Sunday 7 December 2014

Michini yokuzvibatsira kubvisa zemo.

Pane zvimichini zvavako mazuvano zvakawanda chose uye zvakasiyana siyana mashandire azvo. Vhiki yakapera ndakadanwa kumusangano wevakadzi kwairatidzwa zvimwe zvacho ndikatyiswa nezvinoitwa nevanhu pakuda kuzvibvisa zemo. Zvinoshandiswa navese vakadzi nevarume uye zvinodhura zvokuti unotoshaya kuti munhu anenge ashayeiko kusvika pakadai. Chokwadi ndechokuti vakawanda vari pazhara yerhoji. Ndizvo ndichikurudzira vari muzhezha kuti chengetanai.

Handisi kuzoisa mipikicha yezvimichini izvi.

Michini yevakadzi: 
Kune zvimichini zvakagadzigwa zvakada kufanana nechombo chomurume asi iwe mukadzi unozvisarudzira saizi yaunoda. Zvimwe zvine mabhatiri, zvimwe hazvina. Zvisina zvacho iwe wega ndiwe inoti wapinza muchitubu wozvikurungira wega nemaoko kusvika wanakigwa kusvika paunoda.

Zvine mabhatiri unopinza mukati wobva wabatidza chimuchini chombeyambeya chirimo kusvika waguta. Kana ukadazve kuti chakabatidzwa  kudaro wochishandisa kugofagofa bhinzi yako ndiwe. Hakuna anokuudza zvokuiti nechimuchini chako mumba mako. Imari yako nemabhatiri ako.

Ndakahwa zvohi nevamwe mai, kwahi murume kana asinganatsi kugona basa unomupa chimuchini chiya ofanopinza mumukadzi kusvika mukadzi aguta, iye ozoteverawo kuzvigutsa pamukadzi. Vaitotaurirana kwahi murume anokwanisa kutengera mukadzi paKisimisi apa muchini wekuguta nawo. Vanhu vanohwisisana mumba kusvika pakadai vanhu vane njere.

Ndokuwanazve kuti kune zvimwe zvimichini zvemabhatiri zvinemabazi maviri kuti rimwe rinopinda kuchitubu rimwe ropinda kutsvina.

Vakadzi vasina varume vanokwanisazve kutenga zvimwe zvimichini zvinosungigwa muchiuno nebhandhe rinopindawo nepakati pemakumbo kuti munhukadzi ave nechombo chokusungira agokwanisa kurhojana noumwe mukadzi vachinyebera kuti uyu akasungira chombo murume.

Koitazve zvimwe zvimichini zvokuti chinoiswa patafura iri pedo nomubheda. chine magiya akaita seechitima chemarasha. Mukadzi anochifongorera opinza chombo chacho obva abatidza magetsi choita kupinda nokubuda iye akafongora nokururamisa. Hachineti, saka anozvirhoja nacho kusvika aguta.

Michini yevarume.
Varumwe vasiri ngochani vane michini yavo yakagadzigwa sechitubu chomukadzi yakagadzigwa ne SILICON yakanyorovera sezvakangoita mukati memunhukadzi. Murume anotora opinza chombo imomo, obatidza mabhatiri chodziya mukati kusvika pa 37 Degrees, okoira kusvika adiridzira.

Zvadaro obatwa nehope ovata. Mangwana anochigeza ozochirhoja futi paadira. Zvimwe zvacho zvakaita zvimudhori zvakainzana nomunhukadzi zvinokwanisa kuvhurawo makumbo, kufongoreswa, kupinzwa mumuromo, Etc. Zvinokwanisazve kuiswa mvura inodziya kuti murume avate nacho seavete nomukadzi. (FREAK ME OUT !!) Zvimwe zvacho zvinodhura zvinotochemererawo pakuiswa nomuridzi. Saka kana mukadzi wako asipo unokwanisa kutozvibatsirawo nechimudhori chakadai. Hauchibhadhari uye haubati chigwere. Asi kungotiwo kana mumba mukaita ACCIDENT vanhu veAMBURENZI kana kuti mapurisa akauya aknokwanisa kukufumura nazvo asi ivo kudzimba dzavo vanazvo zvidhori zvacho.

General
Zvinhu zvandakaonako zvakandifungisa kuti vanhu vakawandisa vane nhamo huru yokuda munhu wekudanana naye asi havasi kumuwana. Mai vacho vairatidza zvimichini izvi vaiti ivo vakatanga kuzvitengesa mugore ra 2007 uye pari zvino vakaita mari yakawanda chose. Vanotokuudzai kuti chimuchini chinogutsa kupfuura murume/mukadzi uye hachikombureni, hachineti, hachiendi kumwedzi, hachifambi gwendo, Hachikupopoteri kuti hauna kundiitira chokuti nechokuti. Hachidhuri kugara nacho. Hachikupi chigwere uye hachikutoreri mari pa Divorce yenyu, unongochikanda mubhini wotenga chimwe. Hachipiwi chikafu. Hachina OPINION pazviri.

Vanhu tava panguva yakaoma pamagarire edu zvokuti tava kufunga kuti michini ndiyo unogutsa kuvata nayo pane varume/vakadzi chaivo. Chinhu chakanakawo kungomuka wobikigwa tii nomurume/mukadzi wako mumwa muchigadziri kuenda kubasa. Kugamuchira umwe wako achibva kubasa kana kusangana kuSUPERMARKET mombotenga zvitengwa moenda kumba kwenyu muchiteverana nemota.

Hino chimuchini hachikugamuchiri uchipinda, hachikumhoresi. Hachikuzivi kuti ndiwe ani kana kuti ndiwe wakachipinza muchitubu mako madeko. Hachizivi kuti une hanya nacho here kana kwete. Chimuchini hachikuitisi mimba kana kukuzvarisa mwana wenyu.  Shuwa munhu angatovata nechidhori chine mvura nokushaya mukadzi here? Vanhu dai mamboona mamwe maonero pane kutevedzera izvi.

Munoona sei tikazosvika mugore ra 2050. Kune anenge achada umwe munhu here kana kuti inenge yangova DRIVE BY sex kana wade mwana, asi maziuva ese uchishandisa hako muchini iri wega mumba.

Hameno kuti munopaonawo sei?

Yambiro:
Kune dzimwe nyika ukabatwa une zvimichini izvi unokwanisa kusungwa. Kunyika dzechiArabhu mukadzi akazikamwa kuti anozvipinza chimwe chinhu anokwanisa kusungwa kana kutourawa. Havawanzi havo kuda kuuraya varume. Magarire avo ndekuda kuponda vanhukadzi chete. Chinhu chinokwanisa kuuraisa munhurume kuwanikwa uchikwira ngamerarume. Ngamerakadzi hairambidzwi. Kuhura nomusikana wausina kuroora kunouraisa mese (apa ndowiriranawo navo)
Kwedu kuZimbabwe unokwanisa kusungwa ukabatwa une zvimichini izvi nokuti kune mitemo isina kunyogwa. Mupurisa anongofunga ipapo kuti okusunga here kana kuti orega. Unozoziva kuti imhosva here watoendeswa kukoti. Pamwe unongodaidzigwa vanhu vemanyuzipepa kuti pikicha yako ibude mupepa usvodeswe asi iwe mhosva chaiyo iri pamutemo usina kuita.

Ukabatwazve une CATALOGUE yezvimichini izvi unokwanisa kusungwa nokuti zvinoshandiswa panhengo dzemiviri dzinosvodesa vanhu vakaita semapurisa nevemanyuzipepa vane njere shoma dzikusahwisisa kuti kufumura munhu asina mhosva kwakaipa.  Saka apa tiri kuti semi vekuDIASPORA, kana wajaira hako kuzvifadza nezvimichini zvako, chirega kufunga kuti kuenda nazvo pahoridhai zvinokwanisika. Unosungwa.

Panyaya dzese dzokuvatana, mitemo yekwedu mishoma asi kusungwa kwakawanda. Usazama kutenga zvimichini izvi kana kupinda nazvo munyika usina chawakatembha pavanhu veCustoms unokwanisa kusungwa.  Asi sokukopera kwatinoita pane zvese, ichasvika nguva yokuti munhu wese anenge ane chimuchini chake,

Tichasvikazve pakutumidza vana mazita akaita sekuti Dildo, Vibrator, Kitty, Vixen, Dolphin, Poly, NeonLuv, zvinova zvinoitika pese patinoona TECHNOLOGY yatisina kujaira. Mazuva ekutanga tinotumidza vana mazita acho. Tozoti tahwisisa zvazvinoreva vana vakura vava kuSecondary, tozodemba kuti dai tisina kudaro vana vedu.

Nyaya yezvimichini iyi inondityisa pa SOCIAL IMPLICATIONS, yokuti kana mhomho yese yevanhu tikada kutenga zvimichini izvi, tinozodiiko pamaRELATIONSHIP edu? Vanoziva vanoti zvinoitisa inohi ADDICTION nokuti kunaka kwacho kwakasiyana uye kunokwanisa kuita maawa akawanda uchingozvinakidza wega.

Asi unkwanisazve kukangamwa kuti une chinhu mukati semukadzi uya wekuSkotland aka siya chimuchini muchitubu make kwemakore gumi.

https://uk.news.yahoo.com/scottish-woman-had-sex-toy-left-inside-vagina-174938358.html#Fp8DZlJ

Udzai Vamwe!!!




No comments: