Wednesday 10 April 2013

Shamwari inonyeya murume/mukadzi wayo

Zvinonzi izvo mukuroorana
1 Muroora anosvika pamusha asina zvaanoziva ozotora zvaaudzwa nomurume wake ozvishandisa kumhuri yomurume.
2 Murume anoroora asina  zvaanoziva ozotora zvaaudzwa nomukadzi wake ozvishandisa kumhuri yomukadzi.

Apa ndiri kuti imi vaviri ndimi munoudzana zvinhu zvisina kufanira kuti muudzane, kozoti yave imwe nguva iwe nyakuudza munhu wohwa zvawakamuudza zvava kushandiswa kutaura hama dzako nemaitire adzo. Asi hama yako huru munhu waunodya naye, waunoseka naye waunobvisira bhurugwa, waunovata naye, waunokwenyana panovava naye. Ndiye hama yako huru iyeye.

Iwe ukahwisisa pkadai ukaziva kuchengetedza zvinoitika mumba mako, ukazoita shamwari inouya ichikuudzawo zvakadzika zvinoitika mumba make, ibasa rako seshamwari kumutsiura nokumuvake kuti imba yake imirewo zvakanaka. Nyaya dzinoudzwa shamwari dzakawanda senyaya dzisingaudzwi shamwari. Iwe muridzi unofanira kuziva kana nyaya yawaudzwa yapfuura panofanira kuti uzive. Zvadaro rega kukasira kudzivisa shamwari yako kukuudza zvaanoda kukuudza. Dzidzsa munhu zvinhu zvishomanana pazuva. Uri kuda kuti munhu ahwisise musoro wenyaya, ukaita APPROACH yembwa inoruma yokunguti ikaona chaisingadi pamba yoruma, zvinoreva kuti uchacheka ukama neshamwari iyi, obva ashaya munhu anozomudzidzsa zvokuvaka musha wake.

Munhu anonyeya umwe wake achitaura zvakaipa zvese zvaanoita kushamwari dzake munhu anofanira kuhwigwa tsitsi kwete kutukwa. Mazuvano kune vanhu vechidiki vakawandisa vakashaikigwa nehama dzaifanira kuvadzidzisa nyaya dzoupenyu. Saka hazvishamisi kushamwaridzana nomunhu asinhahwisisi kuti musha wakamiswa nenyaya ye CONFIDENTIALITY.

Kana iwe munhu akaita rombo rakanaka ukadzidzswa, washamwaridzana nomunhu akadai, iyewo atoita rombo rakanaka kuva newe. Chitanga kurondedzera zvinyoro nyoro kuti abate musoro wenyaya agoutevera kusvika kumuswe.

Tese tinofarira makuhwa nenyaya dzinoita sokuti dzine zvakavanzika madziri (SECRETS) Kana uchida kukasira kuita shamwari, muudze SECRET yako. Asi pano ndiri kuti kana secret ichitaridza kuti iye wacho ari kukuudza haasi kuvaka upenyu hwake zvakanaka, iwe pindira ubatsire.

Dziripo nyaya dzatinotaurirana isu vanhukadzi dziri dzemumba, sokuti umwe ari kuda kuwedzera ruzivo gwemaitire erhoji mumba make kana kuti murume wake akamukumbira zvinhu zvaanofunga kuti zvinotyisa ouya okubvunza kutio oita sei. Iwe ipapo waziva chinhu chiri Confident mumba mavo asi waisazopa mazano dai usina kuziva. Toti shamwari yako yakumbigwa nomurume kuita zvaasina kumbohwa kuti zvinoitwa sokuti

Murume anoda kumunanzva pamberi
Murume anoda kumupinza kumashure
Murume ari kumuti amubatebate chombo etc,

Iye ari kutya kuzviita ouya okubvunza iwe seshamwari kuti panadai oita sei. Iwe ipa hako mazano ako asi hapana chawaudzwa chisingavaki musha kana kuti chinoputsa musha. Nyaya dzapano ndedzinoputsa sokuti shamwari yokuudza kuti murume ane basa rinosvodesa. Mai vomukadzi wake vakabatwa vachihura, murume/mukadzi anotambira mari yokuti, etc. nyaya dzisingaudzwi vanhu.

Ndiri kuti Tsiura shamwari yako ugomudzidzsa kuchengetedza INFORMATION yomumba make zvakanaka kuti murume/mukadzi wake achifamba muraini renyu aonekwewo ari munhu ane chiremera. Iyewo achikuona anoona uri munhu ane chiremera. Ndizvo zvinovaka mese muraini.

Ushamwari husingavaki dzimba hunoputsika nokukasira. Ndipo muchizoona vanhu vanohi shamwari vachihurirana nevakadzi/varume vavo, mashoko aya awange uchimuudza asingavaki obva abuda pachena. Vanhu vakaffa vakawanda nokuda kwekuhurirana uye kuti ukaona murume weshamwari yako achihura wotadza kuudza shamwari kusvika yabata chigwere kusvika pakuzofa asi iwe wakazviona kubva pakutanga. Hapana chawakasiyana nomurume wacho akamupa chigwere. Mese muri mhondi nokuti dai aiziva dai ari mupenyu.

Muupenyu hwamazuvano husina nguva yakawanda yokuhuvaka, kana waona pari kukanganisa hama yako, zama kupagadzirisa usingakanganisi ukama hwenyu.

WEDZERAI VANOWEDZERA!!!!!!

No comments: