Saturday 15 August 2015

Kuremara kweurume

Mazuvano vanhu vasingazvarisi vakadzi vavo vari kuwedzera kuwanda.  Tinoona kuti mhuri zhinji dzinoshaya mbereko asi zvimwe zvezvikonzero zvacho  zvichikwanisa kugadziriswa. Pano toda kuongorora nyaya yokuremara  kweurume chinova chimwe chezvikonzero zvokushaisa mukadzi mimba. 

Totanga nokurendedzera kuti urume hune utano hwakaita sei . Urume hwakada kuita seuzvuzvu utetetete. Unoerera uye ukahusiya paganda romuviri hunokasira kuomahoitawo ganda rinokwanisa kufunuka.  Urume hune munhuwi waho usina kuipa kunhuwidza . Ukahuvhenganisa neOIRI inosinira ichibuda muchitubu chomunhukadzi  (kuvhenganisa sokuti pakuvatana) unohwa munhuwi unozikamwa nevese vakambovatana kuti munhuwi wekuvatana. 

Zvinohi izvo mukapedza kuvatana ukafukidza musoro we murume jira ukavhura makumbo, hwema hwezvokuvatana huya kunoita murume akasire kumira chombo.  Hameno kuti ichokwadi here. Imbozvizamai mega.

Urume hune mhodzi dzisingaonekwi nemaziso asina michini yokuonesa zvinhu zvidikidiki inohi  MICROSCOPE. Mhodzi idzi ndidzo dzinoitisa mwana kumukadzi. Kana tichiti urume hwakaremara tiri kureva kuremara kwemhodzi idzi.

Kana murume ane utano hwakanaka muurume hwake munofanira kuwanikwa humwe urume husina kuremara. Dzimwe dzemhodzi dzake dzinotaridzika semaburuvuru. Pakuvatana, murume anosiya urume mukati mechitubu chemukadzi. Panguva iyoyo muviri wemukadzi unokwanisa kuita ma SPASM anoitisa kuti urume hukwire kumusoro kune mukova wechibereko. Hwasvika pamukova apa hunopinda mukati mechibereko hwodhidha hwakananga kumachubhu anouya nezai.

Kudhidha uku kunodiwa panyaya yekuitisa mukadzi mimba. Kana urume husingakwanisi  kudhidha zvinoreva kuti hakuna kwahuri kuenda. Kana zai rikashaya urume hapana mimba inobata. Pano toda kutarisa kuremara kunoitisa urume kuti hutadze kuitisa mukadzi mimba.

Marudzi ekuremara:
1 Musorobhangu: Kune urume hune rino zidzoro zihombe
2 Misoro miviri
3 Miswe miviri:
4 Kamusorombada
5 Musoro murefu
6 Muviri wakafonyoka
7 Musoro unemapundu nemakomba

Kuti murume anzi ane urume hwakanaka anenge ane hwakaremara huri pasi pe 85%. Zvinoreva kuti urume hune utano chaihwo hunodarika 16%. Saka apa tinoona kuti urume hunodiwa hwakanaka hahuna kuwanda.

Nyaya yokuremara urume iyi yakasiyana nenyaya yokuita urume hune mhodzi shoma. Kushomakara kwemhodzi ndeimwe nyaya inoshaisa mbereko futi. Zvese kushomana nokuremara zvinotariswa kana murume aenda kundoongorogwa pakushaika kwembereko mumba.

Hwisisazve kuti urume hwakaremara hunikwanisa kusangana nezai  hugorigadzirisa mwana, Pamwe zvosatombozikamwa kuti panga pane dambudziko asi mazuvano pane RESEARCH yokuongorora kuti hunoitisa mwana hwakadii pane husingaitisi. Zvinofungigwa kuti kuremara idambudziko guru zvokuti vakadzi vakawanda vari kutadziswa kuita mimba nazvo.

Ndichaisa mapikicha yemamirire eurume hwakanaka nehwakaremara.

Zvikonzero:
Kune zvikonzero zvemabato maviri anoti zvinowanika mukati memuviri wemurume koitazve zvinowanika kuzhe kwemuviri wemurume.
Panezvokuzhe pane zvinoti :
Kusagara upenyu utsvene. Sokuti munhu haana hanya noutano hwemuviri wake, haadyi zvakanaka haaiti MaEXERCISE, Anoshanda pasina kunaka kushanda.

Pane zvomukati pane zvinoti:
Kuputa fodya, Kunge wakambotogwa ma X-RAY akawanda, Kushanda panopisa, Kana wakamboitwa OPERATION pameri, Kusashanda kwemabhora, Kana chiropa chisingashandi zvakanaka.  Chikuru cheizvi kuputa fodya. Kana uchiputa fodya mabhora anotsonga muupenyu hwako hwese chero paunenge wazorega. Kumira kwechombo kunokasira kuita kushoma kupfuura munhu asingaputi fodya.

Pane vanhu vanowanza urume hwakaremara asi pasina zvinozikamwa zvavanoita kana kuti zvinoitika kwavari. Saka apa tiri kungoti zvimwe zvezvikonzero ndeizvi asi hazvisi zvese zvinozikamwa.


Zvinorapiwa sei?
Pane zvinhu zvishoma zvaunokwanisa kuita kuti urume husina kuremara huwande asi chokwadi ndechokuti kuwanda kwahwo hakuwedzeri zvakanyana.

Gadziridza Balance yezvokudya zvako. Iyi nyaya inonetsa kuihwisisa asi inyaya inoda kuhwisiswa chose. Isu vanhu verudzi gwedu takajaidzwa kungodya sadza nomurivo kana kuti nenyama. Tinoona zvimwe zvokudya sezvisina kukwana. Mai vemumba basa rokutanga kudzidzisa mhuri kudya zvokudya zvakasiyana siyana. Utano hwemhuri hunotangira mumabhora ababa vemba uye muchikandirazai chamai vemba. Ukamirira kuzogadzirisa zvokudya wava nemwana, unokwanisa kushaya mwana wacho.
1 Tsvaka zvokudya zvine zvinhu zvinoti Vitamic C, ZINC, LYCOPENE, etc
2 Siyana nezvokubhema fodya
3 Ongorora paunoshanda kuti hapana RADIATIOn, hapapisi zvakawandisa, uye hapana zvinoita utsi hwakaipa.


Kana uchifungira kuti urume hwakaremara hwakawandisa, kasira kunoongorogwa kuti uudzwe pa PERCENTAGE yahuri. Zvadaro iti vakuverengere kuti uri kugadzira hwakawanda here.  Chiona zvokuita. Haisi nyaya yokuti ukabvisa chikonzero nyaya inogadzirika panguva diki, unotombomirira nguva refu. 

Varume vari pazera rokuzvara havafaniri kupfeka zvibhurugwa zvomukati zvinoshinya. Kana uchitenga zvibhurugwa zvomukati tenga zvakakura kupfuura muviri wako.  Mabhora emurume, anova ndiwo anogadzira mhodzi dzeurume haafariri kushinywa.

Varume musapfeka zvinhu zvinopisa muviri pamabhora enyu. Ukatarisa mabhora emurume unoona akarembera. Anoda kugara akarembera nokuti TEMPERATURE inodiwa kugadzira mhodzi dzeurume usi pasi pe TEMPERATURE yomuviri. Mabhora anoda kutonhoregwa kwete kupiswa.


Chokupedzisira:
Nguva zhinji tinowana matambudziko mumhuri dzedu asi nguva zhinji tisu tinokonzera nyaya idzi iri ngari yokusaziva. Ngatigadziridze zvese zvatinokwanisa kugadziridza, tozoona kuti zvasara tingawana rubatsiro kupi. Nyaya yezvokudya inonetsa pakuti tinojaira kungogarodya zvimwe zvinhu tokangamwa kuti tinofanira kuita BALANCE pazviri. Dzimwe nguva zviri kushaikwa zvacho hazvitombodhuri. Kungoti hatina kujaira kuzvidya.

Ngatihwisisezve kuti vanhu verudzi gwedu vangojaira kuti chese chese ngachiitigwe mushonga unobva kun'anga. N'a dzakawandisa dziri kungowana mari kuva kuvanhu nenyaya yougino hwevanhu. Mushonga mukuru pazvinhu zvomuviri kuwana BALANCED DIET, kumwa mvura yakawanda, uye kuwedzera kuvatana nomurume/mukadzi wako umwe chete iyeye. Kuvatana kunorapa uye kudzivirira zvigwere zvakawanda zvakaita se PROSTATE CANCER, BACK PAIN, STROKES, etc. Shandisai kuvatana somushonga weupenyu.

Ndichaisa mapikicha okutaridza BALANCED DIET.






Urume hwakakwana: Tarisa uone kuti hwakaita seburuvuru. Musoro wakanaka wakaita se nzungu, koita chimuviri chidiki poita muswe.

Kana murume ane hwakadai hwakawanda ndizvo zvakanaka. 



Zimusorobhangu




Musoro murefu



Kamusoro 



Musoro une makomba



Misoro miviri



Miswe miviri



Muviri wakaremara
Pano toisa pikicha ye zvokudya

Zama kuti paunonotenga zvokudya utenge zvimwe zvezvakawanda zviri pa pikicha iyi. Zvinobatsira utano hwemhuri yako. Natsotarisa uone kuti zvaunofanira kuwanza ndezvipi uye zvaunofanira kuita zvishoma ndezvipi. 




Udzai Vamwe!!!!!

4 comments:

AGE McSoul said...

munonyaso dzika dzika nezvamunotaura asi vamwe hatizonzwisise zvimwe.

Mai E Chibwe said...

Kana usina kuhwisisa zvimwe, Bvunza hako mibvunzo nokuti ungatobatsirawo vamwe vasina kuhwisisa.

Ndatenda chose.

Anonymous said...

Makadii mai chibwe ini dambudziko rangu ndere kusanyorova. Taedza ini nemurume wangu kutamba (foreplay) asi handitote . Ndingaite sei

Mai E Chibwe said...

Ndakatsanangura nezvenyaya iyi apo

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/01/mukadzi-asinganyorovi-pakurhojewa.html

Imbonoverenga ipapo tozotaura wapedza, asi hwisisa kuti hatizi tese tinongoti kufunga kuiswa wotoeredza mubhurugwa. Kune vakawanda vasinganatsi kunyorova. Imboverenga tozotaurazve kana pane zvinoda kutaugwa.

Ndatenda.