Wednesday 7 January 2015

Kupfekegwa Kondhomu

"Nhai Mai Chibwe, ndibatsireiwo kufunga. Murume wangu akabva kubasa (anoshanda kure kwaanoita two weeks ariko outa leave ye one week)  ndokuuya nemakondom kwakungotanga kuashandisa ega. Ndakabvunza kuti zvaita sei asi iye haasi kuda kutaura. Ari kuti hapana chakaipa."

Iyi nyaya ndati zviri nani kuiuyisa kuno pane kuiisa kumibvunzo nokuti mibvunzo ine mhinduro dikidiki. Iyi inoda kutariswa zvakati wedzerei.  Vanoda havo kufanodavira davirai tihwe.

Kondhomu rinophekwa pamusoro penyaya dzinoti
1 Kudzivirira zvigwere
2 Kudzivirira mimba
3 Murume kana achida kusakarira mukadzi panyaya yokudiridzira urume, anopfeka kondhomu.

Hino mukadzi akaona murume achimupfekera kondhomu akanotanga kukomburena asingahwisisi kuti murume ari kuzama kuitei, hazvifambi zvakanaka. Murumewo kungotanga nokupfekera mukadzi wemumba kondhomu usina kumutsananurira chikonzero handizvo.

Kudzivirira zvigwere:
Basa guru rekuti murume apheke kondhomu nderokuti mukadzi kana murume asabata zvigwere zvechihure. Tinoona varume vaya vanofarira kuhura nevanhu vavasingazivi STATUS yavo vanofanira kupfeka kondhomu kuti vasasangana nezvigwere zvasiiwa mukati mehure nevarume vambopfuurawo nepo  Kuoitawo vakadzi vaya vanomboda kuvata nevarume vavasingazivi STATUS yavo. Vanoti murume akadaro apfeke kondhomu kuti iye mukadzi asabata zvigwere zvechihure.

Kondhomu rinotoshanda zvakanaka chose pakudzivirira zvigwere asi harikwanisi kudzivirira nguva dzese. Panosvika umwe musi warinoti mukakoirana zvinesimba rinokwanisa kubvaruka, Pamwezve murume akabudisa urume hwakawanda kupfuura hunokwana mukahomwe kekondhomu kekumberi rinoputikira mukati memukadzi urume hwese hwosaramo zvangofanana nokuti dai musina kushandisa kondhomu racho.

Hazviitizve kupfeka makondomu maviri. nokuti zvinowedzera kubvaruka kwawo. Unokwanisa kutemga makondomu makobvu asingakasiri kubvaruka.Saka pakutenga makondomu hwisisa kuti aasiyana siyana iwe unotenga aunoda zvichibva nemashandisire aunoda.

Kudzivirira mimba:
Kondomu rinoshandiswazve kudzivirira mimba, zvikuru kana mukadzi asiri pamapiritsi emimba. Mese munofanira kuhwisisa kuti pakuisana kwenyu mukadzi akawana urume nguva yake yokumwedzi iri pamazuva anobva pa 8 achisvika pa 18 anokwanisa kubata mimba. Kana musingadi mimba iyi munoshandisa kondomu kuti urume husasara mukati memukadzi. Asizve hazvirevi kuti mukarishandisa mukadzi haachaiti mimba. Kondhomu rimokwanisa kuvhinzira mukati, zvikuru kana chombo chomurume chikavata asati anatsovhomora kubva mumukadzi.

Kondomu rinokwanisazve kuvhinza kana chombo chine SHAPE isiri REGULA zvokuti pakubata chombo kwari rinkwanisa kusiya kamwe maburi kuno kune rhekeni yaro. Pakadato murume anodirura urume hunobva hwovhinza humwe ushoma hosara mumukadzi.

Koitazve kuti rinokwanisa kuputika sezvatambotaura kare kuti urume hukawandisa rinoputika.

Kushandisa kondhomu pamimba/zvigwere
Kana mada kushandisa makonhomu zviri nani kuti mukadzi apfekedze murume kondhomu nokuti rinoda maoko maviri uye mukadzi ndiye anofanira kuona kuti rapfekwa zvakanaka nokuti mukadzi ndiye anoita zvese mimba nezvigwere kana nyaya ikaipa. Murume haaiti mimba saka kazhinji haana basa nazvo. Kana usingadi mimba, pfekedza murume kondhomu. Kana usingadi chigwere pfekedza chikomba chako kondhomu.

Varume vanoti kuona mukadzi akabata chombo achichipfekedza kondhomu kunowedzera zemo saka kuzviita chinhu chinotonakidza varume uye chichiwedzera utano hwenyu mese.

Kuwedzera nguva:
Murume anoziva kuti anogarokasirira mukadzi wake, anokwanisa kuti umwe musi wopfeka kondhomu kuti asanyanyonakigwa nokukwizirirana kweganda rechombo neromukati memukadzi wake, kuti anonoke kudiridzira mukadzi anakigwewo. Kana azoda kutowedzeresa anokwanisa kupfeka kondhomu gobvu rinowedzera kuderera kwekunakigwa. Zvadaro mukadzi akanakigwa nazvo murume asina kunatsopedza, murume anokwanisa kuzobvisa kondhomu riya ochipinza chombo mumukadzi onakigwa naye mukadzi asisina zemo, amirira kunakira murume wake chete.


Todzokera kumubvunzo:
Mubvunzo uyu wakabva pakuti mukadzi akaona murume wemumba omupfekera kondhomu pasina zvatauriranwa ndokuvhunduka nazvo. iri nyaya yokuti panokwanisa kuti:

  1. Murume avata nehure asina kondhomu
  2. Murume anofunga kuti mukadzi ari kuhura
  3. Murume haasi kuda kuti mukadzi aite mimba
  4. Murume ari kufunga kuti ari kukasirira mukadzi wake

Pese apa pane nyaya dzakawanda dzokuti mukadzi ari kufunga kuti pane MESSAGE yaari kuudzwa nomurume asi isiri yemashoko. Zvinomukanganisa musoro Chikuru chatinoona apa handi kuti pane chakaipa chaitika asi kuti vaviri ava havana kutaurirana nokubvumirana panyaya yavo.

Mukadzi anokwanisawo kuti achiziva kuti murume ari kuuya kumba obva andotenga ma FEMIDOM ake akawanda, pakunovata ofanopfeka rimwe. Handiziviwo kuti imi varume mungazviona sei pakadaro. Hachisi chinhu chakanaka kungoerekana chaitika musina kutaurirana.

Ndipo panobva nyaya yese. Zvimwe zvese hatizvizivi kuti zvakatanga sei.

Zvoitwa sei? 
Mukadzi pakadai ngaahwisise kuti murume afunga zvemakondhomu akkasamuudza. Panoda mubvunzo wekuti kusamuudza uku inyaya yokuti chinhu chikuru here chiri kufungwa nomurume zvkuti anotya kuudza mukadzi wake kana kuti chinhu chisina maturo chisinei nokuti audze mukadzi wake. UNCERTAINTY iyoyo ndiyo yaitisa mubvunzo usvike kuno. Hino toongororawo toona kuti mukadzi uyu sei asina kungobvunza murume wake kuti zvaita sei?

Akabvuma kuiswa nekondhomu, ndokuzoti vapedza zvomudya moyo kusvika anyora achibvunza. Panuva yakasvika mhunduro yangu pamwe ange atomboiswa kakawanda.

Kana murume ange ahura akazouya kumba akapfekera mukadzi wake kondhomu zvinoreva kuti haasi kuda kuti mukadzi abate zvigwere. asizve ari kuvata nehure asina kondhomu asi kumba poda kupfeka kondhomu here? Hazviiti. Ko kana ange apfekera hure kondhomu ndokubva rabvaruka akafunga kuti angangova abata zvigwere?

Ngatiwiriranei kuti mukadzi abvua kuiswa nomurume kureva kuti ari kuda murume wake uye kuti ari kutomubvumira kumuisa achiziva kuti pane nyaya yaasina kunatsobata inozikamwa nomurume wake. Pakuzobvunza vekuzhe zvinoreva kuti Haasi kuzviisa pamusoro penyaya dzomumba.

Mumba umu hamuna kumira zvakanaka pakutaurirana kwevaviri ava.

Pamwe murumewo hapana chihure chaitika asi kuti ari kungoda kunonokera mukadzi. Kana muchimbogara makaparadzana musi wekutanga unonetsa kuti murume anonoke nokuda kwekuti mava nenguva musina kuisana. Mese munokwanisa kukwira zemo mokasirirana mese. Kumukadzi hazvinei kukasira asi kumurume zvinonetsa. Saka kana akadawo kupfeka kondhomu rega apfeke umbonakigwawo nokudzoka kwake.

Kana murume asingadi kuti uite mimba ega asina kukubvunza zvinonetsa futi. Ko iwe unodei pazviri. Ari kukuudza kuti hauhwisisi nyaya ye FAMILY PLANNING yenyu here? Makambopokana pazviri here?

Chikuru kuudza murume wako kuti kuiswa unoda chose asi unodawo kuhwisisa kuti nyaya yekondhomu yabva nepi. Kwakanaka here kwamabva vaSaimba?

Kana ukaona zvakunetsa chose kumubvunza, chienda unotenawo ma FEMIDON ako ugoapfeka paanodzoka mwedzi unouya. Pamwe anatanga kutaudzana newe pazviri. Kana ari murume ane hasha kureva kuti COMMUNICATION SKILL ishoma, tamba wakachenjera.

Varume vaya vanofunga kuti saizi yechombo ndiyo inoita basa, mochitenga awa makhondhomu mosvika kumba mopfekera mukadzi obva afara nazvo.

Vayavo vanoziva kuti basa pamusha rinoitigwa mai vemusha zvakakwana, kana wada kumbovanonokerawo nhasi chienda unotenga makondhomu akahi RIBBED condoms ane ganda risina kutsetseka rinonyatsokwiza mukati mechitubu, mukadzi wako ohwa pane moyo. Musi waunomuti enda unotenga makondhomu uchaona iye ega achiziva rudzi gwekutenga.


Ribbed Condom



Rinoti uku riri kugona kukwiza uku rinononokesa murume, mukadzi onakigwa zvizere. Adaro murume obvisa kondhomu ochitangawo kunakigwa kusvika apedza. Hope dzacho hadziperi madaro.

Asi kana une chigwere usabvisa kondhomu.

Udzai vamwe!!!



2 comments:

Anonymous said...

murume anoda mukadzi wake kuti asabata zvirwere zvepabonde. zvinoreva hazvo kuti baba vakambobuda kana kuti varikufungira mai ava kuti vakara vachirhojesa saka havadi havo kubata zvigwere

Anonymous said...

Zviri nani kuti murume apfeke Condom pane kuti asapfeka. These days varume vanobuda kakawanda muma mukadzi asingazivi. If possible Kushandisa ma Condom all the time ndizvo.

Men are not trustworthy at all.