Saturday 11 July 2015

Murume/mukadzi wawakambodanana naye

Maonere aunoita vanhu vawambodanana navo, zvikuru vawakavatana navo pakudanana kwenyu haana kuntanyosiyana neevamwe. Saka toda kumboona kuti zvine zvakaipa pazviri here. Tinoona chose kutui zvinotyisa varume kuti mukadzi waaroora asangane nomurume waaimbodanana naye murume wake asipo. Toonazve kuti varume vakawanda chose havafari kugara muraini rimwe chete kana pedo nopanogara murume aimbodanana nomukadzi waazoroora.  Mubvunzo mukuru unobvunzwa nevarume vakasiya vakadzi kumusha ndewekuti:

"mukadzi wangu aimbodanana nomukomana anogara pokuti. Saka zvinoita here kuti ndisipo kudai havasangani vachizoita zvisingabvumidzwi?"  Mubvunzo uyu tichiuongorora tinoona kuti nyakubvunza anohwisisa kuti dai ariye murume uya aichimbodanana nomukadzi wake kare, akaziva kuti murume wemukadzi wamazuvano haapo aikwanisa kundotsvaka mukadzi uya okwanisazve kumukorovhera kusvika avata naye. Apazve tinoona kuti nyakubvunza haavati nevakadzi vaakamovata navo nengari yorudo asi kungoti anokwanisa kuzviita. Ndiko achitya kuti iye zvaanoda kuitira vamwe varume vane vakadzi vavo zvinokwanisika kuitwa kwaari iye. Haisi nyaya yokuti haavimbi mukadzi wake kana kuti mukadzi ndiye ane dambudziko, asi kuti iye murume wemumba uyu ndiye ane dambudziko rokuti anoziva zvinoitika kana iye asangana nomukadzi aaimodanana naye asi ava nomurume wemumba.

Tichitarisazve vakadzi vakawanikwa, tinoona kuti vanoshushikana panyaya yokuziva kuti umwewo mukadzi aichimbovata nomurume wake anogara pedo navo, hazvinei kuti avavo nomurume wake mutsva. Zvinoonekwa sokuti akasananga nomurume varipo vaviri, vanopedzisira vavata vese. Zvakare tinoona kuti mafunire awa anobva pakuti iye mukadzi wemumba uyu anohwisisa kuti akasanga nomurume waaichimbovata naye angadazve kuvata naya zvisinei kuti ava mukadzi wemunhu. Haisi nyaya yokuti haavimi murume wake.

Panobva nyaya dzakadai:
Mazuvano vanhu vakawanda vanoroorana vamboravira vamwe vanhu vakawanda. Vamwe vanenge vanombobvisa mimba dzavanenge vatomboudza varume vavaita mimba navo. Izvi zvinoreva kuti munhu anenge amotenderera achiita EMOTIONAL BUGGAGE nevamwe vanhu uku achivata navo asi achiziva kuti haana rudo navanhu ava.  Ozoti pava paya nguva yoita seyamuperera otsvaka munhu wekudanana naye zvokuzoroorana muchitnga mhuri.

Vamwewo vechirume anenge asingatodi mhuri yacho asi musikana oita zvokuita mimba kuti awanikwe. Zvinoreva kuti murume anongozofungawo zvokuroora nokuti musikana aita mimba, kwete kuti anomuda uye kuti anoona ari munhu akakodzera.  Saka iwe wawanikwa nomunhu waunoziva kuti anga asina hanya newe asi aingokukwira zvakadaro, unobva waziva nokukasira kuti akasangana noumwe waasina hanya naye asi aichimbiovata naye anotsvaka zvkuvata naye. Varumewo ndizvozvo.

Saka tese varume nevakadzi hapachina achavimba umwe. yave nyaya yokuchengerana chete. Zvino kuchengera ndiko hako asi kana waenda Joni mukadzi akasara pamusha, zvana zviri zvidiki, hazviiti kuti ukwanise kuchengera. Ukuwo mukadzi haakwanisi kukuchengera uri Joni. Asi Joni pamwe hakunawo vawaimbodanana navo. Mukadzi kumusha kunowanikwa varume vaakamovata navo mumaraini imomo. Hazvidzikamisi hana.

Rimwe dambudziko nderokuti tese tinoziva kuti munhu achiri wechidiki pasi pemakore 55 kuvakadzi kana 60 kuvarume, kuvata noumwe munhu chinhu chokuti kana wachiravidzwa, chinonetsa kuzochirega. Kunetsa kwacho kwakangoda kufanana nekwemunhu anomwa doro anoudzwa kuti rega doro. Hazviiti.

Saka iwe ukasimuka ukasiya mukadzi wako kana murume wako, uchanetseka funga nokuti unoziva kuti zvinhu izvi zvinonaka zvokuti kungozviiginowa zvinonetsa.

Munhu wawakambopedza nguva yakati kuti uchivatana naye ava munhu aunaye mufungwa. Chero fungwa yako ikakuudza kuti hazvichina kukodzera kuvata naye nokuti wave mukadzi/murume wemunhu, HISTORY yenyu muchivatana irimo mufungwa dzako chete. Ukasangana naye muri mega unototi ufunge nguva yamakamboita mese. Iyewo anofunga nguva iyoyo. Saka kana umwe wenyu asina mufaro nomunhu waava naye mazuvano, anokasira kutaura nokuti maimbotaurirana nyaya dzomufaro, dzokusuwa, dzinosetsa, nedzakadzama. Hazvinetsi kutaurirana. Hazviiti futi kuti usvode munhu wawaimbovata naye sezvaunoita vaya vausina. Saka kana nyaya ikangorerekera kunyaya dzokuisana, haunetseki kutaura nezvazvo. Zvikuru varume. Murume akamokuisa usati wawanikwa, kana kakazorambana zvisina kuvengana, anokwanisa kukukwezva kusvika akuisa futi.

Saka zvinorevei?
Zvatiri kutaura apa zvinoreva here kuti kana munhu akambovata noumwe munhu vakasangana vanovata vese futi? Aiwa bodo hazvirevi kuti vese vanovata nomunhu wavakambovata naye kare. Zvinoreva kuti chinhu chiri nyore kuchiita kana ukajaira kugarosangana neumwe munhu wawakambodanana naye muchiita nyaya kana dzipi zvadzo. Zviri nyore kutanga nyaya yakarerekera kunyaya dzokuvatana nomunhu wawakambovatana naye pane wausina.

Kune vakawanda vanohwisisa nyaya iyi zvokuti vanongwarira kujairana nevanhu vavakambovata navo kare. Asi nyaya inozoitika mumba ndeyokuti varume/vakadzi vakawanda vanogara vane nhamha dzefoni dzevarume/vakadzi  vavo vakare. pointazve kuti mukatukana mumba munhu anotanga kuda kuudza umwe munhu. Uchaona kuti vamwe vedu vanokasira kuudza munhu waamova naye kare nokuti anofunga kuti achamuhwisisa.

Ukatarisa nyaya dzakawanda dzinoitika mudzimba mazuvano unokasira kuhwisisa kuti vanhu vane nhambha dzevanhu vavaimbodanana navo vakawanda. Ukatarisa foni yemurume/mukadzi wako unowana pane nhambha dzevamwe vaaimbodanana vavo. Ukatarisa pa FACEBOOK unowana ane shamwari dzaaimbodanana nadzo.

Ndizvo zvinokonzera kuzopedzesira mavata navanhu ava. Tava munguva yokuti uchida kutaura nomunhu hazvinetsi. Unomutsvaka pa Facebook kana SKYPE womutumira SURPRISE message. wotoona okupindura, nyaya yatotanga. Musi waunotukana newako wemumba zvoudzwa vanhu vasinei nazvo. Chihure chotanga.

Kana uri munhu akatsiga, hautevedzeri zvinhu izvi. unoshamwaridzana nevanhu vasingaunzi zvoupombwe mumba mako. Unokurudzira murume/mukadzi wako kusataura nevanhu ava asi kuva neshamwari dzinovaka musha.

Kristofa:
Kristofa akaroora mukadzi ndokuita mwana umwe chete naye. Zvadaro akasiya mukadzi achigara nomununguna wake ndokuenda kuSouth Africa. Mununguna uyu ange aroorawo. Kristofa ava ku Sauth Africa aifonegwa nomununguna wake kuudzwa kuti maiguru vari kuita zvechihure nanhingi.

Kusvika abhadhara munhu kuti atevere mukadzi kuona kuti anosanganepi nechikomba. Mukadzi akabatwa akabvuma kuti ange achihura. Mhuri yese ikagara dare murume akati anoda mukadzi wake. Nyaya iyi yave nemakore matatu yaitika asi haina kupera nanhasi. Murume akauya akatora mukadzi wake akaenda naye kuSouth Africa asi nyaya yokuti mukadzi akahura ichiripo. Ukuwo murume anobvuma kuti aihurawo ariko kuSouth Africa, asi kuti varegererane zviri kunetsa.

Saka todii? 
Chokuita chinofanira kuitwa musati maroorana. tsvakanai vanhu vasina kumbovata nevamwe vanhu. Zvino mazuvano zvonetsa kuwana mukomana/musikana asina kumbovata noumwe munhu. Asi kana wada munhu ane HISTORY yake chiona kuti mataurirana HISTORY dzenyu dzese kuti musazofungirana twakawanda. Ukuwo garisanai zvakanaka kuti musafungisana vanhu vakare.
Usashamwaridzana navanhu vawamovata navo kana pa FaCEBOOK kana SKYPE
Isachengeta nhamba kana mapikicha emunhu wawaimbodanana naye kana wava noumwe munhu wekudanana naye.
Kana ukasangana nomunhu wawaimbadanana naye, usakurudzira nyaya dzakarerekera kunyaya dzorudo. Kasira kumuudza kuti zvakare ndezvakare zvakaperera ikoko. Wave munhu mukuru saka zvoupwere bodo.
Usapa rhizeni yokuti uri kuramba nokuti uri murume/mukadzi wemunhu. Buda pachena kuti uri kuramba nokuti haudi kuita zvisina maturo. Kunatsotaridza chaiko kuti hachisi chinhu chaungada kuita chero dai usina mukadzi/murume.
Usaudza munhu wekuzhe nyaya dziri kukunetsa mumba mako. Gadzirisa nyaya dzako wakatsiga.
Ongorora zviitiko zvemumba mako ukurudzire zvakanaka usiyane nezvakaipa.
Usajaira kupumha mukadzi/murume wako upombwe usina kumubata achizviita.

Chokupedzisira ndechokuti vanhu vakaroorana tamburai muri pamwe chete, kwete kuti umwe wombonogara Joni umwe ari kuChipinge. Bodo. vanhu garai mese. Nhamo dzenyu muchidziona muri mese. Mokura mese. Mozama kusapopotedzena pazviitiko zvenyu. Kana nyaya dzemabasa dzanetsa zvokuti umwe aende Joni, ngaaende hake asi akangowana basa zamai kugara mese. Munhu wechidiki haafaniri kugara asina mukadzi/murume. Zvinogozha chose.

Zemo rine simba kupfuura njere dzemunhu wese zvake. Kana ukaita zemo pama pasina wekuripedza naye wega unpzvibatsira kuripedza, asi ukariita pane umwe aunoziva kuti aimokubatsira kare uye aripo, murume/mukadzi wako ari Joni, zvinonetsa kukunda zemo.

Chimwe chihure chatinoona mumisha umu chinokonzegwa nomurume/mukadzi wanyakuhura wacho, nokusada kuhwisisa kuti umwe wako anofanira kugara ane zvinhu zvake zvakakwana zvaunomupa iwe mumusha menyu. Ipa murume/mukadzi wako zvakamukwanira.




Kana une chaunoda kufanotaura taura hako tohwe.

No comments: