Tuesday 6 August 2013

Kushaya hanya nemukadzi/murume wako

Kune vanhu vakaroorana vatomboudzana kuti vanodanana asi napo napo umwe wozoona kuti umwe wake haana kana hanya naye. Timbotarisa nyaya iyi tichiona kuti kusava nehanya kunoonekwa sei uye kunokonzera chii kuti chiitike. Zvine basa here kuva nehanya noumwe wako?

Ko iwe unohwa sei kana murume/mukadzi wako achitaridza kusava nehanya newe?

Chii chauri kuita kutaridza umwe wako kuti une hanya naye mazuvano?

Pamwe akakura asingazivi kugarisana nevanhurume/vanhukadzi. Tarisa mhuri yake uone kuti mune vanhui. 
Tipeiwo ma EXPERIENCE ENYU.

Mabato vanhu vasina hanya newe.

Munhu asina hanya zvachose:
Munhu asina hanya newe anoonekwa nemaitire ake. Kufunga kwake kunongova pane zvaanoda iye zvisinei nezvinodiwa noumwe wake. Kazhinji haatombozivi kuti umwe wake anofarira zvinhu zvakaita sei. Haatauri noumwe wake panyaya dzine musoro. Kana ada kutaura anongotaura kubvunza zvaanoda kuziva iye kuti akwanise kuita zvaanoda. Haaiti nyaya dzenhando newe. Kana pane zvaaona musi iwoyo zvamunakidza kana kumutyisa, haakuudzi. Unotodzihwa paanofonera shawari yake achiiudza achiseka kana kukatyamara.
Kana nguva yokuti adzoke kubva kubasa yave kusvika iwe pane kufara kuti monosangana kumba, unohwa kuremegwa nazvo. Kana akanonoka kusvika kumba haafoni kukuudza kwaari kana kuti anosvika nguvai. Unongotya wega kuti pamwe aita accident kana kuti pane zvimwe zvaitika asi iye haanei nokufunga kwako.
Kana ari murume anongosvika iota zvaanoita. Overenga nyuzipepa rake akanyarara. Pamwe haakurhafuri kana kukutuka asi wega unongoona kuti zvokutaura newe haadi. Kana ukamubvunza kuti aswera sei, anongotaura zvokuti usabvunza umwe mubvunzo futi.

Kana ari mukadzi wega unongoona kuti ATTITUDE yake haisi yomufaro newe. Anoita zvese zvinodiwa kuita aite samai vemba asi anongozviita pasina kuti zvinhu zvinomufadza. Chero ukadzy zvaabika chero ukarega, haanei nazvo. Anongokutarisa sokuti hapana zvauri.

Pakunovata munhu akadai anongoitawo zvomutemo, kuti nokuti ndiri mukadzi/murume wako saka ndofanira kuvata newe asi iwe wega unongoona kuti ndezveDUTY izvi. Hapana kuda kufadza kana kuratidzawo kufadzwa. Ukabvnza kuti zvange zvichinaka here anongoti ehe, zvatopera. Movata henyu. Hapana chwadzidza pazviri. Iyewo hapana chaadzidza. Iwewo kana pane zvaunoda kumbozama unotya kukumbira. Mapedza kuvatana chero ukamutenda kuti aita basa, haanei nazvo. Hauzivi kuti anofungei nguva nenguva.
Kana une munhu akadai, hazvigoni kuti ugare wakarerukigwa noupenyu. Security inpiwa vamwe vanhu nokuchata hauna uye hauiwani.

Munhu ane hanya asi asingazivi kuti zvinotaridzwa sei
Kune vanhu vanoita sokuti haana hanya newe asi mumoyo make munhu ane rudo zvokuti. Vanhu vakadai vanoitiswa kudai nemakurire avo. Munhu uya haana kuita DEVELOPMENT yokunatsohwisisa kutamba navamwe saka kana anewe, anokwanisa kufunga asi zvokita zvinomunetsa. Uyu munhu anoti ukaita kumuratidza kuti hauchamudi kana kuti pane zvaakanganisa ukasakasira kumutsanagurira, anokwanisa kuita zvinhu zvisina kufanira kuitwa. Munhu akadai anoda munhu ane moyo murefu kuti agare naye.

Kuongorora
Kana une munhu aunofunga kuti haana hanya newe, imbozama kuongorora kuti munhu upi pamabato maviri awa. Zvnokwanisika kuti munhu ari pakati nepakati futi nokuti ukatsamwisana nomunhu webato rechipiri zvinokwanisika kuti panguva iyoyo asava nehanya newe asi hazvirevi kuti haakudi.

Kusava nehanya nomunhu zvinobvepi
Kunesu vakadzi zvinowanzobva pakuti wada munhu nomoyo wako wese iye okuitira chimwe chinhu chakaipa chokuti unoona sokuti haakudi. Munokwanisa kugadziridza nyaya dzenyu asi zvoitikazve, mogadzirisazve zvichingodaro kusvika paunozofunga kuti wakakanganisa kusariudza, wobva watanga kusava nehanya nomurume.

Pamwe unofunga kuti murume wako anobhowa asi hauna kwekuenda saka wongomuita sokuti haasi munhu. Mukadzi akadai anokwanisa kutanga kuhura zvisiri zvemari kana kupiwa zvinhu asi kungoda EXCITEMENT. Kuno kuEUROPE ndivo vakawanda vabohurira nyaya iyi.

Pamwe ane chigwere che Post Natal Depression. Kana ukaona asisava nehanya panguva inobva pakuzvara kusvika makore maviri, imbofungira nyaya iyi.

Pamwe mhuri yake inogarokutsoropodza kana vanaye saka anoziva kuti vanofunga zvakaipa pauri obva akutarisa achizviona zvinhu zvacho.

Munhukadzi munhu anozvagwa ane chido chokushandira murume wake nemhuri yake saka ukaona oita seasingazvidi, pane chakaipa muupenyu hwake. Instinct yevanhukadzi ndeye Service kumurume nemhuri.

Kuvarume.
Varume kazhinji zvinobva pakuti makaroorana sei. Kana wakatanga nokuita mimba mukazoroorana nokuda kwemimba yacho asi mange magara musingatauri yokuroorana, unokwanisa kuonekwa semunhu asina maturo. Inyaya yokuti mimba inoonekwa sechinhu chinoitwa nomukadzi paadira kuiita kwete kuti paapiwa urume naiye murume wacho. Zvinohi kana wada kuvhura makumbo chitanga wagadzira nyaya yemapiritsi kana makondhomu. Kwete kungoti murume paadira iwe wovhura. Mimba mazuvano inongoitwa kana wada kubata murume chibharo chemimba. Ndipo achizokushaira hanya.

Potizve vasikana vanoti akavata nomukomana wake ofunga kuti zviri nani kuroogwa naiyeye, ipapo iyw mukomana anenge asati azvigadzirira kuroora. Zvadaro musikana abnonyebera mukomana kuti ane mimba kuti awane mukana wekuwanikwa. Anozoti ava pamushati aonekwa kuti mimba ange asina.

Kana murme akawana hure rokugarhorhoja anokwanisa kushaira mukadzi wemumba hanya. nokuti iwe haachamudi. Pamwe anomuda asi anoda kumuratidza kuti zvaakamuitira zvakaipa.

Mabasa
Pamwe iwe une basa rinopa mari kupfuura rake. Varume vedu vechiZimba zvinovadya moyo izvi. Anoona sokuti imhosva yako kuti wakawana basa iri. Adaro anoona sokuti ukapiwa Promotion unofanira kuramba kusvika iye ava kutambira mari yakapfuura yako.

Varume kazhinji haunetseki kuziva chakaipa pakati penyu nokuti havagoni kuvanza zvinhu. Isu ndisu tine nyaya dzinonetsa kuhwisiswa nevarume vedu.

HISTORY dzenyu
Koitazve nyaya yokuti wava mumba murume ozoziva kuti waichimbovata nevamwe varume vakawanda kare, iwe ipapo wanga usina kumuudza musati maroorana. Anoona sokuti uri munhu asina kuvimbika. Chinhu chakanaka kubudirana pachena muchiri kunyengana kumurondedzera HISTORY yako. Kana achikuda wokuda achiziva zvauri. Kana asingazvifariri oenda hake okusiya wakadaro. Kuzoti wava mumba ochiziva kuti wakambobika mapoto nanhingi kana kuenda pahorodhei nanhingihandizvo. Ndipo unoona murume oita sokushaya hanya newe. Anenge ari pa nguva yokuchema somunhu afigwa. Ipapo chinenge chafa ruvimbo pauri. Munhu waange achivimba naye amuratidza kuti haasi munhu akavimbika.

Varume havawanzi kunyeba panyaya idzi vanongonyeba pakuwanda kwevasikana vavakavata navo asi vanowanzokuudza kuti akambovata noumwe.

Saka zvoitwa sei kana umwe wako akushaira hanya? 
Murume asina hanya
Mukuona nokuterera mitauro yevakadzi vandinosangana navo vhiki imwe neimwe vachipiwa nguva yokutaura pamusoro pevarume vavo, ndinoona sokuti kune zvinhu zviviri zvinokunzeresa vanhukadzi kuhura kupfuura zvimwe zvese. Kunoti murume anoita seasina hanya nomukadzi wake kuti murume anokasirira mukadzi wake.

Kana tichibvunza mubvunzo wekuti zvoitwa sei, tiri kuubvunzira paviri pokuti iwe mukadzi ungadii kuti murume aite hanya newe, uye kuti iye murume akafunga kuti unofunga kuti haana hanya newe angaitei pazviri?

Kana uriwe mukadzi ane murume akadai, chokutanga zvibvunze chikonzero. Kana wawana chikonzero zama kugadzirisa nyaya yako usati wada zvechihure. Hisisazve kuti pamunenge muri panyaya iyi vamwe vanokuona vanoona usina mufaro pachiso, saka vamwe varume vanokuona vanotsvaka kukusetsa nokukufadza. Zvadaro unokwanisa kuhwa uchikwezviwa kumunhu anokunakidza nokuti unenge une CONDITION inohi ATTENTION DEFICIT, kureva kuti uya anofanira kukufadza haasi kukufadza. Zvinokwanisika kuti zvese zviri kuitika kumba kwako ukawana munhu ane zheve dzokuterera unomuudza zvinhu zviri SECRET zvokwenyu.

Zvadaro uchashamwaridzana nomurume uyu wopedzisira wava pa COMFORT sex naye. Ipapo zvokuhura unenge usingambozvifungi uye hautooni kuti wave kuhura. Uyavo murume, pamwe ane mukadzi wake uye haadi zvokuonekwa newe kureva kuti haakudi asi anoda kukuisa chete. Iwe unomuona seshamwari yako inoterera zvaunotaura. Nyaya yako ipapo yatokura zvokukwanisa kurambwa nouya asina hanya newe.

Chokutanga wana umwe munhukadzi wekuudza zviri kukudya moyo. Uchaona kuti vanhukadzi vakawanda vanoterera uye vanokupa mazano. Varume vakangoziva kuti kumba kwako kwaita dambudziko votoda krigadzirisa nechombo. Udza munhukadzi zvikuru munhu agara ari shamwari yako. Usakasira kuda kuudza munhu asiri shamwari yako nokuti anokwanisa kunoudza vamwe vanhu.

Chimwezve kasira kukumbira ruregerero kumurume wako. Kana aramba akadaro, kana zvichikwanisika imboparadzana naye. Womuudza kuti unoda kumbonovhakasha kuhama. Paunodzoka muvigirewo zvinhu zvakanaka azive kuti wange uchimufunga.  Zvikasashanda muudze kuti wave kukumbira hama izombotonga nyaya yenyu. Hama iyi munhu mukuru wekumhuri yake iye murume. Uchahwa pakutongwa kwenyaya murume oda kuhi ndiye asina mhosva saka achataura zvese zvakaipa pauri. Adaro iwe zvigamuchire ugotaura kuti wanga usingazvioni nemaziso iwawo saka uchazama kuzvigadzirisa asi murume ngaachikubatsirawo nokutaridza rudo kana achiri kukuda. Achabvunzwa ipapo gozvitaurira ega kuti anokuda here kana kwete.

Ndakamboenda kune vamwe verudzi gwedu veChiZimba. Murume akabvunzwa kuti achiri kuda mukadzi wake here, aange arova vhiki mbiri dzapfuura mukadzi akamudanira mapurisa akasungwa akanovata muchitokisi pakismisi. Umwe wevatongi akabvunza kuti uchiri kuda mukadzi here? Zvikahi "Mubvunzei kuti, zvaabika handidyi here, ndiro handimubatsiri kusuka here, pane musi waanoti handina kumukwira here, mari anoitambura here mumba muno." kureva kuti kuona kwake zviitwa izvi zvinotaridza zvega kuti anomuda asi isu taida kuti ataure kuti anoda mukadzi wake.

Kana nyaya yatongwa, kutonga kuitira kuti mutange kutaudzana nokugarisana zvakarurama. Chitaura zviri kukudya moyo murume aterere azvihwisise nokuti wapiwa PLATFORM. chirega kusiya zvimwe. taura zvese.

Chiporomisa zvauchaita pane zvaataura. Ramba uchingodzokorodza kuti iwe murume wako unomuda chose uye zvese zvange zvichiitika zvakudya moyo nokuti inoona murume wako ari kure newe. Kumbirazve kuti kana watadza ngaakasire kukudza. Tenda murume wako nokugara dare kwaaita newe kuti nyaya ipere.

Muchingopedza kutongwa, vatongi vaenda masara mega, tendazve murume wako kuti akupa mukana wekugadzirisa. Hazvinei kuti iwe ndiwe wakanganisigwa here kana kuti ndiwe wakanganisa. zvininipise kumurume wako azive kuti zvese zvinoitika mumba iwe unoziva kuti iye ndiye saimba. Zvadaro pakunovata chitaridza kuti ndiwe mukadzi. Tension yese yange iri mumuviri nokugumbuka ngaichibuda nomuchiuno. Nzira yokufungwa dzomurume inopinda mumuviri wake nomuchombo chake.

Mukadzi asina hanya.
Kana mukadzi ariye asina hanya newe ukazama kutaura naye ukaona kuti hapana zviri kuita, muudze kuti wava kuda kutsvaka munhu wekutonga nyaya. Vakadzi tikangopiwa PLATFORM yokutaura zvinotigumbura zvese kubva zvakaitika muna 1830 zvinobudapo.  Iwe terera chete uchimirira kusvika apopota akapedza akafemereka akachema akataridza kushaya mufaro.

Mirira kubvunzwa nomutongi kuti wahwisisa chagumbura mukadzi wako here. Ndipo paunozobvuma kuti wahwisisa. Chitaurawo kuti kuterera mukadzi wako achitaura kwakutaridza kuti zviito zvako shuwa zvakaipa uye hausi murume akakodzera pamukadzi akanaka kudai. Pedza nguva uchizvituka uchikudziridza mukadzi wako kuti munhu kwaye uye unomuda chose. Varume hwisisai kuti isu kudiwa uye kuudzwa rudo chinhu chikuru chose. Kuhwa murume wako achitaura pane vanhu kuti anokuda zvinoitisa manyawi. Murume ramba uchingotaurira vedare kuti iwe mukadzi unomuda, asi kuita sokuti haana hanya newe chinhu chakakugozhera. Dai aregera kufamba zhira iyi.

Iyewo akabvunzwa mufungo yake ambohwa uchitaura yorudo iyo unohwa odavira zvisina kupopota. Chiziva kuti nyaya yagadzirika.

Pakunovata usangotanga kumuisa usina kukumbira. Kumbira umirire akupe muviri wake. Adaro chiitawo nguva uchimubatabata, Makisi ombowanda, woratidzawo kuti muviri wake unomuda chose. mombotamba seshamwari dzange dzichigara kure nakure. Usati wapinza chombo kumbirazve womirira akuudze kuti enda mberi nenyaya. Chirega zveganyabvu. itwa zvinyoronyoro kuti iye aite ganyabvu nechiuno. Chiziva kuti wagamuchigwa. Nyaya yapera asi kubvapo, pota uchimutenda kuti munhu anogadzrisa nyaya, ndizvo agokasira kugadzirisa dzinozouya.

Pakauya vanovhakasha ita nokutaura zvinodadisa mukadzi wako pane vanhu.

Mese
Mukasaitirana hanya, zivai kuti muchato wenyu hakuna kwauri kuenda. Muchato chinhu chiri DELICATE chinokwanisa kupedzwa neshoko rimwe chete. Unokwanisa kungoudza mukadzi wako kuti muroyi kana kuti hure. Shoko rimwe chete rigomugumbura kusvika pakuzoputsa muchato wenyu.

Kana watsamwira umwe wako chiregawo kuita mazuva mviri wakangoita somunhu ari paSTRIKE. Kana zvichigoneka popota upedze shungu, zvadaro akabvuma kuipa kwake mubvunze kuti achaita IMPROVEMENT yake sei uye riini akuudze. Zvadaro chimuudza kuti zvapera womupa kisi mochitanga kuita sevanhu vakaroorana.

Zvokushairana hanya imi muchigara mumba imwe chete zvinokwanisa kupedzisira umwe ahura achizokupa chigwere iwe nokutsamwa kwako. Zvozodii?

Zvinhu zvinotaridza kuti une hanya noumwe wako:
1 Kushurikigwa kana asipo
2 Kumufonera uchimuudza zvinhu zvisina basa, sokuti waona chimbwanana chakanaka kana kuti wasangana neshamwari yekare. Kungohwa kuda kutaura noumwe wako.
3 Kuita nyaya dzisingaperi naye sezvamaiita pakunyengana
4 Kuti ukapiwa chinonaka woda kundodimburirana naye
5 Ukafadzwa nechimwe chinhu woda kundoudza umwe wako
6 Kana pane chaunoda kusarudza wotanga wabvunza umwe wako kuti chakanaka ndechipi
7 Kana Bazi rikanonoka unokasira kufonera kumba kumuudza kuti bhazi ranonoka kuti asafunganya kuti zvaita sei.
8 Kugara uchida kuvata naye nokuisana naye nguva dzese.
9 Kuti kana zvaakanganisa unomuudza asi womuregerera pamwe unopopota hako asi murudo.
10 Kugara uchimuudza kuti unomuda
11 Kurezvana naye nokumupa ziso rinomuudza kuti pane zvauri kumufungira.
12 Kumudaidza nezita rawakamupa iwe rorudo raunongoshandisa iwe chete.
13 Kusamumhura pane vanhu
14 Kuratidza vanhu kuti havakwanisi kukupatsanisai fungwa.
15 Kumubatsira kudzidza
16 Kubvuma mufungwa mako kuti iye anokuda zvokuti chero akadzidza akawana basa riri pamusoro chero akasadzidza akasawana basa unongomuda chate uye iye anongokudawo chete. Kana akuudza kuti anokuda iwe haumupikisi.
17 Kusamunyeya nehama dzako
18 Kubatsirana mabasa anoda kuitwa kuti mugozorora mese
19 Kuti mugere mumba menyu mogarawo pasofa rimwe chete kwete kuti uyu uko uyu uko sevarumudzani.

20 Kugarobvunza nokuziva nokuyeuka zvinhu zvinomufadza, zvaanofarira, zvinomunakira. 

Udzai vamwe!!!!



10 comments:

Anonymous said...

Ini ndinoona kuti pakutsvagana apa mazuvaano, vanhu vaakutarisa zvisina basa panyaya dzerudo. Vamwe vaakuroorera nyaya dze mari vamwewo chimiro chemunhu asi pasina rudo chairo. ini ndakaroora mudzimai wangu ndichifunga kuti rudo asi taamumba, ndakazoona kuti haana hanya neni. zvese zvaanoita ndezvake chete. nezvangu handione se ane hanya. Ndinomboona semunhu akandibvuma kuti andishandise, awane zvaanoda nekuti kaakadva kwakange kusina hupenyu hwakareruka. Zvmwe akachiva basa rangu. Zveshuwa kune wakadzi vasina hanya nevamwe vavo.

Mai E Chibwe said...

Ndinobvumirana newe pane zvese zvawataura asi kungotiwo wazisiya kutaura kuti kune varume vasina hanya nevakadzi vavo zvekare. Ngatitaure tine BALANCE panyaya kuti tese tiihwisise tigogadziridza patinogona napo.

Ndabvisa pawataura kwaunoshanda nokuti tinoda kuvakana kwete kuwedzera kupokana saka ndati pamwe mudzimai angazikamwa iwe wobva wazikamwazve nyaya yenyu yova yokutukana pane kugadzirisana. Unokwanisa kumuratidza zvawanyora paruzivo gwekuti hapana umwe munhu angakuzivai kubva pazvinyogwa izvi.

Anonymous said...

Yah

Anonymous said...

Ndinotenda zvikuru ndabatsirika ini ndiri umwe asinganzwi mkadzi wake pamoyo. Izvi zvakakonzerwa nemuroorerano watakaita. Ndakatizirwa nemukadzi asina pamuviri. Kubva ipapo rudo rwakapera parizvino tave nemakore maviri tiri tose asi ini ndiri kune imwe nyika. Pandaibvunza kuti sei aiti "ndozviuraya". Saka ndiri mujeri rangu ndegaa.Asi maposts enyu andirapa zvikuru seiyi. Mandipindura ndingafare

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokuroorana zvisina bvumirano inyaya inokwanisa kukura kusvika pakubvisa rudo pavaviri ava kusiya pava noruvengo. Asi ini ndoda kukukurdzira kufunga pnyaya yokuti mava nemakore maviri muri mese kureva kuti wakagamuchira chido chomukadzi wako kuti ave mukadzi wako. Dai waona zvakakodzera kuzama kudzosera rudo paari nokumuregerera pakukutizira kwaakaita musina kuwirirana.


Wamutaridza kwemakore maviri kuti kuita zvawafunga wega pasina bvumirano hazvivaki. Chimugarisa pasi mutaurirane kuti mofamba sei uye chii chamuri kuzoita muupenyu hwenyu.

Iyi nyaya yokuti munogara kunyika dzakasiyana haisi nyaya kwayo pamuri mese. Hamuwani mukana wekuvaka rudo gwenyu. Unodazve kutaura mese nehama dzako nedzake kuti zvakaitika zvakaitika zvisiri pamutemo uye munhu aimuraira haana kugona basa, asi zvisinei wava kuda hako mukadzi wako kuti upenyu hwenyu huve hune mufaro. Asi dai iyewo adzidza kuti zvinhu zvinoitwa pakutaurirana nokubvumirana.

Anonymous said...

Married 3 years ago, One child. Nyaya tatinadzo asi zuva nezuva ndokumbira regerero iye anoita sokuti ndiri diease chaiyo haana hanya neni. Pamba hapana mufaro. Chii chandingaita?

Ndakafonerwa ne X-boyfriend achiti "Wish you well in your marriage"


Mai E Chibwe said...

Tanga wakumbira nguva yokutaura nomurume isina anokudhisitebhai. Kana pamba pasingaiti ndai kumwe kwakaita sokuhotera kana kuB&B and ku Travel Lodge mosiya mwana nomunhu anovimbika. Masvikako taurira murume wako kuti makore matatu awa wange uchihwa sei panyaya yokuroorana kwenyu. Wochitanga nokurondedzera zvechokwadi kuti mukomana wako wekare uyu sei ange achine nhamba yako yefoni uye kuti wakambomufonerawo here uye zvaita sei, chii chamaigarotaurirana.

Wapedza kutaura chokwadi chitaura zvawadzidza pamabatigwe aunoitwa nomurume wako. Muudzezve kuti unoziva kuti anokuda nokuti dai asingakudi dai musina kuita makore matatu. Chimutaurira maonero aunoita nyaya yenyu uye kuti muri kuendepi nayo.

Kana wapedza chipa murume mukana wekutaurawo zvaanofunga uye kuti muri kuendepi nomuchato wenyu.

Kana mabvumirana zvokuita chiporomisa kuzviita nomuyo wese uye kutenda murume nenguva yaakupa kuti utaure naye. Ratidzawo kuzvininipisa chinova ndicho chinhu chikuru chinoita kuti munhu akuregerere.

Zama kuti nyaya ipere musati madzoka kumba uye kuti munge manyorerana zvokuita kuti isazoitikazve. Unokwanisa kunge usina mhosva asi kungoti maonero emurume wako ndeekuti une mhosva pakuti uyo umwe aitoziva musi waunochata uku ane nhamba yako futi. Zama kuona zviri kuonekwa nomurume wako.

Kuti machengetana makore matatu zvinoreva kuti mune rudo pachenyu uye nyaya yenyu inogadzirika. Kana waitadza wega daidza umwe wevakuru kana PASTOR wenyu umukumbire atonge nyaya pasina kupomera murume mhosva. Ita zvokukumbira murume aone nemamwe maonero.



Anonymous said...

Ndatenda hangu

Concerned said...

Ndingaite sei nemudiwa wamatsanangura pakushaya DEVELOPMENT? Ndoedza kuvunza asi Anoona se ndinonetsa nekuti iye anoti everything is ok...

Mai E Chibwe said...

Pane dzimwe nyaya dzokuti dzinoda ungwaru pakudzibvunza kwacho. Dzimwezve dzinongoda kuti kana wadziona wochizama kudzichinja zvichibva nokuti iwe muridzi wochinja maitire ako kuti umwe wako agatevedzerawo kana aona kuti uri munhu ane rudo uye upenyu hwako ndehwakewo.

Unokwanisazve kuti watadza kubvunza asi uchiona kuti pane nyaya, womuudza kuti kana asingadi kukutsanangurira kuti chii chaipa uchakumbira mukuru wemhuri akubvunzire. Pane vanhu vasingadi nyaya dzavo kusvika kuvakuru saka pamwe anozokuudza. Poitazve vamwe vanofarira kuti chacho chiri kumudya moyo chibude pachena saka achada kuti ubvunze.

Pane zvese izvi iwe muridzi wake taridza rudo uye kuti uri kubvunza nokuti unoda kuti mese mufare. Zvokupopota kana kutuka munhu waunoona kuti ari kutotadza kutaura newe panyaya yaanayo hazvibatsiri. Zvinotowedzera kuti asakwanisa kukuudza.