Vamwe
vari kuti zvinonetsa kuudza umwe wako kana usingaguti. Inyaya inonetsa
kutsanangura asi regai tigombozama tichibatsirana kuti vamwe vedu vaendewo
mberi. Kumunhukadzi zvinonetsa chose kuudza murume wako kuti haasi kukugutsa.
Inyaya yokuti pachivanhu pedu munhukadzi ainzi anomirira kuiswa nomurume kwete
kuti iye aonekwe kuti anofarira kuiswa. Zvaingova zvokuti munhu ari pamusha
kufadza murume wake sake zvange zvakakosha kuti murume afare kwete kuti mukadzi
afare. Vasikana vairaigwa natete pamaitire ekufadza murume pakuvatana. Asi
varume vange vasina anoraira kuti mukadzi anofadzwa sei. Zvange
zvisingaakosheswi kuti mukadzi anofanira kufadzwa pakuvatana.
Varume
vaizovawo nomutemo wekuti kana mukadzi asina mufaro pakuvatana zvachose,
aikwanisa kundoudza tete vemurume, (hazvanzi yababa vemurume) kuti mwana wenyu
haasi kundibata zvakanaka. Tete vaya ndivo vaizokwanisa kundokumbira hazvanzi
yavo yechidiki, kwete baba vemukomana, kana muzukuru wemukomana, (mwana waivo
tete vacho) ava munhu mukuru uye ane mukadzi. Umwe wavaviri ava aitumwa kuti
andoraira mukomana uya kuti mukadzi anoitwa sei naye pakuvatana. Asi zvange
zvisiri zvokuti afadze mukadzi. Nyaya dzaiwanzosvika kwatete dzaive nyaya
dzokuti mukomana haasi kutomboisana nomukadzi wake zvachose nokuda kwekusaziva
kuti kana varoorana mukadzi nomurume vaifanira kuisana. Mukadzi aisvika ari
mhandara obva apedza nguva refu achingori mhandara mukomana asina chaanoziva.
Ndipo paizoti babamunini kana kuti muzukuru wemurume aizoraira murume kuti chii
chaanofanira kuita. Zvokuzoti kunakigwa kwemukadzi izvo hazvina aive nebasa
nazvo.
Zvino
mazuvano takazojekesegwawo pamagarire evanhu kuti kuisana ndekwavaviri saka
mese mofanira kunakigwa pazviri. Vanhu vechidiki vava kuziva kuti vanofanira
kuisana kana varoorana. Changosara kuti todii kana umwe achifunga kuti
hazvinaki. Totizve, kuvanhukadzi zvichiri kunetsa kuudza murume kuti hausi
kundikwira zvinonaka, zvoita sokuti wamhura murume kusvika pokupedzisira. Saka
tichiona vakawanda vachinyora vachibvunza kuti ndodii nokuti murume haasi
kugona kundigutsa pakuvatana.
Koitazve
kuti ivo vakadziwo havachina acharaira kuti murume anobatwa sei saka
anongosvika pamurume asina zvakewo zvaakadzidziswa kuita. Vakawanda vobva
vafunga kuti murume ndiye achaziva zvokuita kuti tese tinakigwe. Ndiko kuipa
kwenyaya kune vamwe vedu.
Saka
chokutanga ngationgorore kuti kuhi haunaki unenge uri munhu akaita sei. Vanhu
takasiyana zvinotinakura uye zvinobva pamakurre atakaita kubva tiri vadiki, uye
kuti nyaya dzataihwa kubva kune vati kurei kutipfuura dzaiva dzipi. Ukakura uchihwa vamwe vese vachikuudza kuti
mukadzi anofanira kuiswa akafongora, unoona sokuti vese vanoisana vanoisana
nemaitire iwawo. Kana wava nomurume akataridza kuti zvokufongoregwa haazvidi
unoona sokuti haagoni basa.
Hezvinoi
zvinotadzisa vakawanda kunakugwa.
Varume:
1
Murume asina rudo haanaki zvisinei kuti ane chii chimwe chaanoita pakuisana.
Haanaki nokuti vanhukadzi vanofarira kuziva kuti ndiri kuiswa murudo, kwete
kungoiswa zvisina chimwe mukati.
2
Murume anongozoda kuisana tonovata kazhinji haanaki. Murume anofanira kuita
tsika yokugarobatabata mukadzi wake, kumuudza zvinofadza, kuseka naye,
kumuyemura muviri wake sokuti chiso chake, mazamu, magaro, kana kuti mafambire
ake. Moita nyaya muchitaudzana muchifara sevanhu vanozivana.
3
Murume asingahwisisi kuti mukadzi anopiwa mukana wekunyorova, murume
asinganaki. Mukadzi anoda kurezviwa kwenguva refu kuti anyorove musati maisana.
Kuti unorezva mukadzi wako sei zvinobva paari iye mukadzi kuti anofarira chii.
Asi vakawanda vanoda kukisana, kuswetwa minyatso, kuswetwa zheve, kuswetwa
guvhu, kupurudzigwa magaro, mazamu, zvidya, matinji, bhinzi, uye kuseri
kwemabvi, kugumbatigwa, kupiwa chombo kuti apurudzire chakamira achihwisisa
kuti chamirira iye, kupinzwa chigumwe muchitubu.
4
Murume anokasira kutunda haanaki. Hazvikwanisiki kuti ukasire ugonaka.
Hazviiti. Vakadzi vakawanda vanokomburena nokusanaka kwemurume zvinobva pakuti
anokasira.
5
Murume anoterera mukadzi nokupa mukadzi mukana wekufunga nokupanana mazano
emusha naye murume anokwanisa kuva anonaka.
6
Murume anotaridza kusununguka panyaya dzokuisana, kana ane mukadzi wake, murume
anonaka. Murume anofarira kuona zvese zviri pamukadzi wake, anofarira kubvunza
kuti mukadzi ari kuhwa sei pakuisana, anoudza mukadzi zvokuita (instruction) muchiisana,
murume anonaka. Murume anosiyanisa maitire zuva nezuva ndiye anonaka.
7
Murume anonyima kana kushotesa mukadzi haanaki. Vakadzi vakawanda vanotangira
pakuti zuva rumwe nerimwe kana kuti kaviri pazuva. Kana azova munhu ati kurei
sokuti makore anopfuura 30 anoderedza kuti kangani pavhiki asi pese paanoiswa
anoda nguva refu. Kumushotesa handizvo. Kana wahi uya tisane chiitawo nguva
muchiisana.
Vakadzi:
1
Mukadzi ngaave munhu anohwisisa kuti murume anoda munhu anofarira kuiswa. Kana
usina kuiswa ratidza kushungurudzika pazviri. Kana waiswa ratidza kufara
pazviri.
2
Mukadzi munhu anogaropa murume CONFIDENCE yokuti anogona kuisa. Kana muchitamba
makamirira kuisana,rezva chombo chomurume. Unokwanisa kuchipurudzira,
kuchitambisa, kuchisweta, kuudza murume kuti nhasi chakanaka uye chakamira
zvakagwinya, kuudza murume kuti saizi yechombo chake inogutsa.
3 Kana murume achikubata bata muviri pota
uchiita kuvhundukira kana abata panonaka. Tora ruoko gwake udzosere paunoda
kuti awedzere kubata. Kana muchikisana ratidza kuda kuti muwedzere kukisana.
Zvipe kumurume wako. Kweva musoro wake umuisa pazamu amwe mukaka ruoko gwake
guri pabhinzi yako.
4
Kana wahwa kuti wanyorova udza murume kuti akupinze chombo. Usamirira kuti iye
abvunze kuti ndopinza here. Pakunopinza iwe bata chombo ichinangise
pachinopinda kuti apinze zviri nyore. Apinda rega muviri wako unakigwe
nokuiswa. Unohwa kufemereka. Unohwa kuda kukoigwa zvine simba rechombo.
Batirira murume, Chemerera murume wako kana muri mega. Wana mukana wekuti
murume ahwe kuti chombo chese chapinda mumukadzi wake. Chitanga kushandisa
chiuno kuratidza kuti uri munhu mupenyu kwete akafa.
5
Pota uchiudza murume kuti ambomira unatsekuhwa chombo chiri mukati. Makapindana
kudaro unotohwa chombo chichiti gwii, gwii, gwii chiri mukati. Pota
uchivhundukira kureva kuti uri kuzvihwa zvachiri kuita.
Kana
pane mukana, zvikwize mbizi murume ari mukati mako achikukoira iwewo
uchigamuchira nechiuno. Kukwiza bhinzi kuitira kuti ukasire kutunda murume
asati. Zvinofadza varume chose kuziva kuti atundisa mukadzi wake, chero kaviri
pamwedzi zvinofadza. Kana watunda chiudza murume akukoire kusvika aguta.
6
Kana wapihwa urume, uchahwa hwovhinza, udza murume kuti akuzadza urume uye
tenda murume nazvo. Zvinopa murume manyawi. Kuchemerera kunopa murume manyawi.
Kubatirira kunopa murume manyawi uye zvese zvinoratidza kuti iwe unofarira
kuiswa.
7
Mukadzi anonyoma mukadzi asina mukana wekunakira murume wake. Kunyima kunoitwa
nevanhu vasina njere zvachose nokuti vanozvitsvakira dambudziko pamusha, uye
unokwanisa kuzohurigwa wopedzisira wava nezvigwere.
Kunaka
kwemunhukadzi kunobva pamaonere ake pakuiswa kwake.
Ungaudza umwe wako sei
kuti haasi kukugutsa.
1
Vamwe vanongoti Zii zvogara zvakadaro. Mumoyo anenge asina mufaro asi kuti
ataure kuti chii chakaipa, hazvibudi. Ndivo vanhu vaunoona kuti mukadzi
anonyebera kuti atunda iye asina. Murumewo haana hanya nomukadzi. Pakuvatana
zvongoitwa zvechirango. Kana murume atunda anongosuduruka ofuratira mukadzi
ototanga kuridza magwiriri. Pavaviri ava zviri nani vazviite nemaoko vakati uyu
kwake uyu kwake.
2
Vamwewo vanoita zvokupopota kana kuratidza kutsamwa asi uya nyakutsamwigwa
asingatozivi kuti chii chakanganisika. Kana ukaona munhu achingoti kana ane
nyaya yaasingafari nayo opopota, hwisisa kuti COMMUNICATION SKILL yake iri
pasipasi. Munhu anotodawo rubatsiro. Kana iwe uri murume/mukadzi wake,
mudzidzise kuti kana ane zvaanoda kukuudza ngaataure akasununguka. Kana akuudza
iwewo chirega kutsamwiswa nazvo. Chiratidza kufara kuti akwanisa kukudza uye
kuti anoda zvigadziriswe. Chirongai
mazano okugadzirisa.
3
Vamwe vanonoudza shamwari kuti murume/mukadzi haasi kugona basa. Kunge
wakaroorana nomunhu akadai zvoreva kuti uri munhamo chaiyo. Kuudza vamwe vanhu
zvinhu zvemumba zviri CONFIDENTIAL kureva kuti hauhwisisi kuti une musha. Munhu
wawakaroorana naye akaziva kuti wakaudza vamwe vanhu iye asingazivi,
haachakuudzi zvimwe zvinhu futi. Watovhara fungwa dzake pauri. Hazvishandi.
4
Vamwe vanotaura kuti chii chakanganisika mumba asi voita sokuwedzera kukoshesa
nyaya kusvika pakuti uya nyakuudzwa anoona sokuti ndiyo nyaya chete mumusha
inoda kugadziriswa. Tinoziva hedu kuti kuisana kwakakosha asi zviri nani kuti paunoudza umwe wako umuudze
murudo kuti asavhunduswa nazvo. Zvikuru kana mange muri mese nguva refu
ngazvisaita sokuti panguva yese iyi wange usingaguti. Zviri nani kuti Shamwari
dai tambozama izvi kana izvo pane kuti zvauri kuita hazvigutsi. Iwewo kana
waudzwa kuti ngatizame izvi, chirega kubvunza kuti wakazvidzidziswa nani
izvozvo. Tevedzera nomoyo wese kana zvichinaka muchigaro ita.
5
Vamwewo vanoti akaudzwa chinhu chisiri kufamba zvakanaka otsamwa. Bodozve. Kuti
akuudze aita nguva refu achifunga kuti okuudza sei. Iwe mbundikira
murume/mukadzi wako womuudza kuti aita zvakanaka kukuudza. Wotomutukirira kuti
sei asina kukasira kukuudza. Chimubvunza kuti todii. Pane zvatingaita here kuti
tisimuke patiri tiende mberi. Uchaona kuti anofara nazvo. Mogara pasi mobvunza zvokuita moronga mese pamwe chete. Kana wahwisisa zvaunofanira kuita chitaridza kuti unoda kuenderera mberi zvakanaka nokufadzana mumba.
Nyaya dzese mumba dzinoda kuudza umwe wako murudo. Iyewo kugamuchira zvaaudzwa murudo. mogara pasi motsanangurirana nokubvunzana kusvika mese mahwisisa uye mawana zhira yokugadzirisa nyaya.
Nyaya dzese mumba dzinoda kuudza umwe wako murudo. Iyewo kugamuchira zvaaudzwa murudo. mogara pasi motsanangurirana nokubvunzana kusvika mese mahwisisa uye mawana zhira yokugadzirisa nyaya.
Pakuroorana:
Kana
maroorana, kasirai kuwana mukana wekuva pedo nemoyo weumwe wako nguva dzese.
Dzidzazve kutaudzana naye panyaye dzese dzemumba pamwe chete nedzokisana.
Uchaona kuti mese munogara makasununguka pakuudzana zvinonaka nezvisinganaki.
Ukaita
tsika yokubvunza umwe wako kuti ahwa sei pamaisana, kana kumirira mangwana
wobvunza kuti zvaiva sei madeko. Iye okuudza. Usabvunza muri muBEDROOM. Bvunza muri
patafura muchidya zvokudya. Kana uriwe wabvunza, ita tsika yokutaura chokwadi
kuti umwe wako anatse kuhwisisa.
Unokwanisa kuti
“Madeko
zvainaka asi zvaikwanisa kuwedzera kunaka dai wakaramba uchindikwesha.
Wakangoti kasirei zvishoma pakutunda. Zvainaka zvokuti kana usiku hwese ndaida tisane.
“
Uchaona
kuti pamunoisanazve anozama kukunonokera. Zvadaro iwe mukurudzire futi kusvika
ava kukwanisa.
Kana
mukadzi asingafariri zvechikapa, muudze zvinyoronyoro kuti kana achishandisa
chiuno zvinonaka sei. Musi waashandisa chiuno, enda umutengere chimwe chinhu
womuudza kuti nokuti akakunakira madeko nemashandisire aaiita chiuno. Hazvisi
zvokutsoropodza asi kukurudzira murudo.
Nyaya
inonetsa ndeyokuti kana wange wajaira mamwe maitire aunoziva kuti haakugutsi
asi usina mukana wekuudza umwe wako kuti hauguti. Kuti ungozoti pese apa ndange
ndisingaguti zvoratidza kuti uri munhu asina kuvimbika. Saka wana mukana
wekumuudza zviri SOFT, uye womuudza kuti zvaimbonaka asi nokuda
kwekungogarozviita hazvichanatsi kunaka. Pananai mukana wekutaura.
Kana murume wako ari mukuru chose pamakore zvinonetsa kumuudza kuti hazvisi kunatsonaka. Asi kana uchikwanisa chibhende kuti aone kuti pane chiri kushota ita chibhende. Hazvina kunaka kuti usiye nyaya yakadaro. Varume vakuru chose pavakadzi kazhinji vanhu vanoda kufadi vakadzi vavo vechidiki. Kana mukadzi wako ari mukuru pauri kazhinji uchaona kuti anogaroda kuhwisisa kuti unogutswa naye. Taura zvaunoda kuti aite.
Ngatihwisise kuti kuudzana kunonetsa chose nokuti vanhu vakawanda vanongoisana mudzimba umu pasina zvokutaurina. Inongori nyaya yokuti moisana zvopera zvakadaro kana zvakugutsa waguta. Kana zvisina kukugutsa hauna kuguta womirira mangwana. Asi zviri nani kuti mese mukwanise kutaurirana kuti mugare muchifara pamagarire enyu. Nyaya yokunakirana inyaya huru asi inyaya inonetsa kunatsa kutaudzana pairi. Unozohwa zvobuda pakutukana.
Kana murume wako ari mukuru chose pamakore zvinonetsa kumuudza kuti hazvisi kunatsonaka. Asi kana uchikwanisa chibhende kuti aone kuti pane chiri kushota ita chibhende. Hazvina kunaka kuti usiye nyaya yakadaro. Varume vakuru chose pavakadzi kazhinji vanhu vanoda kufadi vakadzi vavo vechidiki. Kana mukadzi wako ari mukuru pauri kazhinji uchaona kuti anogaroda kuhwisisa kuti unogutswa naye. Taura zvaunoda kuti aite.
Ngatihwisise kuti kuudzana kunonetsa chose nokuti vanhu vakawanda vanongoisana mudzimba umu pasina zvokutaurina. Inongori nyaya yokuti moisana zvopera zvakadaro kana zvakugutsa waguta. Kana zvisina kukugutsa hauna kuguta womirira mangwana. Asi zviri nani kuti mese mukwanise kutaurirana kuti mugare muchifara pamagarire enyu. Nyaya yokunakirana inyaya huru asi inyaya inonetsa kunatsa kutaudzana pairi. Unozohwa zvobuda pakutukana.
2 comments:
Ini kufumura murume wangu handikwanisi asi kutaura chokwadi, anoramba kundikwira. Kugeza ndinogeza, kubika ndinobika, kuchengeta musha ndinochengeta, Asi hapana chandinowana pazviri. Anokwanisa kuvata neni kamwe pavhiki kana kuti kamwe pavhiki mbiri. Ndinoita sendisina murume pamusha. Kana pane kukanganisa kwandiri kuita ndipeiwo mazano.
Dzimwe nguva hapana kukanganisa kwaunoita asi kungoti murume haazivi kuti unoda kuvata naye. Kune vakawanda vanoti mukadzi akmirira kuti murume ati uye tiisane, murumewo akamurira kuti mukadzi ati uya tiisane Vopedzisira pasina chaitwa asi vese vachitoda kuti dai taisana.
Iwe mukadzi ita tsika yokubvunza murume kuti Ko nhai baba chimwana tongovata here pasina kumhoresana. Iye achadavira zviri pamoyo pake. Asi mamgwana bvunza futi womuti ndaswera ndichikushuva zuva rese ko toita sei?
Anokwanisa kutanga achiita zvechirango asi muviri wake unobva wajaira kuisana zvokuti anobva awedzera kuda. Hapana chandinoona chauri kukanganisa asi wedzerai COMMUNICATION yenyu. Udza murume kuti madeko waida chose kuisana. Pamwe futi ita chimwe chinhu chaanohwisisa kuti zvinoreva kuti unoda kuiswa.
Kumugumbatira
Kutora ruoko gwake woisa pazamu
Kumuti akukwenya matinji ari kuvava
kumubata chombo.
Zvakawanda zvaunokwanisa kuita usingadi kubuda pachena kuti ngatiisane.
Post a Comment