Saturday 6 December 2014

Mukadzi anoramba kurhojewa

Chii chinoitisa kuti mukadzi akawanikwa akabva kumusha kwevabereki vake akauya kwemurume akagarapo akatanga kuvaka musha wake nemurume wake, agoti umwe musi haachadi kuvata nomurume? Chii chinokonzeresa mukadzi kufunga seizvi, iye asingagwari uye murume haasi kuhura? Imbofungai nenyaya imi, zvikuru imi makamboita nguva muchirambira varume venyu. Pano hatisi kutaura mukadzi anoramba musi umwe chete, agozomuka kuseni oda hake kuiswa. Tiri kutaura mukadzi anoita mazuva asingadi kuiswa. Murume kutombodembademba, kumutengera makokisi, (chocolates) kuzama kutaura naye asi iye oramba. Zvinenge zvaita sei?

Mukaroorana musina kunatsoraigwa panyaya dzakadai musha wenyu unononoka kumira zvakanaka. kana tichitaura chokwadi uye tiri pakuchengetedza musha,tinoona kuti mukadzi anopa murume wake CHECKLIST yezvinhu zvokuita zvinoti akaita akapedza mukadzi ouya oongorora kuti zvaitwa nomazvo here ozovhura makumbo agutsikana, haasi mukadzi anokwanisa kuchengeta murume murudo. Asi variko vakadzi vakadaro, zvikuru kana murume asingashandi mukadzi achishanda. Pane mabasa anoda kuitwa mumba zvokuti murume ngaaite asi kana waona kuti murume wako ane nguva yausina yokuita mabasa, chirega kuti afunge kuti kuitwa kwemabasa kune chimwe chinhu nokuisana kwenyu. Kuisana kwenyu chinhu chiri SACRED chisingafaniri kuvhenganiswa nezvimwe zvinhu zvakaita

  • Kutukana
  • Kushaikwa kwemari
  • Kuvengana nehama
Kuisana kwenyu zvakafanana nokutaudzana. Hamuregi kutaudzana muchiti nokuti matukana. Munotaudzana zvakasiyana chete. Saka isanaiwo zvakasiyana. Sokuti munonopfidzisana pakuisana nokuti muviri une hasha, asi isanai chete. Hazvina kukodzera kunyimana



Zvikonzero zvokunyima murume:

KUSAGUTA: Chikonzero chikuru pane zvese kusagutswa nomurume. Kusagutswa kunobva pakuti murume anokasira kudiridzira, uye haana hanya nokumbotamba nomukadzi wake vachibatana batana kuti mukadzi awedzere  zemo uye kunyorova. Mukadzi ukazoona osvika pakuramba kuiswa achiti nokuti haaguti, nguva inenge yareba asingaguti. Vakadzi vakawandisa mudzimba vanoona sokuti basa romunhukadzi iSERVICE kumurume. Mukadzi haaudzwi zvokuitira murume, anongoita ega. Kubika, kuaina, kuwacha, kusona mabhatani, kuisira murume mvura yokugeza, kupukuta murume mapedza kuisana, kumuzarira vana, Saka kuzomupa muviri wako kuti ashandise kunakigwa kwake chinhu chinoitika munhukadzi asinei nezvakawanda. Kukapera nguva achingozadzwa urume iye pasina chakewo, anojaira kuti murume omutanga, otadza kumupedzisa. Murume obatwa nehope, iye ozvipedzisa nemaoko. Mhomho yevakadzi ndiwo maitire avo mudzimbazhinji dzamunoona imi varume. Mumba mako pamwe zviri kutoitika izvozvi.

Munyika dzakawandisa zviri kuitika. Mukadzi anozviita kwenguva huru zemo richingosaririra mumuviri asi kunozosvika pachinhanho chokuti akazvikwanisa anotanga kuhura kana kuti anotanga kurambira murume oona sokuti SERVICE yaari kupa murume haitendhwi nomurume. Kana atanga kuhura kazhinji anoramba achivata nomurume. Kana atanga kuramba, kazhinji haasi kuhura. Ari kungodzidzisa muviri wake kusava nehanya nokuiswa.

KUHWA ASINGADIWI: Kana mukadzi akakufungira kuti hauchamudi fungwa yake inoti achirega kuvata newe. Kumunhukadzi kuvata nomurume isaini yerudo. Vakadzi vakawanda vanoona sokuti varume vanofunga rudo pakuvatana, ndoosaka muchiona vakawanda vachimitiswa nokuti anenge achifunga kuti murume ari kundiisa nokuti anondida. Awa mafungire achikadzi. Varume vanongorhoja mukadzi nokuti abvisa bhurugwa akavhura makumbo. Zverudo havambozvifungi.

Saka mukadzi wako akakufungira kuti hauchamudi nokuti hausi kutaridza rudo, anotanga kusada kuvata newe nokuti anoti kukupa RHOJI kukutaridza rudo iwe usina rudo naye.

KUTAURA NEWE: Kana mukadzi wako akazama kutaura newe nomuromo akaona sokuti hauna zheve zvachose, anotanga kutaura newe nemutauro waunoterera. Akati haadi kuiswa unokasira kuterera. Sokuti mukadzi okuudza kuti ari kuda mwana asi iwe uri kuti mari haikwani ngatimbomira, Kana akaona nguva yokumirira yarebesa anoona sokuti hauhwisisi kuti SECURITY yake iri pakuzvara vana. Saka anotanga kuita STRESS pazviri ochizama kuti uterere zvaari kutaura Akakunyima unokasira kuterera

Mukadzi akati anoda imba yenyu mega yokurenda kana kuvaka, pane kugara nevabereki, iwe ukasaterera. Unoona otanga mamwe maitire okuti utererere. Pane zvakawanda zvinokonzera kuti mukadzi afunge kuti hausi kuterera. Ukaona maita mazuva matatu mukadzi achikurambira ongorora wega chimwe chinhu chausiri kubvumirana naye. Uchahwisisa kuti iye anochikoshesa iwe hauna hanya nacho kana kuti wakaisa LOGIC  yako pachiri iye asina kuihwisisa.

Kuva munhu mukuru: Kana mava vanhu vakuru, toti mukadzi osvika kumakore 40, panosvika nguva yokuti anoguma kukandira mazai pamwedzi saka kumwedzi komira. Panguva iyi anonetseka nokuchinja kwemuviri. Haavati zvakanaka, haadyi zvakanaka, maHORMONES ake anokanganisika, saka fungwa yake inobva pakufadza murume yonanga pakuzvichengeta iye noutano hwake. Hino iwe murume ukasazvibata ukasamurezva somukadzi wako, munosiyana pakufunga otanga kuramba kuiswa.
  1. Vakambozviita nditumirei Mwadhi tigonyora zvese pano varume vahwisise.
  2. Varume tauraiwo maonero enyu kuti chamunofunga kuti chikonzero chii? 
Nguva yokumwedzi:
Kune vakadzi vanoti kana nguva yokuenda kumwedzi yava pedo, vanoita ma MOOD voemera murume nokuita zvisina musoro. Anokwanisa kukurambira panguva iyoyo asi uchaona kuti kukapera mazuva maviri anotanga kuenda kumwedzi. Kana une mukadzi akadai, unohwisisa mukadzi wako saka harisi dambudziko guru.

Mhosva mumba: Kana mukadzi akaita mhosva huri mumba anokwanisa kuona sokuti hauna kumuregerera zvakakwana zvokuti anobvuma kuti abvume kuti unomuona somukadzi wako sezvaaiva asati aita mhosva. NOkudaro anodyiwa moyyo nenyaya oruza CONFIDENCE pane zvaunomufungira. Sokuti ashandisa mari zvisirizvo iwe ukazomuwanikidza. Unokwanisa kumutsamwira zvausina kumboita. Chero ukazoti nyaya yapera, iye anoona sokuti haina kupera. Anokwansa kufunga kuti ai wamupanicha nechimwe chinhu pane kumuregerera. Pakadai iwe unotopedzisira woite sewe une mhosva asi mhozva iri yake. Ari kuda kuripa iwe uri kuda kumuregerera.

Murumewo akaitira mukadzi mhosva mukadzi akagumbuka nazvo anoona sokuti hauna hanya naye otanga kusafunga zvokukufadza.

Kana wambomubata chibharo
Kana munhu ane chinhu chaanoda kukupa, ukamutorera asati akupa, anosvotwa navo chose. Kana une mukadzi mumba iye anotoziva kuti akavinga kuzorhojewa nguva nenguva uye vakadzi vakawanda vanotodawo kupfuura varume vavo. Asi ukamubata chibharo anokugumbukira zvokusada kuvata newe futi. Murume dzidza kupa rukudzo kumuviri wemukadzi wako. Hakuna umwe munhu anouya nomuviri wake pamba pako okuti chiita hakochero chawada nawo asi usamukuvadza chete chete, iwe womubata chibharo. vinoreva kuti hauna chiremera nomunhu uyu uye kuti akavingei pamba pako.  

Mukadzi wemumba haambofaniri kusvika pakufungira kuti afosiwa kuvhura makumbo. Kana hure chairo ukarifosa waribhadhara mari unosungwa ukatoita makore mujeri. Mukadzi wako chinoitisa asakusungisa rudo. Usamanikida mukadzi.

Kushora
Kwahi une matinji madiki, Une magaro akakurisa, Tuzamu twako twenge manachisi, Uri kunhuwa hove, kubika haugoni, Chikapa hauna kudzidzswa natete wako. Murumewo uyo achiDECLAYA maRIGHTS AKE. Ane RIGHT yokuti mukadzi ave nemazamu, matinji, magaro, esaizi yaanoda iye asi mukadzi haana RIGHT yokuti murume aite chombo chesaizi yaanoda. Hino tikashorana mumba, tikatsamwisana zvozodii? Munhu kumbira mukadziwako aite zvaanokwanisa kuita. Kugeza, kubika, chikapa, zvinhu zvinogadzirika. Dzimwe nhengo dzemuviri wana mataurire kuti mukadzi adewo kuenda kuGYM. Kwete kutsoropodza. Anosvika pakuona kuti chero akaita hauchatomudi.

Kumuitisa zvaasingadi kuita pakuvatana:
Pane zvimwe zvinhu zvinoti murume akada mukadzi asingadi murume ngaazvisiye zvega. Ndinonyoregwa mwadhi dzakawanda dzezvevarume vanoti vaona mafirimu epono vakadzi vemo vachipinzwa kutsvina vodavo kumbozvizama. Kana mukadzi wako asingadi zvachose musiye akadaro ugute nezvaanoda zvacho. Usaunza nhamo mumba nokuda kuita zvaitwa nababa Pono. Uyezve hwisisai kuti mafirimu epono haatauri chokwadi. Varume vemo vanoshandisa zvombo zvekugadzira mufakitori. Vakadzi vanopiwa Anesthetic yokutindivadza panopinda ziPLASTIC/SILICON racho rakapfekwa nomurume. Ukada kuzviita unokuvara.

Ukaona mukadzi okunyima ziva kuti aperegwa. 

Pano:
Maona kuti handina kutaura nezvekuhurirana nokuti pakadaro mese menge muchitoziva chikonzero uye muchitoziva kuti muchanyimana. Tiri kungotaura zvikonzero zvinoita kuti vanhukadzi vanyime varume pasina chinhu chinonyatsouda pachena chikatongwa chichipera.

Murume anohwa sei kana anyimwa
Kana murume akanyimwa Rhoji, pane zvakawanda zvinoitika kwaari mufungwa. Musi wekutanga anongofunga kuti ndezvanhasi chete mangwana achapiwa. Akazonyimwazve mangwana, fungwa inotanga kutenderera. Kana uchida kubvisa CONFIDENCE yomurume wako nokukasira munyime rhoji.

Murume kana achipinza chombo mumukadzi wake anoona senyaya ye AUTHORIRTY kuti iye ndiya ari kuita chimwe chinhu kumukadzi mukadzi ari kungozvigamuchira. Murume kuona mukadzi wake achimuvhurira makumbo kuti apinze chombo zvine Psychology ine zvakawanda chose pazviri.  Anozviona semurume chaiye. Anoona ari munhu anogamuchigwa somunhu.

Hino kana ukaramba zvangofanana nokuti vabereki vako vakutengera mota pa GRADUATION yako iwe woramba kuigamuchira. Vabereki vanohwa sei pakadaro?  Ukahwisisa ipapo wava kuda kuhwisisa mafungire omurume pakunyimwa.

  1. Confidence yake semurume inodzikira
  2. Anotanga kutya kukukumbira
  3. Anofunga kuti hauchamudi
  4. Anoona sokuti hausi kunyatsofunga kuti uri mukadzi wake (possessive)
  5. Anodyiwa pamoyo
  6. Anoona sokuti maRIGHTS ake abviswa
  7. Anona sokuti wamumhura zvisingatauriki

Unoona umwe murume ukamunyima anotanga kukuvhurira Bhaibheri kuti verenga apa.  1 Corinthians 7  kana ukaramba, anokuverengera iye kuti uhwisise zvaari kuda kuti uhwisise, asi pese apo pawanga uchizama kuti ahwisise ange achiramba kuwhisisa. Ingari yokuti mese muri mapenzi paupenyu hwenyu. Murume haatereri mukadzi. Mukadzi anovhenganisa nyaya mbiri dzisingavhenganiswi. Bhaibheri rinotaura panyaya iyi kuti musanyimana kuzhe kwekuti mabvumirana kuti ngatimbomira.

Murume anokanganiswa fungwa nokunyimwa nomukadzi. Zvinobaya moyo kupfuura chimwe chinhu hacho chingaitika mumba menyu chisingarambanisi vanhu.

Kugadzirisa: 
Murume
Kana mukadzi akaita mazuva maviri chaiwo achiramba kuiswa, murume anokasira kuzvibata kuti pane nyaya. Varume vakawanda vanotanga kufunga kuti mukadzi ari kuhura noumwe murume asi izvi hazviwanzoitika. Ukaona mukadzi anohura otanga kurambira murume wemumba chiziva kuti azvipira kusiya murume kuenda kuchikomba. Kazhinji mukadzi anohura anoramba achivata nomurume sezvemazuva ese. Murume ange achinzi agadzirise nyaya kwese kwayabva kure kure uko.

Siyana nokuda kuvata nomukadzi, ongorora pane nyaya uigadzirise pasina puresha yokuda muvata nomukadzi. Ingohwisisa kuti kugara mumba nomukadzi akagumbuka hazvinakidzi. Kana uchiziva nyaya uye uchiziva kuti hauikwanisi wega, tsvaka hama munhu mukuru kana shamwari kana Umwe mukadzi mukuru wekuchechi kwenyu akatsiga. Usawanzokumbira vanhurume kuti vazogadzirisa nyaya dzine vanhukadzi mukati. Munhukadzi ari nani chose. Anokasira kutora mukadzi wako semwana wake oita GENUINE INTEREST paari. Varume vanongotaridza SYMPATHY kwauri iwe murume zvotowedzera nyaya. Vana Pastor vane Vested INTEREST IN PARTICULAR OUTCOMES saka havana OBJECTIVITY yokukwanisa kugadzirisa nyaya yenyu. Chavo kungoti Church isaonekwa sokuti ine vanhu vasingagoni kugarisana zvakanaka.

Kana usina shamwarikadzi, enda unokumbira shamwari yemukadzi wako. Uchaona kuti ndiye anotokasira nokuti mukadzi wako achaona sokuti watongeswa. Kana wahwisisa mhosva yako zama kuripa muripo kumukadzi zvinoonekwa nouya akugadzirisai nyaya. Muripo chinhu chaunoitira mukadzi chausingawani BENEFIT pachiri iwe. Kumbirazve ruregerero mukadzi azive kuti waona kuti wanga wakanganisa.

Mava mega tanga nyaya iyi uudze mukadzi kuti wange wakanganisa uye unofara kuti akuratidza kukanganisa kwake. Zvadaro chiudza mukadzi zvokuita kuti paunokanganisazve akasire kukudza kuti nyaya dzenyu dzisagarotongwa nevekuzhe imi muri vanhu vakachenjera. Zvimabhurugwa zvemukati hazviwachigwi patsime. Uyu mumnu wamaudza nyaya yenyu matomupa BURDEN yokuichengeta mumoyo.

Murtume ita mutungamiri mumba mako pakutaura nepazviito. Kwete kusaziva zvinofungwa nomukadzi wako. Ko kuzoti vana.


Mukadzi
Iwewo mukadzi kana murume wako abvuma kuti mune dambudziko, chirega kuomesa musoro. Chimubatsira kuona EXTENT yedambudziko renyu. Usapopota. Usamutaridza kuti ndiwe BOSSMAN wake nokuti une chitubu chaanoda. Funga musha wenyu nemhuri. Tsanangura kuti zvinorevei kwauri kuva nedambudziko ramunaro. Kana usingaguti pakuiswa muudze kuti zvinokugozhera kumuudza kuti haasi kukugutsa asi unoda chose kuvata naye asi mese munofanira kuguta. Ngaazive kuti akakunonokera unoguta. Chizama kumubatsira kuti akugutse asi ngazviitike nokukasira nokuti akazoshaya CONFIDENCE pakukuisa, chombo chinotadza kumira, uye mazuva okutanga chikamira anotowedzera kungoti achipinda achikudiridzira. Muudze kuti ndizvo zvinoitika pakutanga asi zvichanaka uye unomuda saka haumbomusiyi uye haudi vamwe varume. Kana CONFIDENCE yadzoka unoona otanga kuita zvinowedzera kugutsa.

Kana iri mhosva kasira kumuudza kuti unodei pairi. Kana uchida kuti hama dzake dzizive kuti akakurova kana kuti haudi kuti aite chimhandara maoko, muudze zviri pamoyo pako ahwisise.

Usada kupiwa counselling uri wega nomunhurume, chero pafoni chaipo. Panguva yakadai unenge wakagumbuka zvokuti munhu akachenjera akanatsotaura newe anokuonesa kuti nani uiswe noumwe munhu, okuputsira musha wako. Kune vanhu vakachenjera pakutaura zvokuti anokudzikamisa hana okuurunga nemashoko, iwe wofunga kuti munhu kwaye, wozoti pepu wapurudzigwa magaro nemazamu, uku wanyoroveswa chitubu wapiwa CONFUSION. Nyaya yange iri diki yava nyaya huru wave kutofunga kuti murume wako munhu akaipa chose.

Piwa Counselling nomunhukadzi wechikuru kwete umwevo asina experience. Usajaira kunyeya murume wako kana uchiri kumuda.

Zvese zvaitika izvi mukagadzirisa nyaya yenyu, iwe hwisisa kuti kunyima murume kutaridza kuti mese hamuna MATURITY pamuchato wenyu. Murume anonyimwa kana ahura chete chete. Chero akahura iwe ukazvipira kuti unomuda, unongomunyima pamunenge makamirira maRESULTS eTEST chete, kana kuti paunenge uchifunga kuti woenda here kana kuti wogara.  Pamwe pese apa murume haanyimw zvinhu.

Kana wakaneta muudze kuti wakaneta asi kana uchiona kuti chombo chimire, rega apinze kusvika abudisa urume. Vata nedumbu worega chikapa, iye wokwira kusvika aguta. Chako kuchemerera chete. Pamwe unotozoona kuti pakuneta kwako ikoko unojoinirawo wotonakigwa nazvo. Shoko guru nderokuti murume haanyimwi. Hwisisa shoko iri chero uchirigamuchira chero usingarigamuchiri asi Murume haanyimwi.


Munozotanga sei kana nyaya yapera:
Kana nyaya yenyu yapera mese mava kuziva kuti maigadzirisa ikapera, murume ngaachirega kutanga nyaya yerhoji. Rega mukadzi akuudze kuti amirira kuiswa nokuti ndiye ange amisa nyaya dzese. Iwe murume ingogara wamuudza kuti unofarira kumuisa chete. Kana nguva yake yakweana anokuudza kuti yakwana.

Kana zvaita murume udza mukadzi maonere aunoita pakuvhurigwa makumbo. Zvadaro ona kuti nyaya iya yambokonzera zvinhu kushota haichaitikizve.

Kana nyaya yange iri yokuti mukadzi haaguti, taridza kuti unoda kuti agute asi hauzivi zvinomugutsa. Usatanga nokungopinza chombo uchiti nokuti avhura. Unokwanisa kudzokerazve pamange muri kare. Dzidza kutaudzana nomukadzi wako panyaya dzinomudya moyo motaura murudo iwe murume uchitungamirira nyaya somunhu mukuru mumba.

Kuti zvisaitikazve modii?
Mese onai kuti nyaya dzokunyimana dzaita shoma mumba. Mukadzi didza kuti vinoderedza VALUE yomurume wako kukudembera kuti hausi kumupa zvinhu, uye kuenda kundodaidza umwe munhu kuti auye kuotonga nyaya dzenyu mumba sokuti muri pwere. Dida kutaura nomurume wako visingasviki pakunyimana. Hwisisa kuti kunyima murume imhosva huru chose vokuti dai vatongi varipo waikwanisa kuripiswa.

Murumewo dzida kuterera vinoda mukadi wako. Kana uchiona kuti mataurire anoita mukadzi wako anosvota, mutengere kaEXERCISE BOOK kokuti kana ane vaanokoshesa zvaanoda kukuudza atange avinyora imomo iwe woverenga wochimubvunza kuti vakamira sei iye otsanangura. Zvadaro haukangamwi nokuti vakanyogwa.

Musadereda kukosha kwemuchato muchiita visina nebasa rese zvokukwikwidzana kuti ndeupi anogona kusvotesa umwe mumba. Musha wake ndiyo REFUGE yako. Zvese zvimwe zvikatadza kufamba unouya kumba wodembera mukadzi/murume wako.


Imboverenga apa 

uone kuti zviri kwese

Udzai Vamwe!!!!!

Kunyima bonde
Kuramba kuiswa
Murume asingadi bonde



2 comments:

Anonymous said...

I liked your subject. It's true and devastating zvinoitwa nevakadzi
vakaroorwa. Ukati umubate zamu chairo unopinda busy. MaComplaints
haaperi daily, chino neichi. Titsanangurirei kuti zvinombofamba sei.

I've been in marriage for the past 6 yrs with this same lady bt life
of intimacy is fast deteorating to the extend yokuvata nomukadzi
kaviri, I mean twice only for the whole month bt zviri zvokutonyengerera
zvinosembura. Zvakatanga abt two years ago after birth of the third
child. Kuti titaurirane anongoti handinzwi kuda murume, is it true?

Ukaedza kumubata ari kuhope unenge wadenha mangwiro, nyangwe tiri two
pamba masikati kuda kutaura dzekuvatana, mood inotochinja mumba.
Haatouyi kubedroom achiona hake TV. Zvinorwadza veduwee bt handidi
hangu chihure. Saka zvinopera here? Ndinodawo bonde mumba mangu semazuva
okutanga, pandaiwana average of three times paday. Is it just me or is this what married life is like? Help me amai

Mai E Chibwe said...

Sori hako. Mukadzi anokwanisa kunge ane Post-Natal Depression. Inoitika pane imwe nguva mwana azvagwa. Muviri unotora nguva kudzokera paBALANCE yemaHORMONES zvokuti fungwa inomborerekawo zviito zvochinja. Uchaona kuti pamwe anowedzera kukora kana kuonda uye kupopota kunowanda kana kuti anongoti zii. Usamuwanzira puresha yokuda kuvata naye. Usamuhurira. Enda naye kwaDoctor aongorogwe. Pamwe anopiwa mushonga wekurapa zviri kumunetsa zvacho. Pamwe anongoda sapoti mumba.

Wedzera rudo uye mubatsire basa romumba. Vana vakangoita vaviri kana vatatu i FULL TIME job kuvachengeta.

Ndakupindura kuEmail. Chimbozama izvozvo tione.