Sunday 18 September 2016

Mibvunzo nemhinduro 7

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 6 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi.
Ndatenda


1 Zvinoita here kuti murume agare kubasa kwake ini ndiri kumusha namai vake. Anoshanda asi mari ishoma. Hatikwanisi kuwana imba yakakodzera.

Takaroorana muna May 2016
Kufunga kwangu kunoti kana muchangoroorana zviri nani mutambure muri pamwe chete muchisheya kutambura kwenyu pane kuti uyu kwake uyu kwake. Kumusha unokwanisa kupota uchimboenda hako kana mari yebhazi iripo asi kuti ugareko handizvo.

Pane zvakawanda zvaunodzidza pakugara mese. Kana iye ane pokugara pakaita se ROOM yeRENT, enda unogarawo ipapo. Hakuna muridzi wemba anodzinga munhu achiti nokuti aroora. Anokwanisa kuwedzera mari zvishoma kuitira mvura nemagetsi asi zviri nani pane kuti mugare makatarangana. Kana zvisingaiti hazviiti.

Miyedzo yakawandisa kuvanhu saka zviri nani munge muri mese. Ndiwo mafungire angu. Vamwe vanofunga zvakasiyana. 
2 Murume wangu akaudzwa 
kuti haazvari
Ndoitawo sei? 
Pakadai chokuita ndechokuti ivavo vakamuudza kuti haazvari ndivo vanokwaisa kumuudza kuti zvoitwa sei kana muchida mwana. Kusazvara kwemurume kunokwanisa kunge kuchingori kwekanguva kapfupi zvichibva nokuti vakaona chii kuti vazoti haazvari. Kana vakaita zvokuverenga mhodzi dzeurume vakaona dziri shoma, zvinokwanisika kuti murume aite mhodzi dzakashomakara imwe nguva ozoitazve dzakawedzera imwe nguva zvokuti anokwansa kuitisa mukadzi wake mimba.

Hwisisazve kuti kuwanda kana kushomakara kwemhodzi hakunei nokuwanisa kuvatana kwenyu. Chombo chinongomira zvakafanana uye urume hunongobuda zvakafanana, zvisinei kuti mhodzi muurume dzirimo here kana kwete.

Zvimwe zvinokonzeresa murume kusazvara zvine zvokuita nokugadzigwa kweurume, kuwanda kwemhodzi dzeurume kana kufambiswa kweurume kubva kumabhora anogadzira kusvika hwabuda kuzhe huchinopinda muchitubu chemukadzi. Zvinhu zvitatu izvi zvinokwanisa kukanganisika. Asi varapi vanotarisa vachikuudza.

3 Tinosangana pa weekend chete nokuti murume wangu anoshanda kure. Kutaura chokwadi handisi kuguta. Kubasa kwedu kune murume ane mukadzi wake anogarawo kumusha. Ari kuda kuti ndikabvuma tipote tichisangana kana murume wangu asipo. Zvinoita here kana kuti ndogara ndisingaguti?

Kuita zvinoita nokuti iwe uri kufunga kuti murume uyu anokwanisa kukugutsa uye murume wako haagutsi. Asi chokwadi ndechokuti kusaguta kwako nomurume wako inyaya yemafungire ako kana unaye.

Kuguta kwemunhu pakuvatana kunobva pazvinhu zvakawanda asi zvizhinji zvazvo zvinobva pana iye nyakusaguta wacho kwete pane umwe  munhu. Kana murume achikwanisa kukumisira chombo uye achikwanisa kukunonokera, zvimwe zvese chiita iwe muridzi.

Chihure hachina zvachinokupa nokuti uchangotora maitire ako iwayo ugoenda nawo kuchikomba. Paunozoona kuti hausi kuguta unenge watove nedambudziko idzva rokuti wave hure. Unokwanazve kunge wave nechigwere.

Bodo, gadzirisa nyaya yemumb amenyu pane kubuda mumba. Hazvishandi. 
4 Kukura kwebhinzi kune basa here. Bhinzi yangu yakakurisa. Ndotya kuonekwa nomukomana saka handina kumboita mukomana. Ndine makore 22. Chii chandingaita. Kukura kwebhinzi chinhu chinototsvakwa nevanhukadzi vakawanda chose. Vakatokuhwa uchikomburena kuti yako yakakurisa vanotoshamisika kuti uri munhu akaita sei asingadi zvinhu zvakanaka..

Bhinzi kana yamira une zemo inokwanisa kuva pakati pe hafu ye CENTIMETER kusvika pa 5CM. Hapana chakaipa ipapo.

Ikazopfuurawo pa 5 cm hazvirevi kuti yakurisa, zvinongoreva kuti uri munhu ane bhinzi refu chete. Hapana chokunetseka fungwa nacho. Varume vakwanda vanonetseka kuwana bhinzi nokuti inogara pakavanda. Hino yako ichaita nyore kuiwana sanda chinhu chinofanira kukufadza. 
5
Ndirimusikana ane 21 years , kubva ndine 12 years , ndakadzidziswa kudhonza matinji , but haana kana kumbokura , ndoita sei kuti akururmidze kukura , ndakazama kiuita nevaseline but still haasi kukura zvandinoda. 
Chokutanga ndechokukukurudzira kuti usazvinetsa moyo nenyaya yekuti matinji akakura sei. Kutaura chokwadi hapana chaanowedzera pakunakigwa kwako kana kwemurume. Nyaya iripo chete ndeyokuti tinokura tichifunga kuti kukura kwawo kunodiwa nevarume. Koitawo tumwe tuvarume tusina ruzivo panyaya dzokuvatana tunofunga kuti ane basa raanoita. Unohwazve varume vakadai vachiudzana nhema pamusoro pazvo kusvika pokuti unotoshaya kuti vakazvihwepi zvakadaro. 

Kudhonza chinhu chakaitigwa kuti musikana achikura ajairire kuzvibatabata kuzasi kuti akasire kuhwisisa kuti kuzasi kunonaka kubatwa. Kana azakura asavhunduka pakuatwabatwa nomurume wake, zvinova zvinoita nyaya mumba dzisawandisa.

Totarisawo kuvanhurume toona kuti vakawanda vanofunga kuti saizi yechombo ndiyo inonakira mukadzi.  Bodo. Handizvo. Tese vakadzi nevarume kunaka kwedu kunobva pa ATTITUDE dzedu panyaya yekuisana, uye parudo nomunhu watiri kuisana naye.

Hapana siyano yekunaka kwemukadzi ane matinji marefu neane mapfupi. Kunaka kuzhinji kuri mumashandisire aunoita chiuno chako pakukoirana nomurume wako. Iyewo achikunakira nokukunonokera kukubudisira urume. 

Zvadaro hwisisazve kuti vakawanda vanodhonza vanopedzisira mnatinji avo ava marefu kupfuura pakutanga, asi kune vamwe vanooona chiri chinhu chinonetsa kuita. Unofanira kutanga wapinda mumvura inodziya wozoisa mafuta mumaoko akaita se OLIVE OIL kana vaseline, womboadhonza kwekanguva sokuti ten minutes. wosiya, wozodhonza futi dzimwe ten munutes. zuva nezuva. Handina kumbohwa munhu asingawedzeri kukura kwematinji chidhonza saizvozvo. 
6 Chii chinonzi barika. Barika zvinoreva pachirungu kuti BIGAMY kana POLYGAMY. Murume umwe chete ane vakadzi vaviri kana vakawanda, tisingaverengi mahure ake akaita se SMALL HOUSE, asi vakadzi vake chaivo vekuroora.

Mukadzi umwe chete achiita varume vaviri kana vakawanda, kwete zvikoma asi vakadzi vekuroorana navo.

MuZimbabwe mune varume vane vakadzi vakawanda, uye vakadzi vane varume vaviri. Kashoma kuona mukadzi ane varume vanopfuura vaviri.

Kana uri munhukadzi, uchida barika, zviri nani kuita varume vaviri pane kuita umwe wevakadzi vaviri pamurume umwe chete, nokuti unoshoteswa zvinhu. 
7 Mushonga wekusimbisa
 hurume
 ndingamuwanepi? 
Mushonga wekusimbisa urume unawo nechekare haunetsi kuwana zvachose, uye haudhuri.

Verenga apa pandakambonyora nezvemushonga uyu,

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/08/kuremara-kweurume.html
8 Munhukadzi anofanira kuita sei kana apinzwa chombo nomurume wake. Kuti apinzwe chombo anenge atoziva zvokuita kare. Kupinzwa ikoko chinotori chinhu chakanaka kuita nomurume wako. Zvadaro chiatirirawo murume kuti awane zvokuita newe. Zvimwe zvese zvokuita uchazodzidza wajaira kupinzwa chombo nomurume zuva nezuva. Ukangodya sadza kaviri wobvisa bhurugwa wopinzwa chombo kamwe chete. Ukamwa tii kamwe chete, wobvisa bhurugwa wopinzwa chombo kamwe chete. Ndiwo mutemo wacho wemumba. 
9 Mai Chiwe, batsirai. Ndine chombo chidiki saka handizivi kuti chinonakira mukadzi here. Ko iye mukadzi anenge amboziva sei kuti chidiki. Anenge akamboona chaaniko? Kuti chomo chigohu chidiki chinenge chiri pasi pe 10cm kureba uye 11cm kukora chakapimiwa sekusunga bhandhe. Vashomanana varume vane zvidiki kusvika ipapo. Kana chakakura kupfuura ipapa usatombofunganya nesaizi yacho.

Asi kana chikazipfuurawo pa 16 cm kureba uye 15 kukora chinogwadzisa mukadzi, zvikuru kana asina kunyatsonyorova saka zvotoda kuona kuti anyorova chose uye monoita zuva nezuva kuti ajairire saizi iyoyo.  Vashoma kurudzi gwedu vane zvomo zvikuru kupfuura ikoko. Asi kunyika dzikumusoro vane zvikuru. Tarisa apa.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/saizi-yechombo.html
10 Mukadzi wangu haadi kuiswa. Nguva nenguva anoramba obva atotsamwa kuti sei ndichiramba ndichimukumbira. Pane chingaitwa here? Kuhura handidi. Vakadzi vakawanda vanoramba kuiswa ingari yokuti
1 Murume anokasirisa saka mukadzi oona sokuti kuiswa kutambisa nguva nokuti haanakigwa nazvo.
2 Mukadzi nomurume havachina COMMUNICATION saka mukadzi annona sokuti kuiswa kungoshandiswa pasina rudo.
3 Mukadzi nomurume havachazivi kutama vese saka mukadzi anoshaya zemo.
4 Mukadzi akawandigwa nemabasa emumba
5 Mukadzi akazvara mwana mumwedzi 18 yapfuura saka anokwanisa kunge ane POST NATAL DEPRESSION
6 Mukadzi anogwadziwa pakupinzwa chombo anofanira kundorapiwa
Mukadzi haachina RESPECT pamurume, pane chakaitika pakati pavo. sokuti chihure, kurobwa, kutukwa, kusadiwa, kupiwa siki

11 Hure munhu anoita nezvei? Hure munhu anovata nomunhu asiri wake. Chihure kujaira kuvata nevanhu vasiri vako. Kana ukavata nomusikana/mukomana, mukadzi/murume wausina kuroorana naye pamutemo wenyuka kana wechivanhu kana weCHURCH, zvoreva kuti uri kuhura. Hazvinei kuti washandisa kondhomu kana kuti hauna, chinongori chihure.

Kana muchibika mapoto zvinozikamwa nemhuri dzenyu hachisi chihure pakati penyu. 
12
Ndine dambudziko rekuita gumbo mumba gumbo pazhe. Ndiri murume uye takaroorana pava nemakore gumi. Ndaive ndisingadi kuita chihure asi ndakazoita mushure ndaita nguva zhinji dzekunyimwa namai.

Ndaiedzawo kukumbira asi ndaisungirwa mutambo. Ikezvino ndohwa kuti dai ndachiregera chihure asi zviri kunetsa kunyatsochisiya
"Apa tiri kuti kana umwe wako akakunyima mumba zviri nani kundohura. " Ndiyo hwisiso yandabata panyaya yako apa. Mafungire awa haatomboiti zvachose nokuti vaviri vanogara mumba vakatanga nyaya yokuti uyu obuda akananga kwake uyuwo wobuda akananga kwake zvorevei?

Kana wafunga kuhura, chitanga warambana nouyu wawakarorana naye uchitsvaka umwe.  Zvokuti ari kuramba kuvata newe izvo ndizvo hazvo asi hazvikodzerani nokuhura.

Chihure chinobva pakumhura umwe wako kusvika pakusamuona somunhu akakodzera kuva umwe wako. Saka tichiti kana zvasvika ipapo, chisiyanai mutsvake vatsva vokugara navo zvinozikamwa.

Kunyimana chigwere chinowira mhuri dzakawanda asi nyakunyimwa taura nyaya yako pachena kuti kunyimwa kuri kukushungurudza. Kana nyakunyima asingaihwisisi chimuudza kuti zviri nani muchiparadzana musati makuvadzana. Chihure chinouraya.

Pakuramba hure apo hapana chinonetsa kungotaura kuti ndava kudzokera kumba kwangu iwe chisara hako uone zvokuita. Kune varume vanofunga kuti kunakigwa nehure zvoreva kuti wakadyiswa. Idzi inhema hadzo. Dai zvirizvo dai kusina zvakadai mune dzimwe nyika. Chokwadi ndechokuti hure rinopa chiuno nomoyo wese nokuti murume ane mukadzi kumba anofanira kutoti adzoke futi kuhure. Mukadzi wemumba kana asingahwisisi nyaya dzekupa chiuno nomoyo wese idzi, anenge asingagoni basa. Ndiko kudyiswa kwacho.

Iwe murume kana wada mhuri yako chirama hure udzokere kumba, asi zvinoda kutauriranwa upiwe chiuno kumba. 
13 chii chinoitisa kuti Mukomana arambwe nevasikana, Musikana wese andinonyenga anondiramba. Chii? Kana uchida kunyenga musikana, usatanga nokuratidza kuti unonyanyomuda chaizvo. Zama kutanga kushamwaridzana naye kana shamwari yake. Pane zvakawanda zvinorambisa vakomana.

Kuonekwa sokuti hauna PLAN yeupenyu hwako
Kusaita hanya ne kugeza
Kuva munhu akajaira nhamo
Kusagona kutaura nevasikana zvine RESPECT
Kugaromwa doro nokuputa fodya zvinonhuwisa munhu
Kuonekwa seusina shamwari
Kuonekwa seusina njere
Kusasununguka pakutaura zviri pamoyo.

Apa unokwanisa kunge usina chacho chaunoramigwa asi iwe hwisisa kuti ndiwo maonere avari kukuita, saka unofanira kutobata kuti ndepapi wobva wachinja.

Shamwaridzana nevanhukadzi uterere mataurire avo. Dzidza pazviri ukwanise kutaura nevanhukadzi sevanhukadzi. 
14 Kuiswa ndichanobva kumwedzi kuiota here. Ndomirira mazuva mangani. Kana wangoziva kuti wapedza kumwedzi sanhasi, mangwana chitubu chinenge chatozvigeza chega zvokuti munokwanisa kuisana pasina chakaipa pazviri kana une utano hwakakwana. Wega unoona kuti waswera usina kusvibisa PAD zvoreva kuti wapedza.  Hapachina chokumirira. Chiudza murume wako kuti wapedza muisane. Hwisisa kuti ange akakumirira saka kekutanga anokwanisa kukukasirira.

Hwisisazve kuti kana uchangobva kumwedzi unenge une zemo rakawanda kwevhiki yokutanga. Panya nyaya iripo inokonzera izvozvo.  
15 Ndibatsireiwo. Takaroorana pave nemakore mana asi mwana hatina. Zvino mazuvano ndogarofunga nhumbu yandakabvisa ndine makore 19. Ndave kutya kuti pamwe ndichashaya mbereko zvachose. Ndoitawo sei? Nyaya yako iyi inotosuwisa chose. Zvinokwanisika kuti pakuvisa kwawakaita pane chakakanganisika asi zvinobva nemabvisire acho. Kana zvakaitwa kuchipatara kana nevarapi ivo vaifanira kuzotarisa wapedza vokuudza kuti zvafamba sei.

Ngatichitarisa nyaya yanhasi yokushaya mbereko. Zvinokwanisikakuti murume wako haana mhodzi dzakakwana muurume hwake.
 Dai mambonotariswa mese muzive pamumire kwete kufunganya nenyaya. Iko kufunganya kunotokukonzera kuti usabata mimba.

16 Kana murume akaneta musana ndoitawo sei?
Kuneta musana zvinoreva kuti murume haasi kugona basa rokuvatana. Anonetsa kukwezva. Anoona mukadzi wake somunhu akangomirira kubika nokuwacha nokurera vana nokutsvaira mumba, pasinawo umwe muripo ungahi haa nhasi mukadzi anakigwa nomurume wake.

Chokutanga tsvaka chikonzero chiri kuitisa murume ave NYOPE pakuvatana. Usamuvanda. Muudire pachena kuti zviri kufama sei asi chero zvodii usapopota.

Kana wawana nguva yokutaura naye tanga nokumurondedzera nyaya yokuti unomuda chose. Kana ahwisisa ipapo chirondedzera kuti zviri kukugozhera kugara nomunhu waunoda kudai mumba asi achigara ari kure newe. Rondedzera kuti kuhi mukadzi wemumba zvinoreva kuti chimwe chikuru chinangwa chemukadzi kuratidzwa rudo nomurume wake zvinova zvinosvika kumubhedha sokuti kana kamwe chete hako pazuva zvimwewo kaviri kana katatu unongoda. Asi wange wakamirira nguva yese iyi hausi kunatsoona kuti murume wako ari kufungei.

Kana ahwisisa muukumbire kuti pane chaanodawo kubvunza here kana kutsananura nokuti pamwe iyewo anenge achitoti iwe ndiwe unofanira kutanga nyaya iyi kuti zviitike. Saka rega ataurewo mafungire ake. Iwe terera wakanyarara kusvika apedza.

Chihwisisanai kuti dambudziko riri papi. Kana murume achitombomira chombo dzimwe nguva, zvinoreva kuti anokwanisa kugaromira uye kuvata newe. Asi kune varume vanodawo kuti iwe mukadzi upote uchiratidza kuda kuiswa chose uye kutanga nyaya pamunonovata. Hazvirevi kuti unotaura kuti NDODA KUISWA. Unokwanisa kuudza murume chiito chaunoita kana uchida kuiswa. Kana angoziva ega anoti akaona chiito ichi ofanomirira.

Koitazve varume vanodawo kuti iwe mukadzi upote uchimbomukwirawo. Iye anokumisira chombo iwe wochishandisa wega iye achiyevedzwa nokuona zvauri kuita.


17 Ndoita sei kana ndichida kuitisa mapatyaMapatya anobuda mumhuri dzine mapatya uye anoti akaita zera rino, odarikira rinouya obudazve pane rinotevera. Hazvinei nokuti chii chawaita. Zvinoitiswa ne GENETICS. 
18 Kubvisa mvura kuzasi kunoitwa sei? Kunyorova zasi chinhu chakanaka chose uye hachiitiki upenyu hwako hwese. Kana uchikwanisa kunyorova tenda pazviri uye isana nomurume wako waasununguka pakunyorova kwako. Usaudzwa zvakaipa navanhu vanoti bvisa kunyorova. Unozvikuvadza LINING yemukati mako.
Kana zvichikunetsa shandisa maisigwe anokonzera kuti ushinye chombo zvisinganetsi. Sokuti wovata nedumbu makumbo ari pamwe chete. Murume okupatsanisa magaro nemaoko ake kuti anatse kuona pokupinda, opinda akakutanyanga. achingopinda iwe wosimudzira chiuno kuti awedzere kunyudza. Unokwanisa kumushinya chomo chake chero wakanyorova sei.

19 Ndingadzidza sei kukoira pabonde.? Kukoirana hakudzidziswe munhu. Kana muchiisana muri vaviri tereranai zvamuri kutaura. Kuisana makanyarara handizvo. Kuisana umwe akati kwindi seafa umwe achikoira ega handizvo. Mutambo ndewenyu mese, Tambai nezviuno mese. 
20 Kana mukadzi atunda  uneonei? Pese pese mapedza kuisana itai tsika yokubvunzana kuti zvange zvichinaka sei uye mese mahwa sei pazviri. Chero mukazobvunzana mangwana. Zvinoita mujaire kutaura nyaya idzi muma menyu uye muudzane zvinonaka nezvisinganyanyi kunaka. Kana mukadzi atunda anokuudza kuti atunda. Hapana chingahi chinonekwa. Kuisana kunoitika nguva dzakasiyana zvokuti pamwe kwazviba chokuona hapana. Murume anoonekwa nokubuda urume. Chero muruma unongoziva kuti pano ndapiwa urume nokuti humwe hwacho hunochururuka huchibuda. Vakadzi mhomho hapana chinobuda. 
21 Ndonobuda CREAM pakuiswa nomurume. Ndizvowo here? Vakadzi vanobuda zvakasiyana siyana pakuita zemo. Imboverenga apa

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2014/04/furo-jena-rinobuda-muchitubu-pakurhojana.html
22 Mukadzi wemunhu anonaka kupfuura musikana here?

Ko murume wemunhu anonaka kupfuura jaya here? 
Munhu wese akaroorana noumwe munhu anonaka kupfuura munhu asina kuroorana noumwe munhu iri nyaya yekujaira kuisana noumwe munhu PRACTICE. chokutanga hwisisa kuti kana mukadzi wemunhu akakubvisira bhurugwa zvoreva kuti azvipira kuiswa newe uye azvipira kukuratidza kuti ane zvinhu zvake zvese zvakakwana.

Mushandisire aachaita chiuno nomuviri wake wese ndeekuratidza kuti munhu akakwana. EXPERIENCE yake yokuiswa inotobudirapo zvokuti iwe kana uri jaya unonakigwa nazvo.

Zvimwe chetezvo nomurume ajaira kugaroisa kuma kwake akazosangana nomusikana akamuisa musikana anohwa parere moyo nokuti murume uyu azvijaira uye musikana haana kuzvijaira.

Ndoosaka uchiona kuti varume vanopota vachidzokera kuSimoro Hausi. uyo akangomirira kuiswa chete. Mukadzi wekumba ane mabasa emumba akawanda saka pamwe anopota achishaya simba rechiuno. 
23 Kusv**wa kunorwadza here kana murume ane hombe? Kana uchimurega achizama kupinza usina kunyorova zvinokwanisa kugwadza. Zvinokwanisazve kukukuvadza mukati. Mutemo wazvo unoti imbotamai muchiatanabatana kusvika wanyorova mukati. Unokwanisa wega kuziva kuti kwanyorova uye pamwe unotoeredza yakaita iori inotsvedzerera kubata, Zvadaro chivhura makumbo, worerusa muviri (RELAX) murume opinza.

Pakupinza kwakwe panoita kumwe kunaka kusingatomboiti asi kunongoitika paanopinda chaipo, Kunaka uku kunokuitisa ude kukoirana nomurume kuti chombo chake chikwizirire madziro emukati mako. Kana murume wako asina kuchekwa ganda iro ganda racho rinokokota madziro chombo chichipinda nokubuda muchikoirana kudaro.

Kana usina kunatsonyorova unotohwa kukokotwa neganda zvinonaka. Chimusoro chechombo chinovhura mberi chichitatamura madziro.

Kana wakanyorova zvinotonaka. Hapana chinombogwadza kana. Wega unongohwa wotochemachema nokudzungaidzwa nechomo kunaka kwacho. Hakuna anokuti batirira murume asi wega unongowanika watobatirira.  Kana wava nemurume wekuroorana naye usatya kuiswa. kunonaka hose. Saizi yechomo hainei. Chinopinda chete zvakangofanana. Nyorova chete.

Mazuva okutanga zviri nani kuiswa wakavata manhede murume ari pakati pemakumbo kuitira kuti ahwe zvaunotaura. Zvikakugwadza womuudza ambomira. Uyezve unomuudza asaita zveganyanbu asi akoire zvakapfava kusvika iwe woda ganyabvu. Kune vakadzi vanoda zveganyabvu nguva dzakawanda.

Tangai manotesitwa mese uye taurai nezvemimba kuti moidzivirira sei. DEPO ndicho  chiororo. 
24 Kubuda musana kuita sei? Mima imwe neimwe ine unohi musana pachikaranga kana kuti PLACENTA pachirungu. Pakuzvara musana uyu unobudawo pavanhu zvese nemhuka. Ndezvimwe zvinoitika pakuzvara.

Zvadaro mhuka dzakawanda dzinodya musana wadzo. Hino zvakazoonekwa kuti musana uyu une zvakawanda zviri mauri zvakakodzera muviri saka kwave nevamwe vazvari vanotorana nomusana kudzihosipitari kwavazvarira voenda kumba vobika vodya.

Ini hangu bodo. 
25 Chii chinonzi chikwambo, uye chinobatsirei? Chikwambo hachisi chinhu chaungakwanisa kuona, kubata kana kushadisa. Chikwambo ifungwa yomunhu asina hwisiso youpenyu. Kana watadza kugadzirisa upenyu hwako, unoenda kun'anga wonotenga chikwambo. N'anga inokubhadharisa mari yakawanda yokuudza zvakawanda zvichaitika. Zvadaro inokupa bhokisi risina chinhu mukati yokuudza kuti mune chikwambo chichakubatsira kuita chokuti nechokuti nechokuti asi dziri nhema.

Iwe wodzokera kumba kwako nebhokisi riya wozvifadza kuti wave nomubatsiri ipo pasina. Kuva nechikwamo zvinobatsira kupa vamwe vanhu CONFIDENCE yokuita chimwe chinhu chaanoda. Kune zvakawanda zvinoitwa nen'anga zvakadai. 
26 Mwana anotanga kutambatamba mudumbu ava nemwedzi mingani. Kuti mana atange kutamba mudumbu ramai anofanira kuva neuruzvi nemabhonzo emusana. Saka zvinowanzotanga mwana ava kusvika mwedzi mina kubva pawakatana mimba yake. Kana ari mwana wekutanga unokwanisa kunonoka kuzvihwa kuti mwana ari kutamba asi kana iri yechipiri unokasira. Asizve kana ukatarisa mwana pa ultrasound unokwanisa kuona kuti anotamba achiri mudiki chose, kungoti mai vake havazvihwi
27 Musikana anofanira kubva humhandara ava nemakore mangani? Chokutanga ndechokuhwisisa kuti munyika dzakawanda mukomana akavata newe une makore ari pasi pe 16 anosingwa. Chechipiri kuhwisisa kuti muromo wechibereko ukatanga kudirigwa urume iwe une makore ari pasi pe 18 zvinowedzera nyaya yokuti kana wazoti kurei uite chigwere chiya chinotyisa chinohi CANCER. Inyaya yokuti muviri wako hausati wakora nyama dzawo kuti uhi uri munhu mukuru.

Kana zvaitika kuti unotanga kuvata nomurume uchiri pasi pemakore 18 shandisai Condomu kuti usasvitswa urume mukati mako.  Kana zvichigoneka mirira kusvikwa makore ako aphuura 18. Uyezve bviswa humhandara nomunhu aunoziva kuti anoda kukuroora. Zviri nani kusawanza varume vekuvata navo.

Zera rakanaka tingati wapfuura makore 20 uye wava nomukomana anoda kukuroora. 
28 Chii chinokonzera kuti mukadzi ane nhumbu asakurumidza kutunda? Mhomho yese yevakadzi kana ane mimba ndipo paanotokurumudza iri ngari yokuti haachatyi kubata mimba saka anenge akarerusa muviri pakuvatana nomurume, Munyika dzese dzinotaura nezvokuisana mukadzi ane mimba ndizvo zvavanotaura. Asi zvinoitika kuti mukadzi haana SECURITY pamurume waanaye. Ndichochikonzero chikuru chingamutadzisa kusvika pa ORGASM kana aichimbosvika asati abata mimba.
29 Chibereko chinobudisa tsvina inonhuwaKana pamberi pakangotanga chete kubudisa hwema hwakaipa, zvoreva kuti une INFECTION saka usatombopedza nguva wakamirira. Kasira kundoonekwa nevarapi upiwe mushonga wekakodzerana neINFECTION yaunayo. 
30 Cancer yemuchiberekoCancer iyi inokonzegwa nezvakawanda asi chimwe chikonzero chikuru kutanga kuvata nevarume une makore ari pasi pe 18 uye usingashandisi CONDOM, kana kuvata nevarume vanopfuura 6 kana kuvata nomurume kana varume vakambovata kana kuti vari kuvata nevakadzi vakawanda pasina CONDOM. Kana kuti kuita zvechihure pasina CONDOM.

Kurapiwa kwacho kazhinji kubviswa chibereko. 
31 Kuda murume uchiri mudiki kwakaipei.Rega zvikomana zvitange zvakura. Kana mukomana ari pasi pemakore 18 imbomusiya akure. 
32 Kutundira urume muchibereko kunoitwa sei? Hazvikwanisiki kuti murume asiye urume muchibereko nokuti chibereko hachina pokupinda napo pangahi panokwana chombo. Kamuromo kechibereko kadikidiki kasinatombokwani kana penzura chaiyo uye kanogara kakavhagwa. 
33 Ndingaziva sei kuti mimba ndeyangu? Kana wakavata nomukadzi ukamusiira urume pasina CONDOM, zvoreva kuti mimba inokwanisa kuva yako asi, kana aizombovata nevamwe varume zvinokwanisika kuti haisi yako. Saka mwana achingozvagwa moenda mese kundotesitiwa DNA TEST kana Blood TEST zvoonekwa kuti mwana ndowako here.

Asi uri fuza yomurume kana uchibvuma kuvata nomukadzi wausingadi, wausinavimbi usina CONDOM. Ndihwo ubenzi chaihwo. 
34 Ndinoita sei kana mukomana wangu akatanga kundikoira?Kuvata nomunhu waunoti mukomana wako kureva kuti mese njere ishoma. Kana makura zvokuroorana endai muroorane mugonatsovatana zvechikuru zvisingadi mubvunzo wakadai. Wepwere. Kana murume achikupinza chomo achikukoira iwe chikoirawo munakigwe mese. 
35
Ndinozvimba makumbo nekupera simba asi ndakaita mwedzi one chete ndisina kuenda kumwedzi saka ndine mimba here?
Kana uchiita zvawataura izvi, chikasira kumhanya kuvarapi nokuti zvikonzero zvese zvinhu zvakaipa. Unokwanisa kunge une inohi Ectopic Pregnancy, inova yakaipa. 
36 Mukadzi anotunda kwapera nguva yakadii pamkusvi**a
Vakawanda vanoda maminutes anopfuura manomwe murume achikoirana naye. 
37
Chii chinokonzera kuda bonde zvakanyanya
Hakuna chinhu chinohi kuda bonde zvakanyaya. Umwe noumwe munhu anoda madire ake. Hapana chakaipa pazviri. Muviri wako ndiwo unokuudza kuti nguva yebonde yakwana chiita nomurume wako. Kuda bonde chinhu chakatonakawo chose 
38
Ndakadanana nemusikana ndakamumitisa .Ndakaroora asi pandakaroora pasina baba vemukadzi tete vange vari shamwari yamai vacho .Baba vake vakasiyana namai vake vari vadiki. So vekumhuri kwangu vakati vanoda kuona baba ivo vairamba vachiti anoda kunoona baba ngaende ega kuHarare so zvakatora nguva until last year .Vakatanga kuti huya utore mhuri yako ndakaramba vakamboedza kumuuisa natete vaye vekunyepa asi ndakaramba .Now ndakaona kuti hapana imba apa  ndakamupa gupuro akaramba. Zvinoita here? .Uku ndoda kuroora umwe munaDecember ndakatopiwa date.Ndodii panyaya yakadai?
Nyaya yokuti munhu ana baba here inyaya yamai vake kwete yake. Haisi nyaya yokuti ungafunga kuramba munhu nayo uchiti nokuti hauna kuona baba vake.  Varume pamwe kufunga munotadza zvachose.

Kunga kwangu somunhukadzi kunoti kana mukadzi ari munhu akakodzera kuvata naye pasina kondhomu zvinoreva kuti munhu akakodzera kugadzira mwana naye.

Mukadzi uyu ataridza rudo kureva kuti munhu akakodzera kugara naye. Saka iyi mhosva yokuti haana kundotsvaka baba vake akauya navo kumhuri yemurume haisi mhosva ine musoro. Imhosva yokutsva marambire okuita munhu asina mhosva. 
39 Kubviswa humhandara kunorwadza here? Kubviswa humhanda kungwadza zvishomashoma uye kwenguva shoma zvichibva nokuti wabviswa zvaita sei.
verenga apa. Kana wapedza wobvunza.
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/04/blog-post.html. 
40 Chii chinonzi choya?Choya ivhudzi rinomera pamberi nomuhapwa. Rinozomera wava munhu ati kurei, sokuti wava nemakore anopfuura 13.

Kana uri munhukadzi zviri nani kugarochekerera kana kugera choya asi ukachekerera kusvika paganda unovaviwa zvokuti unogarokwenya pamberi, zvinova zvinokwanisa kukusvodesa.

41 Kumwa mukaka pazamu romukadzi wangu zvakaipei? Zvine HEALTH ISSUE here. Mukadzi wanu ane chiBaby. Ndakamwa mukaka pazamu rake tichis**ana ne ACCIDENT. Ndakangoerekana zvaitika. Ko mwana wenyu anomwa mukaka pasina chakaipa chinoitika waniko. Ko mukaka ungazoita chii chakaipa pana baba vemwana kuwana pasina zvakaipa zvinoitika. Mukaka mukaka chete. Hapana chakaipa pauri kana mai vane utano hwakakwana.

Hatisi kuti kama mukaka wemukadzi ubikise tii kana kuisa muporiji asi kuumwa muchirhojana kana mukadzi wako asinei nazvo hazvina kuipa. Mazamu ndeababa nevana zvese. Ndiko kuhi mai vemba.

Hapana Health Hazard asi kungoti maBACTERIA emuromo wababa akati siyanei neemwana saka zvikaitika mai vogeza mazamu vasati vamwisa mwana. 
42 Ndinoshanda kure. Ndingaziva sei kuti mukadzi wangu haahuri kana ndisipo? Kuhura hakunei kuti uripo kana kuti haupo. Vakadzi vakawanda vanohura vanozviita vachiuda mumba maavata usiku hwese nomurume wake.

Kuti ungaziva sei zvakangofanana nokubvunza kuti iye anoziva sei kuti hausi kumuhurira? Chihure chinoitwa pachivande saka mese hamuzivi. Usagara nomunhu wausingavimbi. 
44 Chii chinonzi kusunga chombo  chemurume kuti chisamire kune umwe mukadziInyambo dzevanhu vari kumwa havo doro pasina dzimwe nyaya dzokutaura. Hazviiti kutadzisa murume kumisa chombo. Hazvina basa kuti waenda kun'anga ipi zvayo. Inhema dzinotaugwa navanhu kuti nyaya dzinakidze. Asi pane zvakawanda zvinokonzera chombo kusamira asi zvese zvinobva pazviiti zvemurume wacho asingamiri chombo. 
45 Mai Chibwe munogona chose kuraira nekudzidzisa panyaya dzemagarisano evanhu. Dambudziko randinaro nemi irimwe chete. rekusabvuma kuti kune mishonga. Apa ndinoti kwete. Munoti rasike. Mishonga uye mweya iriko. Munhu anogona kusungwa akatadza kuti imire. Ndakaita sahwira akambodero zvikazoita zvakanaka asunungurwaNdatenda. Kana uchifunga kuti zvinokwanisika kuitika, ngatichidai. Wondipa Panozopera mwedzi inosvika mitanhatu uwe unenge wava Millionaire as wozvisarudzira bank raunoda kuisa mari yako, London, New York, Zimbabwe, Malaysia, Chero kwawada. Ini ndoziva kuti hakuna mushonga unokonesa chombo kumira uri mushonga usina kumwiwa nomurume.  
46 Ndine guvhu hombe chose. Rinondinyadzisa kubvisira murume zvipfekwa. Ndingaitawo sei.? Handifungi kuti kune murume angaitawo hanya nokukura kweguvhu. Zvimwe zvinhu tinongoerekana tatambura fungwa nazvo asi pasina chiripo chingatohi chinhu chinofanira kunetsa fungwa. Chokwadi sokuona kwangu ndechokuti murume ukamukumurira zvipfekwa fungwa yake inenge iri zvinhu zvisiri guvhu.

Chimwezve ndechokuti murume akatowana chokutamba nacho pamuviri wako unoona tochiteverera ichocho. Zvese zvakabudirira se mazamu, magaro, matinji, bhinzi zvinotodiwa nevarume. Usaita hanya nazvo. Muudze kuti akangopurudzira ipapo unoita zemo. Unoona ava kutoshamwaridzana neguvhu rako. 
47Buri remusikana raka kura sei? Ndodawo kuziva.Buri remusikana rinosiyana saizi yaro zvichibva nokuti chii chiri kuitika.

Kana risina kunyorova zvinogwadza kupinza chigumwe

Kana ranyorova chombo chinopinda zvisinganetsi

Kana ava kuzvara mwana, musoro wemwana unokwanapo. 
48 Chibereko chinonzii nemuchirungu? Chibereko nechirungu chinohi WOMB kana kuti Uterus. Mumba munokurira mwana kusvika azvagwa. 
49 Chii chiniitisa murume akurumidze kutunda Pabonde? Chikuru chinoitisa murume akasire kubudisira mukadzi urume ingari yokuti mukukura kwake aiwanza kurhoja maoko ake achizviita nokukasira kuri kutya kuwanikidzwa achita. Kana azoroora kuti achinonoka zvonetsa.

Kotizve murume asina hanya nokunakigwa kwemukadzi wake kana kuti asingazivi kuti mukadzi anoda kunonokegwa.

Kotizve murume apedza mazuva asina kubudisa urume anokasirira mukadzi pavanosangana pokutanga, ozoti ajairira. 
50 Kupinzwa chigumwe nomukomana muchitamba kunokwanisa kubvisa humhandara here? Chinohi kubviswa humhandara kubvaruka kwechivharo chechitubu zvichibva pakuti wapinzwa chombo. Kubvaruka wapinzwa chimwe chinhu kubvaruka hako asi unenge uchiri mhandara. Mhandara munhu asina kumbopinzwa chombo muchitubu make.

Saka kupindura mubvunzo wako toti unokwanisa kubvaruka chivharo asi kubvaruka kwacho kushoma zvokuti pakuzopinzwa chombo unokwanisazve kubuda ropa. 

2 comments:

Anonymous said...

Mushonga wacho unoshandisirwa pahurume. Mukadzi anoti apedza kuvatana nemurume otora zvabuda oshandisa izvozvo kuti baba vashaye samba. Izvi zvaida dai paine a person prepared to go through it............ndingadai ndakuita miriyoneya overnight.

Mai E Chibwe said...

Q45. Dudzirano:
Hakuna zvakadaro zvinokwanisika kuitika kuti mukadzi ovenganisa mushonga nourume murume otadza kumira chombo.Hazvifi zvakakwanisika izvozvo. Hakuna mushonga unoshanda saizvozvo. Vanhu kana vadhakwa vanowanza nyaya kuti vamwe vaseke. Hazvirevi kuti zvinokwanisika kuitika.