Saturday 20 December 2014

Kutumidza mwana zita.

Munyika medu pachirudzi chedu tese vatauri vemitauro inohi chiShona, chiNdebele, chiChewa, chiVhenda, chiKalianga etc, tinofarira chose kutumidza vana mazita ane zvaanoreva. Tinofarirazve kupa vana mazita anotaridza zvatinofungira vamwe vanhu vemhuri kana vatakavakidzana navo, kuti pese pavanoona mwana uyu vahwisise zvatinofunga pamusoro pavo.

Kuna muroora akasvika pamusha akaoneswa nhamo mhuri isingadi kuti agarepo, paanozoita mwana anokwanisa kuda kuti mhuri ihwisise nhamo yavakamupa obva atumdza mwana zita rinoenderana nazvo. Kotizve mafambire ari kuita matongegwe enyika anoitisa kuti vana vapiwe mazita anoenderana nokuona kunoita vabereki pazviri.

Vabereki vakapinda dzimwe chechi dzinoshandisa mavara echirungu vanokwanisa kuda kupa vana vavo mazita anoenderana nezviri kuitika kuchechi. Semazuvano kune vaporofita vakawanda vanoita masaramusi pamberi pevateveri vavo. Mubereki akaona saramusi richiitwa anokwanisa kuda kutumidza mwana zita resaramusi riya.

Kozoita vamwe vabereki vanotimidza mwana mavara echirungu avanohwa muzheve kunakidza kuadana asi vasingahwisisi kuti vara racho kumusha kwaro kwarakatanga rinorevei. Kakawanda vabereki vakadai vanopa vana mazita asina kukodzera kupiwa mwana.

Vabereki vakawanda vanoona sokuti mwana ndewavo sezvakangoita ufumi hwavo, zvokuti chido chomubereki ndicho chinoitwa pamwana. Izvi hazvina kuipa kana mubereki achihwisisa kuti mwana uyu achakura agokwanisawo kufambafamba munyika dzakawanda achiita zvinodiwa noupenyu hwake. Zvichaitika kuti zita riya ramamupa rinomuita asekwe nevanosangana naye. Muupenyu vanhu havana rudo newe kana usina zvinhu zvakaita semari.

Apa tiri kuti kana mafunga kupa mwana zita rechirungu, kana rerurimi gusiri gwenyu, tangai mabvunza vatauri verurimi kuti vara iri rinorevei. Zvadaro moritarisazve muDictionary morihwisisa musati mapa mwana zita. Zvikuru musapa mwana mavara aya anohi ma ADJECTIVE muchirungu. Ndiwo mavara anowanzovhiringa vanhu pakumaita mazita.

Pana ndawana mazita kawanda chose anoshandiswa muZimbabwe semazit evana. Zvitarisirewo wega kana uchifunga zvokutumidza mwana zita. Hwisisa zvinoreva zita ugofunga kuti ndizvo here zvauri kuda kutaura pamusoro pemwana wako. Kana wahwisisa wochitumidza hako mwana wako.

Mazita evana muZimbabwe


About
Absolute
Account
Actor
Adrift
Alert
Alone
America
Anas
Arial
Artson
Artwell
Asleep
AsSoonAs
Astonish
Astonishment
Aswellas
AtLast
Atom
Atone
Attention
Bald
Basopo
Batanai
Beautiful
Before
Behind
Belamine
Berekai
Besides
Between
Beware
Bhiridha
Bigboy
Biggie
Biggie boy
Blue
Boast
Bonus
Bookworm
Bribe
Bribery
Brief
Bright
Brighton
Brilient
Brother
Business
Busstop
Button
Bvisai
Cabinet
Cansee
Careful
Carrymore
Carryon
Chakezha
Challenge
Chando
Change
Chasura
Chatunga
Cheguhwa
Chengerai
Chengetai
Chenhamo
Chenhema
Cheukai
Chibharo
Chichemo
Chidiki
Chido
Chifodya
Chikangamwai
Chikonzero
Chikwereti
Chimurenga
Chimwanachedu
Chindori
Chininga
Chinoona
Chirango
Chishangu
Chitsamba
Choice
Chombo
Chorus
Clamydia
Clever
Clitoris
Clodia
Cloud
Colony
Compare
Constable
Continue
Correction
Cotbed
Credit
Cross
Crossroad
Crymore
Custom
Dananai
Danger
Dangerous
Dangerous
Daylight
Decalog
Delicious
Discovery
Distant
Do-it
Dollar
Double
Doubt
Dream
Dudzai
Dudzirai
Dutchman
Dzikamai
East
Easyboy
Econet
Economy
Eight
Efficient
Eggshell
Eleven
Energy
Englishman
Evening
Evermore
Excel
Except
Fatson
Feelmore
FeelUs
Femberai
Figure
Final
Fix
Fixman
Fixture
Flannel
Flavour
Fodya
Forever
Forgiven
Fort
Fortunate
Freeborn
Freedom
Freeman
Fregrance
Freight
Fukidzai
Fumairipi
Future
Fuel
Ganyabvu
Garikai
Garisanai
Garo
Giant
Givemore
Godknows
Goodchap
Goronga
Grade
Grapevine
Green
Gupuro
Hamadzapera
Hamadziripi
Hardlife
Have-a-look
Hector
Hendepotia
Hillson
Hondo
Houseman
Humble
Immediate
Independent
Innocent
Intrigue
Itai
Jairosi
Januwari
Jargon
Jelous
Kamukoko
Kisimisi
Kissman
Kissme
Kissmore
Knowledge
Kombai
Komichi
Korai
Kuchafiwa
Kurudzirai
Kuvhaira
Labia
Lawman
Leader
Leading
Lesson
Letter
Level
Licence
Lickmore
Life
Lifeness
Light
Lightening
Linen
Listen
Listener
Littleman
Lonely
Lookmore
Lookout
Loot
Lovegot
Lovejoy
Lovely
Lovemore
Loveness
Loveson
Lucky
Luckymore
Machimwase
Machipisi
Mafemo
Magarire
Magwenzi
Mahobi
Maiden
Maidei
Major
Makemore
Mangwana
Mandishora
Maniac
Manyara
Maonei
Maraisi
Mariyawanda
Marumura
Marvel
Marvellous
Masanga
Mashura
Mauivepi
Maune
Mawanzisa
Maybe
Mazvihwa
Mazviona
Mazvionaka
Mbengo
Memory
Midget
Million
Mind
Mindyou
Mirai
Mistake
Moreblessing
Moregood
Muchadeyi
Muchandiona
Muchazvidemba
Muchazvidini
Muchero
Mudhaniso
Mudiwa
Mudzaswa
Mumvuri
Mupopoti
Muporofita
Murambiwa
Mwaimbodei
Mzilikazi
Nailon
Narumba
Ndaizivei
Ndakazivei
Ndakazviona
Ndataura
Nearmiss
Never
Ngide
Ngwarayi
Nhevha
Nice
Night
Nine
Nobetter?
Nodust
Noise
Nomatter
Nonsense
Norest
Notice
Noticed
Notus (Not Us)
Notyet
Novice
Noway
Number
Nyarai
Nyararai
Nzara
Obvious
Offpoint
Onai
One
OneDollar
Oneness
Orange
Orchad
Over
Overseas
Paddock
Pagozha
Panganai
Paridzai
Partson
Passby
Passmore
Pastures
Peace
Pendzisai
Penmore
Percent
Perseverance
Personal
Petition
Pfumojena
Picture
Pinjisi
Pink
Pipe
Plastic
Pleasure
Pocket
Point
Pointed
Poison
Police
Polite
Pondo
Postman
Poterai
Present
Prince
Progress
Psycho
Psychology
Punishment
Purple
Puwai
Puzzled
Queenson
Queen
Queenie
Question
Rairai
Ramangwana
Ramson
Rape
Reason
Regai
Remember
Respect
Return
Rhythm
Rockson
Rudeboy
Rufu
Rukweza
Rumour
Rumurai
Runako
Runyararo
Sajeni
Sanganai
Schoolson
Scottishman
Secret
Seed
Seedman
Seedson
Service
Seshwana
Setmefree
Sexman
Seven
Shadow
Shakehands
Shame
Shashumba
Shaveson
Shingai
Shingirai
Shingisai
Shokorashe
Shomba
Shongedzai
Shongesai
Shorai
Shortcut
Shortman
Shuga
Shuvai
Shylet
Sight
Sign
Sikisipence
Silence
Silent
Silk
Sister
Six
Sixia
Sixpence
Sixteen
Slight
Slow
Small
Smilemore
Snapping
Soccer
Sorry
Soundness
Special
Specialist
Spirit
Spray
Squash
Squashmore
Stamp
Stanislus
Star
Stay
Stockyard
Stone
Strange
Stray
Stream
Style
Success
Sudden
Sufficient
Sugar
Sundaynight
Sungirai
Svodai
Svosverai
Sweetman
Sweetness
Sweetnight
Syrup
System
Tagona
Taisekwa
Taitei
Takesure
Takomborerwa
Talkative
Tallman
Tanatsiwa
Tangai
Tanyemwerera
Tapedza
Tararama
Tarisai
Tarisaizero
Tashinga
Tatenda
Taurai
Tauya
Tavepi
Tazvida
Tazvishaya
Team
Tererai
Tested
Think
Thinkmore
Thompson
Tidy
Tight
Timer
Tinodya
Tiny
Titsumba
Todii
Togarepi
Toolate
Toosoon
Toothache
Torai
Trained
TryAgain
Trymore
Tungamirai
Unhappy
Uniform
Usiku
Veneris
Vhairai
Vhenekai
Vhumukai
Virgin
Warning
Watch
Watchman
Watchout
Watts
Wednesday
Welshman
Wetson
Whenfor
Whiskey
Whistle
White
Whyme
Wilt
Wilting
Wilton
Window
Windson
Wisdom
Wise
Wiseman
Wonderful
Worry
Zero
Zerorangu
Zivanai
Zororai
Zororo
Zvanyadza
Zvenhando
Zvidei
Zvigodii
Zvigozodii
Zvide




Hwisisazve kuti unokwanisa kuva munhu uya anoseka mazita evamwe vanhu, usingazivi kuti mubereki ndiye anopa munhu zita. Uchaonazve kuti mwana wako anokwanisa kukura agodanana nomukomana/musikana ane zita riya rawaiseka. Zvinokwanisikazve kuti mwana wako akure agoita vana vakevo agovapa mazita iwawo ausingadi.

No comments: