Thursday 6 November 2014

Murume asina mukadzi wekuvata naye:

Ndakambonyora nenyaya yokuti kugarorhojana nomurume/mukadzi wake kunodzivirira zvigwere zvakawanda. Pano ndoda kungotaura nenyaya yechigwere chimwe chete chinoitika kuvarume, uye chinoderera kana murume achihwisisa kuti muviri wemunhurume unofanira kugara uchishandiswa pakuvatana noumwe munhu. Kugarobudisa urume chinhu chinodzivirira zvigwere. Chimwe chezvigwere izvi chinohi PROSTATE CANCER. Ndiyo yandinoda kumbotaura nezvayo. 

Kana uri munhu rume wava nemakore anopfuura  15, muviri wako unogadzira urume nguva dzese. Uchaona kuti kazhinji unomuka wakazvirotera (urume hunongobuda muchombo iwe uvete). Ichi chinhu chakanaka kuutano hwako nokuti zvinosuka chifakitori chinogadzira urume chinohi PROSTATE. Uchaonazve kuti kubva pazera iri zvichikwira vakomana vakawanda (95% mupasi rese zvisinei norudzi) vanotanga kuita zvechimhandara maoko vachizvibudisa urume nguva nenguva.

Kunozoti wava nemakore 25 zvichikwira unotanga kufunga zvokuroorana nomusikana moronga yokuvaka musha wenyu muri vaviri. (zvinohi vanoroorana vari pasi pemakore 25 michato yavo haigari nguva isina kuputsika, hazvinei kut muri kunyika ipi). Zvadaro murume anoderedza zvechimhandaramaoko otanga kurhojana nomukadzi wake upenyu hwake hwese. Varume vakawanda vanochembera kusvika kumakore anopfuura 80 vachingokwansa uye kuda kuvata nomukadzi. Vakadziwo, kana achingokwanisa kunyorova kazhinji anoda kuvata nomurume wake chero achembera. Kunyika dzakaita se UK kunoti chembere dzinochengetwa mudzimba dzechembere (OLD PEOPLE’s HOMES) uchaona kuti vachembere vanosanganamo vonyengana, voroorana vorhojana imomo.

Pakuti murume aroora anoramba hake achiita chimhandara maoko nokuda kwemanakire azvo akasiyana nokunaka kunoita kurhoja mukadzi wake asi uchaona kuti anowanza akada kurhoja mukadzi. Ngari yazvo zvese ndeyokubudisa urume mumuviri zvinova zvinosuka chifakitory che PROSTATE. Nyaya inozoonekwa ndeyokuti pane chigwere chinohi PROSTATE CANCER chinobata varume vakawanda.  Kune vakaongorora chigwere ichi chose vakaona kuti chinowandira varume vane zviito zvakafanana muupenyu hwavo. Zvakaonekwa kuti vafundisi vekereke inohi ROMAN CATHOLIC CHURCH ndivo vakawandisa pachigwere ichi. Zvotariswa zvakaonekwa kuti chikonzero chechigwere ichi kugara murume asingabudisi urume nokusasura PROSTATE dzake.

Vaongorori vakazotarisazve vamwe varume vanoita chigwere ichi ndokuvabvunzurudza ndokuhwisisa kuti  kune varume vanowanza vaita chigwere ichi vanoti:
·         
  •     Murume asina mukadzi wekuvata naye
  •         Murume ane mukadzi asi asina hanya nokumurhoja
  •         Murume asinei nokuita chimhandara maoko uku asina mukadzi
  •         Murume asingamiri chombo zvokukwanisa kurhoja mukadzi kana kuzvibudisa urume
  •        Murume anoshanda muhofisi anoswera akangogara pacheya uku osanovata nomukadzi zvakakwana. 
Varume vemapoka awa ndivo vanowanza chigwere ichi. Zvakaonekwazve kuti kunyika dzinokurudzira varume kuwanza kuvata nevakadzi vavo, chigwere ichi chishoma. 

Murume kwaye anofanira kuroora ari pamakore 25-28. Zvokuzosvikawo 30 kushaya mabasa kana kuti kutya vanhukadzi, kusagona kunyenga,

Vanhukadziwo ukazozvika makore 25 usina kumbonyengwa zvoreva kuti pane chausiri kugona. Hazvinei nomunyama izvi. Kuzvisarudzira chaiko. 

Cancer inotanga sei kana murume asingabudisi urume? 
Chii chinofanira kuhwisiswa nevarume panyaya iyi?
Vakadzi tingabatsira sei varume vedu kuti vasaita chigwere ichi? 

  Tichaendera mberi nenyaya iyi !!!!

     


4 comments:

Anonymous said...

haisi mhosva here kuna MWARI kuita chimhandara ruoko

Mai E Chibwe said...

Kune vaparidzi vanoparidza kuti imhosva kuita chimhandaramaoko/chijayamaoko. Izvi zvakabva pakuti nguva younozviita unenokwanisa kutanga kufunga umwe munhu wekuvata naye asiri mukadzi/murume wako. Kana munhu uyu ari munhu chaiye aunotoziva, zvinokwanisika kuti unenge wakanganisa. Asi kana munhu waunofnga ari munhu asi munhu chaiye, sokuti uri kungofunga kuti pane murume achavata newe, asi asiri munhu wekuti ukazoona unoita ruchiva paari, zvinokwanisika kuti hapana chakaipa.

Ndakambotaura nyaya iyi noumwewo muparidzi wechoRhoma akanditsanangurira kuti nyaya yokudzivisa kuzvinakidza nemaoko inobva panyaya yemurume ainzi ONAN inowanmikwa muBhaibheri kuna Genesisi 38. Murume uyu akaudzwa kuti enda unoitisa mukadzi wemukoma wako ashaika nhumbu aite wana kuti agohi mwana wemukoma wako nokuti mukoma ange ari dangwe saka zvaireva kuti mwana anozozvagwa ange ari mukuru panhaka kuna iye ONAN. Onan ndokupinda kuBedroom yamaiguru ndokuvarhojawo zviri pamutemo asi pakundodiridzira ndokuvhomora chombo ndokudiridzira pasi.

Zvino vechiRhoma voti zvinoreva kuti haubvumigwi kuita chimhandara maoko nokuti zvinoitisa udiridzire pasi. Asi nyaya yange iri yenhaka yemhuri yokwa Judah. Zvokuti akadiridzira pasi handiwo musoro wenyaya asi kuramba kuwana mwana wenhaka ndiyo naya.

Totarisazve tinoona kuti 95% yevarume mupasi rese vanoita chimhandara maoko, 80-85% yevakadzi vanoitawo chijaya maoko. Kotizve uvete hope chaidzo murume anorasa urume uye anomira chombo kasere (8 times) ari kuhope. Mukadziwo anonyorova kakawanda usiku ari kuhope. Muviri ukagara une zemo usingabvisvi iwe wava munhu abve zera zvinokanganisa kugadzigwa kweurume uye zvinoitisa chigwere che PROSTATE cancer.

Kuhura ndiko kwakaipa kusingabvumidzwi. Zvemaoko izvi hazvina kumbonyogwa nezvazvo saka kwangova kufungira kunoitwa nevaparidzi vasingadi kuti vanhu vagorofunga nezvekurhojana, zvikuru vasina kuroorana.

Dzidza kunakidzwa nomuviri wako asi usingafungi zvoruchiva kuvamwe vanhu. Ukaona uchiita zvoruchiva tsvaka wekuroorana naye umupe rudo mugogarorhojana pachenyu zviri pamutemo.

Anonymous said...

Ndine makore okuberekwa 29 asi handina musikana. Ndinoshanda uye ndinoona ndiri munhu ane chimiro. Sei ndichishaya musikana?

Mai E Chibwe said...

Uri kutsvaka kupiko? Kana ukangomirira uchifunga kuti musikana achapfuura nepamba penyu agokukumbira kumunyenga uchaona nyaya yako kuti haifambi. Verenga pakahi

"http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/12/kubva-zera-usina-mukadzimurume.html"

ugodzoka tozotaura.