Sunday 1 October 2017

Kuisana nomunhu asiri wako uchifunga kuti ndewako.

Nyaya iyi inonetsa kutsanangura asi zvaitika kakawanda mudzimba. zvikuru kunyika dzakaita se UK kune vanhu vakawanda vanoshanda ma SHIFTS. Zvinoita sokuti nyaya yese inoitiswa nokuti vanhu vakawanda vakaroorana vanoisana vari kuhope saka kana uri kuhope ukabatwabaywa hazvinetsi kuti ungoenderana nezvinodiwa noumwe wako kusvika maisana, mozotaudzana ava mangwana. Mukadzi wese akaroogwa anoziva kuti anogaroiswa ari kuhope asingapepuki asi mufungwa make achitoziva kuti ari kuiswa.

Ngatitarise nyaya yakaitika yokudai. Murume anoshanda manheru asi achipedza basa kua 2 am. Anouya kumba opinda mushawa, apedza opinda mumubhedha obatabata mukadzi wake voisana vovata. Mukazi omuka kuma 7 am ogeza oenda kubasa. Ndiwo mashandire avo. Hino mukadzi anotaura iye kuti akaenda kunovata kuma 10 usiku. Akazongoita sokupepuka asi kuiswa ndokuto natsobatirira ndokunakigwawo chose. Vapedza ndokugumbatira murume ndokubatwazve nehope.

Haana chaakaziva kusvika murume azopinda kuma 2 ndokutanga kuisanazve naye. Ndipo paakazopepuka ndokubvunza murume kuti apinda nguvai wanike achangopinda. Wambondisa here pawapinda? Murume akati bodo. Mukadzi fungwa iri kuti shuwa ndamboiswa. Vese ndokuvhunduka ndokuto mira kuisana.

Kuzomuka votarisa mumba wanei window rekuseri rapwanyiwa, zvinhu zvange zviri mufiriji zvabviswa, Mukicheni mamboitwa zvaitwa. Musipeya mabiwa zvinhu. Ndokuchifunga kudana mapurisa. Mapurisa anotanga nokuudza munhu aiswa kuti ngaasageza kusvika masamburi atogwa.

Kubva ipapo nyaya dzawanda.

Saka apa toda kumboongorora idzodzo nyaya kuwanda kadzo uye kuti upenyu hwako hunozochinja sei. Sezvineiwo, panyaya iyoyi munhu ange apinda muba akabatwa nokuda kwezvinhu zvaakanga abatabata mumba. Kozoitazve urume hwange asiya mumukadzi waakabata chibharo. Kuti vese vari munyaya vaihwisise, zviri nani kuti munhu akadaro abatwe.

Murume/mukadzi wako:
Toti zvazobuda kuti shuwa waisana noumwe munhu. Zvisinei kuti abatwa here kana kwete, zvinoita here kuti murume/mukadzi wako anatse kubvuma mufungwa dzake kuti wangoitawo usingazivi zvechokwadi? Pamwe anotoona sokuti wanga wazvironga kutizviitike ukangozoona kuti wabatwa saka zviri nani utaure uchizviita somunhu asina mhosva. Kuti afunge kuti shuwa ungaisana noumwe munhu ugotadza kuziva kuti haasi muru,me/mukadzi wako zvinofamba sei, anokwanisa kutadza kuzvigamuchira.

Kana akazvigamuchira: 
Akazvigamuchira, zvinokwanisikazve kuti munotadza kuzovata mese semaitire amange muchimoita. Zvinokwanisika kuti Zvinodya moyo wenyu mese. Pane kuti musapotane panyaya yaitika mumusha wenyu munokwanisa kusemana zvokuti motadza kuvatana pachenyu.

Kana ari murume aisigwa mukadzi nombavha, anokwanisa kusemeswa nomukadzi wake kuona sokuti asvibiswa noumwe munhu. Zvinokwanisa kumunetsa kugamuchira mukadzi wake kwenguva refu. Ukuwo mukadzi anokwanisa kuruza CONFIDENCE panya dzake nokuti anoona sokuti aidai akaona kuti munhu uyu haasiriye murume wake. Kuti achizvipa kumurume wake oona zvichimunetsa.

Kunyarara
Mukadzi/murume wako anokwanisa kutadza kuzvigamuchira asi mumoyo make achihwisisa kuti haisi mhosva yako. Agoshushikana nazvo asi achishayazve kuti otaura newe pazviri sei.

Ukuwo iwe iunokwanisa kutadza kutaura naye nokuti hauzivi kuti ari papi uye kuti unotanga sei kutaura. Mese munokwanisa kungonyararirana kusvika pashaya atanga nyaya kuti itaugwe ipere. Kupera kwacho mese munoziva kuti haiperi pasina nguva refu.


Hama neshamwari:
Hama neshamwari vanhu vasina tsitsi pakutaura kazhinji. Nguva dzakawanda ndivo vanotofurira umwe wako kuti aite fungwa dzinobva pane zvakaitika dzichirerekera pakukufungira iwe kuti pane zvawakaita kuti chiitiko chiitike. Kuti nyaya igonzi yangoitika nokuti pamba papinda mbhavha, Hama hadzidi zvinhu zvinotsanangurika nyore. Panofanira kutoita madare.  Chimwezve chinhu ndechokuti hama hadzikwanisi kuregerera. Musi waunopokana nehama panobuda mashoko akarerekera kunyaya iya yauri kuzama kukangamwa. Vanokutsoropodza pakuatwa RAPE kuita sokuti ndiwe wakafonera nhuu kuti uya nguva dzokuti.

Mapurisa:
Mapurisawo haadi kungoti wavaudza nyaya mazivire ako vobvuma izvozvo voenda kunotsvaka munhu wazviita. vanoda kutanga vakuongorora kusvika iwe wava kuti funga kuti ndiwe wakonzeresa nyaya yese iyi. Hino kana pasina kana banga rashandiswa kukufosa kuvata noumwe munhu, zvinoita sokuti uri kureva nhema kana kuti uri munhu asina njere zvachose. Mukutaura uku vaya vari kukusapota vakatererawo nyaya vanotanga kufunganya pazviri kuita sokuti pamwe vari kukusapota asi uriwe wakonzera nyaya.


Saka Todii kana zvaitika?
Chokutanga kuhwisisa ndechokuti kana uriwe wavata nomunhu asiri wako. unofanira kukasira kudana mapurisa vakubatsire kutsvaka munhu akonzeresa nyaya. Hazviiti kuti ukwanise kutaura nemhuri yako uri wega. Ratidza kuti uri kutaura chokwadi nokukasira kuti mapurisa vatsvake munhu.

Kana vakamubata akaonekwa kuti chokwadi munhu ausina nhoroondo naye kana pa Facebook, WhatsApp, Tweeter, PHONE CONTACT, chii chii, uye hautombozivi kuti ndiani, zvinokwanisa kukasira kugamuchigwa kuti inhuu. Asi zvikaonekwa kuti munhu wemuraini uye unombofambidzana naye, unokwanisa kunetseka kutsanangura nyaya yako asi zviri nani kuti aonekwe achisungwa, pane kuti pashaikwe anopiwa mhosva.  Zvikuru pamurume/mukadzi wako.

Kana muchikwanisa kukasira kuenda ku COUNSELLING kasirai kuenda mese. Zvinoitisa kuti mupiwe mukana wekutaurirana Muhwisisane kuti chii chakaitika uye umwe noumwe wenyu anofungei pazviri. Mobatsirana kushungurudzwa nenyaya.

Munokwanisazve kukasira kuenda kunotesitwa kuti hapana here zvigwere zvmasiigwa. Zvimwe zvezvigwere izvi zvinotora nguva kuuda asi kana ari mukadzi aiswa akatundigwa urume, zvinokwanisika kuti urume hunobviswa mumukadzi hwoongorogwa kuti hahwuna here zvigwere. Kana hwisina munokwanisa kuudzwa kuti imbomirai kuvatana kusvika maitwa mamwe maTEST.

Munokwanisazve kuzoti pava paya murudo gwenyu, mukada kutanga kuisana, moona pava nedzimwe nyaya dzakaita sokusanyorova kwemukadzi, kana kusamira chomo kwemurume. Batsirana panyaya nokutaudzana nokutaridzana rudo. Kana pakati penyu pane ane tsika yokuchema, regai acheme nokuti ndiwo maonere ake. Kuchema kunopedza shungu kuvachemi vakawanda.

Nyaya dzakadai dzakatowanda. Vamwe vanoitigwa zvakadaro vanosvoda kuenda kumapurisa saka zvinokwanisika kuti vakawanda havatomotauri kuti zvaitika. Imbotarisaiwo zvakaitika panyaya nhatu idzi dzoku Zimbabwe, USA, UK.

Nyaya Ku UK
Nyaya Ku Zimbabwe 
Nyaya Ku America

Wedzerai vanowedzera. 
Nyaya yakadai yabuda ku Zimbabwe futi kusina kupera mwedzi taitaura pano. 

No comments: