Sunday 24 June 2012

Saizi Yechombo


Kukura kwechombo chomurume kune basa here uye Saizi yacho ndeimwe chete here pamurume umwe chete kana chimire?  Ndichada kumbotsanangura nyaya iyi nokuti vamwe venyu vanoda zvoku kombeya varume, zvikuru kana wakambovata nevarume vakawanda. Fungwa yako inokasira kuongorora kusiyana kwezvombo zvavo.

Chokutanga ndechokuti kana uchida chombo chikuru zvoreva kuti une chitubu chikuruwo saka hapana chakaipa. Zvikuru zvoenderana, zvidiki zvoenderanawo.

Ngatitangire pakubvunza kuti pakurhojana zvine basa here kuti chombo chikuru zvakadii? Mubvunzo uyu unonetsa kupindura nokuti umwe noumwe mukadzi ane mafungire ake pazviri. Kozotiwo munhukadzi anenge akambovata nevarume vakawanda vane masaizi akawanda ane waanoda pavari ipapo. Kana wakabva pahumhandara nomurume umwe chete mukaroorana mukaita vana venyu usina kumbovata noumwe murume, haunganyatsozivi kuti saizi ine basa here kana kuti haina. Zvinenge zvangove zvechishuvo (fantasy) kuti dai ndambowana chidiki kana kuti ziguru.

Murume kana akati twii ukapima nerhura chombo chinenge chiri kuma 17cm kureba. Ukaita sokuchisunga bhandhe  uri pakati pacho unoda bhandhe rakareba 14-15cm. Tiri kutaura ma average zvoreva kuti zvimwe zvikuru zvimwe zvidiki pane saizi iyi. Asi ukabvunza murume kuti ane saizi yakadii, anokuudza saizi isiriyo. Anokuudza saizi diki pane zvaari chaizvo. ukabvunza mukadzi wake anokuudza saizi huru kupfuura zvaari chaizvo. Zvandiri kutaura izvi zvakabva pa research yakaitwa kunyika dzokumusoro (north of equator in western countries). Vanoongorora vakaongorora vakabvunzana kuti sei kuona kwevaridzi vezvombo kwakasiyana nekwevakadzi vavo ndokubvumirana kuti:

1 murume achitarisa chombo chake anotarisa kubva mudenga chombo chiri pasi. chombo kazhinji hachina kuti tasa saka Estimate yake inonetsa opedzisira opa mupimo uri pasi.
2 Varume vakawanda vanoda chombo chikuru kupfuura chavanacho nokuti vanofunga kuti vakadzi vanoda zvikuru kuti vagute, saka murume achitarisa chombo chake anoona sokuti saizi yake haigutsi mukadzi.
3 Mukadzi achitarisa chombo anotarisa kazhinji akachibata mumaoko achihwa nokurema kwacho opedzisira apa mupimo uri pamusoro.
4 Mukadzi anoziva kuti chinofanigwa kupinda maari saka anoona chakakurisa pane zvaanoda.

Ukataura nevarume panyaya idzi vanokuudza kuti murume umwe noumwe anoda kuwedzera kukura kwechombo chake zvokuti dai kwaiva nomushonga wekukudza, mutengesi wemushonga wacho aiita millionnaire pasina kupera vhiki. Murume, chero asingagoni kumhanya nokuda kwekukura kwechombo, anongoda kuwedzegwa saizi. Haana basa nokuti pachinonopinda, nyakupinzwa anogwadziwa. Asi ndezvavarume. isu tinongoda zvavari izvozvo. Toda kuti vafunge kutirhoja zvinotora nguva yakawanda tichinakigwa. Zvokuti isaizi ani izvo ndezvebhutsu.

Chitubu chakadzika 8-10 cm zvichireva kuti murume ane 12cm anokwanisa kubata madziro ekumberi. Saka varume vakawanda vanopinda kaviri muchitubu (double the depth). Totizve panonaka kana muchirhojana pemukadzi panogumira pa 4cm mukati mechitubu. Kumberi kwese uko kunonaka nokuda kwekukwiziwa kunenge kuchiita 4 cm idzi. Saka tichitarisa pachokwadi tinoona kuti kana murume ane chombo akangopinza 5 cm anokwanisa kunakira mukadzi zvakapfuuridza nokungokoira pa 5cm iyoyo chete. Izvo zvokuzopinza yese 17 cm kwave kukara hako kwemurume kwete kwemukadzi. Mukadzi anenge atonakigwa kare.

Totizve saizi yechombo chemurume umwe chete iyeye haisiri saizi imwe chete nguva dzese. Zvinobva nokuti zemo rake rakakura sei panguva iyoyo. Pamwe unowana chakaoma sebwe, zvokuti chichipinda unotohwa chichikupatsanusa mativi mukati zvokuti kana kuti apinze chombo chese unenge usingadi. Kozoti dzimwewo nguva akaneta chinomira asi uchiona kuti hasha hachina. Pakadai unongohwa kuti sveverere chichipinda.

Kana chombo chisina kumira chinoita 7-10cm. kwahi futi kana kuchitonhora chinoita kadikidiki. Saka tingangoti pamurume umwe chete chinokwanisa kuva 7 -22 cm kureba zvichibva nokuti zemo rake riri papi panguva iyoyo.  Kana murume akaneta chaizvo anokwanisa kumira asi kwete kuoma sebwe saka pamwe ukapima anenge ari kuma 13cm. asi akakurhoja akadaro unongonakigwa zvakafanana. Asizve, iwe paunopima chombo chomurume, unojairawo kubata nokutamba nacho.  

Asizve kune vamwe varume vane mazihombe anosvika kuma 30 cm. Asi ndiko kuremara ikoko. Ukaroogwa neakadaro unototenga lubricant yokuwedzera kunyorova asi still handifungi kuti anokwanisa kupinza chombo chese usingagwadziwi. Chinhu chakangozonakawo pavarume vakadai ndechokuti Chombo chikurukuru hachimiri zvokuoma sechesaizi kwayo.  Ukaterera vanoziva nazvo vakaita Research dzacho vanoti chombo chakakurisa hachinyatsomira. Chinhu chakanaka kuti mukadzi haakuvari nacho 

Ukahwa mukadzi achingotaura nezvesaizi yemurume ari kuda kutaura kuti murume wake haatori nguva yakakwana pakuita kwavo. Saizi chaiyo ine basa kuvarume kupfuura kuvakadzi. Isu tongoda murume anechombo chinomira, oita chido chokurhojana nomukadzi wake nguva yakareba (10 minutes or more from insertion to ejaculation) vachikoirana, oitazve rudo pamukadzi wake. Zvokuti isaizi ani izvo hazvina basa rakawanda asi kungoti kana waona musi warinenge rakanyatsotsamwa ukafunga kuti ndini ndaritsamwisa kudai uye kuti rikapinda rese rinondiuraya iro rozopinda rokunakira pane kukuuraya unonakigwa, kwete nesaizi asi ne psychology yako wega. 

Zivazve kuti kana chombo chamira, kukora kwacho kunonakira mukadzi kupfuura kureba kwacho zvichibva nokuti mukadzi akazvisimbisa masuru yechitubu here. Kana asina, zvinonetsa kuti akwanise kushinya chombo zvikuru kana akambozvara mwana. 

Murume ane rino zibango asi achiita maminitsi mana kana mashanu handifungi kuti angambonaka seanediki asi achiita maminitsi gumi achiita. Hazvigoni. Kugona kushandisa chombo kuri pamberimberi pane kuti chombo chacho chakadii. Asi hazvirevi kuti kana munhu akazoitawo kadikidiki hazvina basa. Mukadzi ngaaone chombo se CHALLENGE. Saka saizi iri NORMAL sokuti kubva pa 12cm zvichikwira ndingati ndiyo yakanaka.  Ukaverenga ma gwaro emasaizi unoona kuti vashomashoma vane saizi iri pasi pe 12cm.

Kozotizve mukadzi anogona kunyatsotambisa masuru yemukati mechitubu chake murume arimo anokwanisa kunakigwa nokunakira murume kupfuura mukadzi anongoti kwindi se kuti haapo murume achishanda ega. Rhoji ndeyenyu mese. ukatambisa chiuno nokutambisa masuru yako unobaiwa nokukwiziwa pakasiyana siyana mukati imomo wohwa panonyanyonaka wosimudzira chiuno kuti pawedzegwe ipapo. Murumewo akaona akuitisa manyawi nazvo anoitawo manyawi owedzera.

Saizi ndiyo hayo asi chikuru kuratidza kuti unoda zvauri kuita uye murume kunonoka kupedza. Varume shuwa kukasirira vakadzi venyu hakutinakidzi zvachose. Kana ndakubvisira bhurugwa chindiratidzawo kuti ndaita zano rakanaka. Woitawo kana ten minutes urimo uchikoira nokukwiza mukati nechombo ndichihwawo kuti pano paita murume. Unotohwa mukadzi wako achikuudza kuti ari kuhwa azere mukati nechombo.

Handizvowo here. Handina kubva kumusha kwedu ndichivinga kuzopiwa maminitsi matatu kana mana.  Hwisisai ipapo kwete kusweroshupikana nokuti chombo chikuru here kana kuti chidiki. Wakatopiwa pawakapiwa ipapo, chasara kushandisa saka chidzidzawo kuita basa rakanaka nezaizi yaunayo. Kusweroemura vamwe varume vane hombe hazvina kwazvinokusvitsa. 

Zivazve kuti HQ yokunakigwa kwemukadzi iri pabhinzi. Murume akashamwaridzana nebhinzi anoita murume mukuru chose. Ukatarisa pakamera chombo pamurume ndipo pamwe chete pakamera bhinzi pamukadzi asi pabhinzi panonaka 5 times kupfuura kunakigwa kwenyu varume nechombo. Kana murume achiona kuti haagoni kuwanza nguva ari mukati memukadzi wake, ngaatange ashandisa rurimi pabhinzi yemukadzi, mukadzi wofanosvika pedo kana  kutoita Orgasm, kana murume ozopinza chombo ongopedzisa mukadzi kana kungozvimiririra iye mukadzi atopedza. Hakuna chombo chinonaka muchitubu serurimi pabhinzi. Hakuna. Ukadzidziswa nomukdzi wako kuti anoda kuti ubatebate bhinzi sei anodada newe zvikuru kana wahwisisa ukazvigona.

Ndoramba ndichingoyeuchidza varume kuti varume vedu, yeukai kunonoka. Tora nguva uri mukati mechitubu. Koira kusvika mukadzi wako apfidza. Kukoigwa ndiko kunonaka. Urume hunongonakira kuziva kuti ndahupiwa asi kuhi ndarhojewa hunge ndakoigwa nguva yakareba. Yeukai ipapo. Kubva pakupinza kusvika pakudiridzira ita gumi remaminitsi kana kupfuura. Mukadzi wako anokupa rukudzo gwakawandisa. 


  1. Hakuna chombo chakakura zvokusakwana muchitubu chakanyorova. Ukatora murume akareba 2metres and chombo chikurukuru, akavata nomukadzi akareba 1.1 metres, kana akanyorova chombo chinokwana mukati chete pasina kugwadziwa.
  2. Variko varume vane chombo chidikidiki asi vashoma
  3. Hakuna chitubu chidiki zvokuti chombo hachipindi kana pakanyorova.
  4. Hakuna mushonga wekukudza chombo, chero ukaenda kunyika ipi zvayo. Pedza hako mari yako uchitenga mishonga asi chombo chako hachiwedzeri kukura.
http://en.wikipedia.org/wiki/Jonah_Falcon
http://www.youtube.com/watch?v=hZGAjHi91_8


Imboonawo video iyi uone murume ane chombo chekuma 34 cm. Asizve kwahi kumira kwacho kunonetsa uye iye murume wacho ingochani futi, zvinoreva kuti akatoremara. Hazvingaiti kuti togoti ngochani vanhu vakati tasa.


Chombo chigusvani

Kune varume vane zvombo zvidiki pabhinzi yomukadzi ane bhinzi hombe. Asi chero murume akadai anokwanisa chete kukuzvarisa mwana uye mwana iyeye kana ari mukomana anokwanisa kuzoita zichombo ziguru. Nyaya yokukura kwechombo inonetsa kuhwisisa nokuti haina pateni yainotevera. Chatinongoziva ndechkuti murume akasvika makore 21,hazvichaiti kuti chombo chake chiwedzere kukura chero akashandisa mushonga wakadii zvawo kana kuswera achidhonza. Asi anokwanisa kuwedzera kuoma kwacho kana chimire. Izvi zvinobva nokuwanda kweropa ronoenda muchombo kana chimire. Murume akawana mukadzi anogarotamba nechombo chake kwenguva asi asingamuitisi kubudisa urume, zvinowedzera ropa nokuwedzera kumira kwechombo.

Papikicha yokutanga iyi ndeyomurume ane chombo chisina muviri.Panongova nechimusoro chete. Kwahi zvinokwanisika kuitika kazhinji kuvarume vanozvagwa vakaremara zvimwe zvinhu mumuviri zvikuru murume ane magaro echikadzi nedumbu guru zvinoreva kuti pa Pubety paya haana kuwana ma HORMONES akakwana echirume. Hazvirevi kuti ukaona murume ane magaro makuru kana chidumbuzenene wobva wafunga kuti ane kachombo kadikidiki. Hwisisazve kuti murume ane chombo chakadai haakwanisi kupfeka makondomhu nokuti chombo hachina muviri. Asi anongo budisa urume hwakawanda uye hune mhodzi kungoita sevamwe varume, saka akakusiira urume pamberi unokwanisa kuita mimba.

Pikicha yechipiri ndeyemunhukadzi ane bhinzi yakareba kuita sekachombo kadiki. (Vaya varume vasingazivi pane bhinzi chitooneraiiwo apa) Mukadzi uyu anongozvarawo zvinoita vamwe. pakuvatana naye bhinzi yake inomirawo zvinoita dzevamwe asi kungoti inoonekera kuzhe kwematinji chete. Zibhinzi rakadai rinozokura musikana ava kutanga humhandara. Saizi yomusikana hainei nokuti ane bhinzi yakadii. Tiri kuBoarding School taiva nomusikana ainzi Chipo ange ane bhinzi yakareba kuda 5 cm isina kumira. Akamitiswa achangopedza FORM 4. zvinoreva kuti anozvara. 

Tiri pano kudai kune varume vasingazivi kuti matinji asina kudhonzwa akamira sei, tarisai mukadzi uyu muone matinji ake ari pasi pebhinzi yake hombe iyo. Matinji akadhonzwa akareba kupfuura miromo wepamberi unohi MAJORA. 

Kana zviya uchisarudza murume/mukadzi wekuroorana naye. pane zvakawanda zvaunofanira kufunga nezvazvo nokuti nguva yamunoita mese makaroorana unguva yakareba inokwanisa kuita makore anopfuura makumi mashanu saka ukakanganisa kusarudza zvoreva kuti uchanetseka nazvo nguva refu.  Kana uchiziva kuti unoda chombo chikurukuru, feya feya kuvakomana, vanokuudza mukomana anacho, zvikuru kumamisha kwavanonodhidha mumadziva vasina kupfeka. Mumadhorobheni unokwanisa kuona kufuta pabhurugwa. Zivazve kuti chombo chinooneka chiri chikuru chivete zvinoreva kuti chamuka hachinyanyi kukura. Chidiki kana chivete chinokura zvakawedzera chamuka.

Varume vakawanda vanotarisa mazamu, magaro, maziso, etc emusikana vasati vanyenga. Saka vasikanawo vanobvumigwa kutarisa zvavanoda pamukomana. Asi vakawanda hatinei nezvechombo izvi. Moyo wemunhu ndicho chinhu chikuru kupfuura zvimwe.

Asizve kana murume akati madanana paya okubvunza kuti wakadhonza matinji here, iwe muudze zvawakaita kana kusaita asi wadaro wochimubvunzawo kuti iye akakudzawo chombo here. Muudze kuti wakaudzwa kuti average yemurume iri pa 33 cm, kuti akasirewo kuita complex yaari kuzama kukuitisa. Varume kazhinji vanoda kuti musikana aite INSECURITY  isingaite zvachose. Asi isu tikatevedzerawo izvi ivo vanokasira kukuudza kuti wamutuka. Sokuti moda kurhojana womuudza kuti chombo chake chidikidiki pane zvawakaona papikicha. Unomupa COMPLEX yaanoita nguva kuti ipere, nokuti varume vakawanda vanofunga kuti chombo chikuru ndicho chete chinogutsa mukadzi.

Asi havazofungi kuti isu tinokwanisawo kufunga kuti matinji makuru ndiwo anogutsa murume. Munhu taura zvinovaka umwe wako kwete zvinomubvisa CONFIDENCE.


Mukadzi ajaira hombe anozoguta here nediki?
Varume vanonetseka nenyaya yokuti kana akaroora mukadzi asiri mhandara anofunganya kuti kuda murume waiva nomukadzi uyu ange ane hombe kupfuura yake. vanoda kuziva kuti mukadzi ange ajaira chombo chihombe anozoguta here nechidiki. Mhinduro yomubvunzo uyu inoti iyo "Hongu anoguta kana iwe murume wake ukajairawo kumunonokera uye kumuitira zvaanokuudza kuti uite. Kana pasina zvaakuudza bvunza kuti chii chinomunakira akuudze.

Varume ndimi munoda kungoti ukadanana nomusikana woda kutomukwira asi usina kumuroora. Akaramba kukwigwa womubingisa nokumupa puresha kuti abvume, ipapo iwe hauna kana hanya naye somunhu. Uri kungoda kuti avhure makumbo. Saka unenge uchiti achazoroogwa nani? Ndosaka vamwe venyu vachizotadza kuwana mhandara dzokuroora. Kana wapedza nyika yese uchingoboora mhandara unofunga kuti dzasara dzacho dziripi?

 Kana musikana akangoziva murume umwe chete, akagarogutswa naye, haanei nokuti vamwe varume vane hombe here kana diki. Iwewo murume ukangoziva mukadzi umwe chete mhandara yako iyoyo, mukakura mese pakurhojana, haumbofungi kuti mukadzi ari kukukombeya nevamwe varume.


RESEARCH pasaizi yechombo
Vakaita RESEARCH vanoti ivo ukaongorora varume vane zvombo zvihombe zvinohi zvakakura chose kupfuura zvevamwe, uchaona kuti vashoma asi vazhinji vevashoma ivava vanhu vanofarira kuita zvechingochani kana kuti kuvata nevakadzi zvese nevarume, (BI-SEXUAL)

Ukatarisazve varume vane mazibhora makuru, vanohura kupfuura vane AVERAGE SIZE.

KuUSA nokuEurope ngochani dzine AVERAGE size yechombo yakakura kupfuura AVERAGE size yevarume vasiri ngochani. Hakuna anohwisisa kuti chikonzero chacho chii.

Tadaro tinohwazve kuti varume vekuNorth Africa nekuWest Africa vane zvombo zvikuru kupfuura vekuCentral ne Southern Africa. Asizve ngochani dzekuNorth neWest Africa dzine zvombo zvikuru kupfuura varume veko vasiri ngochani.

Saka pamwe ukada murume ane chombo chikurukuru uchazohwa zvohi anopota achiroja vamwe varume.
Kana wada murume ane mabhora makuru, hwisisa kuti anohura kupfuura vane AVERAGE kana madiki.

Iko kuita chombo chakakurisa kuremara saka hazvishamisi kuti fungwa dzake dzakaremarawo zvokuti ingochani.


Saka Summary ndeiyi:
 1 Chombo chikuru chinonaka kupfuura chidiki here? Murume ndiye anonaka nokuda kwe attitude yake kumukadzi uye panyaya yokurhojana. Kana mese makasununguka kunaka kunowedzera zvisinei nesaizi yechombo.

2 Saizi yechombo inonyanyodiwa nani? Varume ndivo vanongoda mazichombo makuru iri ngari yokusagona kubata mukadzi zvakanaka. Vanofunga kuti kupinzwa ndiko kunonaka kupfuura zvese.
Vakadzivo ukavabvunza vazhinji vanoti vanoda chombo chisina kukurisa asizve chisiri chidikidiki. Vanotizve vanoda chakakora kupfuura chakareba. Kuzadzwa kunobva pakukora kwechombo, kwete kureba kwacho. Murume akachenjera anowedzera kukwizirira kuno kumuromo kwechitubu kwete mukatikati.

3 Vakadzi todii nenyaya iyi? Gara uchiudza murume wako kuti ane hombe uye inogutsa, kuti asagarofunganya nazvo. Murume ngaagare achifunga kuti mukadzi ari kuguta. Zvikuru kana iwe muridzi uchiziva kuti aimbovata nevamwe vakadzi musati maroorana. Hauzivi kuti ane complex yakabvepi saka ibasa rako kumupa CONFIDENCE. Kusakugutsa kazhinji ingari yokukasira kukudiridzira, kwete yesaizi yechombo. Saka tsanangura kuti adzidze kukunonokera. Musi waanononoka ukaguta, chimutendawo chose kuti azive kuti agona basa. Usaudza murume kuti waguta iwe usina kuguta.

4 Varumewo kugarotsoropodza matinji, magaro, mazamu emukadzi wako handizvo. Garomuudza kuti iwawo aanawo makuru uye mukadzi wako anonaka. Zvinomupa manyawi okowedzera chikapa. Tichitaura chokwadi chaicho, varume hamukoni kuguta muchiti nokuti mukadzi ane chii zvacho chikurusa kana kuti chidiki. Murume kana apinza chombo mumukadzi chete anonakigwa uye kusiya urumepo kereva kuti aguta.

5 Varume vakawanda vari pakati pe 12 cm ne 16 cm kana chombo chimire, kukora 10-15 cm. Vakadzi kudzika kwechitubu chisina chombo mukati 8-10 cm. Ukaturika makumbo pamafudzi emurume muchirhojana, chombo chinotonyura zvokunobata madziro, chero chiri chipfupi hacho. Kana chakareba unotohwa kuti chasvika kure zvokuti unoturunura rimwe gumbo kuti nzvimbo yomukati iwedzere, kana murume achikoira zvehasha musi iwoyo.

Kana murume ane chombo chidikidiki ngaadzidze kushamwaridzana ne bhinzi yemukadzi wake kuikzirira nemaoko. Bhinzi inofarira chose chose kuswetwa nokukwiziwa norurimi. Kana ukambokwanisa kuswetwa bhinzi nomurume wako uchahwa kuti zvinonaka kupfuura kupinzwa chombo, nokurekure. Dai varume vaiziva manakire avo dai vaingogarozviita.

6 Kana murume ane rino zidanda, fongora wopatsanisa makumbo, wodhefura musana. Chitubu chinorebawo murume opinza kusvika paada. Chero akakoira sei anokwana mukati uye mese munonakigwa pasina kugwadziwa. Kana ukavata manhede unokwanisa futi kuisa makumbo pamwe chete kuti asapinza chombo chese.

Saizi dzevombo zvimire  tichitarisa nyika nenyika:
Nyika
Kureba kwechombo (cm
Nyika
Kureba kwechombo (cm
Republic-of-Congo
18
Ecuador
17.7
Ghana
17.2
Colombia
17
Iceland
16.5
Italy
15.7
Zimbabwe
15.68
South-Africa
15.2
Sweden
14.9
Greece
14.7
Germany
14.4
New-Zealand
13.9
UK
13.9
Canada
13.9
Spain
13.9
France
13.4
Australia
13.2
Russia
13.2
USA
12.9
Ireland
12.7
Romania
12.7
China
10.9
India
10
Thailand
10
South-Korea
9.6
North-Korea
9.6

Tichitarisa apa tinoona kuti awa ma AVERAGE saka munyika imwe chete munokwanisa kuita umwe munhu ane chombo chihombe noumwe ane chidiki asizve kana AVERAGE yenyika yenyu iri pamusoro zvoreva kuti varume vakawanda vari pamusoro

Veku Congo ne Ecuador ndivo vane zvombo zvakareba kupfuura vekumwe. Veku Korea ndivo vane zvidiki. Zimbabwe iri paNUMBER 33 pane nyika 116 dzakatariswa. MaZimba mune hombe asi muri shure kwevarume veCONGO.

Asi kwese uku vanhukadzi veko vanongonakigwa pakurhojana sezvinongoita vekune dzimwe nyika.vekwedu vanongonakigwawo saka imi varume dai mambosiyana nokutsvaka mishonga isina basa yokukudza zvombo. Dai maisa fungwa pakuita basa kwacho vakadzi venyu vafarire maitire enyu.

Mukadzi weku Congo akaroorana nemurume weku South Korea, anongonakigwa zvakakwana. Mukadzi wekuSouth Korea akaroorana nemurume wekuCongo anongonakigwawo nairoro zichombo racho asi dambudziko ringavapo anofanira kuwedzera kunyorova.

http://klaq.com/worldwide-penis-survey-heres-the-chart-were-talking-about-this-a-m/

Imbonozvitarisira wega apo.

Udzai vamwe!!!
nhengo yemurume kukura kune basa here
hombe ndiyo inonaka here
Ndingakudza sei yangu
Vakadzi vanoda hombe here
Ndingaziva sei kuti mukadzi wangu ari kuguta
Kuiswa nemurume ane hombe
kukudza mboro
kureba kwemboro
kukura kwe mboro kune basa here pabonde


18 comments:

Anonymous said...

Makadii mai chibwe, tinofara chaizvo nekuti dzidzisa zvakanaka mudzimba. Ndiri mukadzi wechidiki, Ini ndinoda kubvunza kuti kune here mushonga unoshandiswa kana murume achiti anoda kuwedzera chombo chake kuti chikure, uye hazvina here maafter effects. Ndibatsireiwo

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokuti chombo chiwedzere kukura haiiti kana urume atova munhu mukuru. Hakuna mushonga wekukudza chombo, chero ukaenda kunyika ipi zvayo. Kana munhu akwana mushonga wakadai anoita millionnaire kusina kupera vhiki. Usanyepegwa namatsotsi anotengesa mishonga yenhema. Hakuna zvakadai. Kana uchida kuti chombo chomurume chiite sechawedzera kukura wedzera kuoma kwacho pakumira. Izvi zvinoitwa nokujaira kutamba nacho kwenguva yakarebaa musati ma vatana. Chombo ngachiite nguva chimire zuvaa nezuva. Ndiko kuti tsinga dzinoshandiswa pakumira dziwedzere kuwana ropa. Saizi yechombo hainei nokugona kuchishandisa. Dzidzisanai kushandisa chombo kwete kuzvinetsa nesaizi.

Anonymous said...

My comment has nothing to do with the subject. But wanted to find out if I can enlarge my penis its too small.

Mai E Chibwe said...

Kana wazoita zichombo ziguru woitei naro. Zvesaizi ndezvenyu varume. Isu toda rudo uye pakuvatana murume oita nguva yakawanda arimukati. zviviri izvi ndizvo zvedu isu. Imi nesaizi dzenyu hameno kutimenge muchida kuzodii.

Saizi handiyo inogutsa. Murume ndiye anogutsa. Hakuna zvaunokwanisa kuita panyika yesekutii chombo chikure. Kune vanotengesa mishonga, nemapiritsi ne zvimwe zvakadaro asi hapana chinosanda.

Anonymous said...

Tatenda, siyabonga, thank you. Dzidziso yakadai yakanaka.

Panyaya yesaizi apa kwatiri vakomana panenyaya. Kana uripabonde unoita kungapasina chauri kuita. Unobva wafunga kuti idiki, hazvibvunzike kumusikana nokuti unenge wakunyar\ futi

Mai E Chibwe said...

Ndoosaka ndakataura kuti nyaya yeSAIZI yechombo inyaya huru kuvarume kupfuura kuvakadzi. Mukadzi akangoregwa onyorova zvoreva kuti ava nezemo, obva ashandwa pabhinzi yake zvakakwana, ozopinzwa chombo chero chesaizi ipi zvayo, fungwa yake inongomirira pakuti avata nomurume wake kwete kuti murume ane zaizi 5 kana 7 yechombo.

Mukadzi anofunga nezvesaizi nokukombeya varume mukadzi akapfuura nekune varume vakawanda uye asina zemo rakakwana zvokumirira kunakigwa nokuvatana nomurume wake. Kana wakabhowekana nezvimwe zvinhu usinei nomurume wako ndipo unofunga nyaya dzisina maturo.

Nyaya yokuhwisisa ndeyokuti chitubu chomukadzi chinongovhurika kusvika panokwana saizi yechombo chiri kupindapo. Hapagara pakavhurika asi kuti panogara pakavharika kusvika chombo chopindapo. Hachina kuita sepaipi inogadzigwa ine saizi. Chombo chomukadzi isaizi dzese nokuti chinotatamuka kuti chombo chikuru chikwanise kupinda. Ukuwo choswinya kuti chombo chidiki chiite kubatwa. Koitazve kuti mukadzi akasimbisa masuro anokwanisa kushinya chero kachombo kadikidiki zvokuti varume vaviri umwe ane chikuru umwe ane chidiki, vanonakigwa zvakafanana.

Anonymous said...

ndingaitei kuti chitubu changu chishinye ndane vana vaviri.

Mai E Chibwe said...

Zvokuti vana vangani hazvina basa izvo chine basa kuzvibatsira wega. Verenga apo pakahi kusimbisa masuru.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html

Anonymous said...

Ko inga vamwe vakadzi vanotaura kuti vanoda hombe "dzinemazitsinga"(sekutaura kwavo). Hauzozive kuti wakanyatsokwanira umwe wako here. Ndinoyedza kutamba kwenguva yakareba uye handikasike kudiridzira zvekuti ndinotombonzi ndinonyanyisa kuenderera pakukoira dzimwe dzenguva. Asi ndinombofunga kuti zvimwe chasara kuva nechombo chakakura.

Mai E Chibwe said...

Iyeye mukadzi anokuudza kuti anoda hombe ndiyezve mukadzi umwecheteyo anokuudza kuti une hombe saka zvoreva kuti ari kunonakigwa nezaizi iyoyo. Murume ane rino zisaizi asingagoni kurishandisa haambofi akanakira mukadzi kupfuura murume ane saizi kwayo anogona basa.

Koitazve nyaya yokuti kana ukaroora mukadzi akambofambafamba ndiye angatotanga nyaya yokukombeya iyi. Kana achingozivewe zvoreva kuti ndiyo saizi yake iyoyo motonakirana kusvika azotanga kuhura.

Ukaverenga nyaya yesaizi chero dzakanyogwa nevakadzi vava vakuru chose unohwa kuti saisi isingafosiwi kupinza ndiyo yakanaka, Kwete yokuhi mira nditange ndajairira nokuti saizi yakurisa.

Anonymous said...

KO kuti chombo chimire kwenguva refu zvinopfuura maminuts 10 ungaita sei

Mai E Chibwe said...

Kuti chombo chimire nguva refu unoregera kutunda. Kana chichiti iwe hauna kutunda icho choramba kumira, zvoreva kuti pane dambudziko ipapo. Unofanira kunatsa kutsangangura kuti zviri kuitika sei tihwisise kuti pane chimwe chikonzero here chinofanira kutariswa.

Anonymous said...

Makadii mai Chibwe. Ini ndine mubvunzo. Ndakachecheudzwa, then ndokuroora last of last month. From there, mukadzi wangu anoti pasex anorwadziwa, asi achinakirwazve. Anenge akatotota zvekutota zviya and anoti ndinomunakira chose, but ko why achirwadziwa? Anoti pain iyi inopera after half a day, pamwe kana taita four rounds usiku inoswerera. Chingava chii uye zvingapedzwa sei?

Mai E Chibwe said...

Zvinobva nokuti kugwadziwa kwacho kuri pai chaipo. Zvinokwanisika kuti kugwadza hakusi pamunofungira kuti ndipo.

Chikuru ndechokuti hazvinei nokutichecheudzwa uye saizi yechombo. Zvinoda kuongorora chaiko kuti chikonzero chii nokuti tinokwanisa kunyora pano zvakawanda zvingava zvikonzero pogoshaika kuti chaicho ndechipi. Zviri nani kundotariswa kuna NURSE kana DOCTOR kuti chii chinoitisa. Zvir nani kukasira kundoonekwa pane kunonoka.

Anonymous said...

Makadii mai inini ndoda kubvunza kuti kuroora virgin kune ma advantages here kudarika mukadzi atombosanga nevarume vakati oo inini zvangu ndatombo sangana nevakadzi vakati oo but handisati ndasangana ne virgin or kuita unprotected sex asindakuda kuroora ndatambazvakwana.

Mai E Chibwe said...

Kuroora mhandara kunofanira kungoitwa nomurume jaya chete kwete munhu akambovata nevakadzi vakawanda. Zvikuru kana ange asingashandisi makondomu. Kusashandisa makondomu pakuvata nevakadzi vakawanda kunoita kuti mukadzi waunozoroora anokwanisa kuita CERVICAL CANCER. Chihure chese zvacho hachifaniri kuitwa. Kana muviri wako uchigaroda kuvata noumwe munhu, tsaka wekuroorana naye muchate mugoita sharaude pakuvatana.

Kuroorana mhandara nejaya chinhu chinofadza nokuti pakuisana hapana anokombeya waanaye neumwe waakambovata naye. Mese munodzidzisana zvinokunakirai pauviri hwenyu. Kwete kuti zvawakadzidziswa noumwewo wouya nazvo mumba woitira murume wako.

Unknown said...

mkadini ini mukadzi wangu ndorara naye asi haatomboziyi kuti atunda here or haana nyangwe ndiite zvemhando ipi anotonditi mdanakirwa asi haatozivi kuti atunda here problem.ingava chii

Anonymous said...

makadini henyuini nemukadI wangu tikavata tapedza anoti anoti haazwe kuti atunda or not chero ndiite zvemhando ipi anototi handitombozive kuti ndatunda here or handina asiukamubvunza kuti ukunakirwa anototi ndanakirwa problem ingava chii