Saturday 14 October 2017

Kuronga mhuri

Toda kumbomira pano tokurukura kuti kuronga mhuri kunoitwa sei uye kunobatsirei pamhuri yenyu?  Tinoona sokuti vanhu vakawanda havana hanya nokuronga mhuri. Kare vanhu vechivanhu vaitaura kuti varungu vane mari. Waizoti ukatarisa unoonawo kuti zvechokwadi varungu vane mari kutipfuura asi mabasa avo achiita sokuti akangofanana needu. Wozoona kuti siyano iri pakuti murungu anoronga mhuri yake oita vana vaanokwanisa kuchengeta uye kana mwana akangozvika makore 18 otenge ane mari yake pachezvake yakawanda zvakamukwanira kuti aone upenyu hwake huri mberi.

Mari iyi yabvepi? Muvunzo unoshaikwa pavanhu vedu vakawanda. Hakusi kuti hatikwanisi kugadzira mari semamwe marudzi, asi kuti hatikwanisi kuronga. Zvikuru isu vanhukadzi, tinogara nomurume tisina kunatsotenda kuti musha uno ndiwo wava wedu. Kwatakabva takatobva kare. Kuti uchigara pasi uronge nomurume, zvonetsa.

Varumewo, vakawanda kana mukadzi akati uya tironge, kwahi wava kuda kunditonga. Kana zano risina kubva kwandiri harisi zano kwaro. Nyamba murume wacho ifuza rokupedzisira risina kana zano rinobudapo. Kupopotera mukadzi ndiko kutoronga kwacho.

Mese murume nomukadzi, chokutanga hwisisai nyaya yeBUDGET yemusha wenyu. Mukangochata chete chitotangai nokugara pasi mowirirana kuti BUDGET yenyu inofamba sei. Kana mwedzi uchizopera mangoti vavava sehuku yanaiwa nechimvuramabwe, mari yapera, zvoreva kuti munofanira kufunga nezvokuita maPROJECT okuti muwedzere mari. Mukadzi ngaabike makokisi achihodhesa. Murume ngaanohoda zvinhu achisenga nebhasikoro achitengesera vemuraini. Mari ikawedzereka kana ne 20 Dollars chaiyo pamwedzi nyaya yenyu yatowedzera kureruka uye matoita zano rokuwana mari ramunokwanisa kuwedzera. Kurima mubhedha wemuriwo newemadomasi chaiwo kunobatsira pamusha. Kana mvura iripo ita mihedha mishanu kana gumi wotengesera vemuraini menyu. Rima muriwo kumusha wopota uchindofusha uchiuya nawo musaga kutaundhi. Panopera mari mumba munowana chokusevesa kana upfu huripo.

Varume regerai zvokuhura muchishandisa mari yemhuri. Kana shamwari dzako dzine magero hazvirevi kuti iwewo woita magero. Idzodzo shamwari dzichatozoita tsika yokukwereta mari nokuti iwe uchinayo ivo havachina mwedzi uchiri kure.

Kana muri kuDiaspora ma Project haanetsi kuita. Ndakaona kuSouth Africa munhu achirarama zvakatonaka nokungonotenga murivo kuvarimi achitengesera vemisika vaya. Kudzoka ane masaga maviri emurivo mukombhi. Otonosiya pamusika opiwa mari yake odzokera futi. Pazuva katatu atova nemari yokudya. 

Mari dzaana WhatsApp idzo kana tisina ngatisamhanyira kushandisa foni.

Ukasahwisisa BUDGET yemumba mako hapana chimwe chauchagonazve kuhwisisa chinokuatsira.

Zvinobatsirei Kuronga?
Kuronga mhuri kunobatsira pakuti munoronga upenyu hwenyu zvakakodzerana nemagarire amunoda kuita nevana venyu. Umwe noumwe mwana anowana upenyu hwakafanirana nezvamunoda. Mari dzenyu dzinokana pane zvamunoda kuita. Zvinoreva kuti munoronga upenyu hwenyu makatarisira kuti muchagara mese kwemakore akawanda. Saka zvinobatsira kukupai CONFIDENCE yokuti muri kuronga mese semurume nomukadzi kwenguva. Vakadzi vakawanda vasingagoni kuronga, ingari yokuti havana chinovakonzera kufunga kuti vachange vari pamusha uyu vava vachembere.

Kuronga hazvirevi kuti uchakwanisa kutevedzera zvese zvawarong asi kuti ndizvo zvauri kufunga panguva ino kuti uchaita. Vanhu vanoronga upenyu hwemhuri dzavo vakatosiyana nevanhu vasingarongi. Zvinoonekwa pamagarire ese avanoita.

Zvinokubatsiraizve kuwedzera kuhwisisana, Kutaudzana zvakadzama kwakanaka pakuti ukabvunza mubvunzo unopindugwa zvaunohwa wega kuti munhu uyu munhu akaita sei uye akakodzera here kuroorana naye. Chii chaanoda muupenyu uye anofunga kuti achachiwana sei. Kune vanoti vainda ku zvirongwa izvi vohwisisa kuti munhu uyu haana kodzero, zvikuru kana asingafariri zvokutaura zviri pamoyo pake.

Chii chinorongwa:
Zvinoda kurongwa zvakawanda asi zvimwe zvazvo ndeizvi.  Chokutanga pamunoronga nyaya dzokuroorana mukakwanisa kundopiwa COUNSELLING nomunhu ane EXPERIENCE yezvokuroorana uye ari munhu akachenjera, muchakurudzigwa kufunga nezvokuti munoda vana vangani. Mukadzi anokwanisa kuti vatatu, murume oti vaviri. Pakadaro munotaudzana kusvika mabvumirana kuti zviri nani ndezvipi.

Kubva ipapo mava kuziva zvakawanda pane zvimwe zvamuchada kuti mukwanise kuronga upenyu nevana vaviri.
  • Imba yokudara
  • Mari yamuchada kuti mukwanise zvamuri kuda
  • Zvikoro zvevana
  • Muchawanepi mari inokwana 
  • Muchagovana sei mari yamunowana
  • Budget yenyu ndiani anoita 
  • Nyaya dzenyu dzokuwedzera chokoro munodzifamisa sei
  • Muchatanga riini kuita vana
  • Muchasiyanisa vana mazera zvakadii
  • Nezvimwe zvinoda kurongwa. 


Zvese izvi mazuvano zvinhu zvisinganetsi kuita kana muri vanhu vanoronga.

Sezvatambotaura, Kuronga ndiko hako asi panokwanisa kuita dambudziko saka imi pakuronga kwenyu munoronga kuti kana dambudziko rikaitika zvinozofamba sei. Matambudziko anoitika akawanda asi anozikamwa.  Ngatitarise amwe acho.

Muruume oshaika kana kuremadzwa
Mukadzi oshaika  kana kuremadzwa
Mwana okuvara asi achizoda kureriwa futi.
Kuita vana vakawanda kupfuura vamange muchida.

Zvese izvi zvinorongwa ne INSURANCE. Ukabvunzabvunza uchaona kuti kune INSURANCE dzakasiyana siyana. Kana uri mu UK unokwanisa kutenga INSRURANCE yekupinza mwana chikoro kana oenda kuUniversity. Unoitenga achiri rusvava iye ozoishandisa mari yacho ava nemakore 18.

Kana mada vokuroorana munonotora LIFE INSURANCE yokuti umwe wenyu akashaika uyo asara anosara ane mari yakakwana kurera vana. MuUK INSURANCE yakachipa chose zvokuti munhu wese wese anoida anoiwana nyore. Kwaunogara ikoko vhunza kuvanhu vekumaINSURANCE kuti yaunoda yacho inoita marii.

Mukaronga zvakanaka munokwanisa kugara upenyu hwakasununguka uye kuwana kurera vana venyu zvakakodzera.

Zvinonetsa pakuronga:
Kune varume vakawanda chose anoti kana aroora mukadzi ari pamusoro pake kumhuri dzavo kana kuti mukadzi waanoda kuti asakwanisa kubva pamusha kana aona kuipa kwemurume, anomurambidza kuronga mhuri zvokuti vanoti pagore nehafu rimwe nerimwe voita mwana. Zvinonetsa kuva nomurume asina njere pamusha.

Koitazve vakadzi vanoona sokuti kuwanza vana zvinovapa SECURITY pamusha saka anokwanisa kuita bvararira revana kunhu huku, ipapo asina zvokuvapa kana mari yokuvapinza chikoro. Vakadzi vakadai kazhinji vanopedzisira vahurigwa nevarume vavo iri ngari yokuti haana nguva yokufadza murume nokuti anoswera achireva vana chete, oneta chose.

Kana wakaroorana nomurume/mukadzi akadai ngatibvumirane kuti imhosva yako nokuti waidai wakahwisisana nomunhu wako musata matanga kutaura nyaya dzokuroorana. Upenyu hwako nevana vako huchakunetsa.

Kuronga kunoitwa sei:
Vakawanda vanotsvaka mufundhisi wechechi kana umwe munhu anogaroita basa iroro sokuti COUNSELOR, anoshanda nevanoda kuroorana. Kana musiri vatendi, zvakangonakawo kunokumbira kuti mubatsigwe nemufundhisi weshamwari yenyu, zvisinei kuti munoda kuzochatira kuchechi yake here kana kwete. Vamwe vafundhisi vanoramba kana vakahwisisa kuti hamusi vatendi. Siyanai nomufundhisi akadaro nokuti haahwisisi basa rake.

Basa romunhu anokubatsira harisi rokukuudza zvamunofanira kuronga asi kukukurudzirai kuti mutaudzane zvakadzika chete uye muchidudzirana zvamunoda, nokupanana mukana wekutaura zviri pamoyo yenyu.

 Hwisisa kuti munokwanisa kuronga mega asi kana mafunga kudaro tanga nokuti umwe noumwe aite nguva achinyora mibvunzo yezvaanoda kuti zvirongwe. Madaro mobatanidza mibvunzo yenyu moinyora asi umwe noumwe opindura mibvunzo yese. Mapedza mosangana mobatsirana kutarisa mhinduro dzenyu muchitaura zvamange muchireva padziri.

Zvamabvumirana nyorai pasi kuti pamunozoda kuzvichinja munge muchiziva kuti mabva papi uye muri kuenda papi.









No comments: