Tuesday 23 December 2014

Murume/mukadzi anobvumidzwa kuhura

Mazuvano nyika yedu yasiyana nezvayange iri kare. Mari mumusha yave shoma pane inodiwa kuti titenge zvinhu zvatinochiva kudzimba dzevamwe. Maitire edu pamamirire emumusha asiyanawo nezvakare.  Mazuvano unowana mukadzi wemunhu achitengesa zvinhu ku Jobhegi kana kuZambia kana kuMoza, kana Botswana, achipedza vhiki ariko asina musha kana hama inozikamwa yaanogara nayo ikoko, uku Musha wake uri kuMasvingo. Murume wake haana hanya nokuti ari kuvatepi nokuti anoziva kuti aenda kunotengesa zvinhu zvaagadzira zvakaita sezvekusona kana kuruka. Zvechokwadi kune mutengesi wenhumbi dzakadai asingahuri zvachose asi kune umwe anohura. 

Totizve kune varume vanogara pamusha mukadzi achipota achibuda achienda kunohurira mari odzoka nemairi iya nezvinhu zvaatenga kumagirosa obika vodya vese nomurume nevana, mhuri yatorarama. Ipapo vanopa mhosva kumukadzi vanotaura vachiita sokuti murume ari kuhurigwa asingazivi asi ipapo anenge achitoziva kuti ndipo pari kubva mari yavari kurarama nayo.

Mukaenda kunzvimbo dzakaita se Beit Bridge, Chirundu, Victoria Falls, Mutare, munoona pane vanhukadzi vanovatapo mumagonyeti mamwe ane manhambha edzimwe nyika kureva kuti vakadzi ava vari kuhura nemadhiraiva. Vamwe vavo vakadzi vevanhu vanoti kukazosviba vapedza basa vodzokera kumba kundobikira vana nomurume. Murume haabvunzi kuti mari yokutenga girosary yabvepi. Anotogeza maoko odyawo sadza riya rabikwa obva auchira kutenda nezvaitwa nomukadzi.
Kune vakawanda vanoziva kuti mukadzi ari kuhurira mari. Kune vakawanda vanoti nyaya dzaipa mumba vokumbira mukadzi kuti aite zano rokuwana mari vana vapinde chikoro, uye mhuri ikwanise kutenga zvokudya nezvokupfeka. Saka vese mukadzi nomurume vanenge vachitowirirana pakuti mukadzi ahure. Nyaya yakadai inoitiswa nenhamo pamusha. Nhamo pamusha kazhinji inoitiswa nousimbe  hwemurume. Kana wawanikwa nomurume simbe unototi uite nhamo pamusha chete.


Chimwezve chinokwanisa kuitisa murume kuti abvumidze mukadzi kuhura, inyaya yokushaya mwana. Kune varume vanoona zvisina kukodzera kuti vazikamwe muruwa kuti Havana mhodzi dzokuitisa mukadzi mimba. Zvadaro murume anokwanisa kutaura nomukadzi wake kuti aone zvaangaita kuti aite mimba. Mukadziwo pakadaro anosarudza murume wekuhura naye. Kunokune dzimwe nyika mukadzi nomurume vanokwanisa kugara pasi voronga vese kuti vokumbira ani.

Chimwezve chinokwanisa kuti murume abvumidze mukadzi kuhura ugwere. Kana murume akagwara zvokuziva kuti haachakwanisi kuvata nomukadzi wake asi achiziva kuti mukadzi achiri munhu wechidiki anoda kugarovatwa naye, anokwanisa kumuudza kuti kana achida ngaaiswe hake.

Mukadziwo kana ari munhu akarerekera ikoko, anobva awana munhu wekuhura naye. Poitazve murume asina hanya nokukwira mukadzi wake anoona kuti mukadzi ari kuda chose asi iye haadi kuvata naye. Anokwanisa kupa mukadzi mvumo yokuhura kuti zvisamusvikira kuti avate nomukadzi. Pakadai vese vanoziva

Koitazve varume vanosiya vakadzi vavo vachienda kune dzimwe nyika kwenguva refu. Chokwadi ndechokuti vakadzi vakawanda vanosara vachihura, uye varume vakawanda vanoziva kuti vakadzi vavo vari kuhura asi vanosaita hanya nazvo. Murumewo kuya kwaasvika anowanawo mukadzi wekuhura naye kwenguva yakareba kusvika adzokera kumukadzi wake. 

Varumewo vanohura vachibuda mumba vakawanda vane mvumo dzevakadzi vavo. Kune vakadzi vakawanda vasingadi zvachose kuvata nevarume vavo asi vachiziva kuti murume ari kuda chose kuvata naye. Anokwanisa kubvumirana nomurume kuti murume awane hure rokuvata naro asi kana apedza ngaauye kumba. Iyi inyaya inonetsa veruzhinji kuhwisisa asi kungoti tizive kuti kune mhuri dzakadai mudzimba dzavo.

Kune vakadziwo vanopatsaniswa nevarume vavo umwe wogara kune imwe nyika umwe ari kumwe. Kuno tine vakadzi nevarume vava nemakore akawanda vamwe vanosvika gumi remakore vasina ksangana nevavakaroorana navo. Vamwe vavo vanobvumirana nevarume vavo kuti vafanohura asi vasaitisa mimba kana kuroora. Saka apa vese murume nomukadzi vanofanohura zviri zvokungoda kuwana wekuvata naye asi uku vachida kuramba vakaroorana.

Kuchinjana vakadzi/varume
Kozoti vamwe vakaroorana vanoshamwaridzana nevamwe vakaroorana, vanopota vachichinjana vakadzi/varume panyaya dzokuisana chete chete pasina mari inopiwa. Kunenge kuri kungoda kunakigwa nokuiswa/kuisa umwe munhu asiri uya wawajaira. Munyika dzakawanda chinhu chava kuzikamwa kuti chinoitika chose. Kazhinji vanhu vakadai vonosanga pamwe chete vochinjana varume/vakadzi, voti ava muROOM yavo ava muROOM yavo voisana. Vapedza vanokwanisa kuenda ku RESTAURANT  vonodya zvavo pamwe chete vachiita nyaya. Zvadaro vodzokera kudzimba dzavo. Pamwe vanenge vane mitemo seyokuti vanofanira kushandisa makondhomu. 

Hapana anofosiwa uye hapana anoudza umwe chihure. Kubvumirana kwavo vese vachiziva kuti ndizvo zviri kuitika. 

Kuvata neshamwari
Kotizve kune vamwe vanoti kana shamwari isina mukadzi/murume wekuvata naye anokwanisa kutaura newake kumukumbira kuti abvume kuti shamwari iya ipote ichizovata kumba kwenyu nomukadzi/murume wako. Izvi zviri kuitika chose munyika dzakawanda. 

KuUSA kwava ne PROGRAM inohi HUSBAND SHARING-WIFE SHARING, yokuti murume/mukadzi anokumbira kuti avate noumwe munhu sokuti pamazuva maviri kana matatu pavhiki. Umwe wake omubvumidza kuita. Anokwanisa kuenda kumba kweuya umwe onovatako, mangwana odzoka kwake mukadzi/murume wake osaita hanya nazvo.

Hazvina kusiyana ne PROGRAM yema SMALL HOUSE yokwedu asi kungoti zvinoitwa navese varume nevakadzi uye kuti munobvumirana kuti zviitike saka hapana kuzovengana pazviri.  Mangobvumirana, mese muri vatatu munoita kamusangano kenyu mobvumirana kuti zvichafamba sei uye kana moda kuzvipedza munozvipedza sei. Mopanana mazuva okuti uya anochinjanwa azive kuti musi wekuti anonovaka kuimba ipi.

Kwedu tinozviona zvichiitwa nevarume vane vakadi vakawanda semapositori nevamwe. Kweduzve tinoziva kuti mapositori akazoonekwa kuti akatakura HIV, kureva kuti vakadzi vavo vanonovatawo nevarume vakawanda vekuzhe kwemhuri. Chete kuti murume angenge asingazvizivi. Akazviziva anopumha mukadzi chihure asi iye achifunga kuti anobvumidzwa kuhura nevamwe vakadzi. 

Kuroorana nengochani:
Kune ngochani dzine mari zvokuti vakadzi vanenge vachida kuroogwa nadzo iri ngari yemari. Ukuwo ngochani iya haidi kuti vanhu vazive kuti ingochani. Saka anokwanisa kukumbirawo mukadzi wake kuti asamufumura kumhuri uye kana achida hake awane umwe wekuvata naye asi oitawo zviri pachivande. Ngochani yakadai kana yoda mwana inongoudza mukadzi kuti aite mimba nechikoma chiya asi mwana ohi ndewemumba.

Kune ngochani zhinji dzinoda vese vakadzi nevarume zvokuti kana voda mwana murume wake anokwanisa kuvata naye kuti aite mimba. Uku kuchikomba anohi shandisa makondomu. 

Saka zvinorevei? 

Nyaya iri pano ndeyekuti tihwisise kuti kana paya ukaona mukadzi/murume wehama yako achihura, kana usina kunyatsobata kuti umwe wake musoro wenyaya pauviri hwavo, unokwanisa kupaparika nazvo woudza dzimwe hama uchifunga kuti wava kurambanisa vanhu ugozoona voramba vari vese, ipapo watozvikanganisira hama yako zvokuti kumba kwake zvonetsa kuti usvikeko. Iyewo nomurume/mukadzi wake vachanetseka kusvika kumba kwako  

Pamagarire edu amazuvano atinoziva kuti kuhura kunouraya, tinodziya musoro kana tikaona hama ichihura kana kuhurigwa. Zvikuru kana ari muroora watinofunga kuti muranda wedu watinoita zvatinoda naye. Ngwara maudzire aunoita hama dzako kana wazvibata kuti ari kuhura. Zvikuru kana achihurira murume waanogara naye iwe usingazivi kuti kumba kwavo nyaya yavo yakamira sei. 

Pamwe vanenge vakatobvumrana zvokuita asi vasingadi kuti hama dzizvizive. Iwe ndiwe uchaita benzi pafamba uchishambadza zvawaona kumhuri. 

Chokuita:
Panyaya dzinokwanisa kuputsa misha iwe usajaira kuva munhu anohi ndiye akaputsa musha wanhingi. Hazvinei kuti uri ani pamhuri yenyu. Basa rako kana waona chaunofungira kuti chakaipa, kutanga watsvaga tsvananguro yakakwana usati wapengeswa ne EXCITEMENT yenyaya. Munhu akasvinura anofanira kuzikamwa nokuvaka kwaanobatsira vamwe nako, kwete kubatsira kuputsa. 

Kana uri mukuru pamusha kana pamhuri yenyu mirira kudanwa nehama yako kuti akuudze kuti mukadzi/murume wake ari kuhura usati wakoka mhuri yese kundounganapo kuti vatonge nyaya.  Maitire emazuvano asiyana neekare kwainzi hazvanzi dzemurume dzinokwanisa kudzinga muroora kana dzawana nyaya inomudzingisa. Kana kuti hazvanzi dzemukadzi dzinokwanisa kuzotora tete vavo kana dzafunga kuti mukuwasha haasi kumuchengeta zvakanaka. 

Mirira kudanwa worondedzegwa nyaya woenda wega wozama kuvaka musha wehama, uye kuhwisisa kuti vese vari kufungei. Kana zvikakona hazvo uchaona kuti vese vanovimba newe zvokuti vese vanoramba vachitaura newe kusvika pokuti kana vachizotangazve kutaudzana unenge uripo kuvaka musha wavo navo. 

Chirudzi chedu mitemo yacho inogozhera vakawanda kusvika pakuti vanovanza maitire avo kana vafunga kuti mhuri haingazvigamuchiri. Saka chenjera. 

Variko vakawanda vanoita zvokubvumirana kuhura pasina zvinovanetsa mufungwa saka iwe wekuzhe ukazviona rega kufunga kuti waona nyaya ine muto saka woda kuti hama dzese dziuye kuzoseva ipapo. Tanga waheisisa pane nyaya. 

Hwisisai nyaya idzi nokuti dzinoshungurudza vakawanda vemhuri. 

Udzai vamwe!!!!!


No comments: