyaya dzorudo. Ozoti wamuudza kuti unomuda obva ati ngatichivatana ipapo hama dzake hapana dzaunoziva, iyewo dzako haadzizivi. Hapana nyaya youpenyu yamaronga mese. Iwe semhandara ukamuudza kuti hausati wasvika pachinhanho chokuvatana iye otanga kukuudza kuti uri kunyeba kuti unomuda.  Ukamubvunza kuti kana kondomu rikabvaruka ukaita mimba anoita sei, anokuudza kuti hazviitiki izvozvo, kureva kuti zvikaitika uri wega. Anokutengera zvinhu zvinodhura kuti uite chikwereti kwaari chaachada kuti chibhadhagwe.  Mukomana akadai ari muSOCIAL CIRCLE isiri yake saka haakudi. Dai achikuda aikudza zvawamuudza uye aikumirira.

Murume 6
Murume anokunyenga, opedza nguva yakareba newe achikurezva achikusetsa achikuudza nyaya dzorudo, achiterera zvaunotaura. Ozoti wamuudza kuti unomuda obva akubvunza mibvunzo yakawanda kuti ahwisise kuti unomuda zvakadii. adaro otanga kubatsirana newe kuvaka rudo gwenyu. Anokuudza kuti ari kuda musikana akaita sei uye kuti azoitei naye. Anokuvhurira moyo wake okuudza zvari kufunga. Anotaridza kutambura fungwa kana iwe usipo. Anokufonera otaura newe nyaya dzisina maturo kungoti ataure newe. Haatyi kuonekwa nevanhu vemhuri yako kana kuti iwe usvike kumba kwavo uchionekwa nemhuri yake. Kana akakutengera chimwe chinhu, anokutengera chisina zvachinoshanda asi kungoti ukachiona unomufunga. Ukaita chimwe chinhu chisingamufadzi anokasira kukukangamwira. Anokuona somunhu kwete sechitubu chinofamba. Anokudza vabereki vako nevake. Akaita mhuri inenge iri mhuri yakakwana. Iwewo haunei noufumi hwake asi kuti unomuda iye somunhu.  Murume akadai haakuisi puresha kuti uvate naye. Asi pamwe anokubvunza kuti wakambovata here noumwe murume. Mubvunzo uyu ndewekuti azive kuti unokwanisa here kutaura chokwadi kana kuti haukwanisi. Kunozoti mazivana nguva yakareba mosvika mese pakuziva kuti nguva yakwana.

Murume 7
Koti murume waunorongegwa nehama kana shamwari wozopiwa introduction fungwa iri yokuti muwane mukana wekudanana pauviri hwenyu. Anokwanisa kuva murume akaita souyo wekutaridza rudo pasina chaaoda kwauri kuzhe kwerudo.

Murume 8
Murume anokupinza pakaoma nokuda kwechinzvimbo chaanacho muupenyu hwako obva akukwira. Munhu akadai anenge ari munhu akaita somufundhisi, ticha, mukuru we Party, etc. anotoziva kuti kumurhipota kuchakunetsa uye vanhu havatendi zvaunotaura pane zvaanotaura. Varume vakadai vakawanda chose uye vari kukanganisa upenyu hwevasikana vakawanda. Ukasangana naye pachikwanisika kuti uridze mhere ridza mhere. Chero pakazoshaya abvumirana newe kuti pange paita chibharo, AT LEAST haubviswi humhandara hwako uye musi waanozokuonazve haazami kukurhepa futi.

Varume ava 
Mabato evarume ava ese vanongopedzisira vakubvisa humhandara asi chikonzero chavo chakasiyana uye upenyu hwako hunochinja zvakasiyana zvichibva nokuti akubvisa humhandara pakati pavo ndeupi. Vese pakati pavo vanoda kuvata newe nokuti uri mhandara. Mhandara munhu anokwezva varume chero iye asinei nazvo. Varume vakawanda vanoda kuva munhu wekutanga kuboora mhandara. Iwe basa rako kuronga upenyu hwako zvakakodzerana nekwaunoda kuenda. Kuboogwa inyaya yokutopurana zvakanaka kuti usazosvodeswa nazvawakaita. Hatisi kuti kana wapurana hapana chinokanganisika, asi kuti kana zvichikanganisika unoziva kwauri kuda kuenda wozama kuendako.

Zvese zvandataura zvinohi nevanoda kuhura ndezveOrodhi fashoni. Asi kuchema kwevanhu ivava hakuperi.

Makore mangani?
Kuti unzi wava munhu akura zvokukwanisa kubviswa humhandara mazuvano unenge wasvika makore 18. Magarire evanhu kunyika dzakaita se Europe, America, Canada, Australia, etc kunoti iko ukatanga kuvata nevarume une makore ari pasi pe 18 muviri wako hausati wakwana kukura saka mukati mako muchiri pa DEVELOPMENT stage. Ukawana urume mukati (sokuti wakwigwa pasina kondhomu) unokwanisa kuzoita CANCER yechibereko kana wazova kumakore anopfuura 40. Vakadzi vanotanga zvokupiwa urume vapfuura makore 18 havanyanyi kuita CANCER IYI.  Kotizve ukavata nevarume vanopfuura 6 vachikusiira urume mukati, unowedzera chanzi yokuita CANCER iyi futi. Izvi zvinoreva kuti ukatanga uri mwanana wozoiswa nevarume vakawanda, wazviisa pakaoma. Chinonetsa nyaya yokuvatana ndechokuti ukangovatana nomurume waunokwanisa kugaroona, fungwa dzako nomuviri wako zvinobva zvada kugarovata naye pamazuva okutanga iwawa. Unobva wagaropiwa urume pasina kondhomu zvokanganisa upenyu hwako. Urume hunopfuura mazuva matatu huri upenyu mukati memukadzi. Saka unokwanisa kuita mimba kana chigwere.

Totizve kana wava munhu ati kurei, unokwanisa kutaura zvaunoda kumurume. Womuudza kuti apfeke kondhomu, uye kuti unoda kuzoiswa riini, kwete kungoti iye wokumanikidza iwe usingadi wongopedzisira waiswa, iye woseka zvake woenda. Zvokuiswa hazviperi. Ukawana murume kwaye iwe wati kurei, uchaiswa zvokutoshaya hope saka kumhanya handiko kusvika. Tanga wakura. wosvikawo makore ako 20 kana kupfuura, wodzidza kusvika pokuwana basa, wochizofunga zvokubviswa humhandara.


Kugadzirira:
Pakugadzirira hazvidi kuti iwe ungozvifunga wega murume asinazivi kuti ndizvo zvawafunga. Uchaona kuti mazuva iwawa unowedzera kurota uchipinzwa chombo. Usatya nazvo nokuti fungwa dzako dzinenge dzichizvifunga usiku nemasikati. Unoita zemo dzimwe nguva zvokuti hope hadziuyi. Semazuvano munhu wese ane foni. Unokwanisa kutaura nomurume kwasviba wowedzegwa zemo futi.

Kana mangobvumirana kuti mava panguva yokuda kuvata mese, zama kuti mutaure nyaya yacho pachena mese. Kana uchiona kuti munhu uyu ndiye wawada kuzoroorana naye, chirongai yokunotesitwa mese kuti mese muzive pamatangira upenyu hwenyu. Mazuvano kutesitwa hakuchanetsi. Unonopiwa gwaro rine zvese zviri mumuviri wako, wobva wataridza umwe wako iyewo achikutaridza zvake. Chiregai kungotarisa gwaro monyarara. Tauriranai zvarinoreva.  Zvadai uchaona kuti murume anotaurika naye. Kana murume ane zemo anotaura, anodavira mibvunzo, anoterera mashoko ako.  Usarega achiita zvaanoda, musina kuhwisisana nokuti pakaitika chakaipa ndiwe uchatambura muupenyu hwako. Varume vanosunga twavo voenda iwe sare vavava usingakwanisi kudzokera kumashure kwenguva.

Ukagwisanisa zemo nefungwa, zvikuru zemo rinowhinha. Kumhuka dzese uchaona kuti mhuka inozviisa pakufa nokuda kwezemo. Vanhu havana kusiyana nemhuka. Vanhu vakawanda vanofa nokuda kwezemo. Usamhura simba rezemo. Unozopepuka wava nemimba kana chigwere.

Terera kutaura kwemurume. Uchahwa kuti pakusangana kwenyu muchiita nyaya, pane musi waanoti akakubata mumaoko anomira chombo, obva atanga kukudembera kuti muvate mese. Iwe basa rako kumuudza kuti hausati wava pakadai. Izvi zvinomuudza kuti pane musi wauchasvikapo saka ngaarambe achikumbira. Murume kana ada kuvata newe anodemba demba nguva refu kazhinji. Iwe usaterera izvi. Muudze kuti uri mhandara saka zvinoda ugadzirire mufungwa nokuti zvinotyisa. Ndipo paunoudzwa zvakawanda ipapo. Hwisisa kuti murume kana chombo chamira anowanza nhema kupfuura chokwadi. Anokuudza kuti usambofunga nazvo nokuti ukaita mimba anokuroora. Idzi inhema nokuti dai zvirizvo dai atotanga kukuroora kuti uzoita mimba wava kwake. Pamwe futi anokuudza kuti chombo chamira chikashaya mukadzi chinomugwadza zvokuti. Mubvunze kuti ndiwo musi wekutanga kwacho kumira here uye anochizvifambisa sei pachinomira usipo.

Kana waona kuti zvechokwadi murume ada kuvata newe uye iwewo wava kuda kuvata naye, unomirira paanoitira zemo futi wobva wamuudza kuti kana akanotsvaka makondomu munozovata mese. Wangodaro iye haanonoki kuatsvaka mozoronga kuti munonoitirepi.

Kana usingadi zvemakondhomu, chienda kukiriniki utange nyaya yemapiritsi, woudzwa kuti anotora nguva yakadii kuti atange kushanda. Hwisisa kuti mapiritsi haashandi zvakakura sezvinoita makondhomu. Unokwanisa kuita mimba iwe uchimwa mapiritsi. Kozotizve mamwe mapiritsi haawirirani nomuviri wako saka anokuita usahwa zvakanaka kana kukuendesa kumwedzi nguva refu kana kaviri pamwedzi. Kune zvakawanda zvinokwanisika kukanganisika panyaya dzemapiritsi. Kozotizve makondomu anokwanisa kubvaruka, zvikuru kana mese muri mhandara nejaya musina kuzvijaira. Unokwanisazve kuita ALERGY pa kondhomu wozvimba mukati mechitubu kana kuita RASH pamberi pese. Zvikuru kana kondhomu renyu rine mushonga uya unohi SPERMICIDE.

Kana mawana makondhomu enyu. chigarai ari pedo nokwamada kuitira chiitwa chenyu. Iwe musikana gara nawo muhegi mako, mukomanawo ogara nawo pedo zvokuti mese hamuiti zemo pasina makondhomu. Hwisisa kuti kana mangotanga kuisana zvinonaka chose chose zvokuti hamuchakwanisi kurega kana muchidanana. Munotoona sokuti upenyu hwenyu basa rahwo nderekuti muwane nguva yokuisana chete. Chikoro munokwanisa kurovha, Basa munorovha, kuCHURCH munorovha, iri nyaya yokuti muwane nguva yokuisana chete. Kuisana kuri ADDICTIVE kana une munhu waunoda nomoyo wese iuewo achikuda. Asi vashoma vanodanana zvakadaro vese. Kazhinji umwe anongoda zvokuisa umwe achida zvese norudo. Ndizvo tichiti tanga wakura.

Pakubviswa humhandara
Toti wazvipira kuti woda kubviswa humhandara, wawana murume waunoti uyu ndiye akakodzera kukubvisa.  Chokutanga hwisisa kuti chii chinoitika paunotanga kuvata nomurume anokubvisa humhandara. Tabvumirana kare kuti hazvifaniri kuitikira mumakwenzi kana mubani usiku. Zviri nani kuwana nguva yokuti muri mega uye hamuwani anokuvhakashirai.

Tanga wageza nemvura inodziya kuti muviri ubve TENSION. Wadaro, mowana nguva yokumbotamba mese muchibatana nokurezvana nokukisana, uchimbosvetwa zheve nokunazviwa mutsiba muchimbogumbatirana muchitaurirana nyaya dzisina maturo kuti mujairane. Ramba uchitaura nomurume chero nyaya ipi zvayo. Murume ngaazive kuti uri mhandara. Kana iye ari jaya anenge achitotyawo kuita zvamada kuita izvi. Chinhu chinotyisa kuita musi wekutanga saka usafunga kuti ndiwe wega uri kutya. Ukaramba uchitaura kutya kunoderera, zvikuru kana murume achitaridzawo kuti ari kuda.

Pakutamba kwenyu murume anokwanisa kupota achipurudzira pamberi pako. Iwewo unoziva kana panyorova zvokuhwa kuti poeredza. Rega panyorove moramba muchitamba.

Iwewo unokwanisa kuti pamunotamba wowedzerawo murume zemo kuti anyanyoda kuzovata newe. Pamwe unombomuregawo achikubata pamberi asi uchiziva kuti nguva yokupinzwa chombo haisati yakwana.

Panozosvika kuti murume anokwanisa kuramba achikukumbira kuti apinze chombo, iwewo uchida kuti apinze. Wanaiwo pokuitira pakanaka sokuti mubhedha. Wadzira tawero hombe pamusoro pemubhedha moitira ipapo. Chibvisa bhurugwa, iye obvisawo zvake zvipfeko. Mombotambazve musina kusimira. Pamwe menge muchisvoda zvokuti kutarisana mumaziso zvinonetsa asi kubatana batana zvinongoita. Ukanatsotarisa chombo unoona sokuti chakakurisa zvokuti hachikwani pachinofanira kupinda. Iye ipapo anenge achitofunga kuti uri kufunga kuti chombo chake chidiki zvokuti hachinaki. Varume vakawanda vanoona sokuti chombo chinofanira kunge chiri chikuru asi vakadzi vanoona sokuti chakakurisa. Ingari yokuti hauzivi kukura kwechitubu chako. Hakuna chombo chisingakwani mumukadzi akanyorova zvakakwana. Chitubu chinotatamuka kuputira chombo. Saka hwisisa kuti chombo chinokwana zvakanaka mukati mako. Hapana chinotyisa ipapo.Usatya nesaizi yechombo. Chinokwana pakupinda.

Wazosvika pakuda kupinzwa chombo yeuchidza murume akupe kondhomu. Zviri nani iwe upfekedze murume kondhomu pane kuti azvipfekedze, nokuti varume vanoita zverhafu zvokuti akakwaranzura zinhu iri rinozobvaruka pakuitana. Kana uchitya kuita wega itai mese. BATA chihomwe chekumberi womupfekedza wakachipuresa kuti chisaita mhepo mukati kana apfeka.

Poitazve nguva yokufunga kuti kuboogwa kunogwadza saka unokwanisa kutya kugwadziwa. Ndiyo ngari yokukunyorera maitikire azvo kuti uhwisise ugoziva zvinoitika usati wazviita. Kugwadza zvinogwadza asi hazvitori nguva zvichigwadza.

Maitire
Musi wekutanga zviri nani kutanga nemaitire asingawanzi kupinda kwechombo asi achikwanisika kuti mese muzive kuti chombo chapinda uye mahwa kuti kurhojana kunoita sei.  Woyeuchidza murume kusamhanyamhanya womuti asakugwadzisa uye aterere zvaunomudza. Kana ukati zvinogwadza ngaasaramba achiita, ambomira kusvika kugwadza kwapera.

Vakawanda munyika dzese vanoboogwa vakavata manhede. Zvinoita kuti mukwanise kutaurirana muchitererana. Vata nemanhede wosimudza mabvi ouya kuno kuchifuva wakavhura makumbo kuapatsanisa, murume wopinda pakati pemakumbo ako. Toti mese hamuna kumbovata noumwe munhu, Murume haatozivi kuti chombo chinopinda papi nokuti pamberi matinji ari kuno kumusoro buri zasi saka pakuona pamberi pako murume asina kujaira kuona pamberi anokwanisa kufunga kuti buri riri nechokumusoro ozama kupinza nechokumusoro kwechitubu pakati pematinji. Unotohwa achitsvanzvadzira nechombo achishaya kuti chopinda papi. Iwe muudze kuti dzika zvishoma, ukuwo uchishandisa chiuno kururamisana nomurume. Kana usingasvodi, unokwanisa kubata chombo nemaoko wobatsira murume kururamisa pokupinza.

Zasi kwakanyorova saka kunotsvedza. Kondhomu murume akapfeka rikanyorovawo rinotsvedza. Ngaasamhanya kuda kuboorapo kwete. Kana uchitya chaizvo, isa maoko pakati penyu wokondirora murume pakunopinda.

Mukati mako pasina kudzika, mune chinyama chakavhara chitubu. Chinyama ichi chitete tete uye china maburi akawanda kuti kana uri kumwedzi ropa ribude. Kana wava nemakore 18 unenge wamboenda kumwedzi kubva mugore regumi kusvika mugumi nemaviri, mwedzi umwe noumwe saka maburi echinyama ichi mamwe akatokura. Hachinetsi kubvaruka kwacho. Chombo chikangorurama zvakanaka mese makaruramisana kudaro mukangoisa puresha kuti chipinde, simba rechiuno rinubvarura kanyama kaya wotohwa nyurududu chatopinda zvakadzika.

Kugwadza
Kugwadza kwekuboogwa kwakada kungofanana nokugwadza kunoitika kana uchibaiwa jekiseni, asi vamwe vanoti zvinoti darikei ipapo vamwewo voti jekiseni riri mberi kugwadza. Zvinobva nokuti wakamboshandisa matamboni here pakuenda kumwedzi. Zvinonzi anotatamura kanyama kakavhara zvokuti kanosara kari katete kokasira kubvaruka.

Kana wakavhura makumbo zvakakwana, wakarerusa muviri unokwanisa kungohwa kubvaruka kwechinyama ichi asi hazvigwadzi zvakanyanya, uye nguva yacho idikidiki wotohwa chombo chava mukati, murume atoti ndindindi pauri. Ipapo wega wava kutosimudzira chiuno zvotonakirira.

Vamwewo vanotadza kubvaruka zvokuti chombo hachipindi zvakanaka. Pamwe murume haazivi kuti watadza kubvaruka nokuti kanyama kaye kanotatamuka musoro wechombo wotopinda mukati asi kanyama karipo. Kungozotodza kupinza chombo chese. Kune vamwe vanozobooka vambozama kaviri kana katatu, asi zvinoitiswa nokutya kugwadziwa. ruma mazino uudze murume apinze. Uchaona kuti hazvimbonyanyi kugwadza. Wabvaruka watobvaruka hapachina chimwe chokuita. Chasara kudzidza kunakigwa nechombo.

Kunakigwa
Musi wekutanga kashoma kunakigwa asi zvinokwanisa kuitika kuti unonakigwa.Musi wekutanga unenge wakavhenganisa zemo, nokutya saka kurerusa muviri kunobatsira pakunakigwa kunonetsa. Pamwe unotoshamisika kuti sei vanhu vachida kuita izvi nokuti hapana chinonakapo. Murume kana asina kujaira kupinza chombo mumukadzi, anongoti kupinza nokutozadza kondhomu riya nourume, chombo chobva chati fototo. Nyaya yatopera iwe hauna chawahwa, wangoboogwa chete. Kana mange musingashandisi kondhomu, unokwanisa kutoita mimba usingambozivi kuti kunakigwa kunofamba sei.

Usafunga kuti mahwire aunoita musi wekutanga ndiwo manakire ekurhojewa iwawo kwete. Mukazoramba muchiita mazuva anotevera, unotozoona kuti kuchizvirega zvinonetsa chose nokuti zvinonaka. Kana wawana murume akasvinura anokwanisa kuhwisisa kuti kuvata nomukadzi kuti mukadzi anakigwewo, unotonakigwa kusvika pakukutenderedza musoro.

Pakunaka apa ndipo panoitisa kuti kana musikana atanga kuvata nomukomana, chero vakuru vakapopota vakamurova, vakada kumudzinga pamusha, hazvina chazvinoshanda. Ingari yokuti pakukura kwedu hatiudzwi chokwadi. Kana une hama achiri mhandara zviri nani kumuudza chokwadi kuti kuiswa kunonaka chose asi kuiswa nomurume asinei newe kunonaka asi kusingakubatsiri nokuti unobviswa unhu nokuderedzwa SOCIAL STATUS yako. Kana wozoda kuwanikwa unosarudzwa kwete kuti iwe usarudze. Varume vanoda musikana asiri mhandara vashomanana.

Kana mapedza 
Unokwanisa kubuda ropa rinotoerera asi hazvigwadzi. Iropa riya tokuti rinoita serakawanda asi riri shomanana. Kungopukuta kusvika ramira kubuda uye haritori nguva kana usina chigwere chiya chinohi Hemophilia chinoti ukatanga kubuda ropa wakuvara zvinotora nguva kuti rimire. Kana uchiziva kuti unacho, enda unoboogwa kuchipatara ne operation. Vashomanana vanosvika pakadai.

Kashoma kubuda ropa rokuti unototanga kufunga kuti wakuvara. Madomhwe kana gumi haasviki. Usatomboita hanya nazvo. Mangwana chaiye unotozopinzwa chombo usingambohwi kuti pakambobuda ropa zuro.

Unofanira kuyeuka kuti murume anofanira kuona ropa. Pukuta neTISSUE chena inonatsotaridza ropa. Mese munatse kuona kuti wabuda ropa nokuti munofanira kuhwisisa kuti chii chaitika pakati penyu. Pamwe unohwa misodzi ichingouya yega nokuda kweEMOTION inoitika mumuviri wako kuti watochinja upenyu hwako kusvika nariini. Chema hako kana uchida kuchema. Murume achaziva zvokuita.

Kana murume apedza kubudisa urume chombo chinovata, Kasirai kuti apedza, obvisa chombo kubva mukati mako kuti mubvise kondhomu kuti risavhinzira pamberi nokuti unokwanisa kuita mimba nourume hwaduruka mukondhomu. Bvisai kondhomu renyu moriputira muTISSUE moriisa mutoireti mudira mvura roenda. Kana uri munhu uya anofunga kuti urume hunoshandiswa pakuita mishonga, iwe uri murume, zvibvise Kondhomu rako wega uriise mutoireti wega.

Musi wekutanga unonetsa kuti hamuzivi kuti umwe ari kufungei nezvamaita. Pakatadziwa MANAGEMENT ipapa panozokunetsai mberi. Iwe unoda kuona murume achitaridzawo APPRECIATION yokuti ndiye akuvhura. Hino iye akasaita hanya nazvo zvichakushunguridza wobva wafunga kuti wakanganisa kusarudza munhu wekuita naye. Iyewo murume anenge ava kutofunganya kuti chii chichaitikapo nokuti zemo haachina saka fungwa dzadzoka.

Zviri nani kuudzana rudo nezvimwe zvinoita kuti murangarire chiitiko. Kana washaya chokutaura, rezva murume wako umuudze kuti zvange zvichigwadza asi iye ataridza kuti anohwisisa. Momboita nyaya nazvo motangazve kureruka pakutaura. Rambai muchitaura. Usarega kutaura. Udza murume kuti wafara kuti ndiye akuboora nokuti ndiye waunoda.

Kubva ipapa kusvika makore akawanda upenyu hwako hwatochinja nokuda kwezvaitika. Hauchina chokunyemudza murume uyu saka wava wake, chasara kuti rudo gwenyu guchikura. Izvi zvinoitwa nemi mese kwete newe chete. 

Kuitwa zvausingadi. 
Pamutemo wenyika dzakatsvangamuka, unobvumigwa kuudza murume kuti hauchadi kuti arambe achiita kana wachinja mafungire ako chero ange ava kutopinza chombo kana kuti atopinza. Akazoramba achiita iwe wati hauchadi, atova pachibharo saka ukaudza mapurisa anoenda kujeri.  Pano tiri kutaura nezvomurume wawapedza nguva naye uye waunoda zvokuti hauzosviki pakuda kumuendesa kumapurisa. Zvemapurisa zvinowanzoitwa nevakadzi vanhongwa kumabhawa vasinganyatsozivi murume uye pasina rudo. Vanhu vange vangoronga yokunovatana pakushamwaridzana kwavo, umwe wozoti haachadi.

Chokupedzisira:
Ndiwe unofanira kuzvisarudzira kuti wava kuda kubviswa umhandara, kwete kuti umwe munhu akusarudzire iwe. Vakawanda vanongobviswa bhurugwa nomurume votoiswa vakangoti zii, pane kuudza murume kuti hausi kuda kuvata naye.

Varume vemazuvano havanei newe somunhu. Akangokukwira pasina kupera awa imwe chete anenge ototumira shamwari dzake TEXT kwahi "Ndakwira hure riya raimboramba, ende haritombonaki. Hapana charinoziva. Ndarichemedza." Iwe ipapo unenge uchitoti zvandaiswa zvoreva kuti ndava kudiwa. Kana oda kuroora haatombokufungi anenge ane musikana wake waanoda akaboogwawo noumwe murume asi ari kumurambira kuti agofunga kuti imhandara. Benzi ndiwe.

Usabviswa humhandara nomunhu wausina kuzvisarudzira kuti akubvise
Usabviswa humhandara pasina kondhomu
Usabviswa humhandara nomunhu asingazikamwi kumhuri yenyu uye wausingazivi mhuri yake.
Usabviswa humhandara nomunhu ane mukadzi wakewo
Taurira mapurisa kana waitwa zvausingawirirani nazvo.

Ukadanana nomurume waunoziva kuti zveshuwa anokuda iwe uchimudawo, ziva kuti mukatanga kuvata mese musina kuroorana kana kuvimbisana zvinozikamwa nemhuri dzenyu, rudo gwenyu gunochinja zvokuti uchaita nguva yausinganyatsi kuziva kuti anokuda here kana kuti kwete. Varume vakawanda kana avata newe asvika paanoda saka shungu dzave shoma. RISK yokurambwa ndipo painokwira ipapo.

Ukaona une mukomana anogarokuisa puresha yokuti umubvisire bhurugwa iwe wambomuudza kaviri nekatatu kuti hausati wazvimirira kuiswa, ziva kuti rudo gwake rushoma. Ari kuda kukuisa chete zvopera zvakadaro. Murume ane rudo chaigo anoronga newe nyaya refu youpenyu ozoda kuvata newe mese maudza hama dzenyu pane nyaya yenyu. Zvimwe zvese zvava mundima yenyu, Chikoro, mabasa, rudo, uye kuti munozoitei mese muupenyu hwenyu.  Varume ve DRIVE-BY SEX ava siyanai navo. Usafunga kuti acharega kukuramba achiti nokuti wamuvhurira makumbo. Mvana dzese dzaunoona muraini dzine vana dzisina varume , ingari yokuti akaudzwa kuti ukaita mimba ndokuroora iye akafunga kuti pane rudo, ndokuvhura makumbo pasina kondhomu, ndokuiswa, ndokuita mimba, ndokurambwa.

Usaudzwa nhema. Tamba hako nemukomana wako asi ziva kuti ukabviswa humhandara zvisina kodzero ucharambwa. Varume vakawanda vanofungigwa nechombo. Anozotanga kurova hana iwe watobva humhandara kare.


YAMBIRO
Murume anoita zvesimba kubvisa humhandara haasi murume kwaye. Kana ukafunga kuti wabatwa chibharo unenge wabatwa chibharo zveshuwa. Enda uudze mapurisa. 

Chibharo (RAPE) chakasiyana nokuti mese muri kuda kubvisa humhandara hwako asi murume ongozofosera kuti panhu pavhurike iwe uchitya kugwadziwa. Kana afosera asi iwe wakatomuvhurira hako kuti apinze hachisi chibharo asi kungoti munhu asina tsitsi panguva iyi. Unofanira kumutsanangurira kuti kukugwadzisa hazvinakidzi asi wochimuudzazve kuti unomuda kuti asafunga kuti zvinhu zvachinja. Ugino pazvinhu izvi huri kwese kuvasikana nevakomana. Mukomana kana chombo chamira fungwa dzinoita shoma pakuva nounhu. Iwewo kana une zemo zvokuzorhizena kuti ndovhura ndakadii hazvipo. Chinangwa chenyu mese chinenge changova chokubatanidza pamberi kuti munakigwe. 

Ndizvo ndati itai nyaya yokutaurirana nechekare moronga mozoita zvamaronga kwete kungoerekana watorhojewa zvawange usingafungiri. Kana muchisvoda kutaurirana tauriranai pa WHATSAPP kana FaceBOOK mozopedzisa mavapo mese mapedza zvokuma TEST nezvekudzivirira mimba.

Taurai tihwe vane mazano ekupa vamwe.

Udzai vamwe!!!!
kutanga kusvirwa
kusvirwa musi wekutanga, 
magaro makuru
mazamu makuru
kuvhura mhandara nekondhomu
kuvhura mhandara
kubvisa humhandara
kuvhurwa 
kuboora mhandara
Musi wekutanga
rape
kubatwa chibharo





6 comments:

Anonymous said...

Ndonzwa vanhu vazhinji vachitaura kuti mukadzi haafe akakanganwa nyakumubvisa humhandara ichokwadi here ini handina kutombobvisa msikana humhandara asi ndakatoroora kare mukadzi wandakawana ainge atobviswa kare humhandara so hapana zvinozoitika here nemuchinda akamubvisa uyu sezvo tichigara kumusha kumwe chete?

Mai E Chibwe said...

Kana mukadzi akabviswa humhandara nomunhu anohwisisa kuti kuvata noumwe munhu zvinorev rudo, zvoreva kuti pakubvisana kwavo vanhu vane rudo. Iyewo kuvhura makumbo kwake kwaitiswa norudo kumurume waari kuvhurira, uye azvisarudzira kuvhura. Zvinonetsa kuti akangamwe nguva yerudo iyi, chero vakazorambana havo pakufambidzana kwavo.

Vakasangana pane mukana vanovatana futi nokuti askakubvisa humhandara ndiye murume wako chaiye. Zvikutru kana wakazvisarudzra wega kuti akubvise.

Asi kana akabviswa humhandara iri ngari tokubatwa chibharo. zvinosiyana mafungire ake pamurume wacho.

Hino mhomho yese imwe iri pakati nepakati pevaviri ava. Vasikana vakawanda vanoona sokuti akavhurira murume achazodiwa, obva abviswa humhandara orambwa. Experience iya yokurambwa nomunhu wawanga wada kuteya nechitubu, inoita kuti adzidza chidzidzo chinogwadza zvokuti haakangamwi hake asi hapana chinozoitika. Asi kana akazoshaya umwe murume ane rudo, anokwansa kusangana nebenzi riya ago vata naro futi achifunga kuti pamwe rungachinja fungwa paari. Uku kushaya njere chete pasinaei nokuti ndiye akamubvisa humhandara.

Anonymous said...

kana mukomana akabvisa musikana umhandara iye achibvawo ujaya vasati varoorana papera chinguva vozoroorana, musikana anobvisirwa mombe yechimanda here?

Mai E Chibwe said...

Iyi yaoma iyi. Asi anotobvisa chete. Vanhu verudzi gwedu kukara zvokuripisana izvi.
Utarise vana vacho kushaya unhu futi. Kuita sokuti vanotumwa nevabereki kuti enda undohura ndigoripsa vakomana vako.

Tindo said...

"Vakasangana pane mukana vanovatana futi nokuti askakubvisa humhandara ndiye murume wako chaiye."

Mai Chibwe, makasimba here. Ndaikumibirawo kubvunza kuti statement iri rinorevei?

Ndaikumbirawo kubvunza kuti zvinorevei kuti ukabvunza munhukadzi kuti waimbodanana nani otanga kuchema?

Zvinorevei zvekare akakurumidza kukuratidza kuhama neshamwari. Inini musi wandakatanga kuenda kunomuona akanditi ndiende kumba kwasekuru vake mufundisi first day. Taive tasangana pa college pavo 3 months earlier tikatanga kunyengana paphone. Ndiye nyakutanga kutaura neni asi ndaive ndatanga shamwari yake. Ndakazodanana naye kutanga paphone uye ndiye nyakutanga kuti "I love you". Zvinorevei kuti ndiye aisa effort yakanyanya apa. Handisi kuwira here apa, hapana chiri out of the ordinary here pa situation yakadai?

Mai E Chibwe said...

Kana waratidza musikana kuti unomuda, Chiregawo iye akuratidze kuti anokuda. Hapana chingahi chakaipa pakuda umwe munhu.

Musikana akachenjera haavanzi rudo kuhama dzake. Kana ukaona musikana achikuratidza kuhama dzake, ari kukuudza kuti hausi munhu anosvodesa. Uri munhu akakodzera kudanana naye saka ita manyawi panyaya iyi. Hapana chiri out of ordinary apa. Kana achikuda anokuda, zvokuti atanga kuudza umwe ndiyani zvine basa here. Kana iwe usingamudi ingomuudza kuti bodo handikuda. Kana uchimuda muudze mudanane.

Kuchema kwake kunoda kuti iwe umubvunze kuti ari kuchemei nokuti ndizvo zvisingahwisisiki. Vasikana vese havadaro ndiye chete asi kune vakawanda vanochema kana vanemufaro, vagumbuka, vashaya zvokuita, etc saka anokwanisa kunge ari munhu ane misodzi iri pedo.