Monday 17 August 2015

Kana mwana apfuura makore mashanu

Kana mava nomwana ava nemakore mashanu kana kupfuura, hwisisai kuti mwana ava kuziva zvimwe zvezvinhu zvinoitika. Hwisisaizve kuti vana vadiki havarevi nhema uye vanofarira kuudza hama neshamwari zvinoitika mumhuri dzavo.  Kana uchida kuudzwa chokwadi pamusoro penyaya, bvunza mwanana. Anokurondedzera nyaya yese agokubvunza zvainoreva.

Hwisisaizve kuti mwana mudiki haazivi siyano yokuchema nokuchemerera. Kwaari zvese zvakafanana uye akahwa mubereki wake achichema zvinomutyisa nokuti haahwisisi kuti chii chiri kuitika. Ndinoziva kuti mese munoyeuka musi wamakapinda muBedroom yevaberiki ndokuwana vachirhojana. Hakuna munhu anokangamwa musi uyi. Zvikuru ukavawana vasina kupfeka vasinazve kufuka machira. Zvinonetsa kuti IMAGE iyoyo ibude mufungwa. Kuhwa mai vako vachichemerera zvinotyisa, chero nhasi wava munhu mukuru ane imba yakewo kureva kuti unogarorhojana noumwe wako, ikahwa mubereki achichemerera zvinokuvhundusa.

Saka tiri kutarisira kuti isu kana tavavo nevana vohwisisa, tinova chengetedza kuti vasasangana nezviitiko zvavabereki. Haisi nyaya nyore nokuti mumba madziro anoita ruzha kana kwasviba zvokuti munokwanisa kuvhara mikova yese asi mwana avete mumba yake yokuvata anokwanisa kumutsa nokuchemerera kwamai vake, obva auya kuzoona kuti chii chiri kuitika. ipapo imi muri bishi zvenyu kana kumboziva kuti mwana amire pamukova uye ari kuona zvamumri kuita.

Musati matanga inofungai kuti mune mwana mumba uye mwana uvete. Fungaizve kuti mwana akamuka pakati peusiku, sokuti azviwetera, anouya kuvabereki opinda mumachira ovata navo. tese takabva neko ndiwo maitire evana vese vaneSTABILITY pamusha wavo.

Fungaizve kuti mungadii kuti mwana asaona zvinhu, itai zvinodzivirira vana kuona zvinhu. Munokwanisa kuti paya mwana avata, mozvikiira mumba menyu moita basa renyu, mokiinuna mukova movata henyu.

Munokwanisazve kujaira kuisana makafuka jira kuti musaonekwa.
Munokwanisazve kuita zviitwa zvenyu mwana achangovata toti awa imwe chete mwana avata. Ndipo panoita hope dzakadzika zvokuti anotadza kukuhwai.

Hatisi kuti Ityai mwana asi kuti hwisisai kuti mune mwana. Chombo chababa kumwana mudiki chinokwanisa kumutyisa chose kana chimire, nokuti haazivi kuti chii uye kuti chinoita basa rei. Kuzochiona chichirakasha mai zvinotyisa pakuti haahwisisi kuti mai vari kuchemei. Chii chiri kuitwa kuna mai vake uye kuti zvaita sei.

Vamwe vanhu. 
Kune vamwe vanhu vanoparidza shoko rokuti vana ngavakure vachiziva zvinoitika mumba, saka vanoda kutsanangurira vana zvese zvinoitika. Ini sokuona kwangu mwana anodzidzswa zvimwe zvinhu kana nguva yakwana. Kana mwana ava nemakore anopfuura gumi nemaviri kuvasikana unoziva kuti ava kuda kutanga kuenda kumwedzi. Ndipo pakumugarisa pasi womutsanangurira zvichaitika uye kuti sei zvichiitika, kuti kana zvoitika azive zvokuita.

Kana ari mukomanawo achatanga kuzvirotera ava nemakore kana gumi nemana. Unomutsanangurira kuti zvinoitiswa nei asi kwete kuti aone vabereki vachiisana. Handizvo. Kutsveruka ikoko.  Kana mada kuti mwana akasire kudzidza nyaya dzokuisana, mutengerei mhuka dzinozoita vana mava nadzo. Sokuti tsuro. Motenga hadzi nehonho. Motsvaka mavhidyiyo anotsanangura kuchengetwa kwadzo nokuti dzinoita vana sei. Motsanangurira mwa kuti zvichafamba sei.

Kana azosvika makore gumi namaviri (musikana) kana gumi nemana (mukomana ) ndipo pmunomuudza kuti vanhu vanoitawo zvaanoziva zvichiitwa netsuro. Kana asina kubvunza kuti imi vabereki munoitawo here, musamuudza. Regai abvunze kana zvamunetsa fungwa kuti vanhu vanoita mwana sei.

Pakugeza:
Koitazve vanhu vanofarira kugeza pamwe chete nevana vavo. Ini sokuona kwangu mubereki nomwana apfuura makore mashanu havafaniri kuonana pamberi. Mubereki anoona mwana asi mwana ngaasaona pamberi pamai kana baba.

Ndiyo nguva yokutanga kudzidzisa mwana kuti akaenda kutoireti ngaavhare mukova. Akada kubvisa zvipfekwa ngaavhare mukova. Ngaasafamba famba mumba asina kupfeka. Ngaasagara akapatsanisa makumo zvokuti vanhu vanoona bhurugwa rake (musikana) kana kuti agare asina bhurugwa.

Uyezve kudzidza kuti akangobatwa pamberi noumwe munhu asiri mubereki anofanira kukasira kuzoudza mubereki. Anodzidza kuti pamberi panhu pakakosha pasingabatwi batwi nemunhu asinei napo. Zvakasiyana nemaoko atinoshandisa kumhoresa vanhu vatinosangana navo.

Pachirudzi chedu Mwana anokwanisa kukura kusvika makore 20 asina kumoona mai kana baba vasina hembhe. Vakawanda havana kumbosvikira mai kana baba vachiisana. Ndicho chivanhu chakanaka ichocho. Kwete kungorega vana vachisangana nazvo.



4 comments:

Anonymous said...

Makadini Mai Chibwe.Tamirira tamirira dzidziso. dzichauya here dzimwe?

Mai E Chibwe said...

Nyaya dzinobva pamibvunzo yenyu imi saka bvunzai tiende mberi.

secre said...

Mai chibwe mongozivawo mazuvano kuoma zvezvinhu ndinoroja one room ndine mwana ane 5years haangarare panze zvakare hatingaregi kuisana todii

Mai E Chibwe said...

Ndiro dambudziko ririko iri asi zvange zvisina kufanira kuti muvatana mwana akura aripo. Mwana ngaazoziva kuti vabereki vanovatana abva zera kwete kubva ari mudiki seizvi.

Motoita zvokuita munyerere uye makafuka machira. Kana aenda kuchikoro mombowanawo nguva yenyu.

Mukataurirana nevamwe vabereki mopota muchichinjana vana kuti kana vari kwenyu hamuvatani, kana vari kwevamwe menge musina vana moita sharaude. Asi zamaiwo kuchinja magarire, uye kuwana dzimwe nzvimbo dzamunovatana muri kwete kungomirira mubhedha wemumba. Kune kumwe kwekuenda kunotowedzera kunaka kana mukavatana muriko.