Thursday 29 September 2016

Kuhwa vamwe vachirhojana.

"Maichibwe, ndiudzeiwo zvokuita. Pandinogara pane nyaya yokuti ndinogaronzwa vamwewo vanogarapo vachivatana zvinova zvinondikanganisa kufunga. Ndakawana ROOM yokubhadhara RENT paFlat yemurume nomukadzi vachiri vechidiki chose. Late 20s. Bedroom yavo iri next kune yangu zvokuti ndinonzwa Everythin zvavanoita. Everyday, even ndikakasira kurara ndinomutswa nekuvatana kwavo. Ndava ne two months ndiripo asi hazvisi kujairika. Pane zvandingaita here kuti vasangogaroita noise pachiito chavo ichi? Ndinoona kuti ndave kuwedzera nyaya yechijaya maoko.
"
Magarire edu emazuvano mumadhorobha, zvikuru pakushaika kwedzimba dzakakodzererna nemari dzatinotambira, haaenderani nezvaaiitika kare zvainge zvakarongwa zvichienderana nokuchengetedza unhu hwevanhu. Mazuvano unongoti ipapo pawakwana kuti uwane pokuvata wotovatapo. Kune vanhu vechidiki vakawanda chose vari kugara nehama dzavo mumadhorobha, hama dzisina chaipo pokuti vagare. Zvadaro magarire acho haaenderani nokuchengetedza unhu. 

Munhu ava munhu mukuru zvokukwanisa kubhadharira imba yokugara anofanira kukwanisa kuti kana oda hake kutandavara makumbo mumba yaabhadharira akwanise pasina zvinomudzivaidza fungwa. Asi tinoona kuti kune vakawanda vabva zera vanowana dzimba dzisina kodzero iyoyo.

Kune dzinodai:
1 Unohwa varidzi vemba kana kuti vamwewo vanobhadhara mari vacho vatana nokuda kwekuti imba haina kupera kuvakwa isati yava nezvimwe zvezvinoti 
·         Ceiling
·         Mikova isna magonhi
·         Dzimba dzomukati dzisati dzapatsanugwa zvakakwana.
·         Midhuri isina PLASTER kana pendhi.
·         Dzimba dzakanyanyobatana zvokuti unohwa zviri seri (maFLAT)
·         Dzimba dzakadurikidzana zvokuti unohwa zviri kubva pasi kana kumusoro (maFLAT)
·         Dzimba dzakavakwa nemarata (zvitangwena)

Pakadai unohwa zvese zvinoitika muimba yese. Kana varidzi vemba vachigarapo unovahwa, wohwa vamwe vese vanogarapo vakaroorana. Hapana zvaunokwanisa kuita zvinobatsira upenyu hwako.  Asi kana waziva kuti ndizvo zviri kuitika, unokwanisa kundotenda ma EAR PLUG wovata wakamapfekera muzheve kuti usahwa zviri kuitika. Chinongozonetsa ndechokuti kana mumba mukapinda mbavha kana kuti mhuka (savaya vanogara kuma PLOTS) hauzoihwi saka panenge pava ne SECURITY ISSUE.

2 Unohwa vamwe vachitukana kana kupopotedzana zvinofanira kuva zvakafukidzwa nematenga edzimba. Izvi hazvina kunaka kwauri kana kuti kwavari ivavo vanopokana. Nyaya dzemuchato dzinofanira kugara dziri nyaya dzomuchato dzakavanda. 

Tichiongorora nyaya yokuhwa vamwe vachirhojana tinoona kuti inokonzeresa zemo pavanhu vakawanda zvokuti kupiwa zemo zuva nezuva iwe usina wekuripedza naye zvinoshungurudza. Pasina izvozvo chinhu chinosvodesa mese vaiti nomutereri. Zvadaro unozoshaya rukudzo kuvanhu ava,  Kuhwa mukadzi wako achichemerera chinhu chinofadza varume vedu chose asi kuhwa mukadzi weumwe munhu achichemerera kunofanisa kushungurudza vatereri vese uye kubvisa chimiro chevaiti.

Asizve muviri wemunhu haukwanisi kumirira kuti pokugara patange pagadzigwa zvakanaka kuti muzorhojana saka vaya varhojani zvinenge zvichitovanetsawo kuti voita sei kuti vasahwikwa. Unoona kuti pamwe vanomirira kusvika vofuna kuti munhu wese avata vozotanga kuchemererana vokumutsa vosaziva kuti wavahwa.

Pamwe kana murume achiziva basa unotohwa kurhojana kwavo kwenguva refu chose wozohwa murume okuma kuma woziva kuti  vava kuzovata iwewo wozowana hope. Haisi nyaya ine utano kumutereri nokuti unokwanisa kutsamwiswa nekumiswa kwawaitiswa chombo kana kunyoroveswa chitubu panyaya isiri yako.

Tinoonazve vamwe vezera diki vanogara pahama mumadhorobha vanovatiswa pasi pemubhedha une vakaroorana. Nyaya iyi inonetsa chose nokuti chero vakaita sei kuti usazvihwa unongozvihwa chete. Iwe ndiwe unotozonyebera kuti uvete kuti vasasvodeswa nenyaya yeamusha wavo.

Zvimwe zvokuita pakadai ndezvokuti kana ukaona varipo vese, vaudze kuti uchambonoona shamwari uye unodzoka nguvai kuti vawane mukana wekurhojana usipo. Kana uchikwanisa kuvata kumba kweshamwari mamwe mazuva, vatako.

Koitazve nyaya yokuvhenganisa vakomana nevasikana muimba imwe chete kuti  vese vawane pokuvata. Munoti mavhenganiswa kudaro mese mohwa vakuru vaya vachirhojana. Mese moitiswa zemo asi mese musina zvokuita naro. Kana vasikana nevakomana vari muimba imwe chete vasina ukama chaihwo, panokwanisa kunetsa. Sokuti  vamwe ihama dzomukadzi vamwe ihama dzomurume, pasina zvinorambidza kuti vadanane,  panoita nyaya inonetsa asi isiri mhosva yevanhu vechidiki ava.

Koitazve nyaya yokuti munogara muimba imwe chete asi unongozohwa zviitwa zverhoji kana ukabuda uchienda kunogeza kana kuti kuchimbizi iri ngari ye CORRIDOR.  Pakadai ita zvokukasira kuita zvekugeza nokuenda kuchimbuzi nguva ichipo kuti vazive kuti vamwe vavata kana kuti vazvivharira mudzimba dzavo nguva yokuti.

Koitazve musi unoti munhu anochigara asina wekuvata naye ouya kumba nemukomana/musikana wohwa zviitiko panosigara pakanyarara. Pakadai unokwanisa kusatovata zvachose nokuti vanovata usiku hwese vachingoti napo napo vochemedzana, iri ngari yokusagara vese.

Kare taimbogara kumaFLAT tichangoroorana. Kwaiti pamwe takagara tichiita nyaya wotanga kuhwa kutsvitsvinya komubhedha weveFLAT repamusoro, koita maminitsi kana maviri wohwa mukadzi otanga kuchemerera. Chero ukazama kusazviterera, kana zvatanga ukaziva zviri kuitika, fungwa inotanga kufunga vanhu vaviri vasina hembhe uye kuti mukadzi akavhura murume ari mukati ari kukoira. Kuchemerera kunakigwa nazvo. Hapana chaunokwanisa kuita kuti usazvihwa.  Kana fungwa yatotanga kufunga zverhoji  kuzasi kotonyorova. Kana uri wega pakadaro ungaita sei? Unotanga uchanotsvaka DRINK kukicheni asi fungwa yerhoji hapana kwainoenda kusvika waigadzirisa.

Saka tingadii pakugara kwakadai?
Chokutanga ita taudzano nevanhu vawakagarisana navo kuti vahwisisa tsika dzako. Zvadaro garovaudza kwauri kuenda, uye vape nhambha dzako dzefoni kuti vakwanise kufonerana newe. Kana uri kuzhe, vaudze kwauri vazive kuti pamba panani uye kusvika nguvai. Zvikafamba zvakanaka unozopinda vapedza kuvatana. Vanhu vakachenjera vanoronga kuvatana nguva dzamafuramhepo kusina vanhu.

Kana uchibuda ita zvokubvunza kuti “Pane chamuri kuda here kumagirosa nokuti ndiri kupfuura neko ndichinoona shamwari yangu anogara nechoko?” izvi zvinoreva kuti uchaita kanguva uriko, saka vane nguva yokuita zvavanoda.

Kana ukanovakasha, tumira TEXT uriko kuti “Sori ndiri kunonoka saka kana ndopinda musavhunduka, uye musashaya hope.”  Zvinovapa nguva yokuita zviitwa zvavo usati wadzoka.

Kana une mota inohwikwa kana kuti gedhe repamba richiita ruzha, hwikwa uchipinda, zvadaro imboti mirei kuti kana vange vachitoita vanyarare paunopinda. Usatya kuhwikwa uchipinda muimba yako yokuvata nokuti kana wapinda vamwe vese vanobva vafunga kuti pane zvavanokwanisa kuita usingazvihwi.

Unokwanisazve kuita tsika yokuoneka kana wonovata. Udza vamwe kuti kwasvina toonana mangwana. Chizvivharira mumba mako uzame kuvata. Asi inyaya inonetsa vanhu vakawandisa nokuti pamwe chokuita chaicho hapana chinoshanda. Nokuwanda kwevanhu mumadhorobha, nyaya dzakadai dziri kutowedzera saka ngatiwane maitire atingaita kuti tikwanise kugarisana tichiziva kuti 

Hazvina kukodzera kuti tihwikwe nevamwe tichirhojana
Hazvikwanisiki kuti tigarisane muma tisingarhojani

Saka kugarisana kunonetsa. 

Pamusha une zvakadai kana uchikwanisa kuwana ma EAR PLUG gara unawo mumba uchimashandisa kuti usakanganiswa hope. 

Tiudzeiwo vanazvo kuti munozviita sei.


Udzai Vamwe!!!!!!!!!!!

Kuchemerera
kukoirana

No comments: