Monday 22 August 2016

Anondida nomoyo wose here kana kuti achandihurira?

Paita nyaya pano inoonekwa kuti kune vakawanda vari panya dzakadai. Munhu wobva afunganya pazviri nokusahwisisa kuti zviri kubvepi. Chitererai muhwe musoro wenyaya.

"Ndakadanana na Eliza wangu kwemakore akati uye tinoda kuroorana. Musikana akamboita ‎mimba nemumwe mukomana mwana akashaya, vakarambana. Ini pachezvangu, ndakambo danana nevamwe vasikana whilst ndiri kudanana naye pamwe chete ndikamuudza uye ndakazviregera ndaona kuti hazvibatsiri. Iye haana kundiramba.

Ini mubvunzo wangu is kuti pese apa kubvumwa kwangu nemusikana uyu kunoreva here kuti nayewo futi akandi hurirawo here kana kuti anondida nemoyo wake wese."

_________________________________________________________________________________

Kuti uzive kuti munhu waunodanana naye anokuda nomoyo wose here kana kuti ari kukunyebera inyaya isingakwanisiki kuti umwe munhu akuududzire asi kuti iwe pachako unofanira kuziva wega kuti anokuda here kana kuti kwete, zvichibva pazviito zvake uye kutaurirana kwenyu kuti unoterera here uchimhwisisa.  Asi chikuru pazviri ndechokuti usabvuma kuroorana nomunhu wausinganatsi kuziva kuti anokuda here kana kwete. Mufungwa mako tanga wanatsobvuma kuti anokuda. 

Kudanana nomumwe munhu chinhu chaunozvisarudzira wega iwewe, iyewo achizvizvisarudzira. Kuva faithful kune umwe munhu chinhu chaunozvisarudzira futi iyewo achizvisarudzira. Kuhurirana hakuitiki kwega. umwe noumwe anohura anozviitisa kuhura. Anokwanisazve kurega kuhura asi ngatisakangamwa kuti 

" Kana munhu akambohura, zviri nyore kwaari kuti ahure upenyu hwake hwese. Vashomanana vanhu vanoti akambohura ozoregera zvachose. Kuhura kunoitiswa nezvinhu zvakati wandei asi chikuru chazvo kushaya RESPECT pamunhunhu waunodanana naye uye SELF-RESPECT. Uchaonazve kuti munhu anohura munhu anotora ma RISK akawanda paupenyu sake kazhinji haashandisi makondomu pahurekadzi/hurerume rake.  Zvadaro anouya kumba ovata nowemumba pasina kana hanya nezvigwere. Saka iwe unofanira kuhwisisa kuti wako munhu akaita sei uye iwe uri munhu akaita sei. Maonere aunoita upenyu hwako ndiwo maonere aunoita upenyu hwavamwe."

Asi kana mese mukahwisisana zvepamusoro uye kunatsotaurirana (COMMUNICATION) uchaona kuti kuudzana zvamnoda kunoita nyore uye kuhurirana kunoita kushoma kana kutopera zvachose. Vanhukadzi zvinovahurisa zvishoma pane zvinohurisa varume saka uchiona kuti vakadzi vakawanda vari FAITHFUL kuvarume vavo. 

Iwe semurume sunungura mukadzi wako pakutaura akwanise kutaura zvese zvaanoda uye anatse kuguta pakuvatana kwenyu. Azive kuti unofarira chose chose kuvata naye uye kumugutsa. Hazvinetsi kugutsa munhukadzi. 
1 Ratidza kuti unofarira muviri wake uye kumutarisa kunokuitisa zemo. 
2 Pakuvata naye onawo kuti anoita ORGASM zvinova zvinoitiswa nokumunonokera. Koiranai nguva refu chose kusvika aguta. hwisisa kuti zemo romukadzi rinotora nguva kuti ritange, rigotorazve nguva kuti ripere. Anofanira kupiwa nguva refu pakubviswa zemo. Ngatihwisise kuti kuisana kunoratidza zvakawanda uye maitire edu anoratidza kuti rudo guripo here kana kuti ndezvemurairo chete. Zvaunotaura iwe murume pakuisana kwenyu zvinoreva zvakawanda. Ukangoti zii zvoratidzawo kuti uri kungoita chirango asi moyo wako hausi pamunhu wauri kuisa uyu. uchaona kuti anononoka kusununguka pazviri. 
3 Garoda kuvatana naye kwete kumirira kuti iye ataridze kuda. Ngaahwisise kuti ukamutarisa unofunga kumuvata wobva watoda kumuvata, uye kuti hazvisirizvo kana uchitarisa vamwe. 
4 Dzidza kusarhafura mukadzi asi kumukurudzira pane zvese zvaanoita
5 Dzidzisa mukadzi kutaura zvekuvatana akasununguka achikuudza zvinonaka nezvisinganaki.
6 Dzidzsa mukadzi wako kusiyanisa maitire enyu mumba menyu uye kufarira kuti atambise chombo iwewo uchijaira kutambisa pamberi pake nomuviri wake wese. 
7 Usamhura vanhu vemhuri yako aripo achizvihwa
8 Usamhura vanhu vemhuri yake aripo achizvihwa.
9 Musatukana panyaya dzemari mumba. Rongai mese chero mari iri shoma tamburai mese mudzidze kuronga mese. 
10 Dzidzai kugaromundikurana muchimboita nguva muchitaridzana rudo
11 Tangai upenyu hwenyu pmwe chete nokudzidzisana rudo chete chete pazviito nepakutaura. Iwe murume ndiwe mukuru mumba, usarega mukadzi achijaira kupopota kana kuita ma MOODS mumba.  Gadzirisa nyaya yese inokutsamwisa iwe kana kutsamwisa mukadzi wako. Kana zvangogadzirika pasina kupopota, pedzai nyaya nokumbundikira mukadzi wako, kumutenda nokuhwisisa kwake uye kumuudza kuti unomuda nokuti... (womupa REASON yacho) 
12 Kurudzira mukadzi kutaura zvine musoro uye kuhwisisa kuti zvine musoro. Iwewo chirega kuita zvubenzi.
13 Wanai nguva yokutamba sepwere pasina kungomirira nguva yokuisana. Wanaiwo nguva yokutamba mese. hwisisa kuti munhu wese anofarira kutamba. 
14 Batsira mukadzi wako mumabasa emumba kuti asaneta zvokuzoshaya simba kana monovata. Usatora mukadzi semunhu asina maturo. 
15 garounza zvinhu zvaunopa mukadzi zvisinei navamwe vanhu asi zvinoratidza kuti wange uchimufunga paange asipo
16 Mafoni atinawo awa mazuvano, garotumira mukadzi zvinonakidza kuverenga uye zvichiratidza rudo. 

17 Ratidza mukadzi kuti unovimba naye pazviito zvake uye iwewo uri munhu akavimbika pazviito. 
18 Kana wamukanganisira, chero chiri chinhu chidiki sei, hwikwa uchikumbira regerero, Uchaona kuti iyewo anotevedzera izvozvo mogara zvakanaka. 

Zvaita sokuti nyaya dzese pamusha ndedzekuvatana chate. Bodo handizvo asi kuti pamunotanga musha wenyu, kuwanza kuvatana, zvikuru kuvanhu vane HISTORY semi, kunoita kuti fungwa iite FOCUS pauviri hwenyu kuti muwedzere kufunga zvakafanana zvinoenderana nokuvaka musha wenyu. Munhukadzi haanetsi kupa murume wake rudo. Imi varume ndimi munotonetsa nokuti munofunga kuti rudo kuvhurigwa makumbo. Zvomoyo zvinokunetsai. Saka ukamujaidza kuvhura makumbo uchakasira kufunga kuti anokuda. Iyewo achakasira kufunga kuti unomuda.

Mukadzi akahwisisa kuti hapana THREAT pamusha wake anosununguka oisa FOCUS yese pamurume wake. Tese vanhukadzi tinofarira kuriritira uye kuzvipa kuvarume vedu. Fungwa dzese dzokuhura kazhinji dzinobva pakusanatsohwa kuti pano midzi yakadzika zvinova zvinokonzegwa nevarume vasina hanya. 

Usashushikana nenyaya yako iyo. Iwe ndiwe une KEY yokuti inake kana kuipa musati maroorana. Bvuma kuti anokuda nomoyo wake wese. 

 Usazoti hapana akakuudza.

WEDZERAI VANOWEDZERA TIBATSIRANE NOKUTI NYAYA ITI IRI KUVAZHINJI 

No comments: