Thursday 21 March 2013

Murume anoda iwe uri kumwedzi

Imbofungaiwo nevarume vanoti chero mukadzi ari kumwedzi anoda chete kurhoja.

Nyaya yokuti mukadzi ari kumwedzi asavata nomurume inonetsa kunyatsohwisisa kuti yakabvepi nokutii magadzirigwe akaita munhu kadzi ndeekuti kanna ari kumwedzi anoita zemo rakawedzeera asi ipapo asingadi zvokuvata nomurume. Zvoita sokuti pane nyaya inonetsa.

Kune vammwe vedu vanotenda zvinorebwa neBhaibheri. Rinotaura mubhuku ra Revhitiko 15 kubva pa vhesi ya 16-25 kuti nyaya iyi yakamira sei.

Kunohi kana munhurume akava nourume hwake pamuviri wakengaaende anogeza nemvura asi ageza kudaro achava munhu asina kuchena kusvika manheru.

Mukadzi kana akatanga kuva kumwedzi, zvese zvinhu zvaanoshandisa, paaagara, chaabata zvinova nesvina kwemazuva manomwe uye zvinofanira kugezwa kuti zvive zvakachena futi.  Pamazuva awa haafaniri kuvata nomurume. Kana murume akavata naye murume anoitsawo svina kwemazuva manomwe somukkadzi wake.

Totarisa kuti nyaya yomuBhaibheri yakanyogwa kare kare kupfuura 4000 years. Tochiendawo kumaitire edu isu vanhu veChiShona, tinoona kuti varungu vasati vauya neBhaibheri kwedu tange tine mitemo yakawanda pakuvatana kwedu. umwe mutem wacho wanga ui wekuti mukadzi kana ari kumwedzi murume wakehaabvumigwi kuvata naye. Ukaenda kuvanhu vasina zvavanotevera vakabvonyongedzwa maitire avo nokuti kwekuva nhapwa, vakaita sevekuJamaica ne zvitsuwa zvakatenderedza, uchaonazve kuti havabvumidzi murume kuvata nomukadzi arii kumwedzi.

Totarisazve vanhu vechiArabhu vanopinda chitendero che ISLAM. Mubhuku ravo rinohi Korani Mohamadhi akataura izvi panyaya iyi.

“They ask you concerning menstruation. Say: that is an Adha (a harmful thing for a husband to have a sexual intercourse with his wife while she is having her menses), therefore, keep away from women during menses”
[al-Baqarah 2:222] 


Zvioreva kuti nyika dzese dzinotenda zvakataugwa nomurume uyu mohamadhi, varume havabvumigwi kuvata nevakadzi vavo kana vaakadzi vari kumwedzi.

Ku India, vakadzi vechi Hindu kana ari kumwedzi haabvumigwi kuvata nomurume wake kwemazuva manna, uye haabvumigwi mukicheni munobikwa zvinodyiwa nemhuri. Haabvumigwi kuenda kuimba yokunamatira. 

Munyika inohi China vanhu vemovakawanda zvokuti asi vanodzidzisa kuti mukadzi ari kumwedzi haaabatwi nomurume.

America ne Canadda ne South america ne Australia ndadzisiiya nokuti vazhinji veko vakabva mumaitire echiKristu anobvuma zvinotaugwa neBhaibheri.


Saka zvakafamba sei kuti nyika dzese idzi dzisvike pkuwirirana kuti mukadzi kana ari kumwedzi haafaniri kuvata nomurume.? Kuti tidavire mubvunzo uyu ngationgorore kuti chii chinokwanisa kuti mukadzi ari kumwedzi asava munhu anokwezvera murume wake.

Chokutanga kumwedz kunogwadza vakadzi vakawanda, zvikuruvechidiki vasati vajaira.

Kumwedzi kunobudisa ropa kubva muchibereko. Ropa iri kutsukaa haro asi harisi ropa kwaro. Rinotyisa nokusemesa zvese.

Rinobuda zvokuudvuka panguva yarada zvokuti zvinokwanisa kuti murume ari mukati roti udvuu kubuda. Zvadaro hazvinakidzi kuva mur kuvatana.

Mukadziwo wemzuvano anokwanisa kunge ane PAD raakaisa mubhurugwa kutii asazvibisa dhirezi raakapfeka.  Kazhinji anoviga Pad iri kutimurume asariona nokuti rinosemesa isu vakadzi saka varume hameno kuti vangatodii nazvo.

Munhuwi unobvapo chero ukaswerogeza wakasiyana newamazuva ese, saka iwe muridzi unenge usina konfidhenzi nazvo.

Imwezve nyaya ndeyokuti urume hune ma HORMONES anokwanisa kuchinja pattern yokuenda kumwedzi kwako. muviri chinhu chakagadzigwa chine BALANCE isingafaniri kukanganiswa.

Saka ndiyo nyaya yokuhi hatibvumigwi kuvata nevarume kana tiri kumwedzi.

Mazuvano:
Mazuvano, zvikuru munyika dzakaita se Europe ne America ne Australia dzisisina chitendero, kune vanhu vanoti vakangohwa kuti kune chinhu chinosemesa, votogwinyira ichocho vogadzidzira mafiriimu azvo votengesa. Hino kwedu kuZimbabwewo kune vanhu vanoti vakangohwa kuti chinhu chokuti chakaitwa kunyika idzi, votofunga kuti chinhu chakanaka, voitawo. MaZimba tinokopera zvose zvose rinova dambudziko kuzvinhu zvakawanda tichiverenga nezvemumba. Dzimwe tsika dzedu tobva tasiya.

Saka unokwanisa kuti waita mukomana wozoona kutimunhu anodda zvokuvatana chero iwe uri kumwedzi. Unozvifambisa sei pakadai? Isu takagadzirigwa kuda kufadza varume vedu. Ukaita murume anoda zvausingadi uchaona kuti kukapera kanguva achikuudza kuti anozvida, uchapedzisira wazvidawo iwe.  Usati wabvuma, hwisisa kutii dambudziko chairo riri papi

Kana watanga kuenda kumwedzi mukati mechitubu PH yamo inokwira nokuti ACID inodzikira. ma Bateria anosidzivirigwa anobva akkwanisa kurarama mukati.

Panguva iyi chibereko chinowedzera kudzika zasi uye kuvhurika, muromo wechibereko unohi CERVIX woshama kuti ropa ribude. zvakadaro mukati mechibereko madziro anobva opwanyika oita ropa rinova ndiro rinobuda kuti uve kumwedzi. Zvinoreva kuti madziro awa basa rawo harina anoita kwenguva yokumwedzi iyi. Tinoziva kuti madziro awa anodzivirira zvigwere uye anochengetedza uutano hwechibereko.

Ukapinzwa chombo panguva iyi zvinokwanisika kuti chombo ichi chinge chine ma bacteria (utachiona) anopinzwa muchitubu chisina PH yakanaka, MaBacteria aya obva akwanisa kusvika kuchibereko nyaya yako yobva yatokusvitsa pakaoma, zvikuru kana uchiri munhu wechidiki anoda vana.

Nguva yokumwedzi haisi nguva yokuvata nomurume. Kana wada kubatsiira murume wako verenga pakahi zvokuita kana uri kumwedzi. Apa panokuudza mukana wekubatsira murume wako.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/zvokuita-kana-uri-kumwedzi-murume.html

Ko kana achingoda chete kupinza chombo pakadaro?
Kana une murume asinei nazvo iwe ukaona kuti nyaya yenyu yatonetsa zvokuti unotsamwigwa kana ukasamurega achipinza, chienda unotenga makondomu apfeke kuti usawana mukana wekubata zvigwere zvinokanisa kusvika kumusoro uko kuchibereko.

Vamwe varume havanei nokuti mukadzi wake munhu anofanira kugara ane utano.Anongoda chete kupinza chombo chero zvodii. haatombozivi kuti zvinei newe muridzi wechitubu. anoona sokuti ndechake saka paadira anoita. Kusiri kuti hatidi kuti adaro asi kuti kana ndiri kumwedzi murume ngaasandiitira ma Moods nokuti handikwanisi kumupa twake. Ndakatovinga iye chete kwete umwe munhu saka chokumurambira handina.

Wiriranai pakutaura iwe womuudzawo kuti CULTURE yako haibvumiri zvakadai saka kana achida rubatsiro ngaabvise bhurugwa iwe umubatsire asi kupinza bodo.


Pane mishonga here kana murume achidaro? 
Vanhu vakangoona munhu anoita zvakasiyana navo vanobva vaofunga kuti ane mishonga yechivanhu inomuitisa izvi. Vayavo vanotengesa mishonga vakangoziva kuti uri fuza vanokutengesera mishonga yavo yenhema vobva vakupa imwe TASK isingati kuti unoita ugofunga kuti zvinoshanda chimwe chinhu nokuti hazvisi NORMAL. Murume wako anogona kuva akamboenda kuvatengesi vemishonga akaudzwa kuti avate nomukadzi ari kumwedzi kuti mushonga ushande.

Chokwadi chaicho ndechokuti hakuna mushonga uri pakuvata nomukadzi ari kumwedzi. hakunazve mushonga unopengesa murume wako kuti ade kuvata newe uri kumwedzi. Murume wako munhu anobatira zemo rake pamusoro zvobva zvasangana nougino hwake kana hwako panyaya yacho, kana kusava nehanya noutano hwako kwake. Ndiyo nyaya chete. Mushonga hapana.

Kana azobvuma kuti hamuiti, iwewo chiona kuti unomubhadhara zvakakwana pamazuva ausiri kumwedzi.

Kana wabva kumwedzi
Pakupedza hwisisa kuti mange muri pangva yokuparadzana saka usamirira kubvunzwa kuti wapedza here. Iwe muridzi ndiwe unotaura wega kuti wadzoka mumba yokuvata kwawanga uri kwapera, Wochitanga kukwezva murume kuti muchidzokera pazviitwa zvenyu. Pane umwe mwedzi waunoita mazuva akawanda kupfuura aunosiita, kozoita umwe waunoita mashoma. Zaka murume akagara aziva kuti kana wapedza unomuudza, anomirira kuudzwa. Kumuudza kunoratidzawo kuti unohwisisa kuti nguva yokumirira kwake ingiuva yaasingadi.

Udzai Vamwe !!!!!!!. 

12 comments:

Anonymous said...

Uhu whatowe huchapa chaiwho.Mai Chibwe apa nyoka ngairowhe musoro nekuti hazvi gamuchirike kuti vanhu va rhojane nguva yekuti mai varikumwedzi. ko iko kumwedzi kwacho mazuva manganiko ekuti munhu akakwana angabva atadza kumirira. Chidzidzo chenyu chinodzidzisa zvekuita kana mai varikumwedzi chakangonaka wanhi. Vanababa ngatingozvibatai, huchapa kwete.

Anonymous said...

But kune vamwe vakadzi who are super-horny kana vari kumwedzi, and there are some men who have no problem having sex nemukadzi ari kumwedzi. Saka lets jus say each on to his own

Mai E Chibwe said...

Kuda zvinhu kunoenderana nokuruza ropa. Vakawanda vanenge vari "SUPER HORNY" Asizve murume ngaahwisise kuti inguva isina kunaka saka ngaasapote mukadzi wake. Mumba ngatihwisisane uye kuhwisisa nyaya dzese dzoupenyu. Kupokana kunobva pakusahwisisana.

Ukaziva kuti maHORMONES emukadzi akawedzera saka fungwa dzake dziri kumhanyamhanya vhiki yese unodzidza kumusapota musha wogara une rugare.

Hino iye akakuudza kuti ane zemo iwe uchiziva kuti ari kumwedzi wana zvokuita nokukudza kwake, kwete kutoti dzawira murusero.

Anonymous said...

'Hino iye akakuudza kuti ane zemo iwe uchiziva kuti ari kumwedzi wana zvokuita nokukudza kwake, kwete kutoti dzawira murusero'

For example?

U are contradicting yourself.... two consenting adults decide to have sex when she is menstruating....what is wrong with that? Isnt that a way of ''supporting'' each other?

Mai E Chibwe said...

Iro idama chairo. Kana vaviri zvirizvo zvavanoda regai vaite shuwa. Ndaona kukanganisa kufunga apa. Ndange ndangotarisa nyaya kubva pamutemo wechiVanhu chete, ndisina kutarisa zvinodiwa nevaviri ava. Ndatenda.

Anonymous said...

pamuviri panobata here kana mukadzi akarara nemurume iye arikumwedzi

Mai E Chibwe said...

Pamuviri hapabati kana uri kumwedzi, asi hwisisa kuti urume hunogara huri upenyu mukati mako kwemazuva matatu kana mana. Saka verenga vazuva ako zvakanaka uhwisise. Pamwezve mukadzi anochinja CYCLE yake kana kwaita zvinomutyisa sokuti kwaita rufu, kana accident, kana chigwere.

Unknown said...

pamuviri panobata before or after mazuva mangani okuenda kumwedzi kwemukadzi

Unknown said...

mkadzi anogona kuenda kumwedzi here achangopedza kurara nemurume wake (like after 10 hours vaita bonde)

Unknown said...

mkadzi anogona kuenda kumwedzi here achangopedza kurara nemurume wake (like after 10 hours vaita bonde)

Mai E Chibwe said...

Mukadzi anokwanisa kuenda kumwedzi zvisinei kuti mavatana riini. Sokuti mavatana pakati pewusiku, pamunozomuka iye atotanga kumwedzi kwake. Kuisana kwenyu hakunei nokuenda kumwedzi kwake. hazvina pazvinosangana.

Pamuviri panobata pakati pemwedzi asi chinonetsa ndechokuti urume hwemurume hunorarama mazuva mana mukati memukadzi zvokuti anokwanisa kupiwa urume nhasi ozobata mimba kwapera mazuva mana akandira zai. Nguva yokukandira zai ndiyo nguva yaanokwanisa kubata mimba kana urume huri mukati make. Saka muchikurudzigwa kuisana zuva nezuva kubva paanopedza kuenda kumwedzi kusvika asvika mazuva 20 kubva pazuva raakatanga kuenda kumwedzi DAY 1. Verenga pakahi Mimba yokutanga.

Unknown said...

Mukadzi anobata mimba here kusangana naye ari kumwedzi?