Sunday 29 December 2013

Kubva zera usina mukadzi/murume

Nyaya iyi inokonzegwa nokumirira kunyengwa saka toda kumboitaura nokuti vamwe vanofunga kuti ndezvemishonga yemunyama kana kuroiwa asi bodo. Iwe muridzi ndiwe unozviitisa nyaya iyi. Regai tigomboitaura kune vaitanga.

Kana wava munhu mukuru usina kuroogwa kana kuroora kare vaiti ukafa vanotsvaga gonzo voriuraya vokusungirira muhuro sechuma vokuisa muKofini yako vokuviga. Zvaiitigwa kuti mweya wako ufunge kuti wasiya mwana panyika. gonzo ndiye mwana wako, saka kana wafa hauzonetsi vanhu uchiti ndakafirei ndisina mwana. Zvaiitigwa vaya vanofunga nezvemidzimu. Pano tiri kuzvitaura kuratidza kukosha kwenyaya yokunonoka kuwanikwa kana kuwana. Vanhu vaizoti ava mhandara ohi chiwanikwa kuti uite vana ugorega kusungirigwa gonzo kana wafa.

Kuhi wabva zera unenge wakurisa usina musikana/mukomana wekudnana naye uye uku uchiziva kuti hausi ngochani, uye hauna zvimwe zvaunoziva kuti ungahi wakaremera. Unoda chose kuva newekudanana naye asi zviri kukukona. Toti wava namakore 30 kana uri murume kana kuti 25 kana uri mukadzi, usina kumboitawo rudo noumwe munhu. Pakadai panenge patsveyama. Vanhu vari panyaya dzakadai vakatowanda. Vamwe vavo vanongochembera vasina kumbodanana noumwe munhu. Izvi zvinowanikwa kunyika dzese saka tichiti hazvisi zvemishonga kana munyama. Kunotori navanhu vasina unyanzvi hwekunyenga kana kunyengwa kana kuziva chokuita kuti umwe munhu amude.

Kozotizve vamwevo havo vane fungwa dzechingochani asi vachitya kudziratidza. Murume akadai anenge achingohwa kukwezvwa nevamwe varume saka kuti anyenge varume vaya otya nokuti anovaona vachimbodanana nevasikana obva aziva kuti vakasiyana naye. Otyazve kubuda pachena kuti haana hanya nevasikana. Mukadziwo akadai anohwa achikwezvwa nevamwe vanhukadzi zvokuti haana hanya nevarume.

Pano hatinei nevechingochani ava. Tinoda kutaura neavo varume vanoda vakadzi asi vachitadza kuvawana, kana kuti vakadzi vanoda varume asi vachitadza kuvawana. Unohwa munhu akachenjera chose oti ukamubvunza kuti ko nyaya yekuroogwa iri papi, iye oti haana mukomana nokuti ane munyama. Kwahi noumwe "Ndichatomboenda kumusha ndinotsvaka vaporofita vanobvisa munyama." Ndikati bodo, kana uchingodawo hako kuenda kumusha enda asi usafunga kuti paunodzoka dambudziko rako rinenge raderera. Hakuna muporofita anokubvisa munyama. Ukatotanga nezvemaporofita awa emazuvano, ungatopedzisira warhojewa naye muporofita wacho dambudziko rako rotowedzera. Pane kuti dai wagara pasi wazama kuhwisisa dambudziko rako kuti riri kukonzegwa nei wawana mukana wekugadzirisa maitire ako muupenyu.

Dambudziko iri rinobva pakuti mumaitire erudzi gwedu zvinoonekwa sokuti kunyenga kana kunyengwa inyaya yomunhu umwe chete, zvikuru murume anoonekwa sokuti anofanira kunyenga musikana. Uku kukanganisa kufunga. Kuti vanhu vaviri vadanane zvinoreva kuti mese menge muchitsvaka wekudanana naye. Saka mese munofanira kunge muchiita chimwe chinhu kubatsira kuwana munhu wekudanana naye. Hino iwe ukangomirira kuti pachasvika umwe munhu achazokunyenga kana uri musikana, zvinoreva kuti chero munhu wacho akauya akakunyenga iwe hapana kusarudza kwawaita nokuti wakangofanana nemombe iri pamariketi inongotengwa nomunhu chero auya nemari.  Munhu akachenjera anosarudza wekudanana naye  kwete kumirira kusarudzwa.

Murumewo ukangomirira kuti pachapfuura nomusikana akanaka uchaona kuti vese vakanaka vanotori  nevakomana vavo kare.  Kumirira kwako kunoreva kuti hausi kusarudza munhu akakodzera asi uri kumirira kuti pamwe musikana asina umwe anomuda achasangana newe.

Apa ndiri kuti imhosva yako kuti hausi kushanda basa rokutsvaka zvine samba. Munhu ngaazvizivire ega kuti nguva yokuti ange ane musikana/mukomana  yakwana. Zvadaro funga mazano okuita kuti nyaya yako ienderere mberi. Kana munhu achikoshesa chimwe chinhu anowana zvokuita nacho.

Chokutanga hwisisa kuti nyaya yokuti uve nomunhu wekudanana naye inyaya yemhuri yese uye yeshamwari dzese. Kana wada kunyengana noumwe munhu, udza mhuri  kana usina mukana iwewe.  Mhuri yako ine vanhu vakura vanoziva maitire ekuti uwane munhu akakodzera. Vanozivazve kuti mwana wanhingi nowanhingi Havana wavari kudanana naye. Shamwari dzako dzakaroora/roogwa dzine varamu vasina vavari kudanana navo. Svitsa shoko kwavari vagare vachiziva kuti uri kutsvaka. Gara uchivayeuchidza kuti nyaya yako iri kuda kugadziriswa.

Kana waratidzwa munhu anofungigwa kuti akakodzera wongorora wega uone kuti ndizvo here. Kana akakodzera chirega kutambisa nguva uchiita sokuti uri mwana mudiki. Fambisa nyaya iende mberi mutange kuvaka rudo gwenyu. Kana asina kukodzera kasira kutaurira uya akupa Introduction kuti hauna mufaro newawaratidzwa.

Kana uri mhunhu anosvoda kutaura navamwe pachena, mazuvano hazvinetsi. Unongoti paya wapiwa nhambha yefoni, wochitanga kutumira mwadhi dzokushamwaridzana. Unotangawo nokungotsvaka ushamwari wozoti paya mava kuzivana wokumbira rudo.  Vanhu vakawandisa mazuvano vanonyengana pafoni vozovaka rudo nyaya yapera.

 Chinonetsa vamwe ndechokuti  vamwe vedu vanoda kungoti akanyengwa otoda kuvhura makumbo musi iwoyo kuri kutya kuti akasavhura mukomana anomusiya ondotsvaka vanovhura. Kusahwisisa kuti mukomana akadai haasati ava pokuti anoda kuroora saka chero ukamuvhurira ziva kuti ari kutovhurigwazve nevamwe. Kana oda kuroora achanotsvaka kune vasingadi zvokuvhura makumbo.

Pakunyengana zama kuratidza paumire chaipo.  Kwete kuratidza munhu nhema. Kana uchimuda taura kuti unomuda. Kana usingamudi taura aende kunotsvaka vamwe vanerudo. Munhu haanetsi kuongorora saka ongorora wega uwane paari. Vanhu vazhinji vanoreva nhema kuri kutsvaka kuvata nomunhu. Ingari yokuti zvinodiwa nevakawanda kuti vavatwe navo zvinozikamwa. Saka chero zvikapracha zvemuraini zvongorevawo nhema kuti zvivate nevanhu vakachenjera. Muraini hapana asingazivi kuti nhingi ari kuvata nanhingi. Ukabvunzisisa unotoudzwa kuti vari kushandisa kondhomu rinohi ani.  

Mazuvano kune zvakawanda zvaunokwanisa kuita kuti unyengwe kana kunyenga. Takadai tiri paInternet pano unokwanisa kuenda pakasiyana siyana uchindosiya chikokeri chokunyengwa kana kunyenga. Unokwanisa kunyora chikokeri chako zvinoratidza kuti uri munhu akaita sei uye unoda munhu akaitawo sei. Unokwanisa kunyora muNyuzipepa kana muMagazini. Kwese kwese ariko anobvumira izvi. 

Saka apa tiri kuti kana waziva kuti unoda rubatsiro tanga nokuzviongorora kuti uzive kuti chii chambokuitisa kuti uve pachinhanho chakadai.

Pamwe wange usina nguva yokudanana nokuda kwekudzidza,
Pamwe wanga uchitsvaka basa
Pamwe wange uchichema munhu wawaida akaroorana noumwe munhu
Pamwe haugoni kunyenga/kunyengwa unotya varume/vakadzi
Pamwe vanhu vanofunga kuti hauna unhu mudunhu renyu
Pamwe unongogara pamba pasina anosvikapo saka hauzikamwi
Pamwe unosvoda kutaura navamwe
Pamwe vanhu vanoti hauna kunaka pachiso saka hauna CONFIDENCE.
Pamwe unohi uri muroyi kana kuti une hama muroyi
Pamwe mhuri yenyu ine mari zvokuti unotya kudanana nevarombo

Iwe wega ziva chikonzero chaicho. Kana wachiziva chiona kuti chabviswa paupenyu hwako. Zvadaro chiwana chaunoita chinokubatsira panyaya yako kubva pane izvi.

1 Udza hama dzako dzikubatsire kutsvaka
2 Udza shamwari dzako dzikubatsire kutsvaka.
3 potawo uchibuda mumba uchienda kune vanhu vakawanda. umwe wacho achakukwezva. Kune vanhu vakawanda kuma Club, MaChechi, mabhawa, maSipotsi, kuSeaside, kuMariketi,
4 Tarisa kune vaunoshanda navo uhwisise kuti vaunoona vakakodzera uye vasinawo rudo ndevapi ugowana mukana wekumuudza kuti une chido chekudanana naye.
5 Nyora chikokeri chako munyzipepa kana magazini womirira vanokupindura, wosarudza waunoda pakati pavo. Ukadai uchawana mamwe mapenzi anofunga kuti kunyora kwawaita kunoreva kuti watambura chose saka uri kungoda munhu wekurhojana naye. Ongorora zvakanaka usarudze wakasvinura.
6 Chizvipa nguva ine musoro yokugadzirisa nyaya yako kuti isvike pakaenzana nenyaya dzeavo vane zera rako. Sokuti wadanana nemunhu, ronga upenyu naye wozvipa makore maviri kana matatu kuti menge mava papi.

Tiri kuti kumirira hachisi chiito chine musoro. Kana ukamirira ukashaya auya hwisisa wega kuti imhosva yako iwe kwete umwe munhu kana munyama. Vese vaunoona vari murudo pane chavakaita kuti vawane rudo.  Kune vakawanda vanokuudza mazano makuru okuti ukumbire Mwari kukubatsira. Awa mazano makuru chose  asi anoenderana nezvese zvishanu izvo zvanyogwa. Usati waudza hama kana shamwari kana kubuda uchinotsvaka, kana kutarisa vaunoshanda navo kana kunyora chikokeri, udza Mwari kuti unoda vakuratidze munhu akakodzera kudanana naye. Kukumbira Mwari hazvinei kuti uri mutendi here kana kwete. Minamato yese zvayo inohwikwa ichidavigwa saka kumbirawo uwane kudavigwa. Panyaya dzakadai kazhinji unokumbira kuti vakutaridze nechimwe chinhu chiri pachena. Sokuti chimwe chinhu chisingaitwi nevamwe. Wana chiratidzo chaunoda kuratidzwa nacho ugokumbira kuti chishandiswe ichocho ubve waziva kuti ndiye wako chaiye uyu.

Pakutanga kusangana nomunhu wausingazivi, sanganai pane vanhu kusvika mazivana pauviri hwenyu. Musi wekutanga kusangana mega, udza umwe munhu kwauri kuenda uye pota uchitimira TEXT kune umwe munhu kuti zviri kufamba sei. Mazuvano kune Ndhururani dzakawanda dzechikadzi nedzechirume saka famba wakachenjera.Unokwanisazve kuperekedzwa nomunhu anofamba ari kure kuti asaonekwa kuti muri mese. Zvadaro ngaakutorei mapikicha muri mese nouya wawaenda kunoona. Somuno mu Europe vanhukadzi vanokuridzigwa kutora pikicha woitumira kune umwe munhu kuitira vanhu vakaipa. Chero akazokutorera foni yako unenge watotumira pikicha yake kare.  MuAfrica varimo vanhu vakaipa saka chenjerawo. Zvikuru kana wange wambomuudza kuti une mari kana kuti une bhizimisi. Chenjerera kusvika mazivana zvakanaka uchizivavo hama dzake iyewo dzako.

Kana wasangana nomunhu waunoona kuti haana kukodzera muudze kuti zvido zvake handizvo zvako saka bheta musiyane henyu pane kupedzerana nguva. Pamunosangana musi wekutanga munokwaisawo kubvunzana kuti munodei panyaya yenyu. Ukahwa murume oti ari kuda munhu wekurhoja ziva kuti zvorudo haanei nazvo. Ukahwawo mukadzi achiti abaika nokushushwa kuti awanikwe, ziva kuti iye haanei nazvo, ari kungoda kufadza hama. Siyana naye.

Kubvuma kuvata nomunhu wawadanana naye inyaya huru inofanirawo kuti uifunge zvakanaka. Asi ukadanana nomunhu panosvika nguva yokuti munovata mese. Gara wakagadzirira musi uyu. Pamwe mota inokufirai muri kure nokumusha mopinda muhotera movata. Zemo harizivi kuti hamuna kuroorana.

Hwisisazve kuti zvokubviswa humhandara zvinoda PLANNING kwete kungoitika zvega uchiti nokuti ndazongoona ndavata nomurume nokuti mota yange yafira musango tisina kwekuenda. Kana zvadaro udza murume/mukadzi kuti tovata hedu muhotera umu asi hativati tese uye hapana chinoitika. Zviitiko tozoita tambotaurirana kuti zvoitwa nguvai uye musi upi. Mese taridzai RESPECT. Iyo ngari yokuti manga musina kuzvironga, zvinoreva kuti kana kondhomu chairo hamuna pakati penyu. zvinoreva kuti mimba inokwanisa kuitika nyaya yenyu yotora imwe zhira. Rega kufungigwa zhira youpenyu nechombo/chitubu. Taridza rudo asi usataridza DESPERATION parudo. Chikuru garoudza umwe wako kuti unomuda nomoyo wese. Paunoramba kuvata naye muudze kuti ingari yokuti unomuda, muchaita guva yokuvata mese upenyu hwenyu hwese asi pari zvino uri kuda kuvaka rudo chete. Uchaona kuti haanonoki kubvumirana newe. Kana asingadi zvoreva kuti haana RESPECT uye pamwe ari kungokutambisa.

Kana wabva zera seizvi ukazowana mukomana/musikana anodanana newe ndiyo nguva yokuti ukakanganisa nyaya dzako unorambana naye uyu, wozoitazve makore uchitsvaka umwe. Zvikuru kana iye uyu asiri muzera rako.

Budiranai pachena zvikuru pazvinhu zviviri zvinoti HISTORY, ne ASPIRATION. Wakabvepi nenyaya dzerudo uye unoda kusvika papi nouyu wauri kuti adanane newe? Ukahwa munhu achiti ari kungoda kushamwaridzana chete, chishamwaridzana naye asi gara fungwa yako ichiti anongoda shamwari chete. Mubvunze kuti paushamwari hwenyu anobvuma here kuti unge uchitsvaka vamwe. Ukahwa oti bodo, chimuudza kuti LEVEL yamuri haisi yehushamwari chete ndeyekuvimbisana saka inoda kutaudzanwa futi muhwisisane. Mabvuma kuva mukomana nomusiana tauriranai kwamuri kuda kuenda mese, mugokasira kuzivisa hama neshamwari kuitira kuti mukapokana kana kumitisana, muwane SUPPORT. Vasikana vanofunga kuti kungobvunza kuti "Ndikaita mimba unoita sei?" zvakakwana pakuti tataurirana asi handizvo.

Kubvunza mubvunzo wemimba kureva kuti uri kufunga kuti mukamana achakurhoja musina kubvumirana zvakanaka. Uku kusahwisisa. Ronga mibvunzo yako yakawanda iyewo aronge yake mugowana nguva yokubvunzana nokudavirana.

Varume zvikuru kana akakumitisa anovhunduka woda kukuramba. Izvi zvinoitiswa nokusagara mataurirana uye kuronga nyaya sevanhu vakuru. Tese tinoziva kuti ukadanana nomunhu unohwa kuda kuvata naye asi hatidi kutaura naye nazvo hameno kuti sei. Musikana anokwanisa kuudza mukomana wake kuti ndarota tichiisana, asi haadi kuudza mukomana kuti ngatironge yokuti toisana riini. Hazvina musoro. Vese vanoziva kuti pakufamba kwenguva vachatovata havo vese, asi kuti vazvitaure uye kuronga nyaya zvakarurama vanoona zvakavagozhera. Murumewo anogarofunga kukumbira kuisa asi haadi kuti musikana abvume kuiswa. Kana abvuma ohi ihure orambwa. Kushaya njere kwerudzi gwedu uku. Kana muchihwa kuda, zvoreva kuti chiudzai vabereki varonge yokuroorana imi chizivai mese kuti mava kuzoroorana. Zvinoita nyore kutanga kuvatana nokuti menge musingatyi kukanganisana upenyu hwenyu.

Kubva zera uku zvinoreva kuti nguva yenyu yokuita vana yava shoma saka kana matoona kuti munodanana chikasirai kuronga nyaya dzenyu mugokasirawo kuronga mhuri. Kana wasangana nomunhu anokubudira pachena panyaya dzese zvinoita nyore kuronga upenyu hwenyu.

Pese pazviito zvako munhu taridzawo unhu vanhu vakupe rukudzo.

Ngochani:
Ngochani dziya dzatamboreva vanhu vanofarira vanhu vakafanana navo pamberi. Sokutu murume anoda vamwe varume kana kuti mukadzi anoda vamwe vakadzi. Ichi chigwere chisingarapiki. Munu anosvika pakubva zera asina wamunooka kuti anodanana naye iri ngari yokuti iye anoziva kuti anoda vamwe verudzi gwake. Kana ari kunyika dzakaita se South Africa, Europe, America, Australia, Canada kune vanhu vasinei nokuti unodanana omurume here kana mukadzi, zvinoitira ngochani nyore kuwana umwe murume/mukadzi wekudanana naye.

Isu tisiri ngochani tosiyana navo nemaitire avo tosomana nevatinoda. Asi nyaya inozokanganisika nevanhu vanoti uku akaroora uye ane vana asi uku ari kuhura noumwe murume achitombopinzwa chombo kumashure achizadzwa urume semukadzi wemunhu iyeye. Kana kuti iye ndiye anopinza chombo chake mune umwe murume oua kumba opinzazve mumukadzi wake. Pamwezve panoita mukadzi akawanikwa asi achihura noumwe mukadzi vachipota vachikwizana pamberi.

Inyaya inoiti ikakuitikira inokwanisa kukukanganisa musoro, zvikuru kana murume wako ari ngochani, zvinova zvakaipa chose kupfuura hungochani hwechikadzi. Vakadzi ngochani havabati zvigwere zvechihure sevarume nokuti hapana chinopinzanwa chichizobuda chava nechigwere. Asi ngatihwisise kuti varume vanohura nevamwe varume chero medu muZimbabwe vakatowanda. Makadziwo vanohura nevamwe vakadzi vakawanda asi hapana HEALTH ISSUE yakakura seyevarume.

Kana uriwe uri kuhura noumwe murume shandisai kondhomu nguva dzese.

Udzai Vamwe!!!!!
Kubva zera      Imbotererai Vhidhiyo iyi

Kutorana mukadzi nemukadzi
Kunyengana
Kuhura zvechingochani

munyama wekusaroorwa
Ngochani

4 comments:

Anonymous said...

Nditori kutonetsekawo dambudziko irori. Vanhu musociety medu vanofunga kuti kuzviitisa. Asi iwe wacho unenge uchitonetsekana nazvo. Ndingaitasei kuti ndizvibatsire?

Mai E Chibwe said...

Chokutanga ndechokubvunza kuti chii chauri kuita kuti uwane wekudanana naye? Ndekupi kwauri kutsvaka?

Imbotarisa nyaya ugozvibvunza kuti zvese zviripo wati wazviita here kuti uwane munhu?

Kana pane chausina kuita, chiite uyezve iwe uri munhu akaita sei paunhu hwako uye kuonekwa kwako nevamwe. Society yedu inoona sokuti kunyengana chinhu chinongoitika zuva nezuva chisinganetsi, iri ngari yokuwanda kwevanhu, asi pane vashoma vasina unyanzvi hwacho.

Anonymous said...

Mashoko enyu akanaka zvikuru Mai Chibwe uye anobatsira. Dambudziko guru randakaona mumagariro edu nderekuti maitiro evanhu anosiyana nezvingatarisirwa. In other words, we ain't living in an ideal society. Vanhu vashoma vanogona kupa umwe munhu through pass yemunhu wavanoziva kuti vadanane. Vazhinji vane shanje zvekuti vangatotaura behind sm1's back kuti zvisaita kana muchinge mangosanganiswa by coincidence thru them. Vamwewo, kunyanya varume, vanogona kukupa munhu wavanenge vachirara naye kunyanya varamo, kikiki.

Mai E Chibwe said...

Iro idama guru. Munhu kana wazvionera kuti une nyaya inoda vamwe, zvikuru zama kutaurira vanhu vanovimbika kwauri. Vanatete, Hazvanzi. Vanhu vakaita saana babamukuru haungavaudzi. Unoudza mukoma wako kwaakawanikwa audze murunyana wake kuti uri kutsvaka wekudanana naye. Pakadai wotanga nyaya yako wakachenjera nokuti kashoma mukoma nomununguna kuroora kumhuri imwe chete sake mokoma uyo murume wasisi ichokwadi kuti angakuitira shanje.

Imwezve nyaya ndeyokuti vanhu havakupi RESPECT kana ukawanikwa pakawanikwa sisi vako. Vanongokuona semurumu zvavaiita kare asi ipapo iwe watova mukadzi mukuru. Kuti uremekedzwe zvozoda kuti uchinje maitire mumhuri iyi.