Saturday 7 September 2013

Tachembera ngatichirega rhoji

Vanhu vakaroorana vanosvika pakuzoti nguva yakwana rhoji haichaitiki nokuti vakura. Saka pano toda kubvunza kuti munhu anorega rhoji ava nemakore mangani? Mubvunzo uyu unoenda kuvanhu vane utano hwakanaka vasina zvigwere zvokuchembera zvakaita seizvi:

Type II diebetes kana kuti chigwere cheshuga,
Athrites kana kuti kugwadziwa mumajoini emabhonzo,
High Blood Pressure kana kuti chigwere chomoyo,
Obesity kana kuti kukoresa kwemuviri ,
Incontinence kana kuti kupota uchombozviwetera, etc.

Toti hauna zvese izvi, panosvika here nguva yokuti unofunga kuti wakura zvokuti hauchadi kuvata nomurume/mukadzi wako?

Tichitarisa makurire evanhu tinoona kuti mabhuku akawanda anonyogwa panyaya dzokuvatana anonyoregwa vanhu vechidiki, toti vane makore ari pasi pe 60. Kana munhu apfuura ipapa akataridza kuda zvekutsvaka mukadzi/murume anoonekwa sokuti fungwa dzake hadzina kukwana. Vacho vanomufungira izvi vanhu vadiki vasingazivi kuti kuva munhu mukuru zhinoita sei? Tikatarisazve zvimwe tinoona kuti kune vanhu vava vakuru chose vanosungigwa nyaya dzokubata vakadzi chibharo, kureva kuti vachiri kuda kuvata nomukadzi pazera iroro.

Kune vanhu vanochengeta chembere mudzimba dzinochengetegwa chembere dzakada kuita semahosipitari asi dzisiri hosipitari dzinohi RESIDENTIAL HOMES/ OLD PEOPLE's HOMES/CARE HOMES. Vanhu ava ukataura navo vanokuudza zvimwe zvezvinoitika mudzimba idzi. Vamwe vevanhu vari mudzimba idzi ichirikadzi kana kuti tsvimborume zvikuru vakafigwa. Vamwe vavo vanoti vasangana mudzimba idzi voshamwaridzana vopedzisira vovatana imomo. Vamwe vanotoroorana imomo vovata vese vachitorhojana imi muchitoti ichembere dzisingafaniri kudaro.

Ndipo panobva mubvunzo wedu kuti pane zera here rinohi munhu chirega kuzviita kana kuti iye ega oti haachazviiti nokuti akura.

Pataiva vana vadiki zvange zvisingaiti kubvumira fungwa yako kuti igunge kuti baba namai vanovata vose nokuti vanogarorhojana pauviri hwavo. Hino kana usingabvumi izvi iwe wakura zvokuti wakatodzidza BIOLOGY saka unofanira kuziva kuti kuti uzvagwe baba namai vako vange vavata vese, zvinoreva kuti haudi kutombohwa kuti sekuru vako nambuya vanobereka mai kana baba vachiri kuvata vese.

Ukazozvihwa zvobva dzimba dzechembere unobva wafunga kuti pane chaitwa chisina kururama ipapo. Rimwe nerimwe zera (GENERATION) rinofunga kuti rinogona rhoji kupfuura zvaiitwa nevanhu vezera revabereki. Kana ukazvifungisisa unohwisisa kuti idzi inhema chose. Ukatarisa varume vakawanda vanobatwa vachihura nevasikana vechidiki, toti murume ane makore 40 anohura neshamwari yako ine makore 25 yakambovata nevamwe varume vechidiki, ukamubvunza kuti sei achida dhara iri, anokuudza kuti mukuru uyu anogona chose kurhoja uye haakasiri kumudiridzira sezvinoita vezera rake. Ipapo murume iyeye ane mukadzi kumba aasingagutsi, zvinova ndizvo zvakonzera kuti murume ahure nechisikana ichi.

Uyawo mukadzi akatanga kuvata nechimurume chezera diki unohwa zvohi "Ndiri kumudzidzisa" kureva kuti STANDARD yake inotori pasi  peyomurume uya asingagutsi mukadzi. Wozoterera zviri kutaugwa nechimurume chiya chidiki unohwa kubhosita kuti mukadzi wemunhu waari kuvata naye anonaka zvokuti. Ukaverenga tsamba dzevarume vechidiki vari kuvata nevakadzi vevanhu unohwisisa kuti fungwa dzavo dzinotenderedzwa nokunaka kwevakadzi ava.

Izvi zvinoreva kuti vari pazera repamusoro ndivo vanogona rhoji kupfuura vadiki, zvese vakadzi nevarume. Kana une utano hwakanaka uye uri munhu ajaira kuvata noumwe, unofanira kuva unowedzera kunaka paunowedzera kukura. Asizve unozosvika pamwe pokuti wakurisa zvokuti wofunga kuti hazvichaiti kuramba uchirhojana nomurume/mukadzi. Kana basa rako range riri rokuhura uchipiwa mari, tese tinofunga kuti pane zera raunozvirega wega wofunga kuti wakura saka basa iri harichaiti.

Varume:
Varume vane utano hwakanaka BIOLOGY yavo inotaridza kuti vanoramba vachikwanisa kugadzira urume zvese nemhodzi dzourume (SEMEN and SPERM) kusvika at kurei. Pamakore anotangira pa 55 murume anoramba hake achigadzira urume asi mhodzi dzacho kuti wadiridzira mukadzi hadzina simba rakawanda rokudhidha dzichitsvaka zai romukadzi kuti mwana agadzigwe. Kumurume ari pasi pemakore 55 mhodzi dzinoti akadzisiya mumukadzi dzinoita mazuva matatu kana mana dziri mhenyu. Apfuura 55 dzinoderedza mazuva eupenyu.

Murume apfuura makore 55 vana vake vane RISK yokuzvagwa vakaremara chimwe chinhu nokuti urume hauna utano hwakanaka nguva yese. Murume akura akaroora mukadzi wechidiki vanokwanisa kuita vana vakaremara kana kuti vane njere shoma.

Murume kubva pamakore 25 kusvika 35 ndipo paanogadzira urume hwakanakisa zvokuti dai zvaikwanisika waiti kana uchida mwana woita mwana nomurume ari pazera iri.

Murume apfuura makore 55 anongomira chombo, anorhoja mukadzi wake, anokwanisazve kuita mwana. asi urume hunoita ushoma pakuwanda kwahwo. Zemo rinowanda kana murume ofunga kuti ava kuchembera panguva inohi MIDDLE AGE yatingati makore 45-55 paanenge achida kuramba ari munhu wechidiki asi zera richiwedzera. Kana makaroorana zvinohi mukasvitsana pakuti murume anoita zera iri, mukadzi wemumba anofanira kutohwisisa kuti murume anenge achida kuita zvaaichiita ane makore ari pasi pe 30 zvokuti mukadzi anoiswa kaviri kana katatu pazuva. Inguvazve yokuti murume akasahwisiswa anotanga kunyenga vasikana vechidiki uye kuhura navo. Zvadaro, somunhu ava neunyanzvi hwekurhoja, akavata nomusikana uya wechidiki ange ajaira kurhojana nevarume vezera rake anonakigwa zvokuti anobva ada kuramba achihura nomurume uyu. Ndizvo muchiona vanhukadzi vechidiki zvichivanetsa kurambana nomurume ane mukadzi kana adanana naye akamboravira rhoji dzezera iri.

Varume vezera iri vanenge vachida kuratidza unyanzvi hwavo asi kumba mukadzi azvijaira haachinei nazvo. Kudzosegwa pakuisana kwavaiita vachangoroorana, mukadzi haanyanyi kuda iri nyaya yokuti kurera vana vari pakati pemakore 5 ne 15 inomusveta simba rechikapa nokusamufungisa nyaya dzerhoji. Kuzoti pakunovata zvoti murume aswera achifunga rhoji, mukadzi aswera achifunga utano hwemhuri. Zvonetsa kuti vachiwirirana zvinofadza vese.

Zvinonzi ukapima saizi yechombo chomurume ari pazera iri uchikombeya nesaizi yacho pane mamwe masera ake unowana chakati kurei kupfuura panguva dzimwe dzoupenyu hwake. Kumira kwacho kushoma zvoishoma asi anononoka kudiridzira pakurhojana nomukadzi wake. Zvese izvi zvikaravidzwa mukadzi wechidiki anopengeswa nazvo osada vezera rake.

Kana une murume muri pazera iri chenjera kuhurigwa. Wana nguva yokutapudza urume hwemurume wako agare akadzikama hana maziso nefungwa zviri pauri chete.

Murume akazopfuura makore 50 anodzikama panyaya dzokuita mesomeso oisa meso pamukadzi wake wemumba. Vana vanenge vakura pasisina zvokufunga. Vaviri ava vanohi vanonakigwa nokurhojana sezvavaaita kare vasina vana. Asi panenge pasina puresha yokuti uwedzere kudiwa nomukadzi/murume nokuti unoziva kuti anokuda uye hapana vana nokuti vakura uye vabva pamusha. Mungange mune zvizukuru asi zvikanetsa munozvidzorera.

Kana muri vezera rimwe kuma 45 -60,  munombowana nguva yokunakirana iri nguva yakasununguka pakurera mhuri nokuti munenge mapedza. Kana muchigara kure nevana venyu, zvizukuru munongozviona pazororo rezvikoro.


Apa hwisisa kuti pawaigara kana kuvhakasha kwaanambuya nasekuru, ndiyo nguva yavaitonakigwa nerhoji. iwe wave TEENAGER anoramba kubvuma kuti mai nababa vachiri kurhojana usingatozivi kuti sekuru nambuya vanozviitawo.

Kubva pamakore 60 zvichikwira zvinohi munokwanisa kuitana kaviri pavhiki kuvanhu vekuAfrica kana kuti kamwe chete pavhiki kuvanhu vekuEurope asi QUALITY yacho inenge iri pamusoro.

Ukaroogwa nomurume ane zera iri iwe uri mwanana, unoti parhoji unonakigwa chose asi murume wako haakuiisi zvakawanda kuwirirana nokuti zemo unita kangani pavhiki, asi pamunoisana murume anononoka kudiridzira zvokuti mukadzi anonakigwa nazvo. QUALITY iri pamusoro. Apa tiri kutaura maAVERAGE uye nezvevanhu vanohwisisa nyaya yokurhojana, nevarume vane hanya nokuti mukadzi anonakigwa. Kana murume akura ari koronyera inoshotesa kunakigwa kwemukadzi, kana kuti ajaira mahure ekungodira urume pasina kuti iro hure rinakigwewo, zvese zvandareva hazvishandi.

Varume vapfuura makore 70 vane utano hwakanaka, vanongoramba vachida kurhojana nevakadzi vavo. Kana mukadzi achiri zera diki, anongoita mimba zvakadaro kungoti munokwanisa kuita mwana akaremara chimwe chinhu. Murume ane makore 80 anongomira chombo achikwanisa kurhojana nomukadzi wake. Kana ari wechidiki anokwanisa kuita mimba. Asi pazera iri murume anokwanisa kunonoka kumira chombo pakutambiswa kwacho nomukadzi wake, uye kuti vakada kuisana chombo chinokwanisa kupota chichimbo tadza kumira kana kuti chinomira zvisina kunyanyokwana kuti murume apinze mumukadzi.

Mukadzi
Mukadzi akasvika kakore ekupedza kuzvara anova ane AVERAGE ye 42, muviri unoita maHORMONE anokurudzira kuvhara nyaya dzekuenda kumwedzi. Inguva inomboti netsei kune vakawanda asi kana yapera mukadzi achiri kunyorova zasi kana aita zemo anowana nguva yokunakigwa nokurhojana yakati rebei kana iye nomurume vane utano hwakakwana. Kuziva kuti hauchabati mimba zvinokurudzira kuda kuiswa nomurume asi kunyorova muchitubu kunoti nonokei kupfuura zvakwange kuchiita achiri mudiki.

Mukadzi anokwanisa kurhojana nomurume wake kusvika makore anopfuura 70 pasina chakaipa kana chinonetsa. Nyaya ndeyokungoti uri kunyorova here zasi. Kana uchinetseka kunyorova unokwanisa kushandisa KY jelly kana mate chaiwo. Murume akasvipa mate pamuromo  wechitubu kuwedzera kunyorova, zvinoita nyore kupinza.

Bhinzi yomukadzi inongomirawo chero ava munhu mukuru zvinova zvinoratidza kuti ane zemo chero kunyorova kwava kunonoka. Murume ajairana nomukadzi wake anoziva zvokuita. Iyevo mukadzi anoziva zvokuita kuti anyorove zasi murume awane mukana wekupinza, zvikuru kana murume asisanyatsomira chombo.

Hakuna zera rinonzi munhu chirega kuda kuiswa nomurume uchiti nokuti wachembera. Kune vakadzi vakawandisa vava nemakore anopfuura 70 vanogarorhojana nevarume vavo kana kuti BOYFRIEND pasina kana chakaipa pazviri.  Imi vanozviona ndimi mune dambudziko nazvo. Ivo havana.

Nyaya yomukadzi ndeyokungoti achiri kunyorova here. Kana asina kunyorova zvinogwadza. Ndizvo muchiona kuti munhukadzi akabatwa chibharo anogwadziwa zvokutoendeswa kuchipatara. Kana ava munhu mukuru zvinotowedzera kugwadza.

Vakadzi vari pakati pemakore 75-85 vakawanikwa ne vaongorori kuti 40% yavo vachiri kugarorhojana nevarume vavo kana BOYFRIEND. pa 60% yasara iyi kwahi vakawanda vaida kuvata nomurume asi kungoti vava chirikadzi nengari yokuti varume vanokasira kufa vachisiya vakadzi vavo vari vapenyu kwemakore anopfuura gumi.

Mukadzi anogaroiswa nomurume, anononka kutanga madambudziko akaita sokuzviwetera andambotaura patatanga nyaya iyi.

Pauviri hwenyu
Kuvatana kwevanhu vati kurei hakuna ENERGY yokukoira yakaita sevechidiki saka nguva yokuita kwavo inokwanisa kuva yakareba. Asi zvinonzi vanhu vakadai vanowedzera utano nokuti kugarorhojana kunodzivirira zvigwere zvakati wandei pamuviri. Kunoitazve vanhu vagare nomufaro pauviri hwavo. Saka chinhu chkanaka kuti dai zvaikwanisika ukaona mbuya vako chirikadzi vachida zvokunyengwa nanhingi, kurudzira vanyengwe nokuti vachiri kuhwa zemo. Vakadanana nomurume uyu vanokwansa kuvatana naye kaviri kana kamwe chete pavhiki zvinova zvinovakudza utano.

 Regai vanoroorana vachemera varoorane. Fungwa hairegi kufunga nezvokurhojana kureva kuti unoramba uchingoita zemo. Muviri ndiwo unozokukunda woramba kuita zvaunoda. Chombo chinoramba kana kunonoka kumira, uye kana chamira chinokwanisa kuti fototo usati wapedza. Urume hunoita ushoma kana kusabuda zvachose.

Chitubu chinononoka kana kuramba kunyorova zvokuti unotadza kubvumidza chombo kupinda.

Mese munokwanisa kutadza kunyatsokoirana nengari yemabhonzo anogwadza.

Saka mese henyu chitererai. Musapedza upenyu hwenyu muchipokana muchimbomira kurhojana mazuvano muchiri pazera rinokubvumidzai kuzviita. Pedzai nguva muchirhojana mumba menyu. Pachaita nguva yamunozvitadza 

Udzai Vamwe!!!

4 comments:

Anonymous said...

Mai Chibwe

Ndinofara ne ongororo yakavimbika uye kuti chinangwa chenyu chiripachena kuti munoda kuvaka uye kuti tinakigwe

Ndiri murume anemakore 36 asi handisati ndawana hangu ( ndine urombo nekuti chirongwa ndeche vakaroorana )

Ndinaoda chete kukurudzira uye kuti varume dai taverenga zvinyorwa izvi

handione pane chikonzero chokuti murume aroore mudzimai waasina hanya nekugutsa

Parizvino ndombomira ndine zvizhinji zvandingade kutaura

Mai E Chibwe said...

Ndafara chose kuhwa kuti munhu asina kuroora anofanoverenga zvonyogwa zviripano kuti afane kuziva zvinotarisigwa kuti aita sasaimba kana azoroora.

Ko wekuroora wacho avapo here? Kana wazoroora wotiudzawo topururudza isu vanofadzwa nazvo. Takamirira tichafarawo kuhwa zvizhinji zvawati uchataura.

Ndatenda chose.

Anonymous said...

ndaita dambudziko rekasika kutunda. Ndibatsireiwo pliz

Mai E Chibwe said...

Verenga panyaya dzevarume vanokasirira vakadzi. Tarisa topic dzacho pano.