Friday 5 April 2013

Kudzingwa pamusha wako nehama dzomurume

Muchikaranga kune vakawanda vane Authority yokudzinga muroora pamusha pake kana murume ashaika kana kuti murume ari munhu akangoitawo fuza zvokuti haazivi chaicho chaanoda muupenyu hwake, anotomirira kuudzwa nehama dzake.

Pano toda kumbotarisa kuti pane zvaunokwanisa here kuita kana waudzwa nehama dzomurume kuti chibva pamusha udzokere kwako. Mazuvano zvinoitika here?

Hama dzinokwanisa kudzinga muroora dzinoti:
Hazvanzi dzemurume
Vanunguna vemurume.
Vamwene mai vemurume.
Baba vemurume

Ukaona mubereki wemurume ada kudzosera muroora kwake pane chaitika kuti mubereki uyu aperegwa, haachazivi zvokuita.

Chinhu chikuru chaiitisa kuti muroora adzosegwe kwake ndechokuti murume wake ashaika asi pamusha hapana mununguna kana muzukuru (mwana watete vemurume) anokwanisa kugara nhaka. Hama dzomurume dzinotarisa kuti zera romukadzi riri papi. Kana achiri wechidiki, vanoziva kuti munhu anofanira kuva nomurume, votsvaka kumudzosera kwake kuti akwanise kunyengwa nevamwe varume. Nyaya inofanira kurongwa ndeyokuti vana vaasara anavo pakashaika murume vanofanira kusara pamusha voreriwa naanambuya nasekuru.

Pakadai panonetsa kuramba kuenda asi muroora anopiwa mukana wekuramba. Anokwanisa kuvaudza kuti anoda kurera vana vake ari pamusha ozodzokera vana vakura, kana kuti anokwanisa kuramba zvachose. Zvadaro haazokwanisi kunyengwa nevamwe varume ari pamusha uyu. Anokwanisazve kudoma murunyana kana muzukuru achiri chimwana chidiki kuti ndiye waachamirira. Hazvirevi kuti anoda nhaka yechimwana ichi asi kuti iTOKEN murume kuti vamubvumidze kugara.

Hazvanzi kana vanunguna vemurume vanokwanisa kudzinga muroora panguva yavadira. Kunoti kana vamupomera mhosva kana kuti murume wake ashaika vabereki vari vanhu vasina simba, hazvanzi dzinokwanisa kudzinga muroora.

Nyaya iyi mazuvano inonetsa nokuti mutemo wenyika wasiyana nomutemo wechiKaranga. Pamutemo wenyika pane kuroorana pamutemo kuviri. Kunoti COMMON LAW kureva kuti mombe youmai yakabviswa asi hamuna kuzonopiwa tsamba yomuchato kuKanzuro. Kozoti kana mune tsamba yomuchato.

Pakadai mutemo unoti kana manga makagarisana zvakadai murume akashaika, zvese zvepamusha zvinosara nomukadzi. Hama dzomurume hadzinei nazvo. Saka pane CONFLICT pamitemo yedu yechivanhu nemitemo yenyika. Hwisisa kuti pakadii ipapo nokuti une simba rokusungisa munhu anouya achikuitira masaramusi asina basa pamba pako murume wako ashaika. Zvikuru kana une vana.

Kana maroorana zviye, iwe nomurume wako hwisisai kuti mutemo unoti kudii. Pakaitika chakaipa terera kutaura kwehama dzake parufu kana kuti pakuzokuvhakashira. Mukachengeta murume wako, iwe uchaona kuti kazhinji hama hadzinei nokuti vana vochengetwa sei. Iwe ndiwe unotofunganya nazvo. Hama dzinongoda kuziva kuti achadya fuma yehama yedu ndiani? Zvokuti zvasiigwa mukadzi nevana hazvifungwi. Potizve hapana anokufungira kuti wadyei nhasi kana kuti vana vadyei. Izvi zvinoitika nokuda kwekuti murume wako pamwe ndiye ange achitochengeta hama idzi. Pakushaika kwake vanoona sokuti vakawana zvinhu zvaange anazvo vanokwanisa kufambira mberi. Havahwisisi kuti zvausina kushandira hazvigari.

Mukaroorana paya, usabvuma kutenga imba zita rako risipo pamapepa emba. Pamutemo musha ndewenyu mese chero makaroorana zveCOMMON LAW kana zvetsamba yomuchato. Kana zita rako riripo pamapepa hazviiti kuti imwe hama inoribvisa iwe usina kusaina.

Murume akashaika iwe mirira vasingazivi mutemo vaende kukoti kunoti hama yedu yashaika. Vakasakuudza kuti chii chavari kufunga iwe tsvaka LAWYER ugadzirise nyaya yako pamutemo. Kasira kupa LAWYER tsamba yomuchato kana unayo. Kana usina taurira Lwayer nyaya yese nokumuratidza ma BIRTH CERTIFICATE evana kuratidza makore amange muri mese uye kuti mune vana vangani. Kasirazve kunotora DEATH Certificate wotaridza vese kubva kuBank kusvika kune vemaBILL emvura, magetsi, nezvimwe. Kana mange mune MORTGAGE yemba chinja zita pasare pane zita rako chete.

Mamirire akaita mutemo wedu muZimbabwe zvinoita kuti kana munhu akatsvaka maWITNESS akawanda, anokwanisa kureva nhema kusvika pakukudzingisa pamusha wako zviri pamutemo chaizvo. Paunozotsvaka APPEAL imba inenge yatotengeswa iwe nevana usisina kwekugara. Uya watengesa anenge atoshandisa mari saka chero ukamusungisa hapana chaunowana.

Mazuvano vanhu vakawanda vanofamba zvakawanda kusvika kunyika dziri kure. Pakufamba uku zvakawanda zvinoitika. Bhazi rinobheuka, Mota inobondera, Ndege inotadza kumhara zvakanaka. Vanhu vanokwanisa kushaika vasingazvifungiri uye pasina ugwere. Izvi zvinotiudza kuti ngatigare takagadzirisa upenyu hwedu kuti chinenge chaitika pasawana umwe munhu anouya okuudza kuti ndiye muridzi wemusha wako

Hwisisai mitemo yedu yechivanhu kuti inofamba sei uye yakaitigwei. Hwisisaizve kuti muroora anoonekwa seasiri hama yepamusha apa. Usagara ichifunga kuti hakuna chinokusudurusa paugere. Hwisisa upenyu. Munhukadzi fungwa kazhinji hatina. Unoona iwe uchitukana nehama dzomurume wako asi uku uri kutukanawo nevaroora vako kuita sokuti hauna kuhwisisa kuti muroora wako akafanana newe zvauri muroorawo kwawakawanikwa.

Garazve uchiziva kune mapepa ezvese zvepamusha pako uye kuti mari dzinofanira kubhadhagwa dzakabhadhagwa saka umwe wenyu akashaika hapana chinowanikwa chisipo.

Udzai vamwe!!!!!!

Vanotaura taurai tihwisisane nokubatsirana.


No comments: