Thursday 1 September 2016

Zvimwe zvezvinokonzera ganda kuunyana (Wringles)

Munhukadzi wega wega anofarira ganda rake kuti risaunyanauye rigare rakatsetseka seremwana mudiki , zvikuru rusvava. Asi kana wangokura chete unoona kuti ganda rinotanga kuunyana. Vanhu vatema vari nani kupfuura varungu pakuunyana kweganda, zvokuti ukaona vanhu vemarudzi akasiyana vezera rimwe chete, toti makore 50 vari pamwe chete unokwanisa kufunga kuti munhu mutema mudiki pane vamwe asi zvichingobva paganda rake kuva rakatsetseka kupfuura vamwe. Vechi CHAINA vane ganda rakatsetsekawo.

Kuva neganda rakatsetseka kunobatsira kuti murume wako aone sokuti uchiri munhu mutsva zvinova zvinoita kuti ade kuvata newe sezvinoita vanhu vatsva. Dambudziko nderokuti kune vamwe vanhukadzi mudzimba vanoona sokuti kusvika pane rimwe zera zvinoreva kuti havachafaniri kuiswa nevarume vavo. Kana uri umwe wevanhu vane mafungire awa hapana chakaipa asi kungoti hwisisa kuti murume wechitema zvokurega kukuisa haaregi. Kana uchinetsa kuisa uchahurigwa.

Totizve kuda kwemurume kukuisa kunoreva kuti kazhinji anopedzisira akuisa zvoreva kuti unoitawo zvinoitwa nevechidiki.

Kutsetseka gana kunokubatsirazve kuhwa uri munhu akasima utano. Ukazvitarisa mu MIRROR unozviona uri munhu achiri kuhwa zvokuti unoitawo zviitwa zvevanhu vechidiki.

Tinoonazve kuti munhukadzi ane ganda rakatsetseka kupfuura remurume uye kuti varume vakawanda vanofarira vakadzi vane ganda rakatsetseka.  Kune varume vane zvinhu zvechikadzi pavari zvakaita sekutsetseka ganda kana kushaya ndebvu, kana kuita magaro makuro erhaundhi asi vashoma. Zvinhu zvakawanda kuvakadzi.  

Kana ganda ratanga kuunyana unokwanisa kuona kuti muviri wese unounyana.  Zvinokwanisa kukushungurudza kana kukupedzera mari uchitsvaka ma KIRIMU okuti zvibve. Izvo bodo ndiwe uri kukonzera kuti ganda rako riunyane.

Zvikonzero zvokuunyana ganda:
Kune zvikonzero zvakawanda asi zvinonyanyozikamwa ndeizvi  zvinoti
1.       Kuputa fodya
2.       Kupiswa nezuva
3.       Kusagaromwa mvura yakakwana (8 glasses per day minimum)
4.       Kusadya BLANCED DIET
5.       Kusavata zvakakwana zuva rimwe nerimwe.  (8 hours)
6.       Kudya zvinohi JUNK FOOD
7.       Kumwa doro
8.       Kushandisa ma DRUGS aya asingabvumigwi.
9.       Kugarofunganya zvokukushaisa hope.


Pane zvimwezve zvakawanda zvinoitisa asi izvi ndizvo zvikuru zvatinoita isu. Kuita chikonzero chatisingakwanisi kudzivisa chinova chezera. Kana wazongochemberawo hako, ganda rinounyana rega,

Chokuita: 
Tichadazve kutarisa kuti pane zvatingaitawo here kuderedza kuunyana kweganda.
Unokwanisa kuwedzera zvokudya zvinoti
·      Muchero unohi Blueberries, neMuchero unohi Cranberries, neMuchero unohi Prunes asi ukauwanzisa PRUNES unoita manyoka
·      Muriwo we Spinach nowe Kale uye kudya kale mbishi, uye kungowanzawo muriwo wese wese chinhu chakanaka chose.
·      Mhodzi dzinohi WALNUT
·      Beans  dzemarudzi akasiyana (red, kidney, pinto)
·      Kunozve kuti DIET yako ine BALANCE. Takambotaura nezve BALANCE iyi.

Kuchinja zvinhu zvawajaira kudya chinhu chinonetsa chose asi chokuita ndechokuti usachinja zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Zvimwe zvinhu ndezvokungoita muzvokudya zvaunogarobika iwe. Kungowedzera chimwe chinhu. Michero imwe inodhura uye haiwanikwi dzimwe nguva dzegore sapa pamaiwanira momboitawo nguva muchidya. 

Kana wadawo kuti murume wako nevana vadzidze kudya zvakawanda wana zano rokuvadzidzisa zvishoma nezvishoma. Murume haanetsi nokuti ukada kuti adye chimwe chinhu, muudze kuti musi waakachidya chombo chakanatsomira zvinonaka. Uchaona ega owedzera kudya zvokudya izvozvo. Hakuna murume asingadi kuhwa kuti ichi kana icho chinomisa chombo. 

Tabva pazvokudya apa toenda pakunovata. Jaira kuvata nguva yakakwanirana nokuvata inotita maawa masere. Kana pane zvinonetsa deredza usvike pa manomwe. Kazvinji tinoona kuti vanhu vanononoka kunovata vachiona TV isina zvainovabatsira. Zviri nani kuRHEKODHA PROGIRAMU yaunoda kuona wozokasira kuiona mangwana kusina kunyanyosviba.

Dambudziko rokusavata iri rakawanda kuvanhu vanogara mutaundhi vanozvitsvakira zviitwa manheru pane kunovata.

Toonazve kuti kune vamwe vanomutsva nevarume vavo usiku kuti vaisane pakati peusiku. Hatisi kuti kumutsigwa kuiswa chinhu chakaipa asi kungoti iwe mukadzi batwa nehope une fungwa yokuti uchaiswa usiku. Ukadaro unokwakusa kuiswa uri kuhope wozozviziva ava mamgwana. Vakawanda vedu tinoiswa nevarume vedu kuhope. Pamwe iyewo murume anenge ari kuhope. Kana majairana munongopinzana, pamwe haatomokoiri anongorota achikoira otokupa urume chombo chovata. Pamwe unokwanisa kubvumirana nomurume kuisana pakumuka nepakunovata poshaya anomutsa umwe usiku.

Tsvikazve pakumwa mvura. Vanhu imwai mvura kuti utano hwenyu huwedzere. Munhu anomwa mvura anoita ganda rakanaka kupfuura asinamwi mvura. Anoitazve zvigwere zvishoma. 

Pangangoita dambudziko mazuva okutanga rokuti unokwanisa kumuka usiki kuenda kutoireti asi unozoona kuti kupera kwevhiki unene wava kukwanisa kuvata usiku hwese.

Zvefodya nedoro izvo zvinozvitaurira zvega. Fodya kumunhukadzi haitomboitiwo hayo kuvanhu verudzi gwedu. Doro kune vanomwa havo asi kumunhukadzi dai raita shoma zvokungomwawo kuti vamwe vari kumwa, kwete kutadza kudhiraivha naro.


ma KIRIMU nezvimwe zvokuzora:
Kotizve makirimu anozogwa paganda. Kune akawanda. Mamwe acho tichamatarisa pano togoona kuti anohi anobatsirei paganda romunhu. tichadzoka pano.


Tichazotaurazve nenyaya yourume nokuti kune vanoti hunoshanda chose pakudzivirira kuunyana kweganda. Kune ANTI_OXYDENT inohi SPERMINE yava kugadzigwa muma LABORATORY ichitengeswa ichidhura chose, inohi inoshanda zvakasimba kutsetsa ganda. Yakatanga kuonekwa kare muurume hwevarume vedu kusati kwazikamwa kuti ingagadzigwa sei. 

Iwe zvokunotenga chinhu chaunacho mumba hazvina musoro. Unokwanisa kungoti mamwa mazuva murume oti chombo chake chirasire urume padumbu pako wozora urume kumeso kutsetsa ganda. Asi hwisisa kuti panooma urume, hunoita sokuti une ganda dzva riri pamusoro perako. Zvinomboita sokushinya kuzvika wajaira kuzviita. Murume haanetsi nokuti unotomujaidza kuti kana uri kumwedzi akurhoje mazamu okupa urume muhuro kana pachifuva zvichibva nemaitire enyu. Zvadaro unenge une urume pamuviri wondohuzora paunoda kuzora. Kana mave kuzoisana wabva kumwedzi unokwanisa kungoti akukoire mazamu. Varume vakawanda vanozvifarira nokuti iwo mazamu akatsetsekawo somukati mechitubu. Kungosiyana kudziya kwacho. Munokwanisa kutangira muchitubu kusvika oda kutunda wokwiza chombo nemazamu kana kuti wochiputira nemazamu iye wokoira. Maitire anonakidza kuona nokuti unoona kumeso kwemurume wako iyewo achikuona uchitamba nechombo.

Urume hunobatsira ganda chose chose. Hapana HYGENE ISSUE paurume. hunokasira kuoma. zvokuti hahusvibisa zviri pamubhedha. Kana usingadi kuwacha, isa tawero pa PILLOW kuti isasviba. 


Hwisisazve kuti vamwe varume havafariri urume hwavo saka anoramba kukuisa kana wazora urume. Tsanangura kuti uri kuzviitirei nokuti kune vamwe varume vanozoti ndezvemishonga. 

No comments: