Sunday 28 August 2016

Zvinoitwa panhova yemwana

Ndati ndipe mhinduro panyaya iyi iri yega nokuti vakawanda vari kukanganiswa musoro nayo.

Mwana achizvagwa anozvagwa musoro wake usati wanatsa kuumbika. Izvi zvakaitigwa kuti musoro ukwane pakubuda muchibereko uye kuno kumukova. Hapana chakaipa kuti mwana ave nenhova. Vana vese mupasi rese vanozvagwa vane nhova. Havasi vana vemuZimbabwe chete.

Zvadaro Mabhonzo emusoro wemwana anozosangana hawo nenguva kusvika musoro wemwana Navharika. Panguva iyi mwana haakwanisi kutaura saka zvinonetsa kuziva chaanoda. Nhova inobatsira chose pakuziva zvimwe zvezviri kuchemedza mwana. Mwana rusvava anowanzochemera zvokudya uye anopiwa mukaka. Mukaka une mvura nezvokudya.

Kana mwana akaita DEHYDRATION, nhova inotamatamba zvinotoonekwa. Izvi zvinoreva kuti ukaona nhova yomwana ichitamba unofanira kukasira kumumwisa zamu kana kumupabhodhoro rine mvura amwe mvura.

Hapana mushonga unoitisa kuti nhova itambe, nyota chete ndicho chikonzero. Kune vamwe vanofunga kuti zvinoitiswa nemushonga. Bodo, kwete, kana nhova yotamba mwana anofanira kupiwa mukaka kana mvura. Chero ine zvimushonga zvako zvisina basa izvozvo, hwisisa kuti mwana ngaapiwe mukaka kana mvura.

Hwisisa kuti tine vanhu vanophuura SEVEN BILLION panyika. Vese vakazvagwa vane nhova asi vemuZimabwe chete ndivo vakapiwa mishonga kuita sokuti nhova chigwere. Ini mwana wangu wekutanga haana kumbopiwa mushonga. Wechipiri ava nemwedzi miviri handisi kumupa mushonga saka hwisisa ipapo.


Ndati ndinyore nyaya iyi nokuti kune nhema dzakawanda dziri kutaugwa pamusoro pevana vanozvagwa.

1 Hakuna muroyi wenhova.
2 Hakuna mushonga wenhova nokuti hachisi chigwere
3 Hakuna zvinozogwa panhova kuibatsira kuvhara. Mabhonzo emusoro anokura ovhara nenguva yawo.
4 Vana vese munyika dzese vanozvagwa vane nhova. Hazvisi zvekuZimbabwe chete, saka funga kuti sei vana ava vari vapenyu kusina mishonga.
5 Nhova inoratidza kuti mwana ari kuda mukaka/mvura here. Kana ichitamba ipa mwana mukaka/mvura. Ukasamupa anokwasa kurwara zvinomuuraya nechigwere che DEHYRATION.


Udzai vamwe !!!!!!

Kurapa nhova
Mushonga wenhova
Nhova yomwana


11 comments:

Unknown said...

Well said, ini andina kana kupawo wangu I don't believe zvemishonga

Unknown said...

Maita basa chose

Unknown said...

Ichokwadi vanhu veku Zimbabwe v anofunga kuti pane chinofanira kuitwa kana kuzorwa,kuswera vakasungira vana mazango hanzi tiri kurapa nhova.Kwete nhova inotobatsira,ndatenda kunzwa dzidzisa yakadaro isingazikanwe nevakawanda

Nomatter said...

Inini wangu mwana anofema senge ane dzihwa kunge munhino nepahuro pari dry azvinzwisisike zvaanoita vamwe varikuti inhova help me ipapo ndinoita sei

Nomatter said...

Inini wangu mwana anofema senge ane dzihwa kunge munhino nepahuro pari dry azvinzwisisike zvaanoita vamwe varikuti inhova

Unknown said...

Ko kana isingatambi chingave chii

Unknown said...

KO kumachurch kunotonzi kune mambuya anokwesha nhova ingawani

Unknown said...

Totenda nedzidziso

Unknown said...

Zvinotendwa

Unknown said...

Maita basa

Unknown said...

Thank you Tete nedzdzso yenyu