Tuesday 9 December 2014

Mibvunzo nemhinduro 2

Mibvunzo nemhinduro 2
 Tatangazve nyaya yemibvunzo nemhinduro tichienderera mberi nokuti kune vamwe vane mibvunzo mitsva. Kana ukabvunza mubvunza wakapindugwa kare haunyogwi pano. Tanga wanotarisa kumibvunzo zana yese yakatopindugwa kare.

Kana mhindiro isina kukugutsa, nyora mwadhi kuna maichibwe@yahoo.co.uk.


Q1
Kuvata nemwana wechikoro iwe uri ticha zvinoita here kana ava mukomana mukuru.
Hazvifaniri chose nokuti chinhu chakaipa chinosungisa munyika dzakawanda. Ukabatwa unobuda mumanyuzipepa zvinova zvinosvodesa uye unodzingwa basa. Mwana uya chero ange ava Form6 ava munhu mukuru hazvibvumigwi.  Kana uchimuda mira aende kuUniversity mozodanana henyu

Kuvata nemwana wechikoro chero akura sei ari mukomana kana musikana zvakafanana nehuku inodya mazai ayo.
Q2
After maperiod unokwanisa kubata mimba here?
Unokwanisa kubata mimba kubva musi waunopedza kumwedi kwako uri musi we DAY 3 kubva pawatanga. Mazuva matatu uri kumwedzi. Uchinopedza chero ukapiwa urume hwakawanda sei haubati mumba kusvika Day 8. Mimba inokwanisa kutanga paDay 9 kusvika pa Day 16.   Kubva pa 17 kusvika pa 28 iswa hako asi mimba haibati. Yozotangazve wava pa Day 8. Asi pane nyaya yokuti ukawanigwa kuiswa ukanakigwa chose, muviri wako unokwanisa kuchinja nguva yokumwedzi iri ngari yokuti unokandira zai kubva kuruboshwe kamwe pamwedzi muviri zvakangofanana nokurudyi and zvinochinjana. Unokwanisa kungoerekana wakandira kubve kudivi rakakandira mwedzi wapera. Wobva waita mimba.
Q3
Ndakavata nemurume wasisis, (babamukuru). Ndingaita sei? Ndinokwanisa kubata nhumbu here? 
Kana wakavata naye pamazuva maviri apfuura kasira kuenda undopiwa Morning after pill. Inoita kusvika pa 7 hours asi zviri nani pa 48 hours. Kana wapfuura nguva iyi tarisa mazuva ako emwedzi uone kuti wange uri panguva inokwanisa kuti ubate mimba here.

Gadzirisa nyaya yokuvata nomurumwe weumwe munhu iyi. Ibva pamusha uyu unogara kure. 
Q4
Ko Jeko rinoitasa kuti ndisakwanisa kuzvara here. Unokwanisa kubata nhumbu une jeko here?

Jeko = Period Pain
Jeko rinoitiswa nokutanga kuenda kumwedzi. Kuenda kumwedzi kuoitika kana wakandira zai rikashaya urume hwekuri ritange kugadzira mwana.

Kuvakadzi vechidiki Jeko rakawanda kupfuura vakura. Rinogwadza zvakawedzera musi wekutanga roderera kusvika musi wekupedzisira.

Hazvinei kuita mimba. Unokwanisa kubata mimba zvakangofanana nevasingaiti jeko. Vanhukadzi vakawanda vanonetseka nejeko. Usatyiswa naro asi wana chokuita kuti riite shoma. ASPRIN inobatsira. 
Q5
Ndava nenguva ndisingaendi kumwedzi. Chikonzero chii? Zvinorevei?



Pane zvikonzero zvitatu zvinokwanisa kukumisa kuenda kumwedzi kana uri munhu wechidiki ane makore ari pasi pe 35.
1 Kuonda zvokuti MBI yako iri pasi pe 17. Muviri unoshaya simba rokushanda zvokuti ukwanise kuendakumwedzi.

2 Kukora zvokuti BMI yako inopfuura 34. Apa unokwanisa kuwedzera kuenda kumwedzi kana kumira kuenda kumwedzi.

3 Kana wabata mimba, hauchaendi kumwedzi kusvika wazvara.

Kana wava munhu mukuru wapfuura makore 35 unokwanisa kumira kukandira mazai. Zvoreva kuti mazai apera mumuviri. Unobva wamira kuenda kumwedzi.  
Q6
Ko vakadzi vakasiyana here, Vakasiyanei? Kana ndikavata nowekutanga ndikazovata neumwe vanosiyana here? 
Mukadzi umwe noumwe anoti akajaira kuiswa anoziva zvaanoda zvinomunakira. Anoita maitire ake aanoona akamurerukira kuita zichibva nokuti akarerwa sei uye iye anonakigwa nei. Vamwe vanofunga kuti kuvatana ibasa remurume saka iye mukadzi anongoti rabada pamubhedha ovhura makumbo ofunga kuti zvatopera murume ngaachiita zvaanoda.

Koita vamwe vanofunga kuti ibasa revaviri saka anoshandisawo chiuno kugamuchira chombo chomurume. Varume vakawanda vanofarira mukadzi anoshandisa chiuno pakuiswa.

Koti vamwe vakobviu, vamwe vatete, vamwe vapfupi vamwe varefu. Mukadzi anoti ukamuona achingozvifambira wotanga kuita fungwa dzokuvata naye ndiye weGURUPU revanhukadzi raunofanira kunyenga.

Isuwo toda varume varefu vane mafudzi makuru chiuno chiduki makumbo akasimba, meso anoyevedza kutarisa. Ndivo vegurupu randaida kunyengwa naro.
Q7
Ndibatsireiwo veduwee. Murume wangu haagoni kuisa. Hapana chandinonzwa chinonaka 
Iwewo haugoni kuiswa saka makangofanana. Usashora murume wako. Kana asingagoni iwe chiita manager wenyaya, wopota uchikwira murume womuratidza maitigwe azvo adzidze.

Kuisana ndekwenyu mese kwete kuti murume ndiye onzi haagoni iwe uchizviti unogona. Gadzirisa nyaya iyi muchiri pedo nokuti mukajaira kusagutsana nyaya yenyu yatopinda pakaipa. 
Q8
Ko kana ndichida mapatya (twins) ndingaita sei? 
Mapatya anongouya ega hapana zvaunokwanisa kuita kuti upiwe mapatya. Asi kana wambomaita chanzi yokumaitazve inenge yakwira.

Papatya akaitika mumhuri azhinji anoitikazve asi anowanzodarikira GENERATION ozoita kuvazukuru. Sokuti iwe ikazvara mapatya, hakuna umwe wevana vako anomaita asi umwe wevazukuru anoita.

Mapatya haaitiswi nemaitire enyu pakuisana. Mimba haibati ipapo pamunovatana. Inokwanisa kuti mazuva matatu isina kutombotanga kuita. urume hwuri mumukadzi hwakangomirira zai. Zai rozosvika urume hwopinda mwana wotanga kuumbwa mozoona kuti paita mapatya here kana umwe chete. 
Q9
Ndingaita sei kuti mukadzi wangu asaita chihure
Kana mukadzi wako akazvarigwa mumhuri inoita chihure hapana chaunokwanisa kuita kuti iye asaita chihure. United Nations inoiti iyo ONE THIRD yevanhu mupasi rese vanoita zvechihure.

Vamnhukadzi zvinhu zvinoita vahure zvishomanana zvaunokwanisa kudzivirira.

1 Kukurira mumhuri inoita chihure.
2 Kushaya rudo mumba
3 Kuva nemurume asingagutsi mumba
4 Kuva nomurume anosvodesa (simbe, chidhakwa, rombe,etc)

Zvaungaita kuti mukadzi asahura:
1 Kugarotaurirana nyaya seshamwari
2 Kumuda nokumutaridza kuti anodiwa
3 Pakuvatana mukadzi ngaagutewo
4 Taridza kuti uri munhu anodadisa.

Q10
Munhu ane pamuviri anodyeyi
Verenga pakahi "Mimba yokutanga"
Chikuru kuhwisisa kutiunofanira kuva ne BALANCED DIED. kana une mimba.
Q11
Ko ndiudzeiwo kuti chii chinonzi MUDZIMU. 
Mudzimu munhu wemhuri yako akashaika kare. Kune vanhu vanofunga kuti kana munhu akafa ane vana, anokwanisa kuti akafa kudaro atungamirire vana vake nevazukuru vake nevazukuru vevazukuru zvichingoenda zvakadaro. Kuvatungamirra uku kuti vawane mabasa, varoore/nokuroogwa zvakanaka, vapinde chikor zvakanaka, vafambe mumigwagwa zvakanaka. Vanhu vanofunga nezvemidzimu kazhinji vanobika doro rokupa vanhu ava vakafa. Hino munhu akafa haakwanisi kumwa doro saka vanomwa ivo voti midzimu yamwawo ikadhakwa ikafara saka ichavabatsira paupenyu.
Q12
Kugara usingaendi kumwedzi kune dambudziko here? 
Kugara usingaendi kumwedzi makore ako okuberekwa ari pakati pe 14 ne 37 zvinoreva kuti pane chakanganisika mumuviri wako. Chokutanga tarisa BMI yako. Kana iri pasi pe 17 zvinoita kuti ndicho chikonzero. Kuti uzive BMI unopima ma KG ako. Wopimazve urefu hwako. Wchiita svomhu rinoti:

BMI = KG/m/m
Unotora ma KG ako womadhivhaidha nema mita ako wowana anza woidhivhadhazve nemamita ako.

Sokuti unorema 65 kg wakareba 1.7m BMI = 22.49.

Unokwanisazve kumira kuenda kumwedzi kana wakoresa. Kana kuti mazai apera mumuviri. (vanhukadzi toinozvagwa tine mazai edu nechekare)

Unokwanisazve kunge une mimba kana kuti waita chigwere mumuviri.

Q13
Munhu anoguma kuzvara. akura zvakadiyi
Kuti munhukadzi agume kuzvara anenge apera mazai mumuviri wake. Mwanasikana anozvagwa ane mazai ese aanoda ava munhu mukuru. Kana otanga kuenda kumwedzi, mwedzi umwe noumwe anokandira zai rimwe chete mwedzi uno rinobva kurudyi, mwedzi unouya robva kuruboshwe. Zvoenda zvakadaro kusvika mazai aya aakazvagwa anawo apera. Zvadaro kumwedzi kumira iyewo haachazvari. Vamwe vanomira kuzvara vachiri vadiki vamwewo vava vakuru asi avhareji inoti kubva pa 35 kusvika 45. Kune vashoma vanopera mazai vari pasi pe 35 kuitazve vashoma vanoramba vachienda kumwedzi vapfuura 45.

Kozoita vamwe vanopiwa zai noumwe mukadzi votora urume hwemurume vosanganisa nezai voita mwana vachembera. 
Q14
Ndakabata nhumbu ndinemakore makumimana nematatu. Zvinoita here? 
Zvinoita. Zvinoreva kuti wakanonoka kupedza mazai chete. Pane mukadzi umwe wandinoshanda naye akaita mwana gore rapfuura ane makore 42.

Ingochenjerera kusvika mwana azvagwa. Vanoti zvinonetsa vanhu vava vakuru. Idya zvakanaka usazvibvisa utano. 
Q15 Kana une jeko unokwanisa kuzvara mwana here?  Jeko harinei nokuzvara. Vakadzi vakawandisa vane jeko asi vanongoita vana zvakanaka. Ukaenda kunyika dzese unowana vakadzi vane jeko, vamwe vacho vanotopota vachinorapiwa, asi vanongozvara zvakanaka. Jeko harinei nokuzvara. Kusazvara ndiko kunotoriwedzera. 
Q16 Kubatwa mazamu nevakomana kunoita kuti akure here? Kubatwa mazamu nevakomana hakunei nokukura kunoita mazamu ako. Mukomana anokubata mazamu ari kukuratidza kuti anokudherera, uye iye munhu asingaremekedzi nhengo dzomuviri weumwe munhu. Kuti mukomana akubate mazamu anofanira kukumbira iwe womubvumidza kuti abate.

Vakomana vechidiki vanobata vasikana mazamu kazhinji vanobata zvinogwadza nokuti havahwisisi kuti mazamu anogwadza kubatwa zveganyabvu, zvikuru panguva imwe yomwedzi.

Zvakangofanana newe kumubata chombo chake. asina kukubvumidza kuchibata. Usajaira kuregera mukomana asiri mukomana wako kukubata mazamu. Munyika dzakawanda unokwanisa kumusungisa asi kana ari munhu waunoziva, kumusungisa handizvo. Ingomuudza kuti haufariri kuti aite saizvozvo. Iva munhu ane unhu.
Q17 Ko sei varume vachihura? Vese varume nevakadzi vanohura asi kungoti vakadzi vanohura pachivande. Varume zvinovanetsa kuhura pachivande saka kuhura kwavo kunokasira kuonekwa kupfuura kwevakadzi.

Murume akaziva kuti pane mukadzi anofunga kuvata naye hazvinei kuti mukadzi iyeye akashata zvakadii kana kuti anozikamwa kuhura kwake sei, murume anototi afunge kuvata nomukadzi iyeye. Zvinohi ONE THIRD yevarume vanohura TWO THIRDS have huri asi vanofunga kuhura. Varume vanohura nguva chero ipi zvayo, vanoonekwa kuti vane zvombo zvakakura vanohura kupfuura vane zvidiki.  Murume haanetsi kubata kana atanga kuhura kana uchiziva zviratidzo zvokuti ari kuhura. Unokwanisa kutomutevera wosvika pacho paari kuhurira.

Mukadzi wemumba anokwanisawo kukonzera murume kuhura. Kusada kuitazvinodiwa nomurume pakuvatana. Kusabvunza murume chaanoda pakuvatana, kusaziva kuti murume asagara ane urume mumuviri wake. kusazvichengeta kwemukadzi. Kuva ne BAD ATTITUDE pakuvata nomurume.

ONE THIRD yevakadzi vanohurawo chose asi munhukadzi anohura anowedzera kuhura pamazuva anoti 9-16 ekumwedzi kwake. Inyaya yakarebesa kunyora pano asi kana mukadzi wako achihura pamazuva iwawa ndipo paanowedzera.
18 Zvinoita here kuvata nomukadzi wemunhu ari kuDIASPORA iniwo mukadzi wangu akaendako ava ne 3 years?  Hapana chisingaiti kana muchiwirirana kuti chihure chenyu chinhu chakanaka. Asi mese mohwisisa kuti muri kubvumirana kuti ao venyu vari kure vakasangana vakatanga kuhura imi hamunei nazvo.

Chihure chakaipira kuti iwe unoda kuhura asi haudi kuti wako ahurewo. Iwe unoda kuhura usina kondhomu asi wako akahurawo asina akauya kumba nechigwere, iwe wotanga kufema moto nehasha.

Hurai henyu asi zivai mese kuti chihure chinouraya  
19 Ko zvakasiyana here kuiswa nomurume akachecheudza kana kuiswa neasina?  Kunaka kwekuisana hakubvi pakuti murume ane chombo chakaita sei kana kuti mukadzi ane chitubu chakaita sei asi kuti imi pachenyu moyo yenyu iri pamwe chete zvakadii. mune rudo gwakadii pakati penyu, uye kuti munoshamwaridzana zvakadii. Mukadzi kana ane murume waanoti anaye onge akarerusa muviri pakuvatana, anonakigwa kupfuura kana ane murume waasinganatsi kuziva. Zvokuti chombo chakachekwa here kana kwete izvo hazvinei nokuvatana.

Asi vanonyora vanoti pakupinda nokubuda muchitubu chomukadzi murume achikoira, kana ganda riripo rinowedzera kukwizirira madziro achitubu kureva kuti zvinowedzera kunaka.

Asizve kana usingahuri unongojaira murume wako iyeye chero zvaarimodzidzisana kunakirana zvamakata izvozvo. Dambudziko rinobva pakuhura. Paunozosangana nevarume vakasiya wochitanga kufunga kuti zvinoita sei. 
20 Mukadzi vangu haaratidzi kufara pabonde. Ndingaitawo sei?  Zvinobva nokuti kare aimboratidza kufara pabonde here. Kana akagara asingafari kubva pakutanga zvinokwansika kuti haazivi kuti oratidza sei kufara kana kuti haatofariwo zveshuwa. Hino mubvunzo wako haukwanisiki kupindigwa mukadzi wako asipo. Iwe muridzi ndiwe unofanira kubvnza mkadzi wako kti chii chinomufadza pabonde. Kana akuudza iwe wodzidza kumuitorawo zvacho zvinomufadza. Pandati KUDZIDZA apa ndiri kuti unopurakitizira paari kusvika wahwisisa kubva kwaari kuti ava kufadzwa nazvo here.

Asi hwisisa kuti kune vakadzi vasinganakigwi nebonde zvisinei kuti murume waanaye aitei. 
21 Murume wangu kuhura kwake kunorwarisa mwana. ndodii?  Hazviiti kuti kuhura kwemurume/mukadzi kurwarise mwasi kuzhe kwekuti muri kupanana ma STI (siki dzechihure) mwana ari kumwa mukaka pazamu, kana kuti mukadzi akapiwa STI ane mimba kana kuti akazoita mimba atova ne STI.

Kuhura kwega zvako kwemurume, kana akatanga mwana atozvagwa, uye mwana asingamwi mukaka wezamu ramai, hazviiti kuti kuhura kwababa kurwarise mwana.
Kana mwana achirwara zvinongoreva kuti munofanira kuenda naye andorapiwa. Nyaya yenyu yopera yakadaro. Hapana chikonzero chakaita sokuti kuhura kwababa. Kana asingamwi zamu, kuhura kwamai hakunei nokurwara kwemwana.

Kuhurirana kunounza zvigwere mumba  saka mese munofanira kutaurirana mohwisisana moinda mese kutest moonekwa kuti muri papi. Kana musina zvigwere motanga futi kuvata mese asi mobvumirana kuti mugutsane mumba menyu poshaya anoda zvokuhura. Isu vanhukadzi tinomboita MISTAKE yokufunga kuti murume kurega achindikwira zvakatokwana, bodo itawo ACTIVE panyaya yokuiswa murume afare nazvo. 
22 Ko varungu vane matinji here?
Marudzi ese evanhukadzi mupasi rese vane zvese zvine vamwe vanhukadzi. Kungosiyana ruvara gweganda chete Zvimwe zvese takangofanana.
23 Kune murume angarambe mukadzi pabonde here?

Zvinoita here kuti ndikaudza murume kuti ndinoda andis***e iye oramba? I consider myself good looking and pese pandinonyengwa handina kumborambirwa kus***wa. Asi two weeks ago pane murume akaramba. Why? 
Zvinohi 33% yevarume nevakadzi vanhu vanohura zvisinei kuti wamuitirei mumba menyu kana wakaroorana naye. Zvinohizve varume vane mabhora makuru nezvombo zvikuru vanohura kupfuura vane zvidiki. Murume akakurisa anohura navakadzi zvese nevarume kana kuti ingochani izere.

Asi pane avo 67% vasingangohuri huri. kusvika wasvika pane vamwe vasingotombohuri zvachose zvokuti kana ane mukadzi/murume kumba vagere zvakanaka chose. Hino iwe kana wange wajairana nevarume vanohura ukazosangana neasingahuri ndiye anokwanisa kukurambira. Anotokuona sokuti uri munhu asina maturo pakutsvaka kuti uvate naye.

Vazere varume vanoramba kuvata nevakadzi vasiri vavo. Kozoitazve vamwe vanoramba kuvata nevakadzi vavo kana paita nyaya. 
24 Chii nhai chinokonzeresa chitubu kusura nguva yebonde Zvinoitiswa ne saizi yechombo chomurume uye maitire amuri kuita. Mwaya unosundzwa nechombo kupinda muchitubu. Mweya uya ukaita puresha unobuda nepadivi pechombo unoita ruzha gwakafanana nokusura.

Kana mukadzi aka nyorova zvakakwana uye chombo chakanatysovhara chitubu chichishinya chombo, kubudisa mweya uku kunoita kushoma.

Musaita hanya nazvo pabonde. Rega mweya ubude kana uchida kubuda. Imi rambai muchirhojana chete. 
25 Gavakava rinobvisa mimba here uye sei?  Marudzi emagavakava ese ane mishona inohi ANTIBIOTIC inorapa zvinhu zvakawanda chose pazvigwere zvevanhu nezvemhuka. Mishonga yese inoshandiswa pakurapa zvigwere inoshandiswazve semaPOISON ekuuraya. Kana ukamwa mvura yambonyikwa gavakava unorapa zvigwere zviri mumuviri wako. kuti ukwanise kumwa kusvika pakubvisa mimba handifungi kuti zvinokwanisika iwe uchisara uri mupenyu. Munhu akakuudza izvi munhu asingazivi zvaari kutaura sokuona kwangu. Kuita OVERDOSE yeAINTIBIOTIC chinhu chinonetsa. 
26
Kana tiri pabonde nhengo yangu inoita kunge ine mvura mukati munenge muchirira ndibatsireiwo-ndiri munhukadzi
Chitubu chomukadzi chinonyorova chose kana ane zemo. Kunyorova haisi mvura asi ioiri yokuti pakuisana vese mukadzi nomurume vasasvuuka. Hapana chakaipa kuhwa NOSE inoitwa mukati kana chombo chichikoira. Zvinongoreva kuti wanyorova zvakakwana. Usaita hanya nazvo. Asi uchaona kuti zvinowanda pane mamwe maitire kupfuura mamwe. Kana zvichikunetsa shandisai maitire azvisingawandi. 
27 Ndoupi anonyanya kunakirwa mukadzi kana murume pabonde? Vakazviongorora pamaRESEARCH vanoti
Kana murume achikasira kudiridzira, mukadzi haanakigwi asi murume anonakigwa

Kana murume achinonoka kudiridzira asi mukadzi asiri munhu anosvika paya pokunakigwa kusvika kubvunda muviri wese, Murume anonakigwa kupfuura mukadzi.

Kana mukadzi ari munhu anosvika pokunatsonakigwa Anonakigwa kupima kashanu kwipuura murume. 
28 Kuita weti yakasviba zvinoreva kuti ndava nenhumbu here?  Kuita weti yakasviba zvinoreva kuti hausi kumwa mvura yakakwana uye uri kukuvadza TSVO dzako (kidneys) zvokuti ukaregga zvakadaro unokwanisa kuzopedzisira watobva utano zvisingagadziriki.

Kuti uzive kuti uri kumwa mvura yakakwana weti inofanira kungoitawo semvura.

Mimba hainei noruvara gweweti. Kana uchida kuziva kuti une mimba enda kuTEST. Hazvisi zvokufembera. 
29 Mwana anotanga kuona ane mazuva mangani? 
Mwana anozokwanisa kunatsoona ava negore rimwe chete asi anoramba achiwedzera kuona kusvika ava nemakore mashanu.

Kuwedzera kwakawandisa kunoitika mugore rokutanga. Pakuzvagwa mwana anoona kuti kwakachena here kana kuti kwakasviba uye anoona kuti pane chapfuura nokumeso kwake.  Anoonazve mamirire akaita zvaari kutarisa  zvikuru. Asi zvidiki haaoni. Kukapera mwedzi anoona zvinhu ari kure sokuti ma Centimetre makumi matatu. Kukapera mwedzi mitatu anokwanisa kuona ruvara gwezvaari kutarisa uye achiona zvinhu zviri kure kusvika ku metre imwe chete. Uchaonazve kuti kana ukaita ruzha anotsvaka nemaziso kuti gwabva papi.
30 Mushonga wekusuka chibereko ndingamuwana kupi? Pane nguva dzinoda kuti chibereko chisukwe mukati zvichibva nokuti chii chaitika. Hakuna mushonga waungamwa kuti chibereko chisukwe. Hakunazve mushonga waungaisa muchibereko wega kuti chisukwe nokuti hazviiti kuti ukwanise wega kuvhura muromo wechibereko.
Chibereko chinongokwanisa kusukwa kuhosipitari cheta kunoitwa OPERATION inohi D&C inowanzoitwa kana ukaita mimba ukasvodza. murume akahura akawana hiv zvino ndodini
31 Ndibatsireiwo. Murume akahura akawana hiv zvino ndodini?  Zvinobva nokuti iwe uri kuzviona sei. kana uri munhu uya anoda murume kupfuura vana vako, chigara pamurume mugoita chigwere mese. Kana uchida vana vako kupfuura murume, tora vana vako uende uwane kwekugara navo uvachengete kusvika vayaruka.

Asizve kana uri munhu anotya kushanda sezvinoita vamwe vakadzi vakawanda vanonongoda kuchebgetwa nomurume, ndipo panozoti pakaita nhamo seyaunayo unoshaya zvokuita pairi. Ukaenda kumakuva uchawana makuva evakadzi vakawandisa vakafira kungohi MRS nhingi chete. Saka hazvichatyisi mazuvano.

Kana wafunga kugara nomurume chisunga dzisimbe nokuti murume wako kuvata newe haaregi. Kushandisa makondhomu haadi ndizvo akabata nazvo chigwere. Saka uchaita sei naye? Hazviiti kuti munhu ambohura arege kuhura. 
32 Ndange ndisingazivi kuti chikapa chinoitwa sei. Ndakazonzwa vamwe vachitaura asi ini kutara chokwadi ndinonyara kuita zvakadaro. Murume anoti handitaridzi kuda asi ini handizivi kuti ndingaita sei. Ndinonyara. Ndingabvisa sei kunyara pabonde? Ndava nemwedzi mina ndatanga kugara nemurume.
Nyaya yako yakanofanana nokuti murume wako ouya pano kuzobvunza kuti angaita sei kuti asasvoda kukukoira. Iwe ungazvitora sei kana murume wako akangopinza chombo chake obva ati anosvoda kukoira ongomirira iwewo wakamirira kusvika mese mabhowekana nazvo mungovata hope. Mangwana ndizvozvo manwana ndizvozvo kugopera mwedzi mina makadaro. Usatinyadzisa iwe. Chiuno unacho. Tanga zvinyoronyoro, mangwana woti wedzerei, kuswera mangwana woti wedzerei, uchingodaro kusvika wava kugona kuita usingasvodeswi nazvo. Ungasvodera munhu wawabvisira bhurugwa ari kutoona paari kupinza chombo here? 
33 Ndiri murume ane makore 26. Ndine dambudziko rokuti ndikanzwa vamwe vachitaura nezvebonde kana kungozvifunga ndega, ndinoita PANIC chaiyo. Ndinotya kurara nemukadzi. Handina kumboita musikana. Ndoita sei?   Nyaya yko inonetsa nokuti unofanira kutanga wahwisisa kuti yakaitiswa nei. Kana wazvihwisisa wogadzirisa ichocho chikonzero chacho. Unokwanisa kunge wakaona chimwe chinhu chichiitika uri mwanana zvikakutyisa zvokuti uchinazvo mufungwa, pamwe usingatozivi kuti unazvo. Zviri nani kuti unoongorogwa nevaya vanohi ma COUNSELORS vokuudza chikonzero uye kuti wodii nazvo. Usada kuva nomusikana zvisina kugadziriswa nokuti unokwanisa kumugumbura agokuudza mashoko anotuka anokwanisa kuwedzera dambudziko rako.  
34 Kugeza manheru wapedza kuiswa ndizvowo here?  Aiwazve, unogeza musati matanga zvokuvatana kwete mapedza.munhu svikawo pamubhedha wakageza zvakanaka mese nomurume. Unoisira murume mvura ogeza, iwewo wogeza, kana kuti mune shower  kana bhavhu guru munogeza mese mozoenda kumubhedha.

Ukada kujaira kugeza mapedza unokanganisa upenyu hwako nokuti kana muchangoroorana munoisana usiku mambovata hope, uye unojaira kuiswa uri kuhope pamwe murume ari kuhopewo. Inguva inohi BONDING. Hino kana uri munhu wekuda kugeza zvinokugozhera.

Urume haisi tsvina. Urume hunonakidza kupiwa nomurume wako. Usada kuhugeza murume wako achizviona nokuti anozoona seusinahudi. 
35 Ko matinji ari papi pamikadzi?  Kana une mukadzi muudze akutaridze. Kana uri chikomana chemu Grade 5, imbomira kubvunza zve matinji, uwedzere kudzidza zvechikoro. Kana wava mu Form4 dzokapano utarise pikicha iri apo pakahi

Mamirire akaita mukadzi/Murume.
36 Ndakabata nhumbu yava ne mwedzi miviri kana ndichiverenga kubva patakasangana. Handichazivi zvokuita. Vamwe vari kuti tizira mukomana asi iye haasi kuda.  Kana mukomana asiri kuda hapana chaunokwanisa kuita. Hawaifanira kuita mimba usina kutaurirana naye kuti mubvumirane kuti muite mimba yenyu mese pane kungozvifungira kuita yako wega yaunoda kumufosa kuti ati anoida. Mazuvano une 72 hours yokumwamwa mapiritsi kabva pamunoisana saka hapana EXCUSE yokuita mimba mukomana asina kubvumirana newe.

Taura nevabereki vako wovaudza kuti une mimba uye ndeyani. Zvadaro rega vabereki vatonge nyaya. Usabva pavabereki vako kusvika mukomana abvuma kuti mimba ndeyake uye anokuda. Usafosa munhu kukuroora kana asingadi. 
37 Ko chombo chihombe chinonaka here?  Wachoona kupiko uye akuudza kuti chihombe ndiani? Chombo chese chinongonaka. Kusiyana kwacho zvinobva pamuridzi kwete pachombo. Kana chiri chidiki pamwe ndiwe usina kusimbisa masuru, unoziva sei? Usafamba famba uchi hura navarume kusvika wawana murume ane chombo chesaizi yaunoda. Handizvo. 
38 Kune mushonga wekuitisa murume/mukadzi zemo here?  Mushonga wekuitisa murume zemo uriko. Kune marudzi akasiyanasiyana asi ese zvawo ane dambudziko rimwe chete rokuti kana murume akashandisa mushonga wacho, toti ashandisa VIAGRA, kuti chombo chingozomira pasina mushonga zvinomunetsa saka uchaona kuti anongomira zvisina simba.

Rimwezve dambudziko nderokuti mishonga inomisa chombo inokonzera HEART Attack kana murume ane dambudziko remoyo.

Hakuna mishonga inozikamwa yokupa munhukadzi zemo.
Kune mapiritsi anohi  sildenafil anoshandawo zvawo asi haafanani ne Viagra pavarume 
39
Chii chinokonzeresa zvichena zvinobuda muvanhu kadzi?
Murume anobudisa ka oiri kakatsetseka chose kanoita kuti ganda rechombo kana risina kuchekwa risasvuuka paanokoira mukadzi. Mukadziwo anonyorova mukati mechitubu kuti asasvuuka pakupinzwa chombo nokukoigwa. Pavanovatana zvinokwanisika kuti kukurunga kunoitwa kunyorova kuya kunopopoma zvishomanana kobudisa zvichena izvozvo.

Kozotizve pane dzimwe nguva dzomwedzi chibereko chinozvisuka chichibudisa Discharge yokusuka kuya. Inokwanisa kubuda yakaita chena. Hapana chakaipa.
40
Chikwambo chinowanikwa kupi? 
Hakuna kunowanikwa Chikwambo nokuti chikwambo hachisi chinhu chaicho. Inyaya dzokungotyisidzira vana vadiki uye vakuru vasina nyere. Asi kune n'anga dzakachenjera dzinototenesera vakuru vasina njere ava zvikwambo zvacho zvisiko vachitopiwa mari. Kana iwe ukangofunga kuva n'anga izvozvi usingatozivi kuti chikwambo chacho chii, unokwanisa kutochitengesera mamwe madofo muZimbabwe. Imwe hama yedu inohi Joe yakaita mari chose nazvo ikatofa yava mufumi chaiye nokutengesa zvinhu zvisiko. Vanhu mapenzi chaiwo. 
41
Ndeupi anonaka mvana kana mhandara?
Kunaka kwemunhu kuri mufungwa yeanonakigwa wacho. Hazviiti kuti uti anonaka kupfuura umwe ndiani uchisarudza nokuti munhu imvana here kana kuti imhandara. Asi kungoti zviri nani kuvata nowaunofunga kuti akafita kunaka paunomutarisa iwe wega. Kuhi mvana zvoreva kuti akarambwa noumwe munhu nokuti pamwe ange asingamunakiri. Saka toti kudii ipapo? 
42 Kus***wa kunorwadza here? Ko kana murume ane hombe inokwana pai?  Kana uri mhandara musi wekutanga zvinogwadza panobvaruka chakavhara chitubu asi hazvisviki sekondi kana mbiri zvobva zvatopera. Pamwe unobuda ropa rinoonekwa pamwe unongosinira karopa kashomanana

Verenga pakahi "Kana wafunga kubviswa humhandara"

Kana wazogara nomurume unojaira kuiswa zvokuti chero uvete hope murume anokwanisa kupinza chombo iwe ukatochemerera nokunakigwa uri kuhope. Asi ukapinzwa usina kunyorova zvinogwadza. Kune vakadzi vakawanda vekuZim vanofarira kugwadziwa uku vanotoisa munyu muchitubu kuti zvigwadze. Kusiyana kwemarudzi evanhu asi pavanochembera vanoita zvigwere zvakati wandei muchitubu.  Mukadzi akadaro akahura kana kuhurigwa anokasira kubata chigwere. 
43 Ndingapime sei chombo changu? 
Chombo chinopiwa pazviviri zvinoti kureba nokukora.
Zvese zvinopimwa chivete uye chimire zvine simba. Chombo chinopimiwa wakaisa rhura pamusoro kuguvhu kwete kumabhora. Wadari chienzanisa chombo nerhura uona pachinogumura. wonyora pasi ma CM acho.
Wotora tambho woita sokusunga gavi pakati pechombo. Wopima kukora kwacho.

Wozoti chamira zvine simba wopimazve saizvozvo wonyora pasi.
Kana une chombo chinopfuura 9cm kureba chichipfuura 12cm kukora wakakwana chose. 


44 Chinonaka pakus***wa chiiko?

Hameno kuti unodirei kupima chombo asi hezvino
Zvinonaka zvakatowanda asi zvinobva nokuti una ani pamunoita uye kuti muri kupi, nokutizve inguvai.

Kana wabatwa chibharo zvinogwadza zvokuti unotokwanisa kukuvara.

Musi wekutanga hazvinaki zvakawanda. Unokwanisa kutoshaya kuti chii chinonaka ipapo. Asi kana waravira chombo unozoda kugaroiswa. Ndipo panowedzerawo kunaka.

Kana une munhu waunoda chose chose uye maroorana wakadzikamisa hana pasina kutya uchitodawo kuiswa zvinokwanisa kunaka chose chose. Kunaka kwacho kuri mumuviri wese zvokuti kurondedzera kunonetsa.
45 Kana mukadzi anditizira asi ini ndisingamudi, Uku hapana kumwe kwekurara, ndingarara naye here?

Kurara pamwe chete kusvika kuseni without sex. Is this possible?  
Kana usingamudi zvachose usavata naye. Hazviiti kuti uvate naye nokuti ukavata naye uri kuti mukadzi wako saka zvichakunetsa kumuramba. Zvichibva nokuti uri kunyika ipi uye kuti iye mune makore mangani, anokwanisa kukusungisa nenyaya rechibharo. Akawanikwa ane EVIDENCE yokuti wamupa urume uye ambokukwaranzura kana kuti akuvara pamwe panhu unosungwa ukanoita 8 years mujeri. Hazvinei kuti ane mimba yako here kana kuti haana. Chero ukasaenda kujeri nyaya yokuhi wabata chibharo inokwanisa kubuda mupepa zvinosvodesa.

Ko kana wakambovata naye nhasi zvaipeiko? Waiti ihure here? Wakamupa marii?  Hwisisazve kuti mukore uno hakuna musikana anoita mimba asingaidi. Hazviiti. Iwewo dzidza kushandisa makondhomu kana uchihura navanhu vausingadi. 
46 Chii chinonzi chikapa chengwena?  Chikapa chengwena mutauro wavanhu chete. Ngwena hadziiti chikapa saka tingangoti pamwe vanoreva chikapa chevanhukadzi vekumhuri yava Mnangagwa avo vane NICKNAME yokuti Ngwena.

Kana kuti zvinoreva chikapa chinoitwa nomuyo wese. Vanhu vakawanda vanoda kuziva kuti chikapa chengwena ichi chinoitwa sei asi hazvina basa kuti waita sei chikapa. Chine basa kutaridza kuti unofarira kuvata nomurume wako kusvika pakumubatirira, kuchemerera, kuita chikapa, mese monatsohwa pane moyo nazvo. 
47 Chii chinofanirwa kuita ukarara nemusikana arikumwedzi? Kana mafunga kuvatana mukadzi ari kumwedzi, zviri nani kushandisa makondhomu. Asi chiokwadi ndechokuti mhomho yese yaunoona munyika dzese havavatani kana mukadzi ari kumwedzi. Inyaya inobvumiranwa nevakawanda. Chinhu chinonetsa mumba ndechokuti murume anongoita zemo chete zvisinei kuti mukadzi ari kumwedzi. Mukadzi anokwanisa kushandisa maokokana mazamu pamurume. 
48 Ko mapundu anobuda kuzasi kwevakadzi chii nhai uye zvinokonzerwa nei? 
Kune vanhu vanongitawo mapundu kuzasi pasina kuti kune chikonzero chakaipapazviri. Asi kana waita mapundu ausingasioni kasira kunoonekwa nevarapi, zvikuru kana wanga wamovata nomunhu wausingasivati naye. Tarisazve nguva yemwedzi. Pane nguva inowanda kugezwa kwechitubu zvokuti kana ukasawanza kuza pamberi unokwanisa kuita INFECTION, Hwisisa kuti pamberi panhu pakavanda mumuviri zvinoreva kuti panodziya saka ma BACTERIA anokwanisa kuwanda. Kana uri munhu ane ganda rinongoitawo mapundu unenge uchitoziva kuti hapana chigwere. Kana wagera kana kuveura vhudzi kuzasi unokwanisa kuita mapundu. 
Kana mapundu achivava kudarika zvemazuva ese, kana kuti achisvika nomukati mechitubu, kasira kundirapwa. 
49 Hapana zvandonzwa kana ndiri pabonde nemurume wangu
Kana uchiti hapana zvaunohwa pakuvatana nomurume uri kutii nokuti hazviiti kuti upinzwe chombo ugotadza kuhwa kuti chombo chapinda. Madziro echitubu anogara akabatana zvoreva kuti kupinda kwechombo kunopatsanisa madzirio acho zvinoreva kuti unofanira kuhwa chichipinda. Kuvanhukadzi vazhinji pakupinda kwechombo uku pokutanga chaipo inguva inonaka zvokuti wega unongoona wosimudzira kuti murume anatse kupinda. Kozotizve pamunotanga kukoirana kana ukajaira kusangoruramisa pamwepo asi kupota uchifosa murume kuti apinde zvakasiyana nokuda kwemaitire ako achiuno. Pakuita chikapa usaruramisa pamwepo.

Uyezve kurerusa kwaunoita muviri muchikoirana. Rerusa muviri urege muviri wako uzviwanire panonaka.

Asi kune vamwe vasinganakigwi nechombo. Iri ngari yokutya murume kana kuti haumudi kana kuti unoziva kuti haakudi. Zvese izvi zvinokwanisa kukukonesa kunakigwa. Vanhukadzi vakawanda kana akahurigwa nomurume anozotadza kunakigwa naye.  Koitazve kuti ukazvara mwana unokwanisa kusazonakigwa sezvawaiita kare. 
50 Wodii kana murume achikuhurira asi iwe uchimuda Varume vanoti ambohura ozoregera vashomanana. Kazhinji murume akatanga zvokuhura ndiwo atova magarire ake kusvika achembera. Chero iwe ukamuramba akanoroora wacho waange achihura naye, achamuhurirawo futi zvichingodaro.

Kana wahurigwa funga chinhu chikuru chaungaita kuratidza kusafara kwako. Kupopota hazvibatsiri chinhu. Asi chokutanga enda kuTEST uziva paumire. 
51 Kubatwa mazamu kunonaka here? Zvinobva nokuti ari kukubata wacho anokubata sei uye kuti iwe chii chauri kufunga iye achibata. Muvuri wemunhukadzi une zvimvere zvisinganatsi kuonekwa asi kana waita zemo zvinomira zvowedzera kuda mubatwa. Murume anohwisisa anopurudzira nhengo dzomuviri, Magaro musana, mutsiba, mazamu. zvidya, kuseri kwemabvi, kumeso, matinji, bhinzi, etc. Kupurudzira, kunanzva, kukisa. Mazamu anomira minyatso futi murume onatsa kumwa sezvinoita rusvava. Kunakigwa zvinoonekwa nokukwira kwezemo. 
52 Chii chingaitwa kuti ugone bonde Kubvunza umwe wako kuti anoda uite sei. Kana akuudza woita zvaanoda unenge watogona nokuti iye ndiye anokuudza kuti wagona here kana kuti watadza. Kugona zvinongoonekwa naiye chete. Hakuna umwe. Usada kufadza umwe munhu. Iye wako uyu ndiya anoda kufadzwa.
53 Ndodawo kumbotundiswa nomurume ndinzwe kuti zvinodii. Ndingaitawo sei ?  Murume haasiriye anokwanisa kukuitisa Orgasm. Iwe muridzi neATTITUDE yako pakuvatana kwenyu. Kana uchiti pakuisana wotadza kuisa fungwa dzese ipapo panguva iyoyo, kunakigwa kwako hakuiti sekwemunhu anozvifarira.

Imbozama kurerusa muviri pakuiswa. Rega muviri uite zvaunoda kuita wega kwete kuomesa muviri. Chimwezve tevera chombo nefungwa unatsohwa kwachiri uye kuti chiri kuitei mukati mako. Chifungawo kunakira murume nokumuitira chikapa. Ihwa uri munhu anoda kuiswa uye kugamuchira murume wako. Isazve maoko pabhinzi murume achikoira iwe uchikwizirira bhinzi kuti zemo riwedzere. Ukagarodaro uchangohwa umwe musi zvoita.  Kana zvichiramba imbozamai kuita musiri pamubhedha. Itirai pamwewo pamusina kujaira. 
53 Kuzarura masuwo kunoitwa sei kana une mimba Kuzarura masuwo kwaiitwa kare nevanhu vanga vasina ruzivo gwe Biology. Hazvina zvazvinobatsira asi kutoti zvinokwanisa kukukuvadzira mwana wako. Kana une mimba usajaira kumwa mishonga kana ipi zvayo kana ASPRIN chaiyo imbosiyana nayo kuti mwana akure asina zvinomuvhiringa.

Masuwo anovhurika nokuda kwemaHORMONES. kana mwana ava HORMONE yekuzvara inokudza masuwo zvokuti mwana znozvagwa zvakanaka. Mishonga yese imwe inopiwa vanhu vasina njere haina zvainobatsira.

Musarevegwa nhema nevanhu vanoda kupiwa rukudzo pane zvenhuma. 

2 comments:

Anonim said...

Mhoroi varume, ini ndiri Donald anobva kuPoland, ndakange ndakaroora makore 8 apfuura ndisina mwana, ndanga ndichitsvaga mhinduro nekuti chiremba akati handigone kubata nhumbu, asi shamwari yangu yakanditungamira kune spell caster inonzi Dr jasper, ndikamutsanangurira matambudziko angu uye akavimbisa kuti zvese zvichave zvakanaka neni mumazuva gumi nemaviri, akandipa rairo dzandakaita zvese nemazvo, ndakaenda kuchipatara kunoongororwa uye vakasimbisa kuti ndaive vhiki🙂 ndine nhumbu, uye zvino ndine mwanakomana wangu akanaka uye ndine nhumbuwo izvozvi, zvese nekuda kwako Dr jasper, bata iye kune ese marudzi ekugadzirisa, ~~~~ 1) spell kudzorera yako Ex. ~~ 2) spell kubata pamuviri. ~~ 3) kutsinga kumisa kuenda nhumbu Uye vamwe.

Unknown said...

Mwana wangu wakabuda kamota pahuro zvinoita here kuti ndikasvine ane mwedzi miviri yekuberekwa