Saturday 15 June 2013

Kusunga/Kusungwa

Nyaya yomukadzi/murume  anohi akasungwa inyaya inoda kuongorogwa zvakanaka kuti vanhu vahwisisane nokuti kune vanhu vanoudza vamwe nhema pazviri. Vanotaura vanoti ivo:

Kune varume vanosunga vakadzi vavo nomushonga wekuti kana umwe murume akada kuvata naye, chombo chake hachipindi mumukadzi chero zvodii.

Koitazve vakadzi vanoti akasunga murume wake, murume akada kuhura chombo hachimiri.

Tichitarisa panyaya iyi tinoona kuti zvokutadza kumira chombo zvinoitika chose kumunhu asingasihuri kana ada kuhura asi achida mukadzi wake. Imwe nyaya inonetsa pakusamira kwechombo ndeyokuti kana murume akaona kuti chombo hachisi kumira asina kumbozviona zvichiitika, anobva atotyiswa nazvo, obva atadza kumira zvachoseZvinonzi akazoonanazve nomukadzi iyeye anonetseka kumira chombo.
Mukadziwo akazama kuvata nomurume wokuhura naye iye asina kumbohura upenyu hwake hwese zvinoitika kuti murume anotadza kupinda zvakanaka. Pamwe vanopedzisira vatadza kuisana zvachose. Pamwe haanyorovi iri nyaya yokutya kuhura.

Kana nyaya dzakadai dzozotaugwa kubhawa kwahi akazama kuvata nomukadzi akasungwa ndokutadza kupinza. Ipapo muridzi wenyaya anenge achitya kusekwa kuti akatadza kupinza chombo saka oda kupa mhosva kumukadzi kuti mukadzi ndiye anga akasungwa.

Hwisisai kuti dai zvaikwanisika kuti unosunga murume/mukadzi wako kuti asambokwanisa kuvata noumwe munhu dai vanotengesa mishonga yacho vari vafumi zvakangofanana navaya vanotengesa madhirezi emuchato ne sutu dzemuchato nokuti pamuchato umwe noumwe paitodiwa mushonga uyu kuti upihwe vanhu vaviri. Unochaja mari chero yawada.

Chimwezve ndechokuti zvigwere zvechihure dai kusina munyika yedu. Waingoti ukafunga kusada kubata chigwere, womhanya wonotenga mushonga wekusunga murume/mukadzi wako. Munyika medu dai mune vanhu vosvika mamiriyoni 20 kupfuura nokuti dai pasina akafa nezvigwere zvechihure.
Masimoro housi dai kusina zvachose. Varume dai vachitsvaka kugutira mudzimba dzavo. Mari inobhadhagwa zvimahure izvi dai ichiendesa vana kuchikoro nyika yese ine vanhu vakadzidza.
Vana vanozvagwa murume atiza dai kusina nokuti murume wacho aisazokwanisa kuvata noumwe mukadzi asiri wake.

Makambani emunyika yedu anopedza mari achitirena vanhu vanoti atirenwa oenda onofa nechigwere kambani iya yotangazve kutirena umwe, dai kusina. Mari yese yokutirena iyi yaizoshandiswa pakuwedzera basa kuti vakawanda vawane mabasa. Kana ukatarisa nyaya yokusunga murume/mukadzi iyi unoona kuti zvinoitika kana vanhu vasungana pamuchato wavo zvinobatsira nyika yese uye mazera ese evanhu.

Zvazvinoreva:
Nyaya iyi ukaitarisa takarerekera kunyaya yemari yenyika nenyaya dzemabasa nokugarisana zvakanaka tinoona kuti vatongi chaivo venyika vaikwanisa kutsvaka vanhu vanotengesa mishonga yakadai vovaudza kuti vawedzere PRODUCTION LINE yemishonga yavo kuti nyika yese ikwane. Taizoonazve EXPORT MARKET yenyika yedu pamishonga iyi yawedzera zvokutokwanisa kutengesera nyika dzese.

Chinoitisa kuti zvinhu zvese izvi zvisavako ndechokuti inhema dzatinoudzana mumabhawa nepamusika. Ukaona munhu anoda kukutengesera mushonga wakadai ziva kuti imbavha. Nhema dzinokasira kufamba kupfuura chokwadi. Ukaonazve wada kutenga mushanga uyu hwisisa kuti uri munhu akapusa chose. Kupusa kwakadai kunoitiswa nokushaya zvokuita nomurume/mukadzi wako ari kukuhurira, zvikuru nokuda kwekuti haasi kuguta mumba. Zviri nani dai wafunga kuti ungagutsa murume/mukadzi wako sei.

Chitubu chomukadzi kana chombo chomurume hachikwanisi kusungwa noumwe munhu kuti chisashanda. Iye muridzi wacho ndiye anozvisunga ne PSYCHOLOGY yake panyaya dzokuhura. Zvese zvinoitika munyika yedu zvinoitika mune dzimwe nyika pasina kana nyaya dzokusungana dzinotaugwa. Nyika dzese dzine vanhu vasingamiri chombo kana kuti vanotadza kupinzwa chombo nomurume iri nyaya yokutya.
Condition inoitisa kuti ungozoti wava pakuda kuhura wotadza kuzviita chinohi SEXUAL Anxiety  

Uchashamisika kuziva kuti murume wako waunofunga kuti akasungwa, aka jairirana nomukadzi waari kuda kuvata naye, anopedzisira avata naye chete kutonakirana zvokuti. Kozotiwo mukadzi wako waunofungira kuti wakasunga, akasafunganya nokuda kuhura anongopedzisira avata nechikomba chake chete, kutochemererana nokubatirirana nokupiwa urume. Apedza otopukuta chombo chechikomba sezvaanongoita kumba. Iwe uri kubhawa uchifunga kuti mukadzi haapinziki chombo noumwe murume. Ndiwe fuza.

CONDITION iyi inorapika zvokuti vakawanda vanorapiwa pazviri nokuti zvese izvi zvinokwanisa kuitika pamukadzi nomurume wake. Saka dai uri mushonga dai zvisingarapiki.

Ukaona munhu anofamba achiudza vanhu kuti nhingi akasungwa ziva kuti nyakutaura ugino zvake anotodawo rubatsiro.

Asi kune vanhu vanoda kuti utye kunyengana nomurume/mukadzi wake uchifunga kuti ane mushonga. Muchirudzi chedu nyaya dzemishonga dziri kwese kana kubika sadza chaiko kunoda mushonga kana muporofita mazuvano nokuti vanhu vava kurarama upenyu huzere nhema. Ukaita NURSE kana DHOKOTERA ukashanda kune imwe nyika gara wakachenjerera kuti ukaona munhu ane CONDITION yakadai ukamuudza kuti akasungwa unodzingwa basa.

Kana une mushonga wekusunga munhu nawo, ndinyorere kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk  tikugadzirire mari yakawanda kupfuura yese iri muZimbabwe. Ma kasitoma akawanda munyika dzese dzepasi.


Verengazve apa:

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/kutadza-kubuda-mumukadzi.html

CHALLENGE!!
Kana une chokwadi kuti unoziva kuti kune mushonga wekusunga murume/mukadzi wako, taurirana nomurume/mukadzi wako munotora mushonga uyu mugotiudza kuti mava nawo. Tinokwanisa kukuwanirai mari inopfuura USD one million pagore rimwe nerimwe kusvika mese mafa. Kana kune munhu anotengesa mushonga wakadai munotouya naye munhu iyeye mese naiye munowana mari yakawanda chose.

Kana iwe uri munhu wacho anotengesa mushonga uyu, zvinoreva kuti unoda mari, OTHERWISE dai usingatengesi. Saka tiri kuti kana uchida kuita Millionnaire gore rino risina kupera, uya titaurirane iwe neumwe noumwe wemhuri yako munge mava ma millionnaire panosvika kisimisi.

Asi uchaona kuti vanotengesera vanhu mishonga yakadai havabudi pachena kutaura nezvazvo nokuti vanoziva kuti mishonga yavo ndeyenhema. Kana iri inoshanda munhu anongovhura SHOP yake ototengesa. Hakuna mutemo unodzivisa munhu kusunga mukadzi/murume wake. Hakunazve mutemo unodzivisa kutengesa TECHNOLOGY yacho. Ikozvino dai Zimbabwe ine HUGE EXPORT MARKET ye technology dzakadai.

Kana uchiziva mushonga wekusunga umwe munhu kasira kutiudza tikubatsire kuita BILLIONNAIRE.
Ukanotenga mushonga uyu nemari inoita USD$1000 tiudze uye utiratidze munhu akakupa mushonga uyu.

Challenge iyi ndeye nguva yese (LONG STANDING) saka chero pawaiwanira ukaigona uya tikubatsire kuita mari.


Udzai Vamwe!!!!
kusunga murume
Kusunga mukadzi
Kunamirana nomukadzi wemunhu
Kurambira mukukadzi wemunhu
Chombo chisingamiri
kusamira kwechombo





11 comments:

shepherd said...

Hmm apa pane nyaya apa. ku science hakushaikwi explanation but chishona chinenge chiriko futi. Handisi munhu anonyanya kufunga nezve chivanhu asi nyaya dzacho dzawanda. Ku Kenya kune imwe yakaitika gore raka pera yainzi ( Man got stuck on a married woman)ikatobuda video yacho pa internet kuno ku Zim kune nyaya isina video yemwana ane makore 16 akanamira na amai wane 36 makore. Zvimwe tisu tinochiwanza chivanhu asi zvinenge zvirikuitika kwese kwese muno mu Africa.
Hameno isu tinenge tisina ma facts chaiwo zvimwe kunyeperwawo ne vanenge wachida kuita mari.

Mai E Chibwe said...

Ngatitange tatarisa kuti chinohi chivanhu chii. Zvikuru ukahwa munhu achiti NDEZVECHIVANHU, anoreva kuti zvine MYSTERY mukati saka vashoma vanozvihwisisa, uyezve zvinongoitika kuvanhu vatema.

Kana zvazoonekwa kuti zvinoitika kumarudzi ese hazvichisiri zvechivanhu. Nyaya yokurambira inoitika kunyika dzese, hazvinei kuti iKEnya, Zimbabwe, USA, UK, China, Australia, chero. Cghinozoitika ndechokuti pazvaitika pane vanhu vatema vanokasira kuti paita mushonga asi chokwadi chiri chokuti hapana mushonga unoitisa zvi muZimbabwe wozohi wazviitisa kune imwe nyika isingatombozivi kuti kune mishonga.

Tanga waverenga apa pakahi CHOMBO KURAMBIRA MUMUKADZI.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/kutadza-kubuda-mumukadzi.html

Anonymous said...

Mmmm, iyi nyaya ndakaitarisawo ini nerumwe rutivi, taking it frm a different angle. Handisi anofarira kutaura nekubvuma zvechivanhu nguva dzese asi ndinoda kuti nditi kusunga, kusungwa, runyoka zvinhu zvinofanira zviriko. You see the problem with african science is that we dont have tangible evidence plus records. But the truth is those things are there and if you happen to be the unlucky one yu can be caught on crossfire. We as Africans, we are trying to adopt western ways plus as Christians, its some sought of a sin, so many people dont wanna go that way if understand what am trying to say.

Anonymous said...

Mubvunzo wekutanga watinofanira kupindura ndewekuti mushunga uriko here.ini ndinobvuma kuti hongu iripo asi haisi yose inoshanda. Ini mbuya vangu vakabereka babawangu viva nawo mushonga wokuti wese aiba mumunda mavo waiwanikwa arimo ashaya kwekubuda nako. Vaizoti vakamurova neshamhu obva bengenuka. Dambudziko nderokuti hapana wavakasiyira mushonga uyu.

Mai E Chibwe said...

Asizve tinofanira kutaura kuti sei zviitiko zvakadai zvichiitika kune dzimwe nyika dzisingambofungi kushandisa mishonga.Kuitrika kwazvo kwakangofanana kana tichitarisa paPERCENTAGE yevanhu vanozviwana tinoona yakangofanana kureva kuti kana mushonga uripo hausi kuwedzera vanhu vanobatwa nemishonga iyi. Kana pane anokwanisa kupindura ipapo ngaapindure. Nyaya yomurume kurambira mumukadzi inoitika kwese kwese. Freequency yacho ndiyoyo imwe chete. Saka zvinorevei?

Anonymous said...

mishonga iriko veduwe, ikoko kune dzimwe nyika inenge yava kunzi 'vodoo' isu kunowo toti chivanhu.

Mai E Chibwe said...

Kana iriko chitiratidzai munhu umwe chete anokwanisa kugadzira mishonga yacho. kuka
zopera mwedzi miviri totanga kukupa mari inopfuura million dollars gore rimwe nerimwe kupfuura makore gumi. Chinohi vodoo kutyisidzira vanhu vasina njere. Uchaonazve kuti kana pakawana munhu anopikisa vatereri vanobva vaudzwa kuti ane mishonga ine simba kupfuura vamwe. Pano tiri kuti kana pane anazvo zvinoshanda ngaatiudze timupe mari yaasingapedzi. After all iye anodawo kutengesa technology yake yaakaita makore achiita research yacho. ngaangotipa Product yacho chete. Hatidi kumutorera ruzivo.

Anonymous said...

ko vakadzi vanoda kukwirwa kangani pazuva uye staira ipi inovanakira

Mai E Chibwe said...

Vakadzi vanhu. Haisi michini inonzi inofanira kudigwa dhiziri pamaawa matatu kana mana. Umwe noumwe mukadzi munhu akasiyana noumwe uye mamirire aaakaita pamuviri wake akasiyana noumwe mukadzi. Vamwe vakobvu, vamwe vatete, vamwe vane magaro makuru vamwe madiki, vamwe mazamu makuru vamwe madiki, vamwe vafupi vamwe varefu.

Mukadzi umwe chete anokwanisa kuva nezvakawanda zvaakasiyana noumwe.

Kuzotizve kudya kwake kunosiyana zvokuti zemo raanoita rakasiyana neraNhingi.

Madire aanoita kuvata nomurume wake zvinobva nokuti iye nomurume wake vakagarisana sei uye vanoshamwaridzana zvakadii. Pakutaura vanohwisisana here. Iye anokwanisa here kuudza murume kana aita zemo.

Zvadaro pauviri hwavo vanofarira kuvatana here vese. Asi kazhinji munhukadzi anoona sokuti kugaroiswa nomurume kunoratidza rudo.

Kana muchangoroorana munokwanisa kuvatana katatu kana kupfuura pazuva asi kana mazogara nguva munokwanisa kuti 5-10 times pavhiki. Mukazoita mwana pamwe munoderedza kusvika pa 5-7 times pavhiki.

Zvekuti maitire izvo zvinobva nokuti maitire anokunakirai ndeapi.
Mopota muchiti mukaita zvinoda mukadzi, momboitawo zvinoda murume. Saka hwisisai kuti mese munodei?

Lavisto said...

Zvekusunga ndezve kunyepa izvo I ngano dziya. Munhu anonzi ayita runyoka iye atora chirwere pane kuti ayende kwa Doctor anoswera kutenderera mudzi n'anga nemuma porofita achinyeperwa mari ichipera kusvika chirwere chakomba munhu ofa. Vanhu vatema tichiri kumashure ma beliefs edu arikutodzorera kumashure zvo siririsa izvi.Hakuna chinhu chinonzi chinoitika kuvanhu vatema chete chisingaitiki kune mamwe marudzi. Vamwe varikuti hee zviriko vakatoita zvekunzwawoo senyaya asi havana kuzviona zvichiitika zvakafanana nengano dzana Tsuro NAGUDO.NGATIMUKEIWOO KUBVA MUKUPUSA VAKOMANA.

Unknown said...

Ini ndinoona sekuti nyaya dzekusungwa kwemurume kana mukadzi zviri mumhando dzemishonga yatinonzwa ichitaurwa nezvayo one ma mystery but inotova mhando yekuroya nokuti zvinoitwa kubudikidza neshanje/ kuchengera saka zvine utsinye. Naizvozvo hatigini kuzvinyepera kuti hazviko ivo vanhu vachifa nazvo