Kune vanhu zvese vakadzi nevarume vanoti zviya pakuisana
voona kuti umwe wake atunda, iye onyeberawo kuti atunda kuti muchirega zvamuri
kuita muvate hope. Pane anyora achiti iye haahwisisi kuti mukadzi wake
angazviita here kana kwete uye kuti angazviitirei. Ini ndabvunza kuti ko iye
akambozviitawo here kumukadzi akati kwete. Ari kuti kana akaziva kuti mukadzi
wake azviita, ndiwo musi unopera muchato nokuti anoona sokuti mukadzi wake
anenga ava murevi wenhema.
Zvino ngatione kuti
kune vanozviita here uye vanozviitirei uye zvinotanga sei?
Ngatitange nokuhwisisa zvinhu zvakati wandei zvinoti:
1 Kumunhukadzi weruzvhinji kuiswa kunonaka chose zvisinei
kuti wasvikwo pa ORGASM kana kwete. Pane nguva yaunongoda hako kubatana
nomurume wako asi usina hanya nokuita ORGASM. Kungoisana nomurume wako chinhu
chinofadza uye chinokuswededza pedo nomurume wako. Kana wakaneta unokwanisa
kungopa murume muviri wako kuti ahwe rudo. Kwatiri isu kuisana nokudanana
zvinhu zviri pamwe chete. Kana murume ane zemo hazvinetsi kumubvisa zemo.
2 Munhukadzi haawanzi kungoti akaona chombo chati twi iota zemo.
Zvinoda kubotamba mese nokurezvana, kuswetwa minyatso, kutambiswa matinji,
kupurudzigwa muviri, kukwevegwa pedo, kukisana, kupinzwa chigumwe mukati
nokukwenyeregwa mukati, uku tichikisana,
nokunyorova chose zasi, nokuzovhugwa makumbo murume ombopinda pakati
motambazve aripo uchihwa kumira kwechombo chake uchichipurudzira, uchihwa hana
ichitinhira nokuhwa zemo. Iwe muridzi paunongozotora chombo chomurume wako
wochinangisa paunoda kuti chivhakashe, wega unenga wava nezemo guru. Asi
hazvirevi kuti uchaita ORGASM nokuiswa nechombo. Asi zvinonaka chete.
3 Ukapepuka murume amire chombo asi ari kuhope, unokwanisa
kungosuduruka wozvipinza chombo wotundisa murume wako ari kuhope. Hazvirevi
kuti iwe unofanira kutundawo, asi zvinonaka chete zvakadaro.
Iyewo akapepuka iwe uri kuhope, anokwanisa kukupinza chombo
motoisana iwe usina kumbopepuka. Kusvika murume akudiridzira. Pamwe
unokwanisawo kuita ORGASM kuhope nokuda kwekuti wakaRERUSA muviri. Asi pamwe hauiti asi hazvirevi kuti hazvinaki.
4 Kana musina EXPERIENCE yokuisana mukadzi anokwanisa chose
kuita nguva refu kana makore chaiwo asinawo kumbotunda pakuisana kwenyu. Asi
anongohwa kunaka kana murume wake achihwisisa kuti anofanira kumirira kuti
mukadzi anyorove. Hazviiti kuti ungohi
bvisa bhurugwa wobva watopinzwa chombo ugonatsa kunakigwa nazvo, bodo. Asi pane nguvawo yaunobva kwawabva mosangana
nomurume mese mune tarisiro yokuisana. Unenga wagara wanyorova kare. Uye unoda
kungokasira kuiswa nomurume. Sokuti mange makaparadzana mosangana motoisana
ipapo musati mamboita dzimwe nyaya. Zvakaita sokumhoresana. Mozoita nyaya mapedza uye mozoisana futi
zvine mwero mamboita nyaya. Ipapo zvinongonaka futi uye unokwanisa kuti tunda
nengari yokuti wange wava nevhiki yese usina kuiswa.
5 Murumewo kana akaneta anokwanisa kumira chombo mukadzi
omukwira asi murume osatunda. Sokuti makaisana pakunovata asi momukirana
makuseni seni. Mukadzi anokwanisa kutunda murume asatunda. Asi hatizvifariri
izvi. Kusiya murume asina kutunda zvinoita se CHALLENGE kuti ndatadza basa.
INSTINCT inoti regai ndizame futi.
Iyi nyaya yokusada kuvata nomurume agosakudiridzira ndiyo
inoita kuti vanhukadzi vakawanda vaone sokuti ivo vanofanirawo kuita ORGASM
pakuiswa. Inyaya ine zvakawanda chose mairi paPSYCHOLOGY yayo. Inokonzera
vakawanda kunyebera kutunda.
Kunyebera kunoitwa sei?
Kana wakambotunda uri wega uchizvibatabata nokuzvikwizirira
bhinzi, zvikuru vakambodhonza matinji, wega unoziva maitire ako kana zvauya
nokuti zvinokwidibira fungwa dzese womboita sewoda kufa wozodzoka kuupenyu
wotanga kudikitira , wobva wati muviti tonhoo seuri mumhepo asi ipapo uri
pamubhedha. Kuhwisisa mafambire azvo uku
kunoita kuti ukwanise kunyebera kuti wazviita iwe usina. Unoziva maACTION acho
nekuchemerera kwacho kunoita murume afunge kuti watunda iwe usina.
Asi izvi hazvitsananguri chikonzero. Zvikonzero zvakawanda asi zvinoita sokuti chikuru
chacho kufungisa murume kuti anogona kuisana newe zvinokufadza. Anobatwa nehope
ane mufaro wekuti mukadzi wangu anakigwa nekuisana kwedu. Chokwadi ndechokuti
unenge wanakigwawo zvechokwadi asi kungoti hauna kutunda. Hino varume havanatsi
kuhwisisa kuti zvinofamba sei nokuti iye akasatunda hazvinatsi kuita iyewio isu hatidi kuti
asatunda. Chero murume akapfeka CONDHOMU
chaiye tinongoda kuziva kuti atunda. Ndizvo tichidawo kuti azive kuti
ndanakigwa kusvika pakumuudza nhema kuti ndatunda.
Koitazve kuti pamwe muri kuisana henyu asi mukadzi haana
hanya nazo nokuti murume haana kumupa nguva yezemo. Ipapo mukadzi anokwanisa
kuhwisisa pokubatabata murume kuti akasire kutunda nyaya ipere. Vamwe ndipo
pavanochemachema nokuita ma FAKE avo kuti murume paanotunda afunge kuti mukadzi
atundawo saka zvapera.
Koitazve kana murume ari munhu asingagoni basa zvachose uye
asingatereri muviri wemukadzi wake. Anongobva kwaabva kuBATHROOM uko yakamira
nechekare, wongosvinyanga mazamu kaviri wototi mukadzi fongora wototanga
kupinza. Pakadai mukadzi pamwe anotohwa kugwadza chose saka akawana mukana
wekuti murume akasire kutunda zvipere anodaro. Inyaya yokusahwisisa kwemurume.
Kuitawo vakadzi vanoisa zvimishonga muchitubu kuti
asanyorova. Zvinoitwa nevakadzi vakawanda izvi, nokuda kwekushaya ruzivo
panyaya dzakukuvadza maMEMBRANE emukati.
Anoti pakupinzwa, zvinogwadza asi anofunga kuti zvinonakira murume. Varumewo
noufuza vanofunga kuti ndizvo. Zvinokwanisa kutokuvadza chombo. Asi
zvinokwanisa kukasirisa murume kutunda. Kuzoti afungew kuti watunda
wochimuuitira masaramusi enhema.
Koitazve vakadzi vasingagoni kutundiswa nokuiiswa nechombo.
Mukadzi akadai anokwanisa kupedzisira oona sokuti pane chakaipa paari. Anotya kuti
murume anozofunga kuti haasi mukadzi akakwana, obva anyebera kutunda kuti
murume asafungira. Kana uri mukadzi akadai asingatundi nengari yechombo,
hwisisa kuti chikonzero chikuru ndechokuti chombo kana chiri mukati hachigofi
mudzi webhinzi nengari yokuti uri kure.
Kana uchida kuzviona pima DISTANCE kubva kumusoro kweburi rechitubu
kusvika panotangira bhinzi. Kana ukawana maCENTIMITER anopfuura 2.5 zvoreva
kuti mudzi webhinzi yako unri kure saka kutundiswa nechombo kungangokunetsa.
Asizve unokwanisa kuchinja maitire, sokuti ukavata nedivi
wosimudza gumbo riri pamusoro woripakicha pafudzi rimwe remurume. Murume
okutanyanga gumbo riri pasi riya okupinza chombo. Ukangoti gonyei zvishoma
unohwa kusiyana kwepari kugofiwa nechombo. Koitazve kuti kana DISTANCE yako yakapfuura
2.5 cm, wana mukana wekuti murume akukwizirira mbinzi muchiisana kana kuti iwe
muridzi uzvikwizirire uku murume ari mukati.
Unokwanisa chose kutunda
Kuitazve kuti murume anohwisisa bhinzi yako uye kuikwiza
semakwizire aunoita uri wega. (Mudzidzise maitigwe azvo) kana kuisveta
sezvaanoita munyatso wezamu kana kuinanzva. Unokwanisa kutofanotunda usati
wapinzwa chombo zvokuti pakuzipinzwa hauchina chinangwa chokunyebera murume.
Hino kusiyana kwedu ndekwekuti murume akanyabera kutunda
zvinoonekwa nokuti kana atunda iwe unovhinza urume. Kana asina hapana
chinobuda. Pane musikana akanyora achibvunza kuti sei murume wake kana
akadhakwa hapana chinobuda. Bodo ingari yokuti anokunyebera kuti atunda iye
asina.
Hino mukadzi hapana chinoonekwa kuti chaitika asi
kungoeredza urume hwemurume chete. Kuti murume achizoziva kuti wazvifambisa sei
haachazvikwanisi.
Varume hwisisai kuti muviri wemunhukadzi wakasiyana newenyu.
Hwisisazve kuti kune vakadzi vasingakwanisi kutunda nokuda kwechombo, asi
hazvirevi kuti chombo hachinaki. Chombo chinongonaka zvisinei nokuti watunda
here. Kurevera murume/mukadzi nhema shuwa chinhu chakaipa uyezve zvinoita kuti
kana pane dambudziko rinonoke kugadziriswa. Sokuti kana murume asingahwisisi
kurezva mukadzi musati maisana, hazvigadziriki kana uchimunyebera kuti watunda
iwe usina. Koitazve varume, kana
ukahwisisa kuti mukadzi haazi kunatsonyorova, zvinoitiswa neCONDITION inoda
kuti mutsvake KY jelly (kune vakadzi vanonetseka kunyorova) kana kuti mukadzi
wako ari kuzviitisa nokushandisa mishonga isina kunaka. Kana ukabata mukadzi
wako achiita izvi, usazvigamuchira zvachose nokuti zvinoreva zvakawanda
paupenyu hwenyu. Kune vamwe vanoudzwa kuti isai munyu zasi , kana kuti geza
nemvura ine munyu wakawanda, kana kuti isa sipo yokuti neyokuti mukati
wozobvisa moda kutoisana. Ukahwisisa kuti ndizvo zvaari kuita zviri nani
umudzivise nokuti zvichamukuvadza mugoita nguva usina munhu wekuisana naye.
Kana achida kuti anatse kusvinya chombo pane zvaanokwanisa
kuita zvaanowana apo pakahi Kusimbisa masuru yechitubu. Ngaaverenge ipapo aite
zviripo.
Imi varume tibatsireiwo nokuhwisisa nyaya dzedu. Motiruramisa
patinokanganisa. Usarega mukadzi wako achhita zvougino pamuviri wake. Muviri
wake ndewenyu mese. Iyewo akakuona uchiita zvisina kufanira terera
achikutsiura.
Varume hwisisai nyaya yokuisana iyi kuti mumba ngamuisanwe zvinonakira
mese. Rezva mukadzi wako kusvika anyorova zasi zvakakwana. Mupe chombo
atambisewo madire ake. Zvinotowedzera zemo rakewo.
Heino nyaya yokupedzisira. Paunotanga kuchemachema uchifunga
kunyebera murume kuti uri kutundiswa nezvaari kuita, mafungire iwawo, kune
vakaanda vanoti anoita kuti ubve watotundawo zveshuwa asi wange uchitonyeba.
Sake pamwe zvinoita utunde. Tese takasiyana
siyana. Asi ini hangu sokuona kwangu
kunyeberana panyaya iyi kwakaipa chose. Muchato ngauvakwe pachokwadi. Tsanangurira
murume wako kuti kutunda kunonaka chose asi kuiswa pasina kutunda kunonaka
futi. Uye hezvino zvinhu zvinoita
nditunde. Kana tine nguva ngatizviite. Kuisana kunoda kuma 30 minutes kana
kupfuura muchirezvana.
1 comment:
Thank you very much Mai Chibwe. Your advise is unparalleled. Anchored on strong Christian values and the sanctity of marriage!!! God bless you Amai.
Post a Comment