Sunday 19 July 2015

Kugarorota uchivatana nomurume/mukadzi asiri wako

Nhai mai Chibwe, Ndinorota ndichivatwa nomurume. Ndakaenda kumapositori ndikaudzwa kuti ndine mweya uri pandiri unondipokanisa nomurume wangu zvokuti anombobva pamusha asi anozodzoka hake. Ndichicho chikwambo here kana kuti pane imwe nyaya.?

Zviroto:
Chokutanga ndechokuti mafungire edu ndiwo anotungamirira zvatinorota. Vanhu vakawanda vanorota zvinhu zvinovatyisa uye zvinovaitisa kufunganya. Asi chiroto kana chouya chinouya nechibhende nokuda kwekuti unenge uri kuhope. Zvinonzi izvo chiroto chinoita kana awa chaiyo pakuchirondedzera kana kuchifunga ava mangwana chinenge chato kana miniti imwe chete kuchirota. Kurota hakutori nguva. Toti warota uchifamba gwendo zvese nokumirira bhazi nokuzosvika kwaunoenda, zvoita sokuti inyaya inotora nguva huru. Chiroto ichocho chinenge chaita nguva iri pasi peminute. Ndiri kutaura izvi kuti tihwisisane kuti chokwadi ndechokuti chiroto chakasiyana nechiitiko. Kurota uchivata nomurume kwakasiyana nokuvata nomurume.

Tahwisisa ipapo tochibvunzo kuti chakaitisa kuti uende kumupositori chii? Kwaive kutya kurota here kana kuti waifunga kuti zviri kutoitika kuti murume wauri kurota ari kuvata newe? Waida kuti mupositori aite sei panyaya yakadai. Kana wapira nyaya yakadai kumupositori iye anotofanira kuitora senyaya yakakosha nokuti iwe muridzi waikoshesa. Zvadaro hazvichaiti kuti asakuwanira chimwe chaangati chikonzero. Saka apa akawana chikonzero chokuti pane mweya ndokuchirondedzera mamirire akaita mweya wacho ndokubva zvataridzika sokuti ndizvo zviri kuitika.

Ngatidzokere pakurota apa. Zvinozikamwa kuti zvokudya zvatinodya uye nguva yatinonovata zviviri izvi zvinokwanisa kukurudzira kurota. Zvinokwanisika kuti iwe muroti unogarodzy chimwe chezvinhu  izvi ichitochiwanza usingazivi kuti uri kutozvikurudzira kurota. Zvimwe zvezvokudya izvi ndeizvi. Tarisa uone kuti hausi kuzvidya here. Imborega kuzvidya kwekanguva uone kuti kurota kwako kunoramba kuripo here.
Nyama yehuku
Soya beans
Nyama yegarikuni
Dzimwe hove
Nyama yagwai
Kidney beans
Mhodzi dzemanhanga
Cheese

Hakuna mweya unosvikira pamunhu wakasiyana nomweya unosvika pane umwewo munhu. Chakasiyana pavanhu mafungire avo chete. Zvinobva mukati memunhu kwete kuzhe kwemunhu. Kana une hasha zvinobva mukati mako kuita hasha. Kana uchigara une zemo zvinobva mukati mako. Saka ndizvozvo kana uchirota zvinobva mukati mako. Pane chiri mukati mako chiri kukuitisa urote kupfuura vamwe.

Vanhu vane utano hwefungwa (Good brain health) vanorota kupfuura vanhu vasina utano hwepamusoro. Mufungwa mune Chemical inohui SERATONIN inoti kana yakawanda asi isina kuwandisa inorotsa muridzi. Ikaita shoma unokwanisa kupenga. Ikawandisazve unokwanisa kupenga. Pakudya apa pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti kurota kuwande kana kuita kushoma. Asi kurota hachisi chinhu chakaipa. Chinhu chinoratidza kuti fungwa ine utano. Chete. 

Chimwe chikonzero chezviroto zvekuvatana kushaya wekuvata naye kwenguva refu. Varume vanozvirotera, kureva kuti anomuka mangwanani akabudisa urume. Pamwe anorangarira chiroto chake chaakaita achivata nomunhukadzi pamwe haatombozivi kuti zvakaitika sei asi anenge akatorota. 

Vanhukadziwo akagara nkanguva asina murume kana kuti akangofunga zvokuvata nomurume anokwanisa kurota achivatana nomurume. 

Zvimwe zvezviroto izvi zvinotoonekwa sokuti chinhu chakaitika nokuti unotoziva DETAIL yacho yese pane zvakaitika muchiroto. Ndipo patinozofunga kuti chinhu chiri kutoitika izvo bodo chinongori chiroto. 

Koitazve kuti pamwe uvete unohwa sokuti wakatsimbirigwa nochinhu chinorema zvokuti kufema kunokunetsa. Izvi zvinoitika kana wakarerusa muviri zviri pasi pasi (TOO RELAXED) Unokwanisa kutanga kupepuka waziva kuti pane chakakutsimbirira asi uku uchiri kuhope zvokuti haukwanisi kunyatsomuka. Vakawanda zvinovatyisa asi hapana zvakaipa zvinoitika pazviri.


Zviroto zvinoitika munyika dzese panyaya iyi:
Varume vechidiki kusvika kumakore okuma 30 vanorota nezvokuvatana kakawanda pagore. Zvokuti chero ane mukadzi chero asina anokwanisa kuzvirotera. omuka abudisa urume. Tichibva pamakore 15 evarume kuzvirotera kunowedzera kusvika pa 20 kozotanga kuderera murume achikura zera.

Vakadziwo vane utano hwakanaka vanoita ORGASM kuhope pasina murume kaviri pamwedzi average mupasi rese. Tichiva pamakore 14 musikana anotanga kuita ORGASM avete kuzoti ava pamakore 19 anotanga kuwedzera oramba achiwedzera kusvika ava kuma late 30s. 

Varume vanoderera vakadzi vanowedzera nezera. Zvavanorota zvacho zvinosiyana asi zvimwe ndeizvi. 

Kurota uchivatana nomukomana/musikana  wako wekare
Kurota uchibatwa/uchibata chibharo
Kurota uchivata nehama yako yausingafaniri kuvata nayo
Kurota uchiita zvechingochani
Kurota uchivata nomunhu waunongozivira pa TV/Newspaper/Magazine
Kurota uchivata nomunhu wausinatombozivi
Kutota uchiita kana kuitigwa zvechihure.
Kurota uchivatana nomumhu waunoshamwaridzana naye asi musingadanani
Kurota uchivata nomunhu waunoshanda naye
Kurota uchikanganisika pamberi, kuita zvitubu zviviri, mazamu akawanda, etc
Kurota uchivata nemhuka zvikuru yaunotya.

Izvi ndizvo zviroto zvekuvatana zvakawanda  zvinoitika muupenyu hwedu. Panokwanisika kuita nguva yaunogarorota chimwe cheizvi. Ukaenda kuma PSYCHOLOGIST vanokuudza kuti pane chiri kuitika muupenyu hwako chinokutyisa ndicho chiri kubuda mufungwa dzako sechiroto. Kuvatana chinhu chokubatana (UNION) zvinoreva kuti uri kuatanidza fungwa dzako. Koitazve kuti uri kukundwa nefungwa dzako (OVERWHELMED) zvokuti haunatsi kuziva zvokuita nechinhu chiri muupenyu hwako. Saka kana uri munhukadzi unokwanisa kurota chinhu chiya chichikubata choita zvachinoda newe iwe kana chikapa hauiti unongopinzwa chombo woiswa uri VICTIM. Kureva kuti nyaya iri kukunetsa pamoyo inyaya huru pauri. Unoitya.

Kana uchigara une chiroto chinongouya chichiita zvokuvatana iwe usingadi kuvatana tarisa nyaya dziri kukutyisa muupenyu hwako uzame kudzigadzirisa. Hausi kuvatana noumwe munhu kana nechimwe chinhu. Zviri mufunwa chete saka uchizvirota.

Kurota nezvokuvatana hakuitiswi nemishonga asi zvinokwanisika kuti kana uchigwara ukapiwa mishonga inokwanisa kukuitisa zemo uvete uye kukurotesa chimwe chinhu. 


Mapositori:
Zvandakaita ini pano ndisingaroti chinhu. Ndikamuka mangwana ndikaenda kumupositori ndikamuudza kuti ndakarota ndichiita chokuti nechokuti, ndinotoudzwa kuti pane mweya uri kuzviitisa. Hakuna mupositori angakuudza kuti uri kureva nhema kana wamuudza nyaya ine zvimwe zvinoshamisa pairi. Hazviiti. Saka apa wakatoudzwa zvawaidawo kuudzwa asi nyaya chaiyo panokwanisa kunge pasina zvachose.  Mupositori ari kungoita zvinoitwa nemapositori. Hatisi kuti haasi GENUINE. Ndiwo maonere aari kuita panguva iyoyo, saka ari kukuudza zvaari kuona. Iwe chifunga zvazvinoreva. 

Zvibvunze kuti Chii chine mupositori chisingawanikwi mune umwe munhu? Kana tichiverenga Bhaibheri tinoona kuti munhu wese anokurudzigwa kuhi akakumbira achawana. Saka kuzoda kukumbirigwa nomupositori zvinorevei?  Wega wadii kungokumbira kuti zvikubve kana uchivimba kuti Mwari vanoterera minamato yako, uye iwe uchiona kuti kurota handicho chinhu chaunofarira kuita. Wadirei kundoudzwa nedzimwe nyaya dzezvikwambo idzo dzisinei noupenyu hwako? Iwe chiri kungokunetsa kurota. Kana kurota kukamira chete zvatokubva. 

2009 
Muna 2009 ndaiva kuSouth Africa kwemwedzi miviri. Pana Lodger aigara pamba pemununguna wangu aive mukuru wemapositori ku Elsburg, Germiston, Gauteng, South Africa.  Takaenda tikanoona imwe n’anga yokuZimbabwe mu Germiston yaitova nechikwangwani chakahi DR ***** pazhe peSurgery yake. Ini nemununguna wangu tasiya varume kumba. Takatsanangura nyaya yokuti taisabvumidzwa kudhiraiva mota dzevarume vedu uye taisaziva kuti chikonzero chacho chii.

Takabvisizwa mari yedeposit. R350 umwe noumwe tiri vaviri. Kwahi imwe mozobhadhara pamunozotora zvimwe zvibhodhoro. Tikagochiudzwa nhema nenhema nenhema futi, uku utsi huchipfungaidzwa kubva muchinhu chakaita chimbhaura chaipota chichikandhwa zvimashizha zvainhuwa. Takazopiwa zvibhotoro zvaiva ne mvura yakahi munonomwaya pa mibhedha uye pamasiti emota dzevarume. Ipapo tanga taendako nemota yemurunyana wangu. Iyi n'ganga haina kuzviziva asi munhu anohi anoona zvisionekwi.

Takasvikoudza vamwe kumba ndokuvataridza  zvobhodhoro zviya mukadzi wemupositori aripo, iye ndokusvikoudzawo murume wake zvaaona. Yanga yatove nyaya ipapo. Takaona kwasviba murume wacho ouya kubva kukaya yake uko kuzogugudza tichiona TV tichiseka pa 700 Rand yekutambisa yataita. Kwahi matora mishonga yemamhepo.


Ndizvo tichiti vanhu hwisisai kuti nyaya iri papi. Umwe noumwe ane Agenda yake. Kana ukaita AGENDA yokukurudzira chikwambo ukadzidzisa mufungo wako kuti kune chikwambo unoshupiwa nacho.  Ukaenda nacho kumupositori anonokurapa iwe usina kana chigwere.  Ukaenda kwa dhokotera chaiye, anokuudza kuti ma Chemical ari mumusoro wako haana balance. Enda unoita chokuti nechokuti, kana kuti anokupa mapiritsi ekuwedzera SERATONIN mufungwa mako.  

Ndiko kusiyana kwedu panyika. Iwe muridzi unozvipa nhamo wobva wazvishungurudza wobva wafunga kuti haugoni kugadzirisa nyaya yako asi uriwe waiunza muupenyu hwako. 


Saka murume wako ari kubvirei mumba?
Tinofanira kubvunza kuti murume chiri kumubudisa mumba chii. Kuti adzoke zvinoreva kuti ane rudo nomukwadzi wake saka chii chambomubudisa mumba? Zvinobva nokuti murume uye anofungei nezviri kuitika. Kana ari munhu anofunga kuti kumapositori kunobva chinhu chinoraramisa mukadzi wake anokwanisa kuona ega kuti mukadzi zvaamboenda kumupositori zvoreva kuti nyaya ichanaka tigogara zvakanaka mumba.

Kubuda mumba pamwe ari kutotyiswa nezviri kuitika kana kuti nezvaanofungira kuti zviri kuitika.

Chikwambo:
Chokwadi ndechokuti zvikwambo zvaunohwa zvichitaugwa navanhu dzinongova nyayawo hadzo asi muupenyu hwako haufi wakasangana nechikwambo. Murume wako haafi akasangana nacho. Hakuna munhu waunoziva achasangana nacho. Asi mupositori achakuudza kuti chikwambo chiri kukusvikira. Zvibvunze wega kuti sei uchizviisa panyaya dzakadai uchishushikana mufungwa nazvo asi chikwambo chacho hauchioni. Chii chinoitika ukavata wakasvinura usiku hwese? Hapana chinoitika zvese zviri kuitika zviri kuitika pakurota chete.


Munhu akafunga nezvezvikwambo munhu akachenjera nokuti vanhu vakawanda vari kuita mari nazvo asi chikwambo chaicho hakuna hako chero ukaudzwa nhema dzakawanda zvakadii kuti chiriko. Iwe hauna chikwambo. Hakuna chikwambo chiri kukuvhakashira. Uri kungorotawo hako nezvebonde pasina chiripo.

Tese vanhu tinorota nezvekuvatana nguva nenguva. Hakuna mukadzi/murume asina kumborota achivatana noumwe munhu, pamwe munhu waasingatozivi. Asi changosiyana ndechokuti iwe unogarorota izvi kakawanda kupfuura isu. Hazvirevi kuti zvakaipa. Zvinongoreva kuti ndicho chiroto chaunowanza. Vamwe vanowanza chokubhururuka, vamwe chokufamba gwendo, vamwe chino kana icho.

Dai wambotora nguva kutarisa zvaunodya
Kutarisa zveBhaibheri zvawada izvo kuti uzvinamatire wega.
Kutarisa nguva yaunodya neyaunonovata wokasira kudya asi wononoka kunovata.
Kukurudzira murume wako akubatsire kuongorora upenyu hwenyu kuti sei  achimbosiya musha wake, zvinova zvinokuwedzera kufunganya zvosvika pakukurotsa.
Kutarisa nyaya yekuti sei chinhu chakapusa sekurota chichikudya moyo kusvika pakadai. Tese tinorota uye pamwe tinorota zvatisingadi kurota. Hazvirevi kuti paita chikwambo. Hakuna munhu anotsvaka chiroto. Chinongouya chega uvete.

Nhema dzinoudzwa vanhu
Spiritual husband/ wife- inhema hakuna zvakadaro.
Chikwambo – izita haro asi chinhu chine zita iri chaicho hakuna.
Mweya uri pamunhu: Bodo munhu wega wega ane zvakaipa zvaanoita nezvakanaka zvaanoita. Vamwe vanokwanisa kunge vane SERATONIN iri pa LEVEL isiriyo panguva iyoyo zvokuti anokwanisa kuita zvaasingafaniri kuita. Hazvirevi kuti paita mweya (SPIRIT or AIR) wakasiyana bodo. Zviri kubva mukati make kwete kuzhe. 

Ukaona uchiita chimwe chinhu chausina CONTROL pachiri kasira kundoona varapi uvaudze vakubatsire. Munhu masikigwe aakaitwa ndeekuti zvese zvinoitika muupenyu hwake zvisiri zvema ACCIDENT, ndiye anozviitisa. 

Kurota kunobva mukati mako kwete kuzhe. Usaudzwa nhema navane AGENDA yausinganatsi kuhwisisa. MuBhaibheri hamuna chinohi chikwambo. Ukachihwa chichitaugwa kukereke kumbira verse yacho undozviverengera wega. Hakuna muporofita ane verse yacho nokuti haimo mubhaibheri. Nhema dzinonakidza kudzitaura kupfuura chokwadi asi hadzivaki musha wako. 


Udzai Vamwe!!!!

No comments: