Tuesday 29 April 2014

" Vatete, Ndakadyiswa Chiremwaremwa"

" Vatete, Ndakadyiswa Chiremwaremwa"

Mukadzi akaenda kumusha (Zimbabwe) kubva ku UK, ndokunoita vhiki nhatu ariko. Mukadzi nomurume vaigarotukana mumba murume achiti anoda mwana mukadzi achiti anoda kutanga apedza kosi yake younesi. Akandisvikotambira Kisimisi kumusha ndokudzoka ndokusvikoita mazuva, kutukana ndokudzoka mumba. Murume kutora mapiritsi omukadzi achiviga kuti mukadzi asamwa mapiritsi emimba. Murume anobvuma hake kuti akakanganisa pakuviga mapiritsi asi anoti mukadzi zvaakazomuitira zvakakurisa saka haachadi mukadzi.

Ko chiiko chauri kuti mukadzi akakuitira chikuru kudai? Kwahi hazvitauriki. Murume akarova mukadzi. Mukadzi ndokudana mapurisa murume ndokusungwa. Asungwa mapurisa haana kunatyohwisisa. Murume akawana chigaba chemushonga webhutsu chakavigwa muAiring Cabinet, ndokushamisika kuti sei mumba mune mushonga webhutsu tsvuku asi pasina anebhutsu tsuku. Paakachivhura wanei mune zvinhu zvaasingabati kuti zvii. Adaro ndokuvigavo pake. Mukadzi adzoka ndokubvunza kuti ko ichi chiiko? Mukadzi kumboramba ndokuzoti abararadzwa ndokudura kuti akabva nazvo kumusha uye akazvipiwa namai nhingi vanotozikamwa nomurume wake.  Ko chiiko uye wakapiwa uchinzi uitei nacho. Kwahi ndakangopiwa. Murume ndokuwedzera kurova. Pakuzosungwa ange ava kutoziva kuti inyama yechiremwaremwa uye zvinoita sokuti akatodyiswa imwe yacho.

Chiremwaremwa. Kuchivhima, wochiomesa, wochikuye wopota uchiisira murume muzvokudya zvake. kkkkkkkkkkk.!!!
" Vatete, Ndakadyiswa chiremwaremwa. Ndoita sei naye mukadzi uyu. Handichamudi zvachose" Ini ndokubvunza kuti sei uchitsamwira mukadzi panyaya yokuti wadziswa chiremwaremwa usingazivi? Zvimwe zvese zvaanokudyisa sei usina kutsamwiswa nazvo? Pane zvakawanda zvinotengeswa muma Supermarket mu UK zvaanotenga achikubikira asi hautsamwiswi nazvo. Chakutsamwisa kuziva kuti aviga chiremwaremwa here kana kuti pane zvimwe. Sokuziva kwangu chiremwaremwa hachina poizeni nokuti kune dzimwe nyika vanozvidya pasina rufu.

Chii chingaitisa kuti murume atsamwe kusvika pakurova mukadzi kusvika asungiswa achiti nokuti adyiswa nyama yechiremwaremwa?

Kuti tidavire mubvunzo uyu ngatitange tabvunza kuti zvinobatsirei kutimukadzi anosiya nyama yomubhucha achinotsvaka yechiremwaremwa inochengetegwa muchigaba chomushonga webhutsu? Mhinduro chaiyo ndeyokuti hapana zvazvinobatsira. Nyama yechiremwaremwa haina kusiyana nedzimwe nyama asi kungoti zviremwaremwa zvinoparadzira zvigwere zvakaita se IBOLA Virus iyo yapedza vanhu kunyika dzokumusoro. Kana munhu ada nyama isiri yemhudzi kana mombe, zviri nani kutaura nomurume wako mobvumirana kuti moitenga kupi monoitenga. Kufidha murume wakaviga nyama zvenge zvisina musoro.

Mukadzi uyu anenge akaudzwa nhema nevanomuudza obva achengeta nhema dziya mumusoro odzishandisa opedzisira apokana nomurume kusvika pakusungisana. Tokamubvunzurudza tichahwa achitaura kuti mufungwa make mange musina nyaya yokusungwa asi kutoti aifanira kutevera nyaya yenhema yaakaudzwa.

Murudzi gwedu mune vanhu vanoparadzira nhema mumaraini vachiputsa misha yevamwe nadzo. Asizve handifungi kuti pavanhu vese vatinoziva pane munhu akamboona munhu achimira pagedhe remusha wake achishambadzira kuti ari kutengesa nyama yechiremwaremwa iri muzvigaba zvemushonga webhutsu. Ukatomuona munhu akadaro unomudaidzira sabhuku osungwa, nokuti zviremwaremwa hazvidyiwi munyika yedu uye kuchibata kunonetsa kana usiri muvhimi aneunyanzvi.

Saka kana kusina anouya kumba kwako achitengesa zvoreva kuti iwe kuti uzova nechigaba ichi unenge waenda kumba kwemunhu anazvo wonotengesegwa ikoko wodzoka wakatakura wega uchiziva zvawatenga. Saka mukadzi uyu tinoziva chose kuti akanotenga, pedzezvo ndokutakura kubva kumusha kusvika UK ndokutanga kufidha murume wake. Mukadzi ndiye akatonoudza nyakutengesa nhema dzaaida kuti dziwedzere. Kuzopiwa izvi ange akumbira. Ndiyo nyaya inotsamwisa murume kusvika aita zvinomusungisa. Isu vanhu vakawanikwa ngatipahwisise apa kuti sei murume asvika pakusava nehanya nomukadzi wake kusvika pakumurova zvakadai.

Nyaya dzomumba dzinoti ukaita yako, ukasakasira kuigadzirisa uchiti nokuti hausiwe une mhosva, uchaona kuti kunopera gore nyaya yako yakurisa zvokuti hauchaigoni wega, wobva wandotsvaka vakadzi vemuraini vasinei newe. Vobva vakutengesera zvigaba zvine zvinhu zvisingadyiwi kwahi enda unobikira murume kuti agokuda. Murume wako haana kumboti haachakudi, asi kuti pakati penyu muri vaviri hamudi kugadzirisa nyaya dzisina kururama. Vanhu dzidzai kuti mukapokana mokasira kugadzirisa nyaya dzenyu modzokera pakuva mai nababa vemusha wenyu.

Dai mukadzi uyu akachenjera aikasira kubvunza munhu akamupa chigaba kuti zvino murume zvaasungwa, chigaba chashanda here kana kwete?  Zvichazoshanda here? Zvakamboshanda here kumwe? Kana wakachenjera uchahwisisa kuti hakuna kwazvinomboshanda nokuti nyama yechiremwaremwa haina kusiyana nedzimwe nyama. Ukaidya wakurungira dovi hazvisiyani neakurungira yembudzi.

Varume
Imiwo varume hwisisai kuti parudzi gwedu mukadzi ndiye anobikira murume mumba. Munhu anohi mubiki, munhu akakosha chose pamusha zvokuti vaya vanobikigwa garai muchiziva kuti munodya zvaanoda kuti mudye. Kuzorova nezvibhakera kurova hako asi mubiki atobika imi matodya. Hapana chichagadzirika ipapo. Murume ngaasakonzera mukadzi wake kufunganya zvokusvika pakamuomera zvokubuda mumba make achinofamba muraini achitaura nhamo dzake dzomurume wake kusvika vaya vame zvigaba vati chibata napapa. 

Murume hwisisa kuti mumaraini okwenyu mune varume vakawanda chose vari kungodyiswa zvinhu zviri muzvigaba nyakudyisa achifunga kuti pane zvazvinoshanda, nyaya yese yabva pakuti iwe murume hauhwisisi nyaya dzemhuri yako. Sabhuku haamiriri kuti munhu wemudunhu rake auye kuzozvitongesa. Anotodaidzwa kudare oenda nyaya yake yotongwa yopera vanhu vodzokera kudzimba dzavo. Saizvozvo samusha akaona nyaya pamusha anokasira kugara pasi nomukadzi wake vogadsirisa nyaya. Kumirira gore rese kuti mukadzi achauya ozondiudza kuti nyaya yapera hazviiti. Wakamirira kudai ndipo paunodyiswa zvemuzvigaba.

Kune zvakawanda zvinodyiswa varume vasingagoni kugadzirisa nyaya mudzimba dzavo. Kune nyama dzemhuka dzisingadyiwi dzakaita sezviremwaremwa nezvidhambakura, chifurira, gwaivhi, koitazve ropa rokumwedzi, kwemukadzi wako, nezvimwe zvinotosemesa. Zvese izvi zvinobva pa DESPERATION yemukadzi panyaya dzausiri kugadzirisa iwe.

Nyakubvunza
Saka ini ndakamurondedzera kuti iwe nomukadzi wako pane zvamusiri kugadzirisa zvinodya moyo wemukadzi wako. Hazviiti uti munhu azviwanira murume wake akanaka agoonekwa okwira ndege achienda Zimbabwe onotaura nezvichembere zvemuraini opiwa chigaba chine nyama yechiremwaremwa chakafa kuda gore rakapera museri, uchisenga ne Bacteria yacho yese iye ari NESI anohwisisa zvigwere, oita chivindhi chokupa murume wake kuti adye. Hazviitiki pasina nyaya inogumbira yaatadza kugadzirisa iye ega.

Ndipo ndakamuudza kuti ukatoramba mukadzi uyu uchatorana noumwezve asi dambudziko rako iroro uchagara unaro ugosvikazve pakupokana nomutsva wacho. Dai wafonera mukadzi wako mugarisane pasi mubvunzane kuti chii chakakanganisika kusvika ada kuti udye chiremwaremwa.

Kuzotaura kuti mukadzi akudyisa chiremwaremwa kutaura nyaya yagara iripo kare. Yokutanga ndeyokuti iwe samusha hausi kutonga mushawako zvine kodzero. Gadzirisa nyaya mukadzi asawana chokunodembera vanhu vemuraini. Nyama yechiremwaremwa haina chainoita pamuviri wako chakaipa zvokuti ungatonetseka nayo, Kuzhe kwekuti kana uri muSavadha anoremekedza mabhuku eBhaibheri anotaura nezvisingadyiwi. Vamwe vese inongori PSYCHOLOGY yokuti mukadzi haachavimbi neni panhema dzandinogaromuudza. Ndiko saimba achikanganiswa musoro nazvo.

Mukadzi wako haadi kukuuraya kana kukupengesa, kana kukutyisa, anongoda rudo chete. Iwe wakamuroora uchimuvimbisa rudo saka mutaridze rudo nyaya igume yakadaro, mese modya nyama yokubhucha.

Remekedza munhu anokubikira mumba kuti akubikira zvakakukodzera.

Udzai vamwe!!!!!!!
Kudyisa murume
Murume akadyiswa
Mushonga wekuti murume akude.
Kuti murume auye kumba






No comments: