Wednesday 30 May 2018

Kutora mukadzi/murume wemwana wamai vako

Kune vakawanda chose vanogara nemukadzi/murume wemununguna kana mukoma vachitovata vese pamwe kutoita vana vese asi mwana wamai ari mupenyu.. Zvinobvumidzwa here kutora murume/mukadzi wemwana wamai vako iye ari mupenyu.

Maita anotsanangura nyaya yake yekuti akawanikwa muna 1998, ndokugara nomurume wake muHarare vese vachishanda.  Vakaita vana vaviri vakomana vese. ndokubva nyaya dzemari dzatanga kuvanetsa.  Hazvanzi ya Maita anga achipota achivabatsira panyaya dzemari, akashaika ivo ndokusara vangoti vavava.  Gore iroro 2002 ndokubva vabvumirana kuti Maita azame kutsvaka basa kuUK. Akakwanisa kupinda kuUK achhiti anonovhakashira hama, ndokutadza kudzokera.

Paakawana basa mu UK aipota achitumira mari kumurume kuti arere vana. Murumewo akazama kurera vana nokushanda asi zvakamukona kusvika vabvumirana kuti mununguna wa Maita aendeko andorera vana babamukuru vawane kushanda zvakanaka.  Gore rino 2018. Mainini vaya vane vana vaviri nomurume wa Maita. Iye Maita achiri muUK maari kungoshanda achitumira mari kumusha. Akambozama kuti murume auyewo nevana paakapiwa mapepa, asi murume akaramba.

Ari kubvunza kuti zvoitwa sei nokuti ava kuda kudzokera kumusha. Anonogara sei nemhuri yake pamusha umwe chete? Ku ivo mainini vachazvitora sei nokuti makore ese 16 vange vari vega nomurume. Pavasikana vaviri apa hapana ane EXPERIENCE yebarika.

Munopaonawo sei?

Kinos akasiya mukadzi nemwana pamusha waange atanga kuvaka, ndokutevera muzukuru wake kuCape Town kundotsvaka mari yokupedzisa imba. Akasvikowana basa ikoko ndokuchitanga kutumira mari mukadzi achivaka musha nokutenga mombe. Mukadzi aiti akakumbira kuenda ku Cape Town, murume oti bodo, hapana pokugara nemwana.  Murume ndiye aipota achiuya kumusha.

Izvozvi vane vana vatatu asi vanoziva vanoti vana vaviri ndevemununguna wemurume nokuti aiti kana mukoma asipo anopota achivata namaiguru. Kana maiguru vaita mimba, voudza murume kuti akasire kuuya kumusha kuti vagovata naye kuti kana odzokera vosara vachitaura kuti vane mimba.

Kinos ari kuti obvunza mwana wamai vake here kana kuti kwete?

Munozvionawo sei?

Myaya dzekushaikwa kwemari munyika yedu dzakakonzera vakawanda kupatsana nemhuri dzavo vachienda kure kundotsvaka mari yokurera mhuri. Asi vamwe hazvina kuvafambira zvakanaka.  Kana wakatoregwa mukadzi/murume, nemwana wamai vako, unozvigamuchira sei?  Ko vana vakazozvagwapo unovagamuchira sei? Ko iyewo mwana wamai vako unomugamuchira sei? Iye anokugamuchira sei? Murume/mukadzi ndewani pakupera kwenyaya?

Kana wakasanganawo nazvo muupenyu hwako, tipakurirewo mafungire ako pakuzviona.

No comments: