Sunday 14 April 2013

Ndebvu pamukadzi

Kumera ndebvu uri munhukadzi

Ndiri kutsvaka zvikonzero zvokuti mukadzi anomera ndebvu dzinoonekwa ndigotsvaka kuti inyaya inogadzirika here.

Vanhu veChikaranga tikangoona munhu akasiyana nevamwe totoda kufunga uroyi, mushonga, kana chimwe chakaipa chakaitika pamunhu uyu kana kuti chaanoita. Murume anohi Ravhimoo K anogara nechokuno, ndakamuhwa achiudza shamwari dzake mbiri (imwe yacho ari saimba wangu) kwahi mukadzi ane ndebvu anonaka zvokuti. Ini zii zvangu ndiri kunyebera kuti handina kuzvihwa.

Kufunga kwakadai kunosersa hako asi hazvina kusiyana nomurume anoti mukadzi ane magaro makuru anonaka. Mufungwa make akana mukadzi ane chinhu chaanoda, akazovata naye anonakigwa nazvo nokuti ange achitarisira kunakigwa. Kune vanhu vanoti akaona murume/mukadzi werumwe rudzi obva atofunga kuti anonaka kupfuura werudzi gwake. Terera vanhu vachitaura pamusoro penyaya idzi unohwisisa kuti munhu wekune imwe nyika anoonekwa sokuti pane zvaanogona kupfuura vedu.   Saizvozvo ndebvu pamukadzi  dzine chadzinoratidzawo kune vamwe.

Dzinombokonzegwa neiko?
Ukatarisa varume nevakadzi unona kuti vanhu vakafanana pane zvakawanda

Mukadzi ane munyatso nemazamu, murume ane minyatso chete
Mukadzi ane ganda rakaurungana pese murume aneganda rakaurungana pamwe
Mukadzi ane bhinzi, murume ane chombopanzvimbo imwe cheteyo.
Mukadzi ane matinji, murume ane mabhora panzvimbo inwe cheteyo
Mukadzi ane chitubu, murume ane mutsetse unoratidza kuti akasonwa paiva nechitubu.

Mukadzi nomurume vese vane maHormone akafanana asi kungoti pakukura kwavo vanosiyana kuwanda kwemahormone acho. Ndizvo zvinozoitisa kuti umwe amere ndebvu umwe achishaya ndebvu. Vese vanomera choya asi kune vanhukadzi vakawandisa vanongomera tumvere tushomanana pasina chaungati choya. Kozoitazve vamwe vanongomera choya pakatenderedza bhinzi chete kumwe kwese kusina. Kozotizve mamwewo nanomera choya pamberi nomuzvidya zvokuti vanotogera nguva nenguva. Saka vakadzi vakasiyana kuwana kwevhudzi pamuviri wavo.

Varumewo vamwe vanomera ndebvu pachirebvu chete. Vamwewo vomera pachirebvu nokumativi kutoputira zheve. Vamera kumeso pahuro, pachifuva, maoko nemakumbo. Saka tinoona kuti vanosiyana.

Chikuru ndechokuhwisisa kuti vhudzi pamuviri rinowanikwa pese pese. Pamwe rakawanda nokureba zvokuti rinoonekwa pamwezve ishoma uye harionekwi. Ukatarisa chirebvu chomukadzi ne MAGNIFYING GLASS uchaona kuti mukadzi wese ane ndebvu asi hadzionekwi. Ukatarisa pamaoko emurume nomukadzi vese vane vhudzipo asi romukadzi harionekwi sezvinoita romurume.

Pano nyaya inoshamisa vanhu ndeyokuti mukadzi anozoita ndebvu dzinoonekwa. Kune vakadzi vanoita ndebvu mbiri kana nhatu pachirebvu. Kozoti vamwe vanoita dzakati wandei. Kozoti vamwe vanongoita pasi pemhino. Ndiyo nyaya iri pano kuti zvaitiswa nei uye zvinorevei paukadzi hwemukadzi uyu.

Kune vanotarisa ndebvu idzi vanoona zvakasiyana nezvinoonekwa nomuviri wemukadzi anadzo. Vanoona mishonga, kunaka, kuroya, kuita chisionekwi.  Vam wezve kwahi ndebvu dzomunhukadzi dzinorapa zvigwere. Ukaenda kuZinatha unokwanisa kutotengesegwa chobhodhoro chine ndebvu dzomunhukadzi. Kwahi dzinounza rudo.

Zera romukadzi pakumera ndebvu:
Vakadzi vakawanda vanoita ndebvu vanodziita zvikuru vapfuura makore ekuzvara, maHORMONE ochinja kuwedzera echirume. Ndiyozve nguva inoti pamwe unoita zemo asi chitubu hachinyorovi. Asi vamwe vashomanana vanongoitawo ndebvu chero vari vezera diki. Ukaona vakadzi vechiINDIA vakawanda vane ndebvu

Vedu variko vanoita ndebvu vari vanana asi pamwe unoona ane ndebvu mbiri kana nhatu. Ukatarisa pakadai unoona kuti payamera pane bundu dikidiki. Rikanobviswa iroro ndebvu yacho haizomeripo futi.

Woita sei kana une ndebvu usingadzidi? 


NYAYA IRI KUENDERERA MBERI


No comments: