Sunday 22 June 2014

Kufanana kwevakadzi nevarume pazemo


Kufanana kwevakadzi nevarume pazemo
Tinona kazhinji vanhu mumba vanotadza kuhwisisana panyaya yokugutsana. Izvi zvinoitika nokuti varume vanoona sokuti vakadzi vanhu vakasiyana chose navo. Iyi nyaya handidi kuirebesa nokuti handidi kuti vanhu vasanyatsoihwisisa. Inyaya yakakosha chose zvokuti inokwanisa kukupai dambudziko mumba asi iri nyaya inogadzirika chose kana mese muchihwisisa kuti iri papi.

Muviri wemurume/mukadzi

Murume pazemo
Mukadzi pazemo
Murume anoita zemo kana
1 Aona mukadzi asina kupfeka,
2 Aona pikicha yemukadzi asina kupfeka
3 Aona mukadzi akapfeka zvinoshinya
4 Aona mukadzi anofamba mafambire ekukwezva
5 Aona mukadzi akagara zvisirizvo
6  Kana ahwa vanhu vachiita ruzha pakuvatana
7 Kana akabatabata muviri wemukadzi
8 Kana akabatwabatwa nomukadzi
9 Kana aziva kuti mukadzi ane zemo
10 Kana akaziva kuti mukadzi haana bhurugwa
11 Kana akafunga zvimwe zveizvi zvaakamboona
12 Kana anhuwidza hwema hwechitubu chomukadzi


Zvinoitisa varume zemo zvakawanda kupfuura zvinoitisa vakadzi zemo
Mukadzi anoitiswa zemo
1 Nokuhwa kudiwa nomurume wake
2 Kuratidzwa kuti anodiwa
3 Kubatwabatwa nomurume
4 Kufunga zvimwe zvakamboitika kana zvingangoitika kwairi
5 Kuhwa vamwe vachivatana.
6 Kuziva kuti murume wake ane zemo

Zvinoitisa vakadzi zemo zvishoma pane zvevarume. Asi kana zemo raita rinonetsa kubvisa pamukadzi kupfuura pane remurume
Nhengo dzemuviri dzinoitisa zemo
1 Kubatwa chombo
2 Kupurudzigwa dumbu
3 Kukisiwa muromo
4 Kumwiwa kana kunanzwa minyatso
5 Kupurudzigwa zvidya
6 Kupurudzigwa magaro nomusana
7 Kusvetwa chombo
8 Kugumbatigwa nomukadzi zvikuru pamazamu

Muviri wemurume pazemo FOCUS iri pachombo
Nhengo dzemuviri dzinoitisa zemo
1 Kubatwabatwa matinji nebhinzi
2 Kupurudzigwa dumbu
3 Kukisiwa muromo
4 Kumwiwa nokunanzwa minyatso
5 Kupurudzigwa zvidya
6 Kupurudzigwa magaro nomusana
7 Kunanzwa matinji nebhinzi
8 Kugumbatigwa nomurume
9 Kupurudzigwa kuseri kwemabvi
10 Kukiswa mutsiba
11 Kunanzwa kumeso

Muviri wemukadzi pazemo FOCUS iri pamuviri wese zvawo., kana shoka chaidzo.
Kana murume ava nezemo
1 Chombo chinomira
2 Minyatso inomira pane vamwe varume
3 Murume haakwanisi kupinza chombo chisina kumira. Kana mukadzi achida kupinzwa chombo ngaawane mukana wekumisa chombo chomurume wake.
Kana mukadzi ava nezemo
1 Bhinzi inomira zvinongoitawo chombo chomurume.
2 Chitubu chinonyorova kana kueredza
3 Minyatso inomira
4 Mvere dzemuviri dzinowedzera kuda kubatwa.
5 Pamberi pese panozvimbirira. 
6 Mukadzi anomirawo sezvinongoita murume asi kungoti zvese zvimire zvizhinji zviri mukati saka hazvionekeri. 
7 Anohwa kuda kupinzwa chombo.

Mukadzi asina kunyorova anogwadziwa pakupinzwa chombo. Murume anoda kupinza chombo ngaawane mukana wekunyorovesa mukadzi wake.
Kana chombo chapinzwa muchitubu
1 Chombo chinoda kurutsa urume
2 Murume anongoda kubudisa urume kuti zemo ripere
3 Orgasm yemurume inoita nguva shoma yobva yatopera murume otoda zvekuvata hope. 


Kana chombo chapinzwa muchitubu
1 Chitubu chinozara zemo
2 Chitubu chinowedzera kunyorova
3 Chiuno chese chinohwa unga hwekuda kuita ORGASM. Zvinova zvinochemedza. Ndosaka mukadzi achichemerera
4 Mukadzi anoda kuti murume akoire kwenguva refu kuti agute. Anokwanisa kuita ORGASM inoita maminitsi akawanda 
Murume anoisa fungwa pakuvata nomukadzi wake murume kwaye chose. Mukadzi anonakigwa 5 TIMES kupfuura murume paanoita ORGASM. 

 Saka apa tinoona kuti kufanana kwedu kwakawanda kupfuura kusiyana asi tese tikahwisisana mashandire emiviri yedu tingakwanisa kugutsana zvakawedzera. Vanhu ngativatanei tine ruzivo gwezviri kuitika kune munhu watiri kuvata naye.

Varume hwisisai kuti kuguta kwemukadzi kunobva pakukoigwa kwenguva refu zvokuti chero ukahwa kuti atosvika pakuita ORGASM yake asi iwe chombo chichakamira, ramba uchikoira chete nokuti anongoramba achiwedzera kunakigwa nazvo. Iye ega anozosvika pakukumisa kukoira apedza kunakigwa newe. Kana iwewo usina kupedza imbomupa mukana wekutura mafemo ugozomutangazve ugodiridzira hako. 

Vakadziwo wanai mukana wekunonotsa varume venyu kudiridzira urume. Varume vanoda kutigutsa asi vakawanda havazivi kuiti  zvinoitwa sei. Dzidzisa murume wako kuti kutamba musina hembhe kunokubatsira chii. Kune vakadzi vanotaura vachiti varume vavo vanofarira kupinza chombo mukadzi asina kunyorova, kuti murume awane chitubu chichishinya. Mukadzi ipapo anogwadziwa saka kunakigwa kushoma. Vanozviita nokuti varume vavo vanoti vanozvida. Asi unotoshaya kuti murumei anodaro pamukadzi wake. Vakadzi vane varume vakadai vanhu vanogarorambira varume vavo zvinova zvinokonzera mashoko mumba. Kana mukatanga kuita mashoko panyaya iyi kunakigwa kunoita kushoma pamuri mese nokuti kuvatana kwenyu kunenge kwava kwemutemo kwete kwerudo.

Mukadziwo ukaona kuti murume akuudza kuti unoshinya chombo kana usina kunyorova zvoreva kuti unofanira kudzidza kusimbisa masuru yechitubu kuti ukwanise kushinya kana wakanyorova. Unokwanisazve kuita maitire anowedzera kukwizirana kwechitubu nechombo pakuvatana kwenyu.  Maitire anoshinya akaita sokupakicha makumbo pamafudzi emurume kana kukwira murume, kana kupinzwa wakafuratira murume nokumusimudzira gumbo mese muvete nedivi rimwe chete. Kana kuti murume ari pamusoro asi ariye akatanyanga mukadzi, mukadzi ane makumbo ake pamwe chete. 

Kana murume ari pakati pemakumbo mukadzi akavhara makumbo, mukadzi anokwanisa kuti murume apinda iye oisa maoko pakati penyu mese okwevera matinji kuno kumusoro kuguvhu  nokuasanganisa pachombo kuti matinji akwize chombo chichipinda nokubuda, ozvikwiza nyama dzebhinzi akakweva kudaro zvinova zvinoshinya chombo chomurume. 
Udzai vamwe !!!!!!

10 comments:

Anonymous said...

ndibatsireiwo Ndine dambudziko rekusanyorora nyange ndikabatwa sei.baba vanotombodya beche asi harinyirove..ndatenda

Mai E Chibwe said...

Dai wamboverenga pakahi mukadzi asinganyorovi pakurhojewa.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/01/mukadzi-asinganyorovi-pakurhojewa.html

Wadaro hwisizve kuti kana mukati mechitubu musina kunyorova ukapinzwa chombo nomurume, kukwizirana kwamunoita kunobvisa gana dete romukati zvokuti kana murume wako achigarohura unokasira kubata zvigwere, kuita sezvinoita varume vaya vanoita zvechingochani nevamwe varume. Vanokasira kubata zvigwere zvechihure nokuti kumashure hakunyorovi

Anonymous said...

Kushinya chombo kuita sei? Ndapota tsanangurai handisi kunzwisisa.

Anonymous said...

handina kuchecheudzwa mai chibwe ndrikuda kuroora soon musikana wangu hino handizive kut pakuvatana apa ndinoisa chombo changu ndakachivhura kumberi here or ndinongoisa chakangodaro???

Mai E Chibwe said...

Kushinya paChikaranga kuti kana chombo chichipinda chohi kwii nechitubu kuita sokuti chitubu buru racho idiki kana kuti chombo chakakurisa, asi zvinoitiswa nokuti munhukadzi anohwisisa kushandisa masuru yemuchiuno kuti murume ahwe kushinywa kuti kukwizirana kwavo vachikoirana kuwedzere.

Zviri nyore kana mukadzi ari pamusoro pemurume.

Mai E Chibwe said...

Zvekuchecheudzwa izvo hazvina nemusoro wese. hapana chazvinokubatsira. Kana ukapinza mukadzi ganda riripo ganda riya pakukoirana rinokwizirisa madziro emukati memukadzi zvinova zvinowedzera kunaka. Usava nebasa nokuti wopinza wakadii. Chikutru kupinzana chete Izvo zviviri izvi kana zvasangana zvinohwisisana zvega. Iwe nomukadzi wako ingomirirai kunakigwa chete. Chikuru kunonoka kudiridzira mukadzi kuti anakigwewo.

Anonymous said...

Ko ukadya nhengo yemudzimai rinowedzera zemo kumukadzi here? Ndibatsireiwo nokuti kana ndikaitasei mudzimai wangu haachemereri

Mai E Chibwe said...

Kudyiwa pamberi, zvikuru kunanzwa bhinzi kunonaka kupfuura zvingaitwa nechombo. Rurimi guri pamberi mberi pamanakire acho, asi hazvirevi kuti achachemerera. Kuchemerera kunge wakagara zvakanaka uchiziva kuti hapana umwe munhu angakuhwai muchinakirana. Dai wambogara naye motaurirana nyaya dzekuvatana mombunzana kuti iwe unodei iye anodei moudzana. zvadaro moti ngatichizama kuita zvatataura.

Kungotanga nokunomunanzva bhinzi hazvimubatsiri nokuti kusachemerera haisi nyaya yokunakigwa chete, pane dzimwe.

Imbomutora woenda naye kuhotera kusina waanoziva kana kuti angamuhwa achiita ruzha. Masvikako iwewo chirega kuita wakanyarara, Ita uchiita ruzha gwekuisana uye kupota uchibvunza kuti zviri kudii. Uku kuitira kumukurudzira kuti ataure agohwa akasununguka kuitawo ruzha. Zvadaro akangochemerera iwe chichemererawo Mapedza womuudza kuti agona basa womuudza kuti chii chaagona, chikapa, kuchemerera, kukunakira, zvese worondedzera.

Anonymous said...

kuti usakasike kudiridzira zvinofambiswa sei??????

Mai E Chibwe said...

Inyaya huru iyi inova ndiyo inoti kana usingaihwisisi mukadzi wako anokwanisa kuita shungu obva azosvika pakushuva chihure. Pa Blog ino pane topic dzinotaura nokuti ungaita sei kuti uwedzere kunonoka.