Tuesday 1 May 2018

Zvipukanana zvinogara pamuviri


Zvipukanana zvinogara pamuviri wemunhu zvakawanda chose  Zvimwe zvidikidiki zvokuti hazvionekwi. Koitawo zvimwe zvinoonekwa kana ukatarisa zvakanaka.  Kune INDA dzinokwanisa kuwanikwa pamunhu pazvipfekwa, mumuvhudzi  uye pamberi. Kuitazve zvimwe zvakaita sezvimaGAKANJE  (CRAB) 
.
Pano toda kumboongorora zvipukanana zvinopananwa panyaya dzekuvatana , uye kuti zvinobviswa sei pamunhu anazvo.  Pachirungu Zvipuka izvi zvinohi 

1 PUBICLICE  kana kuti CRABS  (Inda dzepamberi)
Inda idzi dzakati siyanei neinda dzinowanikwa muzvipfeko kana kuti mumachira emubhedha. Kusiyana kwadzi ndekwekuti idzi dzinofarira kugara pamberi .  uye dzinokushungurudza chose kana unadzo.

Kuti udziwane unenga waita chimwe cheizvi zvinoti :
  • Kuvatana nomunhu anadzo
  • Kuvata mumubhedha umwe chete nomunhu anadzo chero musina kuvatana
  • Kupfeka zvipfekwa zvomunhu anadzo

Chikuru pazvikonzero izvi kuvatana nomunhu ane zvipukanana izvi. 
Kana waita zvinhu izvi, Pamberi panogada kukwenywa chose uye unokwanisa kukwenya wakwenyazve asi pachingovava chete. Saka zvinoreva kuti ukaona kuti pamberi pako pari kuvava,  tsvaka MAGNIFYING GLASS uzviongorore pamberi kuti hapana zvipukanana zviri kufambafambapo here. Kana ukazviona kasira mhanya kuChemist undotenga mushonga wekuzvibvisa. Hwisisa kuti zvipukanana izvi hazvinei nokuti wakaveura choya here kana kwete, asi kana wazviona zviri nani kuveura choya usati watanga kushandisa mushonga. Kuverura hakubvisi zvese asi kunotapudza. Unofanira kurapiwa kusvika zvapera.

Kana une murume/mukadzi chimbomirai kuvatana kusvika mese marapiwa. Kana wakazvipiwa munyaya dzokuhura, kana une nhamba yefoni yemunhu wacho, mufonere umuudze kuti ngaakasire kundorapwa uye audze vese vaakavata navo vandorapiwawo.  Hwisisazve kuti zvipukanana izvi zvinogara panomera choya saka kushandisa CONDOM hakuzvidziviriri kugovana.

Kuvarapi, kana une inda idzi unoonekwa somunhu ane chigwere chechihure saka unokwanisa kuenda ku SPECIAL CLINIC hana uri kunyika dzinorapa zvigwere zvechihure kuma SPECIAL CLINIC. Kana uri kuZIMBABWE unokwanisa kunotenga mushonga ku XHEMIST wozvirpa wega asi tanga nokuterera ma INSTRUCTION aunopiwa ku CHEMIST kwacho, uye kasira kuzvigera choya chese usati watanga kushandisa mushonga. Kana zvichikwanisika, Chandiwa mushonga miviri yakasiyana kuti wekutanga ukapera wochitanga kushandisa wechipiri.

Chigwere hacho asi chinorapika kana muri vanhu vane hanya noutano hwenyu. Mese murume nomukadzi geranai pamberi mugorapiwa mese, uye mombomira kuvatana kana muri kurapiwa, mozotangazve mapedza kurapiwa.  Mohwisisana kuti chihure bodo. 

Kana wangoziva kuti ine zvipukanana izvi, chiona kuti zvese zvaunopfeka zvaainiwa ne aini inopisa chose uye kuaina kwacho hakusi kwechimbichimbi. Zvikuru mabhurugwa emukati ese emukadzi neemurume, matawero ese, machira ese epamubhedha. Kana mune VACUUM CLEANER momboishandisa paMATRESS yenyu zvakawanda chose.

2 SCABIES (tsikidzi dzepamberi)
Scabies chigwere chinoita paganda remunhu chichikonzegwa nezvipukanana zve SCABIES.  Unokwanisa kubatana nezvipukanana izvi kana uchigara nevahu vakawanda, zvikuru kana musina mvura yakakwanirana nokuwanda kwenyu, sokuti kumamisha kana kuti mumajeri kana kuti mazuvano kuma Detention Center avako awa,
Zvipukanana zvacho zvinofarira kuboora ganda zvogara pasi peganda zvichiitira svina imomo. Iwe wochitanga kukwenya kuita sewava neshavi rokusvibvisa ganda. Uku womera zvimapundu.  
Pamwe ukaita zvimapundu zvinovava chose paganda rako, fungira kuti une zvipukanana izvi.
Pamwe unokwanisa kuita panzvimbo dzakaita semuhapwa, pasi pemazamu, muzvidya,  Saka terera marapigwe azvo kana wondopiwa mushonga.

Zvese SCABIES ne PUBILICE zvinorapika nemishonga iyi inohi
  • 1.    Permethrin,
  • 2.    Crotamiton,
  • 3.    Lindane,
  • 4.    Ivermectin

Iwe kana uchienda kuCHEMIST enda wakanyora mazita awa ugokumbira vakuudze mushonga wakakukodzera,  uye kuti unoshandiswa sei. Vanotanga nokukuudza kuti imbomira kuvatana nevamwe vanhu kusvika warapwa.

Veduweeka, kureverana nhema kwakaipa saka ngatitange nokubvumirana kuti kuisana kunonaka chose uye kunofadza moyo zvese nefungwa asi. Ngatizviite tichihwisisa kuti chihure chinouraya vakawanda. Kana une dambudziko mumba mako numurume/mukadzi wako panyaya dzokuisana, Kana zvichigadzirika, gadzirisai mudzokere pachirongwa chokuisana pauviri hwenyu. 

Hwisisazve kuti kana muri vanhu vanogarotukana, Mukatanga SYSTEM yokugaroisana, kutukana kwenyu kunoderera mumba menyu. Uchaonazve kuti ugwere hwunoita ushoma pavanhu vanowanza kuisana. Takagadzirigwa kuti tigare pedo nevarume/vakadzi vedu kuti tigare tiri pachirongwa. 

Kunotorana nezvipukanana zvomusango wouya nazvo kumba wopa munhu wawakachata naye handizvo. Bodo. Foyana naye kusvika ada zvokuisana newe, kana kuti rambanai musiyane munotsvaka vanoda zvemichato. Kana murume/mukadzi achiramba kuisana newe mumba mako, haachadi muchato wenyu. Chitauriranai musiyane nokuti munokwanisa kuurayana nezvigwere zvomudondo. 

Udzai vamwe!!!!!!!

No comments: