Saturday 8 February 2014

Nyaya dzokuroya kwevaroyi

Panyika pano mupasi rese munyika dzese kune vanhu vanohi vanoroya. Vakawanda vavo vanhukadzi asi kune varumewo vanohi vanoroya. Kuroya nokuroyana inyaya inoitika zvikuru munyika ine vanhu vatema  asi kuvarungu nemaIndiya nemaChaina zvirikovo hazvo. Kunyika dzevatema zvakawandaisa. Pari zvino kunohi nyika inohi Haiti ndiyo iri mberi pakuroya.

Kwedu kuZimbabwe kunohi kune varoyi munzwimbo dzakawanda dzenyika yedu. Ukaterera zvinotagugwa nevanoziva nezvekuroya unohwa vachiti varoyi vanobva kure nekwaunogara ndivo vanoroya zvakasimba. Kana uri kuMasvingo vanhu vanohi vanoroya chose ndevekwaMutare. Kana uri kuHarare, vekuMasvingo ndivo shasha dzekuroya. Kana uri kuGWERU, VekuKaribha ndivo vanoziva basa. Takadaro vanhu vekuMalawi vanohi vanoroya chose. Handinawo kumbohwa munhu wekuMozambikwi kuhi vanoroya.

Saka kuroya kuita sei?
Vanohwisisa nyaya dzekuroya vanokwanisa kukurondedzera nyaya dzinotoda vanhu vane maDhigiri ezve Remote Control Technologies kuti uzvihwisise. Nyaya dzavanokurondedzera dzinoda vanhu vanonyora mabhoku aya anohi SCIENCE FICTION. Unoterera zuva rese uchibvunza mibvunzo asi zvinonetsa kuti uwane mhinduro dzakakwana. Unohwa munhu achikuudza kuti nhingi akaroiwa nanhingi ndokubva afa. Ukabvunza kuti pakuroya kwacho chii chakaitika chaicho, havadi kukuudza asi kuti iwe nyakuterera vanoda ungobvumirana navo kuti munhu akafa nokuti akaroiwa.

Kune vamwe vanofunga kuti kufamba usiku usina kupfeka zvoreva kuti uri muroyi. Tikaongorora nyaya iyi tinoona kuti vanoona sokuti kufamba usiku usina kupfeka handiko kuroya kwacho asi kungoti zvinoreva kuti uri kuroya. Sakai we nokuda kuhwisisa ukazobvunza kuti saka pavanofamba vasina kupfeka apa vaofamba vachiiteiko? Hauwani mhinduro yakakwana.  Ndakaudzwa nomurume anobva kuNigeria kuti vanofamba vasina hembhe kuti vakwanise kudya mitumbu yevanhu vakafa. Ndikati ko kana munhu afa iwe uchida kumudya, kufamba usina kupfeka zvinokubatsirei pakudya?  Zvikahi “Kana uchidya nyama yemunhu, unofanira kudya usiri munhu kwaye dzisaka vachifamba vasina kupfeka.”

Kana ariwo mafungire evanhu vasiri varoyi, zvinotaridza kuti kuona kwavo hakuna kukwana nokuti havasi kunyatsokwanisa kupindira mibvunzo.

Koitazve vamwe vanofunga kuti varoyi vanhu vanokwanisa kubhururuka vakagara murusero vakatakura zvinhu zvokuroyesa nazvo. Ukabvunza kuti rusero chinhu zhakakura Seiko chinokwanisa kutakura vanhu vaviri kana vatatu uye chigokwanisazve kubhururuka chisina injini chichienda kunodiwa kuendhwa nomuroyi wacho. Kune vanhu vakawanda vanofunga kuti muroyi munhu anokwanisa kuita chero chaada kuita chisingagonekwi nevanhu vasiri varoyi. Ukafunga kuti mudenga mune mhepo inotonhora zvokuti munhu anofanira kutenge akapfeka majasi anodziya cose, asi muroyi anohi anotokumura hembhe dzake obhururuka asina kupfeka.  Pakubhururuka apa haana kamuchini kaya kokutaridza kwaari kuenda asi ipapo usiku. Haana magetsi, haana chinoratidza kuti ari mudenga zvakadii chinohi pachirungu ALTIMETER. Haanazve chinoratidza kuti ari kumhanya zvakadii chinohi SPEDOMETER.  Zvinotaridza kuti varoyi vanhu vakachenjera chose chose kupfuura vanhu vanobhururusa ndege.

Tadaro tobvunzazve kuti kubhururusa rusero usina kupheka usiku ndiko kuroya here? Vanopindura vote kwete. Kubhururusa rusero kungotaridza kuti unogona kuita zvisingagonekwi nevamwe uye zvinoitwa muroyi ari muzhira kuenda kundoroya kwacho. Saka kana asvikako achaitei chinohi ari kuroya. Tinohwa zvohi anopinda muimba yakakiiwa nomukati obva aroya. Chibvunza kuti ava mukati memba anoitei chinohi aroya. Ndipo unoudzwa nyaya dzisingahwisisiki nomunhu ane njere. Kwahi anokurhoja uvete kana kukutaudza uvetekana kukutema nyora uvete.

Pazvitatu izvi zvinoti kurhoja munhu avete, kutaura nomunhu avete kana kutema nyora munhu avete, zvinoita sokuti wapedza nguva uchigadzira zvinhu zvakawanda kuti usvikoita chinhu chisina mature. Kupedza vhiki yese uchiruka rusero wodzidzira kubhururuka pamwe uchimbobondera pamiti nezvimwe, pamwe uchimborasika, pamwe uchishaya pekumhara, zvese izvi kuti usvikorhoja munhu wausingazivi asi vaunoziva vanoda kuvata newe vasina avarhoja zvine musoro upi izvozvo?

Zvikwambo
Koitazve vanhu vanohi varoyi nokuda kwekuti vane zvitokorochi/zvikwambo. Ukabvunza munhu anoziva nezvezvikwambo kuti chikwambo chiiko, anokuudza kuti chinhu chakaita somunhu asi chisiri munhu uye chisiri mhuka. Chinokwanisa kudhiraivha bhazi, rhori, chitima, mota, kana ndege. Chinokwanisazve kupinda mubhangi chichinoba mari chichipa muridzi wacho.  Chinodya zvokudya zvinonetsa kuwana zvakaita seropa romunhu kana kuti mukaka wemunhu, kana poriji.  Chinokwanisa kurova vanhu vasingawirirani nomuridzi wacho, uye kurhoja vakadzi vevanhu muraini. Zvinohi hakuna chikwambo chechikadzi. Zvikwambo zvese zvirume. saka hakuna chikwambo chinovata nomurume wemunhu. Kune zvinovata nevakadzi vevanhu chete.

Kushata pameso kana muviri
Kana uri munhu akashata pameso vanhu vanokasira kubvuma kuti uri muroyi kana murume wako avaudza kuti uri muroyi. Zvimwe chetezvo kana uri munhu akakoresa. Zvinohi kudya nyama yomunhu zvinokodza  vadyi vacho saka munhu akakora anobva ahi akodzwa nokudya vanhu. Iyi inyaya inonetsa chose nokuti inongowanikidza vanhukadzi. Murume akaita zidumbu risingaiti anohi munhu webhizimisi, asi mukadzi akakora kohi adya nyama yomunhu.

Zviitwa zvevaroyi:
Totarisazve zviitwa zvevaroyi tinoona kuti pamagarire edu panofanira kuti munhu umwe noumwe adzidze zvinohi TRANSFERABLE SKILLS. Muroyi munhu anofanira kuti ange achiita mabasa anotaridza zvinhu zvavanogona kuita.

Takaita makore anoda kusvika gumi nyika yedu ine vanhu vaida kubudamo asi vachishaya kuti vobuda sei.  Kwaifanira kuti vanhu vanogona kubhururusa rusero vange vachiyambusa vanhu vakawanda usiku humwe nohumwe vachivaendesa kuSouth Africa, America, Canada, Australia, UK, Germany, France, China, pasina kana passport kana Visa. Asi tinoona kuti pamakore ese awa hapana munhu umwe chete akambohi anoyambusa vanhu. Vanhu vaingodyiwa nengwena paLimpopo apo kuri kushaya anovabatsira. Asi muchaona kuti kuchaita umwe munhu anozviti muporofita achatanga basa iri vanhu vachimupa mari asi pasina waanoyambusa. Kupusa kwevanhu vemunyika yedu hakuperi. 

Toonazve kuti vaMugabe avo vaitukwa nemhomho yese kuti havagoni kutonga nyika, hapana akambofungavo kupinda mumba mavo usiku kundovataudza vavete kana kuvatema nyora. 

Koitazve umwe mudhara anohi Jonathan Moyo aitukwa nokunyombewa nevanhu vakawanda chose asi tinoonazve kuti hapana akafunga kupinda mumba make usiku nokumurhoja nokumutema nyora nokumutaudza ari kuhope.

Zvinhu zvakadai zvinotiratidza kuti vanhu vacho vanogona kuroya njere chaidzo Havana kana kuti hakuna munhu anogona zvinhu zvatinofunga kuti zvinoitwa nevaroyi. Rudzi gwedu ndegwevanhu vanofarira chose kuudzana nhema pazvinhu zvakawanda zvatisina ruzivo nazvo. Saka tichizoona kuti vamwe vedu vakayambuka gwizi gweruzivo, vanotanga kubvunza mibvunzo yakawanda panyaya dzakaita seidzi nokuti vatsananguri venyaya idzi vange vagarisa vachiudza vanhu nhema pasina anobvunza kuti zviri kufama sei.    

Tinoonazve kuti kune varume vanoramba vakadzi vavo vachiti nokuti mukadzi anoroya. Ukaongorora kutyisa kwekuroya unoona kuti dai murume aitofunga kuti zvechokwadi mukadzi wake anoroya aibva atotadza kumuramba nokuda kwekutya kuroiwa naye. Asi tinoona vakawanda vanorambwa vachingoenda pasina chinomboitika kumurume uya amuramba.  Kunongozotiwo varume vati kurei vave kutadza kumisa chombo ndivo vanozopomera vakadzi vavo vavakaramba mhosva yokuti ari kumuroya kuti asamisa chombo. Kuri kutya kuenda kumurapi kunorapiwa pazviri.

Nyaya dsese dzinotaugwa pakuroya nevaroyi hadzina kuti tasa. Hakuna  munhu anobvunza mibvunzo yakakodzera angapindugwa zvakakodzera panyaya idzi nokuti hakuna munhu anoziva kuti chii chinohi kuroya. Vese vanotaura nezvazvo vanongotiudza zvinhu zvisina kana musoro. Unotoita sewakaterera chimwana chiri muGrade 1 chiri kudzidza kutaura ngano.


Ukahwa murume wako ava kukuudza uroyi, chibva waziva kuti haachakudi zvachose asi haana chinhu chaanokwanisa kukupomera kuti ndicho chawakaita. Zvadaro tora twako uende kwenyu nokuti murume haachakudi. Kazhinji ava nehure raava kuvata naro zvokuti iwe hauchina chaungaita ukabuda uri mupenyu pazviri.  Kuudzwa uroyi zvinoreva kuti murume akufungira rufu. Chibuda uri mupenyu.

Nyaya dzinotaugwa nezvikomana zvomuGrade 1 zvichigocha maputi.

Muporofita abigwa mari nechikwambo

Nyoka yawanikwa mumota

Mwana akachinja kuita nyoka

Nyaya dzakadai wega kana une makore anopfuura 6 unongoona kuti dzinonyogwa nevanhu vasina zvimwe zvine musoro zvokuita. Ukahwa munhu mukuru achidzitaura chiziva kuti njere dzake ishomanana. Hakuna zvakadai zvinokwanisika kuitika.


Bvunzai Vamwe!!!!
kuita sei kuroya?
Muroyi chii?
Ndingadzidzirepi kuroya?
Mukadzi wangu muroyi here?

Murume wangu muroyi here?
Ndiri kuroiwa nani?
Ndingaziva sei kuti ndaroiwa?
Ndakadyiswa here?

2 comments:

shepherd said...

Iyi nyaya inotondityisa kana kuitaura. Chimboedzai kutaura ne ma porofita kana n'anga, ava vanenge vane ruzivoo rwakati kurei panyaya iyi. Asi kuona kwangu, huroyi ne science zvakatosiyana nekuti huroyi hunowandira mu spiritual relm asi huine link ne phisical world. zvescience zvese zvinongoperera mu phisical world.

Mai E Chibwe said...

Kwese kwawataura uko ndakasvikako. Nyaya iyi ndava nayo kubva muna 2007 zvese kuZimbabwe nomu RSA ne South Africa. Ndava kutoihwisisa zvokuti ndikadawo kuita mari nayo ndinongoitawo zvinoita idzo n'anga dzacho nevaporofita, nokuti maitire avo vanhu ava ndava kumaziva. Inotovavo imwe nyaya yakatomirira kuti inyogwe ndichitopiwa rondedzero yacho nevaiti vezviitwa.

Hakuna Spiritual event inongoitika pasina munhu wacho ari physical anoita zveSpritual. Munhu kuti abhururuke iPhysical thing. munhu kuti avate nomukadzi/murume iPhysical thing. Munhu kuti abve pane imwe nzwimb aende pane imwe iPhysical thing. Science inongovapo kurondedzera zvaitika kwete kukonzera kuti zviitike. Nyaya yedu iri pakuitika kwezvinhu . Mukutaura ngatishandise mashoko akarurama pakutssanangura zviitiko. Hakuna n'anga inokwanisa kurondedzera kuti kuroya kuita sei. Ukabvunza makagara pasi mune nguva yakakwana yokuti arondedzere hapana rondedzero yakati tasa yaunopiwa. Ugobvapo ugonotsvaka imwe n'anga unowana kuti nyaya dzavo dzakangofanana. Chero ukabhadhara mari kuripa nguva yavo hapana chaunowana. Hakuna chiitiko chisina mashoko okuchirondedzera sezvakaita kuroya. Hapana Science munyaya yedu asi kungoti hauwani munhu anokwanisa kuirondedzera zvinogutsa.

Vaporofita futi havarondedzeri nyaya asi ukaterera unohwa vachingotsvakiridza mashoko avanoziva kuti haahwisisiki. Vanhu vazhinji pane kuramba vachibvunza, vanotyiswa nazvo vonyarara. Imbozama kubvunza kuti chii chaicho chakaitika muroyi paairoya munhu. Simple Question asi haina Answer kubva kuvazivi vazvo.