Sunday 7 December 2014

Murume anoramba kurhoja mukadzi

Kana ukaterera varume vachitaura, zvikuru kuma Zimbo Parties ungatofunga kuti vakadzi vari muzhezha rerhoji mudzimba umu. Izvo bodo kunotori nevakadzi vari pa DESPERATE SITUATION nokuzama kukwesva murume kuti amurhoje asi murume asingadi zvachose. Kune varume vanotoona sokuti kaviri pavhiki zvakatokwana izvozvo. Mukadzi wechiZimba haakwani nekaviri pavhiki. Hazviiti veduwe.

Koita vamwe vanoita kamwe chete pamwedzi kana ksatomboda. Mukadzi anozama azamazve kuti angowana kuvata nomurume wake asi zvinoramba. Murume anotomboita kaviri pavhiki achikusiya waguta ari nani pane anongokutarisa matarisire aanoita FURNITURE yomumba. Kukushandisa sa HOUSE GIRL wake kungoitiswa basa rokubika, kuwacha kumuisira mvura nokuaina. Uku pasinawo chaungati wawana change chisiri kumusha kwenyu. Kqwenyu waingowacha nokubika nokuaina, saka siyano yava papi. Hapana kusiyana nokusava nomurume. Murume kuzikamwa nomukadzi kuti baba vemba varipo, hunge achipotawo achikumira chombo. Kwete kungozvihwira panya dzokutsime. Ndiko kwaunoona mai nhingi vachingoshama n'ai nokushaiswa hope iwe vavava washaya chako.

Kusiyana kwevarume nevakadzi pakurambirana ndekwekuti mukadzi kazhinji anoramba nokuda kwezviri kuitwa nomurume wake pamusha. Murume anoramba nokuda kwezviri kuitika mufungwa dzake pamusoso pemukadzi wake. Kuramba kwevakadzi kunopera kana nyaya yagadziriswa. Hapana chinonyanyonetsa. Kungomuti avhure makumbo motorhojana zvenyu nyaya yapera. Kuramba kwemurume kune dambudziko rokuti chero akazoona kuti ange akarashika, akada kudzoka, chombo chinoyeuka zvachange chichiudzwa nefungwa chorambawo kumira. Munoita nguva muchizama kugadzirisa zvichiramba. Mukada kutsvaka mushonga wekumisa chombo zvinoita asi menge matowedzera dambudziko nokuti hachizomiri pasina mushonga.

Zviri nani kuti murume akaita nyaya dzokusada kuvata nomukadzi, mukasire kudzigadzirisa dzisati dzaita nguva kuiti muviri wake usajaira kusaita zemo. Gadzirisai nyaya yenyu izvozvi ichiri kugadzirika. Akasadaro zvoreva kuti chero mukadzi uyu akabva pamba, anozouya anowana dambudziko riripo onetsekawo naro.

Mukadzi anohwa sei kana asingarhojewi?
Terera vanhukadzi vari vega vachitaura uchahwa umwe achiti murume haana kumubata vhiki yese. Ari kureva kuti murume haana kumuisa. Ukada kubvunza kuti zvaita sei, haatani kutanga kuchema nokuti anoziva kuti iwe mutereri somunhukadzi unoziva zvazvinoreva kana murume asiri kukuisa. Pane zvinhu zvinotaura mashoko makuru mumba zvinokwanisa kuitwa nomurume.

Kuramba kuvata nomukadzi EVEN akuudza kuti vata neni.
Kuramba kudya zvaabika.
Kuramba ANY SERVICE yaanokupa.

Zvinoreva kuti panguva iyoyi uri kuti haachisiri mukadzi wako. UNCERETAINTY inokwira chose chose zvokuti fungwa inotanga kufunga kuti ndava kutorambwa pano. Kana ari munhu asina vana unenge watomusvitsa pakaoma chose. Ukagara madare enyaya dzemudzimba unohwa mukadzi achitaura kuvatongi kuti murume haana kumubata kwemwedzi wese. Inyaya inozikamwa navese kuti ihuru. Anohwa kusadiwa, kusapiwa chinzwimbo chokuhi mukadzi, kuhi uri munhu akashata, asina kukodzera, ane chaanacho chinosemesa.

Chinhu chokupedzesira chinoitwa nomurume pakurambana kunyima mukadzi chombo. Kana zvaitika mukadzi anobva aziva kuti nyaya yapera haachadiwi. Pazvinotanga kuitika unoona DESPERATION inoitika pamukadzi achizama kugadzirisa nyaya dzake. Anenge achiziva kuti akangokwanisa kuti murume avate naye kamwe chete, anowana mukana wekuwedzera nguva yokutaurirana.

Kune vakadzi vanoti akafungira kuti murume haachamudi anokwanisa kuisa TEST yokumubvisira hembhe kuona kuti anoita zemo here. Kana akasaita zvachose mukadzi anoziva kuti hapachina chaanokwanisa kuita.

Tinofarira kuti varume vedu vakationa vofunga zvokuisana. Mukadzi wese ane nyaya yokuda kuiswa nomurume wake asizve oita nyaya yeunhu. Zviviri izvi zvinoita kuti tingoiswa panzvimbo dzakakodzera asi chokwadi ndechokuti mukadzi akafunga kuti hapana anomuona anokwanisa kuisigwa chero mudondo. Hino kuzohi nomurume wako haachado kukuisa zvinogwadza chose.


Chii chinoitisa murume asada kuisa? 
Pono
Chikuru chacho kugaroona mafirimu epono. Zvinotindivadza fungwa yekuda kuvata nomukadzi. kusvika pakusamboziva kuti hausi kuvata nomukadzi wako. Vakazviongorora vanoti unokwanisa kuti mazuva ukotanga unowedzera kuita chimhandara maoko, asi kukazopera nguva unoregera zvese izvozvo woshaya zemo. Chero paunovata nomukadzi wako kunakigwa kunoita kushoma.

Iko kuwanza chimhandara maoko kwacho kunodzikisa kuvata nomukadzi. Hatisi kuti usaita asi kuti wana BALANCE kwayo mukadzi agute iwewo ugute pazviri.

Kana uri mukadzi ukaziva kuti murume wako ari kugaroona pono. Iwe tanga kuionawo pa Tablet yako. Kana murume akaita zvokunonoka kuuya kuzovata achombotarisa pono. Paanouya ngaakuwane uchionawo pono muBedroom. Uchaona kuti anoshokiwa kuti sei uri kuona pono. Varume havadi kuti mukadzi aone mazichombo eSILICON anoshandiswa mumapono. Kana akakuona kaviri kana katatu achakubvunza zvaanoda kubvunza. Muudze kuti wakamuona achiona pono saka wange uchida kuona kuti chii chirimo. Wochimubvunza kuti pane zvaakamboona zvaari kuda kuitawo here. Kana ati zviripo tora biro unyore zvese ugomuudza zvaunodawo kuita.

Usapopotera murume awaziva kuti ari kuona pono. Hazvina zvazvinobatsira. Chinja chinhu chaanoita pachivande umutaridze kuti anokwanisa kuchiita muri mese uye kutochipurakitiza. Ukasadaro anotindivara fungwa osanikigwa nokuisana kwenyu.


Testosterone
Pane hormone inohi testostrone. Ikashota mumuviri wemurume anotanga kusaita hanya nokuvata nomukadzi wake. Ndichawedzera pano. Zvikonzero zvakasiyana asi ukangofungira kuti HORMONE yake yakadzikira endai kuTEST muudzwe zvokuita. Chokutanga iwe mukadzi kana uriwe unoshopa zvokudya zvenyu, wedzera zvokudya zvine VITAMIN D. wopota uchipa murume wako. Kukapera nguva unoona munhu ange asina hanya nazvo ava kuda kukufongoresa kaviri katatu pavhiki. Gore rozopera wava muzhezha razvo. Ndiwe wagona ipapo.  Izvozvi murume achiri kuda, garomupa Vit D yakakwana.


Kusangana nokutamba
Kusajaira kusangana nomukadzi wake vachiita zvokutamba, kukisana, kusetsana, kumbundikirana kubatsirana kuita zvinhu, kushanda mumba pamwe chete. Gara pedo nomurume wako mukutaura mukudya mukuhwisisa, mukutamba. BODY CONTACT pakumbundikirana musina kupfeka, kukisana, kupurudzirana, kutarisana mumaziso. kuhwisisana pakufunga. zvese. Kana ukaona murume achiwedzera basa achigara akaneta, BODY MASSAGE kana auya kumba chinhu chakanaka.

Isu vatema hatidzidzswi kuita FUSS varume vedu asi ngatidzidzewo kuti kana mukova wemusha wavhagwa ndasununguka kuita zvandinoda kumurume wangu.

Kushaikwa kwemari mumba
Murume akatadza kuriritira mhuri yake kazhinji zvinomutadzisa kuvata nomukadzi wake zvakakodzera. Mari inowedzera STRESS yemurume zvokusvika pakutadza kumira chombo. Zvikwereti zvikatanga kutadza kubhadhagwa, masamanisi akatanga kusvika pamba, mota yohi ngaitengeswe, Vana kuBoarding havana mari. Murume adzingwa basa kana kuti Contract yapera. Chokwadi chaicho chombo hachimiri. Anoda sapoti yemukadzi anohwisisa kuti murume anopiwa ENCOURAGEMENT sei. Uye iwe mukadzi taridza kuti unomuda chero asina kana CENT. Panhamo apa ndipo paunotaridza VALUE yako samai vemba kuriritira mhuri yese iwe usina mari.

Basa ndihwo upenyu hwake:
Kune varume vanoona sokuti basa raanoita ndiro rinotaridza kuti ndiani, obva ashanda okangamwa zvimwe zvinhu zvese zveupenyu zvakakoshera mhuri yake. Chinotori chigwere chakangofanana nokumwa doro kusvika usisazivi kwaunogara. Kushanda kusvika waneta zvokutadza kuvata nomukadzi wako zvakakodzera.

Kusafarira kuva saimba:
Kune varume vanoti aroora otadza kugamuchira usaimba hwake kusvika pakuona sokuti mukadzi wake idambudziko paari. Pane kudzidza kuona zvakasiyana anongoignowa mukadzi, asina kutombofunga kuti zvichafamba sei. Chokutanga chinomuonesa sokuti haana mukadzi kusavata naye. fungwa yoti kana asingavati nomukadzi zvinoreva kuti haana mukadzi. Munhu akadai ukamubvunza kuti sei asingadi kuvata newe, anotoita STRESS chaiyo newe nokuti haazivi zviri kuitika muupenyu hwake panyaya iyi. Muchiri musikana nomukomana aikushaisa hope achida maRHAUNDHI ake usiku. Ikozvino unoita sousipo.

Kana akafunga kuti hausi kuguta:
Murume akafunga kuti hausi kuguta anobva afunga kuti imhosva yake iye ndiye asiri kukugutsa. CONFIDENCE yekuvatana yoderera. Zvinotyisa vamwe varume kuziva kuti havasi kugona basa. Ndizvo tichigarokurudzira imi vakadzi kuti ipai varume fungwa yokuti varume mumba. Kuisana handi chinhu chokungofunga kuti chero maitire awada iwe mukadzi ndiwo. Ukadaro ndiwe uchazoita dambudziko mberi uko.

Murume akumisira chombo anofanira kuwana RESPONSE kubva kwauri inoratidza kuti agona chimwe chinhu. Varume vakawanda vanokomburena kuti vakadzi vavo vanongovhura makumbo vovhara maziso vorega murume achiisa iye akangoti kwindi sokuti haapo pazviri kuitika. THE LEAST yaunokwanisa kuita

  • Kubatirira
  • Kuchemerera
  • Kuudza murume chimwe chinhu chokuita kuratidza kuda kuiswa
  • Kuchovhana nomurume kuita makwikwi okusanganisa zviuno. 
  • Kusvinura nokutarisa murume mmaziso kana makatarisana. 

Kana akazokushotesawo unoona zviri nyore kumuudza kuti ange achigona chose asi akusiira pazhira. Iyewo unoona achizvigamuchira. Hino ukangoti fosho sebwe riri pakati pemugwagwa ramirira kurobwa nesando, murume kutoshereketa kutodii iwe kwindi zvako. achinopedza iwe zii kusvika avata, zvoita sokuti uri mweni pamusha pako. Murume anotanga kufunganya pazviri opedzisira ofunga kuti ari kutambisa nguva nokuti hausi kunakigwa.

Pane zviri kumudya moyo (Depression)
Pane dzimwe nyaya dzinoti varume vanotadza kutarirana newe padziri zvokuti anoichengeta muhana kusvika yamukanganisa mafungire ake. Sokuti akambohura akaita mwana waasingaoni, anofunga kuti akabata chigwere asi anotya kundovhenekwa, Ari kushushiwa nevabereki kuita chimwe chinhu chaasingadi, hama dzinovenga mukadzi wake, etc.


Haachakudi asi anotya kukuramba
Murume akaroora zvisina kururama, anokwanisa kuona sokuti mukadzi ndiya akaipa. Imwe nyaya inomboitika pavanhu ndeyokuti varume kuvata nevakadzi vanokuda chose chose asi hazvinei norudo. Vakadzi vakawanda ukaona ovata nomurume anerudo naye. Hino mukadzi anoona sokuti kana murume achivata naye asi asingatauri yokuroorana munhu anoda rubatsiro, musikana obva afunga kuita mimba asina kuudza mukomana. (Mazuvano musaudzwa nhema. Hakuna munhu anoita mimba asingaidi) Zvadaro musikana akatizira,mukomana anotora nguva asina kuzvigamuchira. Zvikuru kana ange agara asingadi musikana asi achingoona sokutimunhu wekuvata naye chete pasina rudo.

Vakadzi vakawanda vari pamusha pasina rudo nokuda kwekutizira musina kuronga mese. Unosvikapinda pamarasha anopisa chaipo nokuti murume haakudi. Kuda kuwanikwa uchiti nokuti une mimba yake kusahwisisa kuti musha chii. Hauna kubatwa chibharo uye iwe wega ndiwe wada mimba iye asingazivi. Mimba inoda kugarigewa pasi motaurirana kuti ngatiite mimba.

Unoita sei kana murume achikunyima:
Chokutanga tsvaka chikonzero. unoongorora nyaya dzese dzaunoziva dzomusha kuti uone kuti chii chiri kunetsa. Kana wachiwana ratidza murume rudo uye kuti unogamuchira kuti mombomira kuisana kusvika nguva yemurume yakwana. Chero achihwisisa kuti musi waachada kuvata newe unenge uripo. Kana pane chaanoda kukuitira rega aite nokuti anenge achitotyawo kuti iwe hausi kugutswa. Kana pane chaanoda kuti uite paari ita.  Chikuru ratidza kuzvigamuchira uye ratidza rudo. Ndiko zvikasire kupera.

Ukavhunduswa nazvo murume akafunga kuti wavhunduka anotowedzera kufunganya chombo choti zii zvachose nguva refu.

Chechipiri chero usingabvumirani nechikonzero usapopotera murume kana kutora nguva yakarebesa uchingochema. Murume anoda STRONG PERSON anomupa sapoti. Vedu vechobhoyi kana chombo chikaramba kumuka anotanga kufunga mahure ese aakavata nawo kuti pane rakamuroya here, oita PANIC. Saka iwe hwisisa apa. Hakuna mushonga wekuroya nawo unoitisa chombo chisamira. Zviri mufungwa yake chete saka zvibvise mufungwa yomurume wako. Shandai mese mugadzirise. Iwewo shamwaridzana nechombo chero chichiramba kumuka garochibata uchichirezva. Musi wachamuka bvunza murume kuti ari kuda kurhojana here kana ati anoda itai asi hwisisa kuti chingangovata muri pakati pekuita. Saka ita moyo murefu.

Chechitatu usaudza munhu wekuzhe nokuti murume wako akangoziva kuti nhingi anoziva, nyaya yenyu inowedzera kukura. Kana mada kutongeswa bvumiranai kuti ndiani wamunoda auye musati maudza umwe munhu. Murume kutadza kana kuramba kuvata nomukadzi wake inyaya isingaudzwi vanhu kusvika waona kwairi kuenda. 

__________________________________


Tiudzeiwo varume tihwe. Kana wakambogara nomukadzi wausingadi kuisa taura chikonzero chacho tihwe. Tichawedzera nyaya iyi.

3 comments:

Anonymous said...

Ko mukadzi anoti aroorwa otadza kugeza kubva aita munhu ane tsvina. Sipo iripo, mvura iripo asi munhu haagezi. Ndinoita sei ipapo nokuti haagezi.

Mai E Chibwe said...

Kusageza idambudziko guru chose kuvakadzi nevarume. Variko vakadzi vasingagezi zvakakodzera. Ukaroorana naye zvinonetsa kuzvika pedo naye nokuda kwehwema hunobva pamuviri wake. Munhukadzi anofanira kugeza uye kuuraya BACTERIA dzinokonzera hwema hwakaipa.

Kana wako asingagezi, iti paya akuisira mvura yokugeza iwe womuudza kuti haudi kugeza kana iye asimo mubhavhu newe. Moenda monogezesana, womutengerawo zvipfapfaidzwa zvinonhuwira. Kana asingadi zvachose kugeza garai pasi mutaure nyaya yacho zviri pachena kuti munhu ngaageze kamwe chete kana kaviri pazuva. Kana ageza iwewo chiratidza kuti unoda kumuisa.

Unknown said...

mkadzi anobonyora here nyangwe achigutswa