Monday 27 July 2015

Pakufamba gwendo.

Nyaya iyi yakarerekera kuvanhukadzi vane varume, iri ngari yokuti ndivo vanonyayofambafamba vachimbosiya murume ari ege nenyaya yokuti anoshanda. Asi pamwe zvinoita kuti murume asiye mukadzi pamba achimbonoshanya kumwe.

Kana wafunga kunoshanyira vamwe vanhu iwe uri munhu ane murume mumba, unofanira kugadzirira kubva pamba zvinoonekwa kuti moyo wako hausi kufara nokusiya murume wako ari ega pamba.  Pane zvinhu zvaunofanira kusiya waita pamba zvokuti paunodzoka unowanawo musha uri nani.

Chokutanga ndechokutsinhira kuti iwe samai vemusha usajaira kusiya musha wako unochinokwata kumisha yevamwe. Musha wamai vako hausi wako, vewamai vako. Iwe wava mukadzi mukuru ane musha wakevo. Musha wavamwene vako hausi wako. Ndewavamwene vako. Iwe wava mukadzi mukuru ane musha wakevo. Unozvionera wega kuti musha uri kuvakwa zvakanaka, zvisina anotofonya tofonya.  Kuvakwa kwemusha kunobva pamafungire amai vemba uye mataurire avanoita kumurume wavo. Varume havavaki misha.  Vakadzi ndivo vanovaka.  Kuti uvake musha unofanira kuhwisisa kuva munhu akatsiga pamusha wake. Unova munhu ane hanya nasamusha wake. Unova munhu anotaridza kukosha kwenguva yawakaita kuti usvika pawasvika ipapa nomurume wako, hazvinei kuti munogarotukana. Kana muchiri mese ratidza kuti fungwa dzako dziri kuti ndiwe mai vemusha uye uri pano kugara kwete kuti uri kushanya.

Zvokuita usati waenda:
1 Murume wako kana achishanda kana asingashandi, siya wawacha nokuaina nhumbi dzake dzokupfeka kuti asasara ofunga zvokuti opfekei. Vanhu vemuraini vakaona murume wako achienda kubasa akapfeka marengenya usafunga kuti vanotuka iye. Iwe ndiwe unototukwa kuti hauzivi zvokuchengeta musha wako nokuti une murume anosvodesa. Siya wawacha zvese wozvirongera paanokwanisa kusarudza zvokupfeka iwe usipo.

 2 Siya POLISH yokupolisha shangu paanoiwana zvakanaka pasina zvokubvanyangura mumba achitsvaka.

3 Siya watsvaira nokukorobha mumba nokuti hapana achakorobha nokutsvaira kusvika iwe muridzi wadzoka.

4 Rongedza ndiro dzako dzese zvakanaka wosuka dzine svina wodzidzosera musherefu yadzo zvakanaka. Kana une kamari, enda kusupamaketi undotenda ndiro dzePLASITIKI kuti murume asare achishandisa iwe usipo. Hadzisukwi. Dzinongoti akadzyiramo odzikanda mubhini.

5 Siya wabika zvibikwa zvaunoziva kuti murume wako anozvida wozvirongera mufiriji woraira murume wako kuti anozvidya sei uye musi upi. Kana muri kumusha kusina firiji gara nomurume umuraire kuti anosara achidya chii uye kuti zvinobikwa sei.  Usanobva pamusha usina zvawasiya waraira.

6 Wacha mashitibheta ako wosiya akachenawo achinhuhwirira zvechikadzi. Unongopfapfaidzawo kapefiyumu kako kaunoshandisa iwe kaunoziva kuti murume anokaziva. Anosarawo achikufunga pakunovata.

7 Kana kuchitonhora siya watengera murume wako HOT WATER BOTTOM yokundovata nayo achidziigwa. Womuraira mashandisigwe ayo. Hazvinei kuti anoziva here kana kwete. Kumuraira kutaridza kuti achasara achiita mabasa aunohwisisa iwe kuti ndeako mumba.

8 Pavhiki yese yokupedzisira usati waenda pakunovata ratidza kuti uri kutya kusiya murume ari ega nokuti achasara asina munhu wekuvata naye. Itawo basa rokuvatana zvinogutsa murume uye kumuratidza kuti zveshuwa dai zvaigoneka dai mangoenda mese nokuti haufariri kumusiya ega. Ngaisaita nyaya yokutaridza kuti haumuvimbi asi kuti haudi kuti ashaye wekuvata naye. Vhiki yese hakuvatwi pasina kuvatana kwaitwa. Musi wekupedzisira unotomuudza iwe kuti unenge usinawo wekuvata naye uye hauzvifariri. Usasiya murume ane uturu.

Zvadaro:
Zvadaro kwira hako bhazi/mota/chitima /ndege uende kwauri kuda kuenda asi pota uchiudza murume kuti uri kumufunga zvokuti. N dizvo ahwisise kuti uri umufunga. Akakubvunza kuti chii chauri kufunga paari taurawo somukadzi wemunhu zvaunoziva kuti murume wako anozvifarira. Taura kuti dai uri kumba waimuitirei. Taura kuti paunodzoka uchamuitirei.

Usagarisa kwawashanya uko. Kana chikonzero chawashanyira chapera, dzokera kumba kwako. Kana uchishanya usajaira kusvitsa vhiki mbiri uri kumba kweumwe munhu.  Ratidza vaya vawashanyira kuti fungwa yako iri kumba kwako.  Pakufonera murume hwikwa uchibvunza kuti wadya here uye wadyei.  Bvunza mibvunzo inotaridza kuti uri kure hako asi unoda kugadziridza upenyu hwake uye kumuriritira.


Pakushanya apa nyaya dzinowanda. Nyaya dzaunoita nevamwe vanhu hadzifaniri kurerekera kuzviito zvemurume/mukadzi wako kuzhe kwekuti zviri zviito zvinokufadza iwe uye vanhu vauri kuudza.  Kunyeya umwe wako hanchisi chinhu chinokurudzigwa.  

Varume: 
varumewo ukasvika panguva yokuti moda kuparadzana. ukaona kuti mukadzi wako ari kushushikana nazvo, ratidzawo hwisiso pazviri kuti kana iwewo haufariri kuparadzana naye uye uchamushuva mazuva aanenge asipo. Kana achimiramira achigadzirira kuenda iwewo miramira uchiratidza kuti unohwisisa zvaari kufunga. 

Hwisisa kuti vakadzi vakawanda vanotya kusiya murume ari ega nokuda kwekuti vanohwisisa kuti murume anofanira kugarorhiojana nomukadzi wake. Kana mukadzi asipo anoona sokuti idamudziko guru kumurume zvokuti anopiwa miyedzo nevanogona kupa miyedzo muraini. Hazvirevi kuti haana kukutembha asi kuti anoona sokuti anenge asingakwanisi kuitira murume zvaanoda. 

Ratidza kuhwisisa nyaya yake uye kumuudza kuti iwewo haudi kuti aende. Kana azoenda garofona uchiterera zvaanotaura uye kumuuratidza kuti uri kumufunga. 

Kana uriwe uri kufamba gwendo, ratidzawo kuti hazvisi kukufadza kusiya umwe wako ari ega.

Pakudzoka: 
Pakudzoka ratidzawo EXCITEMENT kuti wadzoka pamba pako. Tanga kuzviratidza pakutaurirana pafoni wava kugazirira kudzoka. Taridzawo kuti uri kutarisira kuva kumba kwako.

Hwisisa kuti kana wasvika kumba mese mune nyaya dzokuudzana pane zvakaitika musipo. Zvinotanga nokuudzana kuti mafara kudzoka kumba uye kuona murume/mukadzi wake. Unozvitaura kakawanda kuti ahwisise kuti wanga uchimufunga.

Ona kuti murume abikigwa zvakanaka kutsiva mazuva awanga usipo. Rega adye akasununguka. Rega ataure yaya dzake. Bvunza zvaunoda kubvunza uye ratidza kuti unofarira kuhwa zvaari kuda kukuudza. Bvunzazve nyaya dzeutano hwake nemagarire aakaita usipo, Kudya, kugeza, kuvata, Chii chaakatenga,

Kana apedza kudya azorora ataudza nyaya dzake, pamwe anokubvunza kuti wakafamba sei. Chimugarisa pasi umutsangangurire zvakaitika ye kuti zvakaitika sei. Mukadzi asina nyaya haasi mukadzi anofadza murume. Chero uri munhu akanyarara sei unofanira kukwanisa kuita nyaya nomurume wako uchiona kuti anohwisisa zvaunotaura. Mukutaura umu ngaahwisise kuti wanga uchimushuva.

Pakunovata ratidza kuti wanga wava nezhara huru pazvinhu. Udza murume mapedza kuti wanga wamushuva chose. Kana ane simba kumbira awedzere chero wanga wamboguta. Nyaya ndeyokuratidza kuti wadzoka pama pako saka zvese zvange zvisingaitwi usipo zvatangazve uye unoda chose kuti zviitike. Chiona kuti zvodaro kwemazuva maviri kana matatu.

Kana murume achimuka achienda kubasa mukumbre akasire kuuya kumba kana apedza basa. Ukaonawo kuti anofarira kudzoka kwako, ronga yokukasirawo kundovata. Kuzvipa kumurume wako chinhu chinodiwa nevarume vakawanda.

Zviri nani ndezvokuti kana muchinoshanya moenda mese. Hachisi chinhu chakanaka kugaroparadzana. Asi tese tinoziva kuti pane zvikonzero zvakawanda zvinoparadzanisa vanhu nguva nenguva.


Udzai vamwe!!!!!!






No comments: