Friday 26 December 2014

Kuvhura masuwo

Vhiki imwe neimwe ndinobvunzwa kuti mushonga wekuvhura masuwo unowanikwepi muno mu UK.  Zvikuru kuvakadzi vane mimba yokutanga vasati vahwisisa kuti mimba hachisi chigwere, ukavaudza nhema unotyisidzira vana vadiki kuti vafunge kuti pane zvinofanira kuitwa kuti mwana akwane pakubuda. 
Kune vanhukadzi vakawanda chose vanoudzwa kuti kana vane mimba panosvika nguva yokuti vanopiwa mushonga wekuti kana mwana wobuda zvira yaanobuda nayo inge yakakura zvokuti mwana akwane kupfuura nayo. Izvi zvinoreva kuti pane vanhu vanofunga kuti mwana anokwanisa kusakwana paanobuda napo zvokuti vakapiwa mushonga panokura mwana okwana. 

Chokutanga : Zvinoitika here kuti mwana asakwana? 
Zvinoitika chose zvikuru kuvakadzi vane tsoka dikidiki. Mwana achizvagwa anopinda nepakati pemabhonzo anohi PELVIC GIRDLE kubva kumberi kuenda shure kune muromo wechitubu.  Kana ukafongora une mimba, unokasira kuhwisisa kuti sei mwana achifanira kupinda nepachighedhe ichi kuti abude. Chibereko chiri kuno kumberi kudumbu asi murumo wechitubu uri kuseri kwechighede ichi chemabhonzo.
Pelvic Girdle.
Dumbu riri pamusoro. Mwana anobuda nepasi.

Munhukadzi ane chiuno chikuru kupfuura munhurume, kureva kuti mabhonzo ake akati kurei uye chighedhe ichi chinokwana mwana pakuzvara. Tarisa papikicha iyi uhwisise kuti dumbu rinokurira mwana riri pamusoro pemabhonzo awa asi chutubu chinozvara mwana chiri pasi.

Kuti mwana asakwana zvinoitiswa nokuti mabhonzo emuchiuno awa anenge ari madiki chighede chacho chinopinda nomwana choita chidiki. Kana une mimba majoini akabatanidza mabhonzo anoreruka zvokuti chighedhe ichi chinoti kurei zvishomanana uye kukwanisa kurereka zvokuti mwana akwane. 




Chihwisisazve kuti hakuna mushonga unokwanisa kukudza mabhonzo emunhu iye atova munhu mukuru.  Zvinoreva kuti mishonga yese yaunomwa haina zvainoshanda pamabhonzo awa. 

Chibereko:
Totarisazve pamukova wechibereko panobuda nomwana muchibereko. Chibereko kana usina mimba chakakura kuda kuita se AVOCADO risina kuibva. Mukova wechibereko haukwani chikumwe kupinda uye wakavhagwa nemadzibwa (mucus ). Kuti zvigwere zvisapinda. Mwana anokuriramo kusvika atova mwana akasvika. Panguva iyi mwana anenge orema maKG matatu kana kupfuura. Chibereko chinenge chakura kusvika pakukwanisa kuchengeta mwana mukati. Uku kaburi kaya kanenge kachingori kadiki uye pasina chinopindamo. 
Mwana mukati mechibereko anenge ari mukati mechisaga chakazara mvura. Chisaga ichi chinotatamuka mwana achikura chichiwedzerawo mvura iya. Zvinoitigwa kuti kana munhu ane mimba akawira pasi kana kuita ACCIDENT, mwana asakuvara mudumbu. 

Kana nguva yekuzvagwa kwemwana yakwana, kaburi kaya kanokura, chisaga chemvura chotushuka mvura yovhinza, mwana wobuda nepakaburi kaya, wopinda muchitubu, wobva abuda kuzhe, vanogamuchira vogamuchira. 


  1. Kuti kaburi kaya kakure hazvidi mushonga. Zvinoitwa nemaHORMONES emiviri wemukadzi. 
  2. Kuti chisaga chemvura chitushuke hazvidi mushonga, zvinoitika zvega nguva yakwana.
  3. Kuti chitubu chikure zvokuti mwana akwane kubuda hazvidi mushonga, zvinoitika zvega. Kuno kumuromo kwechitubu kunotatamukawo kusvika mwana akwana kubuda. 


Musoro wemwana une mabhonzo asina kubatana zvokuti musoro wemwana unotefetera kuti akwane pakubuda. Mafudzi emwana anotsveyama kuti pakubuda zviite nyore.  Hapana kana mushonga unodiwapo. Zvese zvinoitwa nemishonga iri mumuviri wemunhu nechekare inohi ma HORMONES. 

Pane zvinhu zviviri zvinofanira kuti tihwisise. 
1 Mishonga yekuvhura masuwo inopiwa vakadzi vemuZimbabwe chete chete asi vanhukadzi munyika dzese vari kungozvara vana zvakanaka pasina mishonga iyi. 
2 Munhukadzi kana ane mimba haafaniri kumwa mishonga isina kufanira, kumwa doro, kana kusvuta fodya. Zvinhu izvi zvinokuvadza mwana ari mudumbu. 

Tikanatsofunga tinoona kuti zvinhu zviviri izvi zvinoratidza kuti mishonga yatinopiwa nevakuru inohi ndeyokuvhura masuwo haina zvainoshanda uye inokwanisa kutokuvadza vana vasina kuzvagwa. Mimba hachisi chigwere chinoda mushonga. Kubva kare nakare vana vaingozvagwa. Saka zvinofamba sei  kuti vakadzi vokwedu chete ndivo vasingagoni kuzvara pasina mushonga? 

Kuno kuDiaspora tinoona kuti vakadzi vaya vasina kudzidza BIOLOGY ndivo vanonyanya kutsvaka mushonga wekuvhura masuwo. Izvi hazvirevi kuti munhu haana kudzidza asi kungoti haana kudzidza BIOLOGY. Saka tinoona kuti vakadzi vanomwa mishonga iyi neavo vasingamwi, vese vanongozvara zvakafanana. Koitazve kuti kana mabhonzo ako ari madiki, zvikazikamwa nevarapi, unoudzwa kuti mwana achabuda nokuchekwa dumbu kwete kuzvagwa. Apa chero ukamwa mishonga ipi zvayo unongonochekwa dumbu. 

Kana waita mimba, chasara kuzvara mwana chete. Hapana kumwe kungainda mwana. Hazviiti kuti mwana agare mudumbu ramai vake kupfuura mwedzi mupfumbamwe. Saka kana uchimwa mushonga kuti uvhurike mwana abude, unenge uchizama kuitei? 
Ngatisaudzana nhema panyaya yemimba nokuti inguva inotyisa avo vasina Experience nayo. 
Verengazve pakahi
Mimba yokutanga

Kana wada Mimba

Hwisisazve kuti nyika imwe neimwe ine zvainoita zvisina njere zvokuti ukazviudzwa unotoseka wofunga kuti vanhu vanohumana. asi kwedu tichiitawo zvinhu zvinovasetsa.

Ku Jamaica vanoudzwa kuti ukagera vhudzi remwana asati otaura, haazokwanisi kutaura.
Ku UK vanoudzwa kuti zvinoitisa munyama kuvhura UMBRELLA uri mumba.
Ku UK vanoudzwa kuti kana nyenganyenga ikapinda mumba pachaitika rufu pamusha.
Ku Botswana vanoudzwa kuti kana shiri inohi kondo ikarira kwasviba, panoitika rufu
Ku RSA vanoudzwa kuti mukadzi akazvara mwana haabvumidzwi kubika kusvika kwapera mazuva gumi.

Zvese izvi tinoziva kuti hapana chazvinoshanda asi vanhu vanongozviita chete nokuti vanoudzwa nhema votyiswa nadzo.

Mibvunzo inotyisa:

Ko ndove yenzou inoshandisiwa sei kana munhu achigadzirira masuwo?
Ndavhunduswa nemubvunzo uyu nokuti vanhu havatombohwisisi kuti kuzvara kunofamba sei. Ndove yenzou inokwanisa kuva nemaBACTERIA asingawirirani zvachose neari mumuviri wemukadzi ane mimba. Kana mimba yoda kusvika, zvkuita chinhu chinokwanisa kukupa maBACTERIA asiriwo hazvina kunaka nokuti kurapiwa nguva iyi kunonetsa. Mwana anozvagwa asina RESISTANCE pazvigwere. Anotozowana RESISTANCE kubva pakumwa mukaka wamai wezamu ozokwanisa kuhi ava neRESISTANCE shomanana kwapera vhiki nhanhatu (6 weeks) achimwa mukaka wezamu. Vaya vanomwiswa bhodhoro vari munhamo chaiyo.

Kana ukatevedzera zvimishonga zvaunoudzwa nevanhu vemuraini zvokuvhura masuwo izvi, tevedzera hako asi ita uchiziva kuti zvine dambudziko uye hapana masuwo azvinovhura.

Udzai Vamwe!!!!!

Kuvhurira mwana nzira uine mimba
Kuvhura nzira yomwana
kuvhura nzira yemwana 
kuvhurira mwana nzira uine pamuviri
mushonga we masuwo

mushonga we masuwo


5 comments:

Unknown said...

Mushonga wacho unonzii

Unknown said...

Ndatenda hangu

Unknown said...

Saka vekare vayinyepa here kuti masuwo anovhurwa

Unknown said...

Thank you mhamha

Anonymous said...

Do your research well on herbs about kuvhura masuwo. Otherwise your good teaching will.wnd up a bit misleading. World over herbs are there and have been used for years to date. Safety concerns especially to those herbs inserted down there are a concern. Find out about red dates, raspberry leaves and others used world over. We dont want issues like vakuru vedu vaiti kugara munzira unoita mamota wen infact nothing of that but they wanted install discipline.
Again about no herbs about kukudza matinji do your survey well and as well varume Havana basa nawo zamai kutsvaga futi nyaya iyoyo- its ro.those vaaingazivi nezvako vanoti haana basa.