Tuesday 9 April 2013

Ndiri kuda midziyo yangu Mitsva yese kana wada kundiroora

Pachinyakare pedu taiti kana murume akaroora mukadzi, mukadzi anouya pamusha otanga agara namai vemurume kwekanguva, ozovakigwawo imbayake ogaramo. Pakunopinda muimba yake apa aipiwa midziyo yokushandisa namai vemurume, asi midziyo iyi isina kukwana. Iye ozowedzera paanowanira mari yokutenga midziyo iyi. Pakuti midziyo tinotaura zvinhu zvakaita seizvi:

Ndiro
Madhishi
Poto nehari
Kapu
Zvipunu
Bhavhu tokugezera nokuwachira
Mbhedha
Wodhiropu yenhumbi
Masofa
TV
Maketeni
zviri zvinhu zvinoshandiswa mumba. PaLIST apa ndanyora zvinhu zvese zvinohi ndezvemukadzi zvokuti paanofa zvinozotogwa nehama dzake. Asi onai kuti zvimwe zvacho ndezvechimanjemanje zvange zvisipo kare mitemo yedu ichirongwa.

Saka nyaya yndinodawo kumbotaura nezvayo ndeyokuti murume anofanira kuita sei kana ane imba kare akada kuroora. Nyaya iyi inobva pakuti vasikna tinokura tichidzidziswa kuti pakunotanga musha nomurume zvinokupa munyama kana ukashandisa midziyo yawawana iri mumba momurume kana ari munhu ane imba kare.  Rairidzo yi yakaitwa kuti iwe usawana mukana wokunovata pamubhedha wakambovatwa nehure remukomana kana umwe musikana imbovatapo iwe usati wanyengwa. Usachengetera nhumbi dzako pakambochengetegwa dzeumwe. Usagezera maoko kana muviri mubhavhu rakambogezegwa noumwe.  Nyaya iyi irairidzo yakanaka chose kana tichitarisa magarire iita vakuru vedu.

Murume airoora mukadzi ari mhandara iye ari jaya. Kana asiri jaya aikuudza kana kuti hama dzako dzaitoitawo INVESTIGATION kwenguva kuti vazive kuti akambonyengana nani zvikazoita sei. Vakuru vedu vange vachikoshesa umhndara noujaya uye ukama hwevanhu. Kuti uvhengane nevakadzi ve NATIONAL SERVICE zvange zvisingabvumigwi pamunhu akawanikwa.

Mazuvano isu vasikana hatichina mirairo yakadai. Unotohwa musikana achipopota kushamwari dzake kuti mukomana wake haagoni kumukisa kwenguva yakareba asati amukwira saka zviri kumubhowa. Ukaterera unhwa oti mukomana waambova naye kare ange ari nani pakukwira pane uyu waanaye mazuvano. Zvadaro unozohwa ava noumwezve oda kushambadzira muchato. Zvinoreva kuti ambovata neava vaviri kana vatatu asati awanikwa.  Hino adaro ange achivata pamibhedha yevakomana ava achiti akamukirana nomukomana usiku akadiridzigwa urume anongovhinzirapo achinyorovesa mubhedha uya nemattress yawo. Mangwana anowacha mashitibheta mattress haina wawacha. Mukomana uya wozoroora umwe musikanawo abva kwaabva kwaakavhinzira urume usiku avete, kwaasiya mattress isina wawacha.

Vasikana ava havafaniri kuuya pamusha wemurume voti vanoda kuti zvese zvomumba zvive zvitsva. Vanhuwo vane experience yokurhojana nevarume pamibhedha yakatomborhojegwa vamwewo vasikana saka nhasi chasiyana ipapo chiilko?

Mhandara:
Mhandara inokwanisa pamutemo kuudza murume kuti inoda zvitsva mumba asi ngatitange taongorora nyaya iripo. Kare varume vange vasingaiti dzimba vasina vakadzi. Vairhenda Rhumu imwe chete pamusha weumwe. Iwe waiti uchinyengwaunonobikira mukomana wako tii mukicheni yamai vemba woenda nayo kurhumu yemukomana wako moridza gramafoni yenyu muchipota muchikisana makagara pamubhedha muimba isina cheya.

Mazvano varume vakachenjera vanongoti kuwana basa nokutotenga zvinhu zvomumba, Ipapo anenge achirhenda koteji yese ine marhumu matatu. Iwe kuzonyengwa koteji unowana yakatozara nemidziyo. Padaro nyaya dzemari munyika yedu ndokutenderedzwa ndokusvika pakushaya mari yakakwana. Uya ane imba yake izere zvinhu, vasikana vaaimboratidza mari haachavawani. Kwasara imi verudo chete. Iwe ukanyengwa naye mukasvika pakuda kuroorana, uchakwanisa here kumuudza muromo wekuti unoda midziyo yako mitsva, uye unoda izvi zvirimo zvibviswe zvitengeswe?

Pashaika hamakadzi yenyu
Imwezve nyaya inoenderana neiyi ndeyokuti mwana wenyu akashaika kwaange akawanikwa, munosunga mombe pangoro monosenga midziyo yake mouya nayo mogovana pachenyu mosiya mukuwasha asina chaanacho mumba asi ndiye afigwa nomukadzi asiigwa vana pamusha. Vana vanoda kudyira mundiro, vanoda kubikigwa, vanoda kuwachigwa. Kana midziyo isipo zvinofamba sei? Muri kufunga kuti aite sei muupenyu hwake nevana.

Kuona kwangu imwe mitemo yechivanhu ngatiite zve TOKEN chete mazuvano. Toita tichiziva kuti vana vasiiwa nehama yedu vazukuru vedu vatokanganisigwa upenyu hwavo nokufigwa. Ngatisavawedzera nhamo.

Regai ndimbomira apa nditerere vanopa mashoko avo pano kana pa EMail, ndigowedzera.



1 comment:

worldw MOHAMED said...

Mhoro munhu wese,
Ini ndinonzi Mr, Rugare Sim. Ini ndinogara kuHolland uye ndiri murume anofara nhasi? uye ini ndakaudza wangu pachangu kuti chero mukweretesi anonunura ini nemhuri yangu kubva kune yedu yakaipa mamiriro, ini ndichatumira chero munhu ari kutsvaga chikwereti kwaari, akapa mufaro kwandiri nemhuri yangu, ini ndakanga ndiri kuda chikwereti che € 300,000.00 yekutanga hupenyu hwangu pese pese ndiri Baba vasina vana ndine vana 2 ndakasangana nemurume akatendeseka uye Allah anotya murume chikweretesi chinondibatsira nechikwereti cheUS $ 300,000.00, iye ndiAllah anotya murume, kana muchida chikwereti uye iwe uchazodzosera chikwereti ndapota taura naye muudze kuti (Mr, Rugare Sim) akutumira kwauri. Bata Mr, Mohamed Careen kuburikidza neemail: (arabloanfirms mase@gmail.com)


TARIRA KUSVIRA MAHARA
Zita rokutanga......
Zita repakati.....
2) Ngochani: .........
3) Mari Yechikwereti Inodikanwa: .........
4) Kubhadhara Chikwereti: .........
5) Nyika: .........
6) Kero Yepamba: .........
7) Nhamba Yenhamba: .........
8) Email kero ..........
9) Mari Inowanikwa Mwedzi: ...............
10) Basa: ...
11) Ndeipi saiti iwe iwe yaunoitira pano nezveus ………………… ..
Kutenda uye Zvakanakisa Zvibereko.
Email (arabloanfirms mase@gmail.com)





Hello Everybody,
My name is Ahmad Asnul Brunei, I contacted Mr Osman Loan Firm for a business loan amount of $250,000, Then i was told about the step of approving my requested loan amount, after taking the risk again because i was so much desperate of setting up a business to my greatest surprise, the loan amount was credited to my bank account within 24 banking hours without any stress of getting my loan. I was surprise because i was first fall a victim of scam! If you are interested of securing any loan amount & you are located in any country, I'll advise you can contact Mr Osman Loan Firm via email osmanloanserves@gmail.com

LOAN APPLICATION INFORMATION FORM
First name......
Middle name.....
2) Gender:.........
3) Loan Amount Needed:.........
4) Loan Duration:.........
5) Country:.........
6) Home Address:.........
7) Mobile Number:.........
8) Email address..........
9) Monthly Income:.....................
10) Occupation:...........................
11)Which site did you here about us.....................
Thanks and Best Regards.
Derek Email osmanloanserves@gmail.com