Wednesday 16 April 2014

Kuroora mukadzi ane mimba youmwe murume

Nyaya iyi ndeyevarume zvikuru. Tomboti musikana wako wepamoyo aita mimba iwe uchiziva kuti haisi yako asi wobva waramba uchida kumuroora uku uchiziva kuti munhu amuitisa mimba yacho haamudi zvachose. Inofamba sei nyaya iyi pamaonere evarume nemaonere emukadzi wacho anowanikwa pakadai.

Zvinoita here kuti mukadzi uyu akwanise kukudza murume kana varoorana? Mubvunzo uyu wabvunzwa nomusikana ari pakadai. Mukomana wake anomuda akadaro kwahi mwana ndinorera.

Toda kuongorora mafungire emurume uyu:
Ngatitange tabvumirana kuti mudzimba umu mune vana vakawanda chose vasiri vevarume vana samusha vacho. Umwe mwana ndewekutanga umwe ndewepakati zvichienda zvakadaro. Mazuvano nokufambafamba kwevanhu mese mukadzi nomurume munosangana nevamwe vanhu motaudzana kusvika pamuedzo. Murume akahura pasina kondhomu anokwanisa kumitisa umwe musikana kana kupa mukadzi wemunhu mimba. Mukadzi wemunhu anodzokera kumba kwake ovatazve nomurume wake mimba iya yechikomba yatobata kare. Mrume wemumba anongofunga kuti mwana ndewake orera pasina dambudziko.

Pano hatisi kutaura nyaya yakadai. Tinoda kutaura neyemurume anoda kuroora musikana waanotoziva kuti ane mimba youmwe murume uye zvinoita here kuti audze hama dzake kuti mimba ine musikana haisi yake?

Ukaongorira unoona kuti kuvarume vakawanda nyaya yokuvata nomukadzi chero zvake ani, haizezesi.  Ndizvo muchiona mahure achitoita mari kuchaja varume kuti vauye kuzotenga zvigwere. Ukaterera varume vachitaurirana unohwa vachiti "hure riya rinonaka zvokuti" woshaya kuti sei uchivata naro iwe uchitoziva kuti ihure? Varume vanoita sokuti vanofungigwa nechombo nguva zhinji. Kana chamira fungwa mumusoro haachina kusvika chombo chapedza shungu dzacho ndipo paanotanga kumhanyamhanya kundotsvaka mushonga wesiki. Zviri kwese izvi. Handi varume vedu chete. Kwahi Zuma wakavata nomukadzi ane HIV pasina condhomu. Kwahi aifunga kuti akakasira kugeza nemvura inopisa ustachiona hunopera. Ndiwo mafungure evarume kana chombo chamira.

Saka hazvitishamisi kuhwa kuti murume anosangana nomusikana ane mimba agotovata naye kusvika anakigwa zvokutofunga kuti anoda kumuroora. Pamwezve zvinoitika kuti murume ane musikana wake waanoda chose chose asi musikana uya ane vakomana vaviri. Akamitiswa noumwe mukomana, akarambwa, anokwanisa kuchienda kune uya umwe osvikogamuchigwa zvese nemimba yake iyoyo. Kuzoda kuroora uku kuitira kuti pasawana anofungira kuti mimba haisi yemukomana uyu.

Kazhinji vari vaviri vanovanza nyaya yemimba iyi kumhuri dzavo kuti dzisafungira kuti mimba haisi yemurume ada kuroora. Kazhinjizve mukadzi haaudzi mukomana wake kuti mimba haisi yake  asi anotozama kuvata naye kakawanda kuti afunge kuti mimba ndeyake. Hino uyu abvunza mubvunzo akabudira mukamana pachena kuti ane mimba uye mimba ndeyeumwe asingamudi. Mukomana ndokubva amuudza kuti anomuda akadaro nemimba yake. Mwana anorera sewake. Ndipo pasiyana zvinosiitika nezvaitika. Mrume anoti anoda mukadzi uyu sezvaari izvozvo.

Ukatarisazve unona kuti nyaya iyi haina kusiyana nomurume anoroora mvana orera mubvandiripo sewake. Changosiyana izera remwana uye kuti uyu anozozvagwa mumba memurume uy obva aita sewake kune vasingazivi nyaya. Saka zvinotova nani nokuti hama hadzigaroona mubvandiripo seasiri wavo. Nerimwe divi tinotoona sokuti murume uyu ane dambudziko shoma kune rouyu aroora mvana.


Mafungire ehama dzomurume uyu kana dzaziva kuti mimba ndeyoumwe
Mhuri dzakawanda hadzidi kurera mwana asiri wavo. Vanotoungana pamurume uyu kumuudza kuti mafungire ake awa ari kubva pakudyiswa nomukadzi ane mimba uyu. Unnona chero hazvanzi yemurume uyu inenge iri mvana inotohurawo nevamwe varume, ichitomira mira kutsika madziro kudzivisa hazvanzi kuroora musikana ane mimba uyu. Ukada kubvunzisisa kuti chaanomurambidzira chii chaicho unoona kuti ari kungofunga kuti dai hazvanzi yangu yaroora musikana mhandara kana kuti atisingazivi kuti imhandara here kana kwete. Mafungire evanhu vemhuri pamwe haanzwisisiki asi kungoti pane zvinhu zviri mufungwa dzedu zvatinofunga kuti zvakaipa zvisingafaniri kuitwa nehama dzedu pasina nyaya dzakaita sokudyiswa. Hama dzinokutenderedza musoro ukasahwisisa zvaunoda kuita.

Kune varume vanoda musikana zvokuti chero akaudzwa chimwe chinhu chakamboitwa nomusikana uyu chakaipa haanei nazvo anomuda akadaro. Kuroora munhu ane mimba chinhu chikuru chose mumhuri zvokuti ukavaudza usati waroora vanombozama kukudzivisa.

Kana murume uyu ari kure nehama anongofonegwa achipopotegwa asi hapana zvavanokwanisa kuita. Tinozviona kune vanogara kune dzimwe nyika. Unoona mukomana akasvika chose uye ane runako zvokuti vasikana vakawanda vanotomuda asi havana mukana wekumunyenga. Unoona achinoroorana nomukadzi wamusingafungiri kuti akakodzera. Muchembere, mvana, ane vana nevarume vakawanda, asina kudzidza saiye. Imi vaoni ndimi mune dambudziko nazvo iye haana.

Ruzhinji kana mukada kurambidza munhu kuroora umwe munhu ndipo paanotowedzera kumda zvokuti kuvarambanisa zvinonetsa. Chinongozobudapo ndechokuti dziya hama dzinotaurisa dzichavengwa nomurume uyu nomukadzi wake nokuti vanoona sokuti hama dzinovenga mukadzi uyu. Kana muchida kurambanisa vanhu musatanga nokutaridza kuti hama yenyu haigoni kusarudza zvakanaka. Challenge yokusarudza haina anoigamuchira zvakanaka.


Mafungire emukadzi
Kana musikana akaita mimba pasina mukomana anoigamuchira, panomboita nguva yokutya upenyu huchauya zvokuti mafungire ake anosiyana nezvaange ari asina mimba. Mukadzi kana asina mimba achingoda hake kuwanikwa anenge ane rudo kana SECURITY mufungwa.

Uyu ane mimba youmwe mafungire ake akati siyane neevamwe. Ane EMERGENCY inoonekwa nemhuri mbiri dzese saka inoda kugadziriswa nokukasira. Iye haakwanisi kuigadzirisa nokuti simba riri kumurume. Nyaya yese iri kumurume nemafungire ake. Zvinokwanisika kuti murume anotaura kuti anoda mukadzi, kopera awa imwe chete ochinja mafungire. Kusvika ava mumba uye vagarisana, mukadzi uyu haazivi paamire. Zvinhu zvinokwanisa kukasira kuipa.

Mafungire ehama dzomukadzi
Hama dzomukadzi kana dzikapiwa mukana dzinoda kunotauririna nomukomana uyo muridzi wemimba. Izvi zvokuti mwana wavo ane mimba asi anoda umwe murume zvinoshungurudza vabereki nehama nokuti zvinonetsa kuhwisisa. Munhu kana aita mimba kazhinji anonetsana nomurume amupa mimba yacho, kwete nevamwe varume. Zvinokwanisika kuti hama dzomukadzi dzitange kupopotera murume ari kuda kuroora uyu kuti ngaasiyane nomwana wavo. Ukuwo vachaedza kundotaura nanyamimba kuti aroore kana kubvisa dhemeji.

Inyaya inonetsa vakawanda kuihwisisa.

Maonere evanhu vemuraini.
Vanhu vemuraini vanongodawo havo nyaya dzinonakidza kutaura vachinyebera kudemba pazviri kuti azviitirei asi hapana kubatsira kwavanokwanisa kuita. Kana vakazoona kuti munhu ada mukadzi wake, vanongopedzisira vamugamuchira akadaro. Vanhu vemuraini vane nhamo dzavo mudzimba dzavo. Kana vasina kutoudzwa nehama dzouyu ada mukadzi ane mimba havatombofungi nazvo. Vanongouyawo kumuchato vopururudza vodya mabiko vodzokera kumba kwavo.

Rugare mumba: 
Pamusha wakadai panokwanisa kuita rugare here, uye pane nyaya dzinotaugwa here kana matukana paya pamunombosvotesana. Ruzhinji kana uchida kuziva mafungire emunhu, terera kutaura kwake kana akatsamwa. Ndipo paunoziva chaizvo chaizvo zvaanokufungira. Ukaona magarisana kwekanguva, manyawi ekuti muchangoroorana apera mukadzi iyeyu akakanganisa chimwe chinhu kana kuti akada kukomburena pane zvaitwa nomurume, murume anokwanisa kumuudza mashoko akadzika chose pamusoro peupenyu hwake.

Hino mukadzi uyu akashaya moyo murefu pamurume wake nomutauro wake, nyaya yavo inokwanisa kushata. Murume akuda pazviito zvako zvakaipa anoona sokuti anokodzera kuregeregwa kupfuura vamwe varume pazviito zvakaipa. Ichi chiri chokwadiwo. Usaita tsika yokukangamwa kuti murume ataridza rudo gwakapfuura vakawanda. Iwewo chiziva kuti une chikwereti chake chisingarapiki. Kana zvaada unazvo mupe afare. Akatanga kupopota iwe chikumbira regerero nyaya ipere musati matukana. Zviito zvake zvinoratidza mafungire ake. Kana usina chokwadi nazvo, bvunza kana akagutauye akarivara. Chimwezve garomuudza kuti unomuda uye sei uchimuda asi usamuyechidza nyay yokugamuchira mimba yako kwake nguva dzese.

Saka topa musikana uyu ADVICE yokuti kudii panyaya yake?
Ari kubvunza kuti zvinoita here kuti aroorane nomurume uyu ari kumuda vagogara zvakanaka kusvika vachembedzana?  



Chimbotongaiwo tihwe vaverengi.

1 comment:

Anonymous said...

Nyaya iyiyakawoma Amai Chibwe asi ndichambozama kuti tiwonesane kuda pane chingabuda chinobetsera varimunyatwa iyi. Magona kunanganidza pfungwa dzevese vachabatwa batwa nechiitiko chemusikana uyu pamwechete nechinhanho chatorwa nemukomana uyu ati anoda kuroora achiziva kuti musikana anemimba isiri yake.

Ndinowona sekuti nyaya iyi icharema mushure menguva nemhaka yekuti ndirikuwona mukomana nanyakuzvitakura sevane mafungiro asinga nzwisisiki zvakana.

Pfungwa yemusikana anorara nevakomana vaviri pasina kondoma inoratidza dambudziko rekushaikwa kwemuwono wezvichauya kana pakazoita mimba. Zvavakuita sekuti uyu wekuramba mimba ayiziva kuti kune mumwe naizvozvo akaramba nhumbu nekusada kutrapiwa nemusikana waasina chinagwa chekuroora. Kuda haana kugutsika nehunhu hwemusikana.

Chandifadza hangu pamusikana ndechekuti akataurira mukomana wekutambira mimba chokwadi chekuti hayizi yake. Ndisingazivi kuti musikana anomuda here uyu kana kuti unotsvaka bako rekuhwandira kusvikira mvura yagasa muupenyu hwake apo anozosimudzira rwendo rwake nemwana wake achienda kumafuro manyoro?

Uyuwo mokomana wekutambira mimba isiri yake anezvivindi zvikurusa kana kuti kushaya ruzivo rwezvichauya. Chekutanga ndechekuti munhu rume anofanira kuzviremekedza pachake kuti awane kodzero yekuti vamwe vanhu vamuremekedze. Rudo harwuremadzi pfungwa. Musikana anditaurira kuti haana kuvimbika pedzezvo akapiwa nemumwe azomuramba owuya kwandiri sekunga anoti yavanguva yekundishandisa sespeya wheel? Ini ndaingati kwete bodo nemhaka yekuti ndayinganzwa kurwadziwa kwekudererwa nemusikana uyu. Handiwoni kuti musikana uyu achafa akaremekedza mukomana uyu vakaroorana. Chinonga chasara kuzadzirwa imba nevana vevamwe varume iye aripo.

Iyi nyaya yakasiyana nemurume aroora mukadzi ane vana nemumwe murume. Muganho apa uripachena. Chaipa apa kumitisirwa uripo uchiziva.

Mukomana zvaakwanisa kutambira chokwadi chekuti mimba ndeyemumwe chazonetsa chiiko kuti vapedzise rwendo rwekuudza hama neshamwari kuti ndizvo zviripo apa. Nyaya yakadayi hayivanzike nekuti muridzi wemwana anotoziva kuti mwana achazvarwa ndewake. Aramba amai vemwana kwete mwana wake. Nekufamba kwenguva achauya zvichida kuzotora twake. Handiwoni pachigarika pamba apa. Ko zita vanomupa ripi? Ko vanin'ina nehanzvadzi dzake vanozodziwudza riniko kuti vane vanababa vakasiyana? Ikodzero yemwana kukura achiziva chokwadi chekuti baba vake ndiyani uyezve kuti adanwe nezita remba yababa vake nyangwe amai vake vakaroorwa kumwe.

Ndinowona sekuti ava vaviri ava vakaroorana vanonga vavaka musha usina zororo. Musikana achabatwa senhapwa kuyenda mberi kana kuti mukomana achava iye mai vemusha uwu akagarwa nhongonya nemusikana zvicharwadza kana hama dzemusikana.

Zano randingavapa nderekuti sezvo mukomana achiti arimurudo, ngavambomira kuroorana kusvikira mwana azvarirwa kumba kwevabereki vemusikana. Zvinopa mhuri yemusikana nguva yekugadzirisana nanyakumitisa. Mwana avakuzivikanwa nezita nemutupo wababa vake uyu arimurudo anochizotevera mvana yake ichibva mumba mevabereki vake. Zvinonga zvisisina rushambwa kana nechakahwandiswa.