Tuesday 30 July 2013

Mukadzi/murume asina zvaanonzwa pakuvatana

Kune vanhu vanoti pkuvatana chero ukaita sei naye hapana chaanohwa chakasiya nokungobatwa gumbo kana kumhoresana. Ari mukadzi anenge ane chombo chomurume mukati asi zviya zvatinoti kunakigwa anenge asina zvachose. Unohwa kuti chombo chapinda uye chiri mukati asi haahwi kunakigwa sezvinoita vamwe

Koitawo murume anomira chombo sevamwe varume, opinzawo mumukadzi wake osvika pakutobudisa urume asi haanakigwi sezvinoita vamwe varume.

Iri idambudziko guru kune vanozviita nokuti vanoziva kuti hapana chavanohwa asi hapana chavanokwanisa kuita kuti zvinake. Ticharamba tichitsvaka nyaya dzakabatana neiyi asi ndainyora pano kuti kana wakaroorana nomunhu akadai usamupa mhoswa pazviri nokuti hapana chaanokwanisa kuita chero ukapedza nguva yakadii muchivatana hazviwedzeri kunaka anongoneta chete.

Ndichawedzera nyaya iyi. Asi kana pane anazvo atiudzewo kuti pane zvaangajekesera here. Mu Europe neUSA kune vanhu vakawanda vari panyaya iyi.

Mafambire azvo anoti munhu anoita zemo sezvinongoitawo vamwe. Adaro anoda zvikuru pikinza kana kupinzwa chombo asi kana chombo chava mukati hapana chainohwa. Anohwa chombo chichipinda nokubuda asi kunakigwa kuya kwkurhojewa hapana. Anongozomirirawo murume kuti apedza pasina chake panyaya. Ipapo nokusanakigwa zemo riya raatanga naro rinenge rapera kare murume asina kupedza.

Murume anoitawo izvi anomira chombo savamwe asi ava mukati memukadzi chero akaita sei hapana chaanohwa. Chero pakubudisa urume haana zvaanohwa.

Vamwe vaimbofunga kuti zvinoitiswa nokukura kwechombo kana kuva LOOSE kwe chitubu asi zvakaonekwa kuti mukadzi anokwanisa kuva nedambudziko iri uku ane murume ane chombo chikuru chose ukuwo mukadzi anotokomburena kuti chombo chinonetsa kupinda anokwaisa kusanakira murume. Saka zvofungigwa kuti iye nyakusanaka ndiye ane dambudziko.

Zera romunhu:
Zvinokwanisika kuti munhu aimbonakigwa chose abve angomira kunakugwa pasina chinoonekwa kana kuhwisiswa chinoratidza kuti zvinhu zvachinja. Dambudziko iri rinokwaisika kutanga chero paradira uye rinowanikwa kuvanhu vari pasi pemakore 20 kuzvika kuvanhu vava vakuru.  Saka harisi dambudziko rezera.

Rudo: 
Zvinowanokwa kuti kune vanhu vanodanana nomoyo wese asi umwe asinganakigwi nokuvatana kwavo. Iye wacho asinganakigwi achitotaurira varapi kuti murume/mukadzi wake anomuda zvokuti haahwisisi kuti sei asinganakigwi.

Rudzi: 
Haisi nyaya yorudzi nokuti zviri kunyika dzese uye kwese kuvakadzi nokuvarume. Chinongozosiyana ndechokuti vanhu vanobva kunyika dzmwe vanokasira kunoonekwa nevarapi nokuti hazvisvodesi kuva nedambudziko. Kozoita nyika dzinevanhu vanoona sokuti kuita ambudziko panyaya dzekuzasi zvinosvodesa zvokuti kunonyoresa kwamurapi hazvikwanisiki. Ndipo muchiona kuti zvinoita sokuti vanazvo vashoma mune dzimwe nyika. Asi chero varapi vasingazvizivi kazhinji vanatete vanenge vachizviziva kuti mwana kana muroora ane dambudziko iri. Kuvarume zvinonetsa nokuti vashoma vanoda kutiura kuti mukadzi wake chero akamurhoj sei hapana chaaihwa.

Mushonga:
Kwedu tinokasira kufunga kuti munhu akaroiwa asi chokwadi ndechokuti hazvisi zvemushonga nokuti muroyi umwe chetewo haangaendi kunyika dzese dzinazvo achingoroya vanhu vaasingazivi. Sak apa tinoona kuti idambudziko revanhu venyika dzese kwete kuti zvinobva kuvaroi. Asi kana kune muroyi anofunga kuti anozvikwanisa ngaatiudze tihwe. Ini ndinowanzoti ndikahwa vanhu vachiti chokuti nechokuti chinoitiswa nomushonga ndofonera Jozefi anogara mu Kwekwe ari mubato reZinatha. Anoti ukamubvunza mubvunzo anonobvunza vamwe vake asati akudavira. Asi kazhinji anodzoka okuudza kuti sokuziva kwake hakuna mushonga wakadaro.
#
Kushaya ruzivo gweRhoji.
Kuno ku UK ukabvunzurudza vanhu vane dambudziko iri vamwe vavo vanotoda kunyatsohwisisa kuti kuvatana kunoitwa nemaitire akadii akasiyana siyana. Vanhu vanoruzivo kupfuura vamwe vari kunakgwa nazvo. Vanotokuudza kuti ndakazama izvi neizvi asi hapana chandiri kuhwa.

 Saka Zvinobva pai? 
Tichitarisa zvese izvi zvatafunga kuti handizvo zvinokonzera kusahwa chinhu kana muchiisana nomurume/mukadzi tinosara tine mubvunzo wekuti saka zvinobva pai. Vanhu rudzi gwemhuka dzinoda kuziva rhizeni yezviitiko zviri muupenyu hwavo uye kuti kana zvichigadziriswa zvingagadziriswa sei.

Ndiyo nyaya yandiri kutsvaka kuti inobva pai. Pari zvino ndataura nevakawanda vane dambudziko iri asi ndinohwa vachingopiwa mazano okuti ngavanoona murapi asi pasina anonyatsotaura kuti chikonzero chii uye murapi anokwanisa kuitei nazvo. Handisati ndasangana nomurapi anonyatsotaura pazvimire kana munhu aimbova nazvo akarapwa akapora.

Saka nyaya iyi iri kuenderera mberi kusvika ndaibata paimire. Pari zvino ndinokumbirawo kuti kana une dambudziko iri, uri munhu akaroorana noumwe munhu, sezvo tahwisisa kuti kana unaro unoitawo zemo sevamwe asi nyaya inozosiyana pakuisa/kuiswa, dai uchifunga sei waizama kungogaroisana numurume/mukadzi wako kuti iye agute chero iwe usingakwanisi kuguta. Zvadaro tiri kuzama kuwana zvikonzero, tozoisa pano kuti upenyu hwenyu nevana hukwanise kuenderera mberi takamirira.

Mafungire evarapi:
Zviri kunzi izvo nyaya yokusahwa chinhu iri pavakadzi kupfuura pavarume. Kune vakadzi vakawanda vanongozvidzidzisa kuchemerera asi pasina chavari kuhwa iri nyaya yokuda kufadza murume kuti afunga kuti agona basa. Asi zvinoreva kuti watanga kudaro wotogara uchidaro.


Nyaya yokuti munhukadzi hapana chaanohwa inonzi ine zvokuita nemafungire emukadzi panyaya yokuiswa nomurume wake. Kunohi kana mukadzi akambobatwa chibharo, zvikuru ari mwana mudiki, anokwanisa kuita MENTA BLOCK panyaya yokuiswa zvokuti chero akavata nomurume ane unyanzvi hwerhoji zvakadii hapana chaanohwa.

Kotiwo vamwe vanongokura vane fungwa yokuti zvinotyisa kana kusemesa kupinzwa chombo nomurume. Munhu anenge achingova nemafungire ari NEGATIVE panyaya yacho. Kubvuma kuiswa kungoda kuva munhu ari NORMAL pakuonekwa asi mu SUBCONSCIOUS make anenge asingadi kuiswa.

Kotizve vamwe kana mukati make musina ma NERVE ENDS akakwana anenge achida kuiswa kwenguva yakarebesa asati anyatsa kuhwa pane moyo. Vakadai vanowanzova vanhu vasina kujaira kuzvibatbata kuzasi zvokuti kana iye muridzi haazivi panonaka nepasinganaki. Anongozotiwo awanikwa opinzwa chombo ohwa pasina zviripo otoshaya kuti ko chinonaka ipapo chiiko. Zvinohi vakadai akada kuwedzera kunakigwa kwake ngaatange nokuzviongorora ega kusvika awana panoti akakwizirira anohwa kunaka. Zvinohi kune vakawanda vanozoona kuti bhinzi inonaka kukwizirira kana kusvetwa nomurume zvokuti anokwanisa kuita ORGASM asi kupinzwa chombo kunongofadza murume kwete iye.

Kune vanoti dzimwe nguva anonakigwa nokupinzwa chombo asi kozoita nguva yaasina chaanohwa. Sokuti azvara mwana kana kuti aita mimba yaange asingadi kuita fungwa yovhara mukana wekunakigwa ichiti nokuti zvandikonzera chinhu chandisingadi. Munhu akadai anokwanisazve kuzonakigwa yave imwe nguva.


Zvinohi vakawanda vanoti hapana chavanohwa, kana akaita zvokufongorera murume, opinzwa kubva kumashure achiita zvikunobaiwa kumadziro ezasi kwakananga kubhinzi, kazhinji zvinobatsira kutangazve kuhwa kunaka asi zvinotora nguva kudzidza kuti maitire enyu aanohwa ndeapi.


Kurerusa muviri chinhu chikuru pakudzidza kunakigwa. Zvinohi bvisa fungwa dzese dzinokunetsa wongosiya fungwa yokuda kuiswa chete. Chero ukatsinzina maziso ukatanga kufunga nezvechombo nemaitire acho uye kuti unoda kudii nacho.

Kufungira murume kuti ari kuhura kana kuti haachakudi kna kuti ane zvigwere, zvinokwanisa kukonzera kusahwa chinhu paanokupinza chombo nokukukoira.

Ngatisakangamwa kuti vanhu vese ava vanoita zemo, uye kuiswa vanokuda chose asi kungoti kana zvatanga muviri unoita REBELION wotadza kuhwa kunakigwa nechombo chomurume. Hazvinei nesaizi yechombo.

Varumewo kana pasina chaanohwa ari mukati memukadzi wake chokutanga kudzidza kuita wega namaoko. wadaro ukahwa zvichinaka chidzidzisa mukadzi kuita namaoko ake sezvaanokuita kana ari kumwedzi zviya iwe une zemo. Madaro chiwanai maitire anobvumidza mukadzi kukoira murume neRYTHM yakada kufanana nezvaanoita kana achiita nemaoko.

Zvinotora nguva asi mukadzidza kutaurirana chokwadi uye kuda kufadzana zvokuti munorerusa miviri yenyu munokwanisa kupedza nyaya yokusahwa chinhi iyi.  Vanazvo vanoti zvinobhowa zvokuti, nokuti zemo unenge unaro.

Saka varapi vanotanga nokutarisa kuti
1 hapana chakaipa pazvinhu zvomuviri wako here
2 Hapana zviri kukudya moyo here
3 Hapana HISTORY yako iri kukunetsa fungwa here pamwe chero wakangamwa kuti wakamboitwa chinhu, fungwa inenge inazvo iwe usingazivi
4 Mishonga yauri kumwa yakadii?
5 Unofungei nomunhu wauri kuvata naye.
6 Kugara nomunhu asina kukuroora iwe wakakurira mumhuri isingabvumidzi mapoto. Apa fungwa yako inenge ichiti uri kuita zvakaipa.
7 Kana uchitya mimba, iri nyaya yokuti wakambonetseka neimwe mimba kana kuti haudi kuitira uyu murume mimba
8 kusada chombo chouyu murume nokuti fungwa yako ine nyaya nacho, (chidiki, chirefu, chipfupi, chakakoresa, chakakurisa etc)

Ongorora mafungire ako pamuri nomurume/mukadzi uyu.

Ngatisakangamwazve kuti kuisana kwese kunotangira mufungwa. Zemo rinobva mufungwa roita mumuviri woiswa, wonakigwa, ropera. Kana fungwa dzine zvimwe zvisina kugadziriswa chimwe chezvizvi hachishandi zvakanaka.


Usarega nyaya yakadai ichigara newe nguva yakareba, Enda kwamurapi umuudze zviri kuitika. 


Zvakadai kana pane akamborapwa akapora ngaatiudzewo nokuti vakawanda vari pakaoma nazvo.


UDZAI Vamwe!!!!




2 comments:

Anonymous said...

Iyi ndiyo nyaya irikundishusha. Ndinonakirwa ne kubatwa nekuzvibata bhinzi asi pakuzopinzwa hapana zvandinohwa.
Ndinotoita kunyebedzera kuchemerera murume wangu iye otoita kuwedzerera achinakigwa. Uye zve ndinorwadziwa ' mudumbu' chii nhai mai?
Manje last time ndakazoguna ndaita Dry ndisina kutota, murume wangu haanakuzvifarira.
Ndibatsireiwo. Ndambofunga kuti imental block sezvamataura asi handina kumbobatwa chibharo. Ko kurwadziwa mudumbu pakuita?
Ndinomuda murume wangu asi ndatove professional screamer pasina zvandirikunzwa.
Ndakamboedza ma styra, kuisa romantic music, kupfeka sexy lingerie ndichiti pamwe ini ndinozonzwa asi hapana.

Maita, ndiregereiwo ndarebesa asi zvinondishaiyaisa mufaro. Ndinemakore 27.

Mai E Chibwe said...

Kune vanhu vakawandia chose vari pauri apo. Asi nyaya yedu ino inoratidza kuti kana uchinakigwa nezvinoitwa pabhinzi uye ur wega zvinoreva kuti kusanakigwa panyaya yokupinzwa zvinobva pane zviri kuitika mufungwa. Zviri nani ukasire kunobvunza varapi kuti nyaya yako iri papi. Usaenda nomurume. Enda wega kuti ukwanise kudavira mibvunzo pasina zvokufunga zvinoreva mhinduro dzako. Zvikuru nokuti wataura kuti murume haazivi kuti nyaya iri papi.

Usagara nenyaya iyi pasina zvauri kuita nayo. Ukuzve usarega ichikudya moyo nokuti zvikadaro kuitika kwazvo kunowedzera.

Chimwezve wedzera kurerusa muviri kana mava pakuvatana. Wowedzera kuzviudza kuti uri kuda kuvata nomurume wako. Ukaterera vanazvo vachitaura unohwa vamwe vavo vachiti zvakazovanakira fungwa dzavo dzachinja mafungire.

Varapi havasi vese vanohwisira nyaya iyi. Kune vamwe vanongokubvisisa bhurugwa vokuvhura chitubu votarisa mukati vokuudza kuti hapana chakaipa saka enda unoiswa, asi iwe unoziva kuti hazvina chazvinokupa. Unokwanisa kuenda kune vakawanda usati wawana anokugarisa pasi asingakuvheneki muchitubu, okubvunzurudza nyaya dzoupenyu hwako.