Monday 23 June 2014

Kuchinjwa kuita mukadzi/murume

Kuchinjwa kuita mukadzi/murume
Kana mawana nguva imbofungaiwo nenyaya yokuti munhurume iota fungwa yokuti iye munhukadzi, ksvika pakuvenga chombo chake, obva aenda kudhokotera onomuudza kuti haachadi kuva munhurume, dhokotera omupa mushonga wekuti ataridzike somunhukadzi. Mushonga uya womuitisa kuti akure mazambo uye aite ganda rakatsetseka, ukuwo ihwi rake rokwira kuita seromunhukadzi.

Kunopera nguva madhokotera achitarisa nyaya yake kusvika vabvumirana kuti nguva yakwana kuti achiva munhukadzi. Vanomucheka chombo, voshandisa nyama yacho kugadzira chitubu, vomubvoora buri kuti ataridzike somukadzi.

Zvadaro, kunoita nguva achifamba akazvipinza chinhu muchitubu chake chitsva kwenguva kuti nyama dzepo dzisabatanazve kuvhara buri riya. Kunozoti maronda aya akapora ese munhu ofamba hake akapjeka nhumbi dzechikadzi achitonyengwa nevamwe varume achitovata vavo sezvinongoita vamwe vakadzi.

Koitavo vanhukadzi vanosvika pakufunga kuti varume, kusvhika vavhagwa chitubu nyama dzematinji nebhinzi dzoshandiswa kugadzira chombo, uku opiwa mushonga wekumeresa ndebvu nokuderedza saizi yemazamu kusvika pane varume.  Kana apora anongoonekwa sokuti murume zvokuti anotonyengawo vamwe vakadzi achivata navo zvokuti haungazivi kuti mukadzi

Nyaya dzakadai dziri kuwedzera chose kuno ku Europe nokuAmerica, Canada, Australia, zvokuti vaya vanongonyengana nevanhu vavasingazivi HISTORY yavo vanokwanisa kutoroorana nomunhu akadai. Kana asina kukuudza kuti ndizvo zvaari, unokwanisa kutovata naye wozoziva kuti waita zvechingochani patova nenguva uchizviita.

Saka apa tinofanira kubvunza mibvunzo yakawanda kuti tihwisise nyaya iyi kuti inobva kupi uye kuti kwedu variko here vanhu vanozvagwa, vokura, vozotanga kufunga kuti zvavari handizvo uye vanoda kuchinjwa kuita zvavasiri, ukuzve vachizoda kuvata nevamwe vanhu.

Nyaya iyi yakasiyana nomunhu anozvagwa ane zvese zvomurume nezvomukadzi.

Tobvunzazve kuti kana iwe ukanyengana nomunhu waunoona semukadzi/murume iyewo achizviti mukadzi/murume zvechokwadi, asi kozoti kwapera nguva muchivata mese, ozokuudza kuti aimbova murume/mukadzi kare  unopaona sei. Kuno kune vanhu vakawanda chose vakaroorana nevanhu vakadai vanotogara upenyu hwavo zvichiita sokuti hapana dambudziko. Asi mubvunzo ndewekuti kwedu zvichaitikawo here izvi sezvo tiri vanhu vanofarira kukopera zvinoitika kuEurope nokuAmerica kwazvava nenguva zvichiitika.

Iwe unofungeiwo nazvo? Rondedzero yako unoiwana kupi? Tine mvumo here yokutsoropodza vanozviita kana isu tisingahwisisi kuti zvinobvepi?

Wakamboitawo here umwe musi wawakafunga kuti hausi murume/mukadzi ukada kuva mukadzi/murume kusvika pakuvengana nechombo/chitubu chako zvokutoda kuti chibviswe pamuviri wako?  Unofunga kuti zvinobva pai zvakadai mufungwa yomunhu?
 
Bvunzai vamwe!!!!!

3 comments:

Anonymous said...

Maita henyu Mai Chibwe nekunyora pamusoro penyaya iyi. isu vuno muAfrica hatisati tahwisisa zvakakwana nenyaya iyi. Asi ini kufunga kwangu ndekwekuti kune vanhu vakasikwa vane disorder yekunge vane nhengo dzisingaenderani nehukadzi kana kuti hurume wavo. Asi vanhu vakadai vashoma chaizvo. Vazhinji vanenge vane masocial problems or spiritual problems vanongoda kurairwa zvakanaka vosiiwa vakadaro. maonero angu ndeekuti madhokotera haafaniri kubatsira vanhu vanosarudza kupindura mazvarirwo ava kunze kwekuti vanyatsoona kuti pane dambudziko zvomene. KuSouth Africa kune musikana anomhanya mitambo yepamusororo asi ukangomuona zviri pachens kuti unhurume wakazara paari kubva pamasimbiro, mafambire. ndatenda hangu.

Anonymous said...

Handina akawanda zvangu uye handisikuda kucommenter abt this topic above,nyaya yangu yakadai ndakarora mkadzi asisiri mhandara ini kwainge kurikutanga hangu nyaya dzebonde anokanganwa hrre nyakubvisa humhandara wake ndodawo chokwadi mayb patinoita bonde anogona kunge achitondicompare neakatanga nhai

Mai E Chibwe said...

Kana ukadzidza kumunonokera pakuvatana toti ukapinza chombo womboitawo maminitsi anopfuura 10 uchikoira chete ukuwo uchichemachema kuratidza kuti iye ari kukunakirawo, uchaona kuti focus yake yese inouya pauri. Asi kana ukagara uchimushotesa anokwanisa kufunga kuti zviri nani dai akaramba ane iye akamubvisa humhandara, zvichibvawo nokuti akabviswa sei uye kuti chii chaicho chakaitika.


Inyaya innetsa nokuti varume vakawanda vanokonzera vakadzi vavo kufunga munhu wekare nokuti mukatsamwisana mumba unohwa murume oti "Ndakakuwana usiri mhandara saka rega ndihure" zvinova zvinokonzeresa kuti mukadzi atange kufunga vanhu vaakambovata navo.